Ganhuro 13
Tenga Ndarama Yakanatswa Nomwoto
RAODHIKIA
1, 2. Ndeipi iri nzvimbo yeyokupedzisira yeungano nomwe kugamuchira shoko rinobva kuna Jesu akapiwa mbiri, uye ndaapi ari mamwe mativi egutaro?
RAODHIKIA ndiyo yokupedzisira yeungano nomwe kugamuchira shoko rinobva kuna Jesu akamutswa. Uye haiwa rinopa shoko rinosvinudza, rinokurudzira sei!
2 Nhasi, ungawana matongo eRaodhikia pedyo neDenizli, anenge makiromita 88 nechokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAlasehir. Muzana rokutanga ramakore, Raodhikia yakanga iri guta rinobudirira. Rakavakirwa pamharadzano huru yomugwagwa, rakanga riri musimboti mukuru nokuda kwokubhanga mari nenhengeseranwa. Kutengeswa kwomushonga wameso kunosanozivikanwa kwakawedzera pfuma yaro, uye rakangawo rakakurumbira nokuda kwenguvo dzaro dzevara rakakwirira dzaiitwa munzvimbomo namakushe amakwai akaisvonaka matema. Kushaikwa kwemvura, chinetso chikuru nokuda kwegutaro, chakanga chakurirwa kupfurikidza nokuyeredzera mvura nomumukoto unobva muzvitubu zvinopisa zviri padaro rakati riri kure. Nokudaro, mvura yaizongova bedzi inodziya panguva yayaisvika mugutaro.
3. Ko Jesu anotanga sei shoko rake rokuungano yomuRaodhikia?
3 Raodhikia rakanga riri pedyo neKorose. Mukunyorera vaKorose, muapostora Pauro anodudza tsamba yaakanga atumira vaRaodhikia. (VaKorose 4:15, 16) Hatizati tichiziva izvo Pauro akanyora mutsamba iyeyo, asi shoko iro Jesu zvino anotumira vaRaodhikia rinoratidzira kuti ivo vakanga vapinda mumugariro wenhamo womudzimu. Senguva dzose, kunyange zvazvo zvakadaro, Jesu anotanga kududza mazita ake amene ezviratidzo, achiti: “Uye nyorera ngirozi yeungano yomuRaodhikia, kuti: Izvi ndizvo zvinhu izvo Ameni anotaura, chapupu chakatendeka nechechokwadi, mavambo echisiko chakasikwa naMwari.”—Zvakazarurwa 3:14.
4. Ko Jesu ndi“Ameni” sei?
4 Neiko Jesu achizviidza iye amene kuti “Ameni”? Iri zita rechiratidzo rinowedzera ukombi hwokutonga kushoko rake. “Ameni” kushandurwa kwamabhii kweshoko rechiHebheru rinoreva kuti “zvechokwadi,” “ngazvidaro,” uye rinoshandiswa pakupera kwomunyengetero kusimbisa mirangariro yadudzwa mairi. (1 VaKorinte 14:16) Jesu ndiye “Ameni” nokuti perero yake yakakwana norufu rwechibairo zvakasimbisa uye zvakasimbisira zadziko yezvipikirwa zvose zvinokosha zvaJehovha. (2 VaKorinte 1:20) Chifo chenguva iyeyo, minyengetero yose inotaurwa nomutoo wakafanira kuna Jehovha kupfurikidza naJesu.—Johane 15:16; 16:23, 24.
5. Ko Jesu “chapupu chakatendeka nechechokwadi” munzirai?
5 Jesuwo “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” Muuporofita iye anowanzobatanidzwa nokutendeka, zvokwadi, uye kururama, nokuti iye akavimbika chose chose somuranda waJehovha Mwari. (Pisarema 45:4; Isaya 11:4, 5; Zvakazarurwa 1:5; 19:11) Iye ndiye Chapupu chikurusa chaJehovha. Kureva idi, sa“mavambo echisiko chakasikwa naMwari,” Jesu akazivisa mbiri yaMwari kubvira pakutanga chaipo. (Zvirevo 8:22-30) Somunhu pasi pano, iye akapupurira zvokwadi. (Johane 18:36, 37; 1 Timotio 6:13) Pashure porumuko rwake, iye akapikira mudzimu mutsvene kuvadzidzi vake uye akavaudza, kuti: “Imi muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea mose neSamaria uye kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” Kubvira paPentekosta ya33 C.E. zvichienda mberi, Jesu akatungamirira aya maKristu akazodzwa mukuparidza mashoko akanaka “muchisiko chose chiri pasi pedenga.” (Mabasa 1:6-8; VaKorose 1:23) Zvamazvirokwazvo, Jesu anofanirwa nokuidzwa chapupu chakatendeka nechechokwadi. MaKristu akazodzwa omuRaodhikia aizobetserekana nokuteerera mashoko ake.
6. (a) Ko Jesu anorondedzera sei mugariro womudzimu weungano yomuRaodhikia? (b) Ko maKristu omuRaodhikia akakundikana kutevera muenzanisoi wakaisvonaka waJesu?
6 Jesu ane shokoi nokuda kwavaRaodhikia? Iye haana shoko rerumbidzo. Nomutoo wakajeka, iye anovaudza, kuti: “Ini ndinoziva mabasa ako, kuti iwe hauzati uchitonhora kana kuti zvimwe kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana kuti zvimwe kupisa. Naizvozvo, nokuti unodziya uye kuti hauzati uchipisa kana kuti kutonhora, ndichakusvipa mumuromo mangu.” (Zvakazarurwa 3:15, 16) Waizoita sei kushoko rakadaro rinobva kunaShe Jesu Kristu? Hauzati waizomuka here ndokuzvinzvera iwe umene? Zvechokwadi, vaRaodhikia ivavo vanoda kuzvinyandura ivo vamene, nokuti vavasimbe mumudzimu, sezvinooneka vachinyanyova nechokwadi chokuti zvinhu zvakanga zvakanaka. (Enzanisa na2 VaKorinte 6:1.) Jesu, uyo ivo samaKristu vaifanira kudai vakatevedzera, anogaroratidzira rushingairo rune mbavarira nokuda kwaJehovha nebasa rake. (Johane 2:17) Kupfuurirazve, vanyoro vakamuwana kuva anogarova akapfava nomunyoro, saanozorodza somukombe wemvura inotonhora pazuva rinopisa nomutoo unodikitirisa. (Mateo 11:28, 29) Asi maKristu omuRaodhikia haazati achipisa kana kuti kutonhora. Kufanana nemvura dzinoyererera muguta rawo, iwo ava asingapisi, anodziya. Iwo anokodzerwa nokurambwa chose chose naJesu, ‘anosvipwa mumuromo make’! Isu timene nguva dzose ngatigwinyirei norushingairo, sezvakaita Jesu, kugovera kuzorodza kwomudzimu nokuda kwavamwe.—Mateo 9:35-38.
“Iwe Unoti: ‘Ini Ndakapfuma’”
7. (a) Ko Jesu anozivisa sei chisakiso chechinetso chamaKristu omuRaodhikia? (b) Neiko Jesu achitaura kuti maKristu eRaodhikia “mapofu nomushutu”?
7 Chii chaizvoizvo chiri chisakiso chechinetso chavaRaodhikia? Tinowana pfungwa yakanaka mumashoko anotevera aJesu, anoti: “Nokuti iwe unoti: ‘Ini ndakapfuma, ndakawana pfuma, uye handitongoshaiwi chinhu chipi nechipi,’ asi hauzivi kuti iwe uri asine chinhu, anonzwisa tsitsi, murombo, bofu uye mushutu.” (Zvakazarurwa 3:17; enzanisa naRuka 12:16-21.) Vachigara muguta rakapfuma, ivo vanonzwa vakagutsikana nokuda kwepfuma yavo. Sezvingabvira, nzira yavo youpenyu yakatapurwa nenhandare yemitambo, mahoro emitambo, mahoro emitambo yokusimbisa tsandanyama, zvokuti ivo vava “vadi vemifarwa kupinda kuva vadi vaMwari.”a (2 Timotio 3:4) Asi vaRaodhikia vakapfuma munyama varombo mumudzimu. Vane ‘pfuma yakachengetwa mudenga’ shomanene, kana ichitongovapo. (Mateo 6:19-21) Ivo havana kuita kuti ziso ravo rirambe rakapfava, vachipa nzvimbo yokutanga muupenyu hwavo kuUmambo hwaMwari. Ivo zvomenemene vari murima, muupofu, vasina chiono chomudzimu. (Mateo 6:22, 23, 33) Zvakare, pasinei hapo nenguvo dzakaisvonaka idzo pfuma yavo yokunyama ingave yakatenga, mumeso aJesu ivo mushutu. Ivo havana nguvo dzomudzimu dzokuvazivisa samaKristu.—Enzanisa naZvakazarurwa 16:15.
8. (a) Ko mugariro wakafanana nowowo womuRaodhikia uripowo nhasi munzirai? (b) Ko mamwe maKristu akazvinyengedza iwo amene sei munyika ino yamakaro?
8 Haiwa mugariro unokatyamadza sei! Asika kazhinji kazhinji hationi mugariro wakafanana mumazuva ano here? Chii chiri chisakiso chacho? Ndicho chimiro chendangariro chokuzvivimba chinobva mukuvimba nezvinhu zvokunyama nepfuma yohunhu. Savaendi kuchechi vechiKristudhomu, vamwe vavanhu vaJehovha vakazvinyengedza ivo vamene, vachifunga havo kuti vanogona kufadza Mwari kupfurikidza nokungopinda bedzi misangano panhambo nenhambo. Vanoedza havo kupfuurira sa“vaiti veshoko” vechipameso bedzi. (Jakobho 1:22) Pasinei hapo nenyevero dzakadzokororwa dzadzokororwazve dzinobva kuboka raJohane, ivo vanogadza mwoyo yavo pazvipfeko zvezvitaera, motokari, uye misha, uye paupenyu hwakavakirwa panhandaro nomufaro. (1 Timotio 6:9, 10; 1 Johane 2:15-17) Kwose ikoku kunoparirwa nokugomara kwenzwisiso yomudzimu. (VaHebheru 5:11, 12) Panzvimbo pokuva vanodziya nomutoo wokusaita basa, vanodikanirwa kukuchidzira “mwoto womudzimu” ndokuratidza disiso inozorodza yo“kuparidza shoko.”—1 VaTesaronika 5:19; 2 Timotio 4:2, 5.
9. (a) Mashokoi aJesu anofanira kunyandura maKristu anodziya, uye nei? (b) Ko “makwai” anorashika angava anobetserwa sei neungano?
9 Ko Jesu anorangarira sei maKristu anodziya? Mashoko ake akananga anofanira kuvanyandura: “Hauzivi kuti iwe uri asine chinhu, anonzwisa tsitsi, murombo, bofu uye mushutu.” Hana dzavo dzakagomara kupfundo rokuti haatongozivi mugariro wawo unokatyamadza. (Enzanisa naZvirevo 16:2; 21:2.) Uyu mugariro wakakomba womuungano haungagoni kurerutswa. Kupfurikidza nokugadza muenzaniso wakaisvonaka weshingairo uye kupfurikidza nokufudza murudo, vakuru navamwe vakagoverwa navo vangakwanisa kumutsira “makwai” iwawa anorashika kune waichimbova mufaro wawo webasa romwoyo wose.—Ruka 15:3-7.
Zano Pamusoro ‘Pokuva Akapfuma’
10. Chiri chiri “ndarama” iyo Jesu anoudza maKristu omuRaodhikia kutenga kwaari?
10 Ko pane mushonga here nokuda kwomugariro unosuruvarisa womuRaodhikia? Hungu, kana maKristu iwawa achizotevera zano raJesu rokuti: “Ini ndinokupangira kutenga kwandiri ndarama yakanatswa nomwoto kuti ugova akapfuma.” (Zvakazarurwa 3:18a) “Ndarama” yechokwadi yechiKristu, yakanatswa nomwoto uye ina matsvina ose akabviswa, ichazovaita kuti “vapfume kuna Mwari.” (Ruka 12:21) Ivo vanogona kutenga kupi ndarama yakadaro? Kwete kuvabhangi vemari vomunzvimbomo asi kuna Jesu! Muapostora Pauro akatsanangura icho chiri ndarama iyeyo iri apo iye akaudza Timotio kupa mirairo kumaKristu akapfuma “kushandira zvakanaka, kuva akapfuma mumabasa akaisvonaka, kuva ane rupo, akagadzirira kugoverana, anozvirongera iwo amene nomutoo wakakotsekana nheyo yakaisvonaka nokuda kwenguva yemberi.” Kupfurikidza bedzi nokuzvishandisa iwo amene neiyi nzira iwo aigona “kubatisisa paupenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:17-19) VaRaodhikia vakapfuma munyama vaifanira kudai vakateerera pangiro yaPauro nokudarokwo ndokuva vakapfuma mumudzimu.—Onawo Zvirevo 3:13-18.
11. Mienzanisoi yomuzuva razvino uno yatinayo yaavo vanotenga “ndarama yakanatswa nomwoto”?
11 Ko kune mienzaniso yomuzuva razvino uno yaavo vanotenga “ndarama yakanatswa nomwoto” here? Hungu, varipo! Kunyange apo zuva raShe rakanga richiswedera pedyo, boka duku ravadzidzi veBhaibheri rakanga richisvinukira hunhema hwedzidziso zhinji dzechiBhabhironi dzechiKristudhomu, dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya, kutambudzwa mumwoto wehero, rupabhatidzo rwavacheche, nokunamatwa kwezvifananidzo (kubatanidza chipiyaniso neyeyo yaMaria). Mukutsigira zvokwadi yeBhaibheri, maKristu iwawa akazivisa Umambo hwaJehovha setariro bedzi yavanhu nechibairo chorudzikinuro chaJesu sohwaro nokuda kworuponeso. Anenge makore 40 pamberi penguva, iwo akanongedzera kuna 1914 segore rakaratidzirwa muuporofita hweBhaibheri somugumo wenguva dzaVamarudzi, dzakabatana nezviitiko zvinotyisa pasi pano.—Zvakazarurwa 1:10.
12. Ndiani aiva mumwe waavo vaitungamirira pakati pamaKristu anosvinuka, uye iye akagadza sei muenzaniso wakatanhamara wokuunganidzira pfuma mudenga?
12 Aitungamirira pakati paaya maKristu anosvinurira akanga ari Charles Taze Russell, uyo, mukuvamba kwama1870, akaumba boka refundo yeBhaibheri muAllegheny (zvino rutivi rwePittsburgh), Pennsylvania, U.S.A. Apo iye akatanga kutsvaka kwake nokuda kwezvokwadi, Russell aiva mumushandira pamwe nababa vake uye akanga avakuva mirioneya. Asi iye akatengesa mabhizimisi ake enhevedzano yezvitoro ndokushandisa mari yake yakawanda mukubetsera kuwanira mari kuparidzirwa kwoUmambo hwaMwari mupasi rose. Muna 1884 Russell akava purezidhendi wokutanga wesangano zvino rozivikanwa seWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Muna 1916 iye akafira muchitima pedyo nePampa, Texas, achienda rwendo rwokuNew York, apera simba kupfurikidza nechakairo yake yokupedzisira yokuparidza nechokumadokero kweUnited States. Iye akagadza muenzaniso wakatanhamara wokuchengeta pfuma dzomudzimu mudenga, muenzaniso uri kuteverwa nhasi namazana ezviuru zvavashumiri vari mapiyona vanozvibaira.—VaHebheru 13:7; Ruka 12:33, 34; enzanisira na1 VaKorinte 9:16; 11:1.
Kushandisa Mushonga Wameso Womudzimu
13. (a) Ko mushonga wameso womudzimu uchavandudza sei mugariro womudzimu womuRaodhikia? (b) Ko Jesu anorumbidza rudzii rwenguvo, uye nei?
13 Jesu akapawo zano nomutoo unofadza vaRaodhikia ivavo, achiti: “Tenga . . . nguvo dzokunze dzakachena kuti ugova akapfeka uye kuti nyadzi dzoushutu hwako dzigorega kuonekwa, uye mushonga wameso wokuzora mumeso ako kuti ugoona.” (Zvakazarurwa 3:18b) Vaifanira kutsvaka mushonga nokuda kwoubofu hwavo hwomudzimu kupfurikidza nokutenga mushonga wameso unorapa, kwete uya wavaporesi vomunzvimbomo, asi worudzi urwo Jesu bedzi anogona kugovera. Iwowu waizovabetsera kuwana nzwisiso yomudzimu, kuvabetsera kufamba mu“nzira yavakarurama” nameso avo anopenya akanangidzirwa pakuita kuda kwaMwari. (Zvirevo 4:18, 25-27) Nokudaro, ivo vangapfeka, kwete nguvo dzinodya mari dzamakushe matema dzaiitwa munzvimbomo muRaodhikia, asi “nguvo dzokunze dzakachena” dzakaisvonaka dzinozivisa kuzivikanwa kwavo kwakaropafadzwa savateveri vaJesu Kristu.—Enzanisa na1 Timotio 2:9, 10; 1 Petro 3:3-5.
14. (a) Mushongai wameso womudzimu wave uchiwanikwa chifo cha1879? (b) Ndaapi ave ari manyuko makurusa etsigiro mune zvemari eZvapupu zvaJehovha? (c) Mukushandiswa kwemipiro, ko Zvapupu zvaJehovha zvinosiyana sei navamwe?
14 Ko mushonga wameso womudzimu unowanikwa munguva dzazvino uno here? Nomutoo unosimbisira unowanikwa! Muna 1879 Pastor Russell, sezvaakanga achiidzwa kudaro nomutoo wechidakadaka, akavamba kubudisa mukudzivirirwa kwezvokwadi magazini iyo inozivikanwa munyika yose nhasi seNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha. Muchinyorwa chayo chechipiri, iye akazivisa, kuti: “Isu tinodavira kuti [magazini ino], inotsigirwa naJEHOVHA, uye ikoku zvakwakadaro iyo haizati ichizotongopemha kana kuti kukumbira vanhu nokuda kwetsigiro. Apo Iye anoti: ‘Ndarama yose nesivheri zvomumakomo ndezvangu,’ anokundikana kugovera mari dziri madikanwa, isu tichakunzwisisa kuva nguva yokurega kubudiswa kwechinyorwacho.” Vamwe vaevhangeri vomuterevhizheni vakaunganidza pfuma zhinjisa uye vakararama muumbozha hunonyadzisa (uye dzimwe nguva muutere). (Zvakazarurwa 18:3) Mukusiyana, Vadzidzi veBhaibheri, vanozivikanwa nhasi seZvapupu zvaJehovha, vakashandisa mipiro yose isingakumbirwi inogamuchirwa kuronga ndokufambisira mberi kuparidzirwa kwenyika yose kwoUmambo hunouya hwaJehovha. Boka raJohane kusvikira kuzuva rino rinotungamirira kubudiswa kweNharireyomurindi naMukai!, magazini aya akava neparadziro yakabatanidzwa muna 2006 yaanopfuura mamiriyoni 59. Nharireyomurindi inowanikwa mumitauro inenge 150. Ndiyo magazini yapamutemo yeungano yaanopfuura maKristu ana mamiriyoni matanhatu ayo akashandisa mushonga wameso wakadaro womudzimu mukuita kuti meso awo asvinudzirwe kurudzidziso rwenhema nokukurumidzirwa kwokuparidzira mashoko akanaka mumarudzi ose.—Marko 13:10.
Kubetserekana Netsiuro Nechirango
15. Neiko Jesu achipa zano rakasimba kumaKristu omuRaodhikia, uye ungano inofanira kuita sei kwariri?
15 Ngatidzokerei kuvaRaodhikia. Ko ivo vachaita sei kuzano rakakomba rinobva kuna Jesu? Ko ivo vanofanira kuodzwa mwoyo ndokunzwa kuti Jesu haasati achavadazve here savateveri vake? Aiwa, hazvizati zvichitongova zvakadaro. Shoko rinopfuurira kuti: “Vose avo vandine chidakadaka navo ndinovatsiura nokuvaranga. Naizvozvo shingaira ndokupfidza.” (Zvakazarurwa 3:19) Sezvakaita chirango chinobva kuna Jehovha, chirango chaJesu chiratidzo chorudo rwake. (VaHebheru 12:4-7) Ungano yeRaodhikia inofanira kushandisa itiro hanya yechidakadaka chake ndokushandisa zano rake. Vanofanira kupfidza, vachiziva kuti kudziya kwavo kunoparira kuita chivi. (VaHebheru 3:12, 13; Jakobho 4:17) Vakuru vavo ngavakanganwe nzira dzavo dzokudisa zvenyika ndoku“kuchidzira somwoto” chipo chavanacho chakabva kuna Mwari. Mushonga wameso womudzimu zvaunotanga kushanda, vose vari muungano ngavawane zorodzwo seinobva mumhepo inofefetera yemvura inotonhorera yechitubu.—2 Timotio 1:6; Zvirevo 3:5-8; Ruka 21:34.
16. (a) Ko rudo rwaJesu nechidakadaka zvinoratidzirwa sei nhasi? (b) Kana tikagamuchira zano rakasimba, tinofanira kuita sei?
16 Zvakadiniko nesu nhasi? Jesu anopfuurira ku‘da vake amene vari munyika.’ Ikoku achakuita “mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” (Johane 13:1; Mateo 28:20) Rudo rwake nechidakadaka zvinoratidzirwa kupfurikidza neboka raJohane romuzuva razvino uno nenyeredzi, kana kuti vakuru, vari muungano yechiKristu. (Zvakazarurwa 1:20) Munguva dzino dzinotambudza zvikuru, vakuru vanofarira zvikurukuru kubetsera isu tose, vakuru navaduku, kurambira mukati meganhuriro dzeboka roubati ushe hwoumwari, kudzivisa kuzvimirira, makaro okudisa zvenyika, uye tsvina youtere yenyika. Kana tikagamuchira zano rakasimba kana kuti chirango padzimwe nguva, ngatiyeukei kuti “tsiuro dzechirango ndiyo nzira youpenyu.” (Zvirevo 6:23) Isu tose hatina kukwana uye tinofanira kuva vanoshingairira ndokupfidza sezviri madikanwa kuti tigova vanogadziridzwa ndokurambira murudo rwaMwari.—2 VaKorinte 13:11.
17. Ko pfuma inogona sei kuva ine ngozi mumudzimu kwatiri?
17 Hatizati tichifanira kubvumira kudisa zvenyika, pfuma, kana kuti kushaikwa kwepfuma kutiita vanodziya. Pfuma inogona kutiyamura kutanga bviro itsva dzebasa, asi inogonawo kuva ine ngozi. (Mateo 19:24) Munhu akapfuma angarangarira hake kuti iye haasati achidikanirwa kuva anoshingaira mubasa rokuparidza savamwe, chero bedzi iye achipa mipiro ine mwero wakati panguva nenguva. Kana kuti iye angararira hake kuti kuva akapfuma kunomukwanirisa kuva anorangarira zvikuru. Mukuwedzera, kune mifaro mizhinji nevaraidzo zvakazarukira munhu akapfuma izvo vamwe vasingagoni kutsunga kuita. Asi zvinotsausa izvozvo zvinotora nguva uye zvingakwevera asingasvinuriri kure noushumiri hwechiKristu, nokudaro kuchiita asina kuchenjera anodziya. Ngatidzivisei misungo yose yakadaro ndokupfuurira “kushanda nesimba nokuzvishandisa isu timene” nomwoyo wose, tichirangarira upenyu husingaperi.—1 Timotio 4:8-10; 6:9-12.
‘Kudya Chidyo Chamadekwana’
18. Ko Jesu anogadza banzai pamberi pamaKristu omuRaodhikia?
18 Jesu anopfuurira kuti: “Tarira! Ndimire pasuo ndichigogodza. Kana munhu upi noupi akanzwa inzwi rangu ndokuzarura suo, ndichapinda mumba make ndokudya chidyo chamadekwana naye uye iye neni.” (Zvakazarurwa 3:20) Kudai maKristu eRaodhikia aizogamuchira bedzi Jesu muungano yawo, iye aizoabetsera kukurira kudziya kwawo!—Mateo 18:20.
19. Ko Jesu anorevei apo iye anopikira kudya chidyo chamadekwana neungano yomuRaodhikia?
19 Kududza kwaJesu chidyo chamadekwana pasina panikiro kunoyeuchidza vaRaodhikia nezvenguva apo iye aidya zvokudya navadzidzi vake. (Johane 12:1-8) Nhambo dzakadaro dzaigarovigira zvikomborero zvomudzimu nokuda kwaavo varipo. Nenzira yakafanana, kwaiva nenhambo dzakatanhamara pashure porumuko rwaJesu apo iye aivapo pazvokudya navadzidzi vake, dziri nhambo dzaivasimbaradza zvikurukuru. (Ruka 24:28-32; Johane 21:9-19) Nokudaro, chipikirwa chake chokuuya muungano yeRaodhikia ndokudya chidyo chamadekwana navo chipikirwa chokuvavigira betsero dzakapfuma dzomudzimu kana bedzi ivo vachizomugamuchira.
20. (a) Pamavambo ezuva raShe, chii chakaparirwa nokudziya kwechiKristudhomu? (b) Ko rutongeso rwaJesu rwakatapura sei chiKristudhomu?
20 Zano rorudo raJesu kuvaRaodhikia rine revo huru nokuda kwamaKristu akasara akazodzwa nhasi. Vamwe vaivava vanoyeuka kuti, sezvo zuva raShe rakavamba, vezvorudzidziso vechiKristudhomu vaidziya mumwero unokatyamadza. Panzvimbo pokugamuchira kudzoka kwaShe wedu muna 1914, vafundisi vacho vakabatanidzwa mukuuraya kweHondo yeNyika I, umo marudzi 24 eane 28 anorwisana akakambira kuva echiKristu. Haiwa yakakura sei mhaka yawo yeropa! MuHondo yeNyika II, iyo yakarwirwawo zvikurukuru muchiKristudhomu, zvivi zvorudzidziso rwenhema zvaka“tutirana[zve] kusvikira kudenga.” (Zvakazarurwa 18:5) Kupfuurirazve, vafundisi vakarinza magotsi avo paUmambo hunouya hwaJehovha kupfurikidza nokutsigira Chinzwano chaMarudzi, Chibatanwa chaMarudzi, namasangano ourudzi okumukira, asitongorina nerimwe rawo rinogona kupedza zvinetso zvavanhu. Jesu akanguve aramba vafundisi, achivatonga nomutoo usino kururama nokuvakandira kure, sokurasha kunoita muredzi hove dzisino kukodzera dzinobatwa murutava rwake. Mugariro unonzwisa tsitsi wamachechi echiKristudhomu nhasi unopupurira rutongeso irworwo rwacho. Mugumo wacho wokupedzisira ngaubatire senyevero kunesu!—Mateo 13:47-50.
21. Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, ko maKristu omuungano yechokwadi akadavidza sei kumashoko aJesu okumaKristu omuRaodhikia?
21 Kunyange mukati meungano yechokwadi, mave muna vanhu vanodziya avo vakafanana nechokunwa chisati chichipisa nomutoo unokurudzira kana kuti chinotonhora nomutoo unozorodza. Asi Jesu achiri anoda noushamwari ungano yake. Anozviita amene kuti awanikwe kumaKristu anodavidza nomutoo wokugamuchira vaeni, uye vazhinji vakamugamuchira, sokunge kuti kuchidyo chamadekwana. Somuuyo, kubvira muna 1919 zvichienda mberi meso avo akasvinudzirwa kurevo youporofita hweBhaibheri. Ivo vakafarikanya nhambo yevhenekerwo huru.—Pisarema 97:11; 2 Petro 1:19.
22. Ko Jesu angave akanga achirangarira chidyoi chamadekwana chomunguva yemberi, uye ndivanaani vachagoverana machiri?
22 Mukutaura kuvaRaodhikia, Jesu angave akanga achirangarirawo chimwe chidyo chamadekwana. Gare gare muna Zvakazarurwa tinorava, kuti: “Vanofara ndeavo vanokokwa kuchidyo chamadekwana cheroorano yeGwayana.” Aya mabiko makuru orukundo mukurumbidzwa kwaJehovha pashure pokunge aita rutongeso parudzidziso rwenhema—mabiko anogoveranwa naKristu nomwenga wake wakakwana we144 000 mudenga. (Zvakazarurwa 19:1-9) Mitezo inodavidza yeungano iyeyo yekare yeRaodhikia—hungu, uye hama dzakatendeka dzaKristu Jesu nhasi, idzo dzakapfeka nguvo dzakachena dzokuzivikanwa samaKristu chaiwoiwo akazodzwa—yose ichadya neChikomba chayo pachidyo chamadekwana ichecho. (Mateo 22:2-13) Haiwa ikuchidziro ine simba zvakadini yokuva vanoshingaira navanopfidza!
Chigaro Choushe Nokuda Kwavakundi
23, 24. (a) Ko Jesu anotaura nezveimweizve tuso? (b) Ko Jesu akagara rini pachigaro choumambo chake chouMesiya, uye iye akavamba rini rutongeso rwamaKristu okuedzesera? (c) Ko Jesu akaita chipikirwai chinoshamisa kuvadzidzi vake apo iye akatanga Chirangaridzo chorufu rwake?
23 Jesu anotaura nezveimwe tuso, achiti: “Uyo unokunda ndichapa kugara neni pachigaro changu choumambo, sezvo ini ndakakunda ndokugara naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.” (Zvakazarurwa 3:21) Muzadziko yamashoko aDhavhidhi pana Pisarema 110:1, 2, Jesu anochengeta perero, akunda nyika, akamutswa muna 33 C.E. ndokukwidzwa kundogara naBaba vake pachigaro Chake chokudenga. (Mabasa 2:32, 33) Mune rimwe gore rinokosha, 1914, Jesu akasvika kuzogara pachigaro chake amene choumambo chouMesiya saMambo noMutongi. Zviri pachena kuti rutongeso rwakavamba muna 1918 pamaKristu okuedzesera. Vakundi vakazodzwa vakafa pamberi penguva iyeyo vaizomutswa ndokukumbanira Jesu muUmambo hwake. (1 Petro 4:17) Iye akanga apikira ikoko kwavari pakutanga Chirangaridzo chorufu rwake, achiti kuvadzidzi vake: “Ndinoita sungano nemi, sezvo Baba vangu vakaita sungano neni, nokuda kwoumambo, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muumambo hwangu, ndokugara pazvigaro zvoumambo kutonga ndudzi gumi nembiri dzaIsraeri.”—Ruka 22:28-30.
24 Haiwa mugove unoshamisa sei—kugara naMambo anotonga mukati mo“kuberekwa kutsva” ndokugoverana naye, pahwaro hwechibairo chake chakakwana, mukusimudzira nyika yavanhu vanoteerera kukukwana kwomuEdheni! (Mateo 19:28; 20:28) Sokutizivisa kunoita Johane, Jesu anoita kuti avo vanokunda vave “umambo, vaprista kuna Mwari wake naBaba,” kugara pazvigaro zvoumambo vakakomberedza chigaro choumambo chokudenga chakaisvonaka chaJehovha amene. (Zvakazarurwa 1:6; 4:4) Isu tose—kunyange tiri vevakazodzwa kana kuti vechaunga chitsva chapasi chinokarira kugoverana mukudzorera Paradhiso—ngatifungisisei mashoko aJesu okuvaRaodhikia!—2 Petro 3:13; Mabasa 3:19-21.
25. (a) Samashoko apfuura, Jesu anogumisa sei shoko rake rokuRaodhikia? (b) Ko maKristu mamwe namamwe nhasi anofanira kudavidza sei kumashoko aJesu okuungano yomuRaodhikia?
25 Senamashoko ekare, Jesu anogumisa rino namashoko epangiro anoti: “Uyo une nzeve ngaanzwe izvo mudzimu unoreva kuungano.” (Zvakazarurwa 3:22) Tiri kurarama chaizvoizvo munguva yomugumo. Ufakazi hwakatipoteredza hwokuti chiKristudhomu chakatonhora kana toreva nezvorudo. Mukupesana, isu samaKristu echokwadi ngatidavidzei nomutoo wembavarira kushoko raJesu rokuungano yomuRaodhikia, hungu, kumanomwe ose amashoko aIshe wedu okuungano. Ikoku tinogona kukuita kupfurikidza nokuva negoverano yesimba muzadziko youporofita hukuru hwaJesu nokuda kwezuva redu: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:12-14.
26. Ko Jesu anotaurazve rini nomutoo wakananga kuna Johane, asi iye anotora rutivi muchii?
26 Zano raJesu rokuungano nomwe rinoguma. Haazati achitaurazve kuna Johane muna Zvakazarurwa kutozosvikira muganhuro yokupedzisira; asi anotora rutivi muzvizhinji zvezviono, somuenzaniso, mukuita rutongeso rwaJehovha. Zvino ngatikumbanirei boka raJohane mukunzvera chiono chechipiri chakatanhamara chinowadzanyurwa naShe Jesu Kristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Idzi nzvimbo dzakafukunyurwa nokuchera kwavezvoruzivo rwokuchera matongo parutivi rweRaodhikia.
[Bhokisi riri papeji 73]
Kudisa Zvenyika Kunorwisana Nouchenjeri
Shure muna 1956, wezvokurongwa kwenhau akanyora kuti: “Kunorangarirwa kuti zana ramakore rakapfuura murumewo zvake akanga ane zvinodiwa 72, izvo 16 zvazvo zvairangarirwa sezvinodikanwa. Nhasi, murumewo zvake anorangarirwa kuva ane zvinodikanwa 474, 94 zvazvo zvinorangarirwa sezvinodikanwa. Zana ramakore rakapfuura, zvinhu 200 zvaikurudzirwa murumewo zvake kuti atenge—asi nhasi kune zvinhu 32 000 zvinoda chisarudzo chokuti wotenga zvipi. Zvinodikanwa zvomunhu zvishomanene—zvinodiwa zvake, hazviperi.” Nhasi, vanhu vanonetswa nepfungwa yokuti pfuma yokunyama nezvinhu ndizvo chinhu chikuru muupenyu. Nokudaro, vazhinji vanosvika pakufuratira pangiro youchenjeri yaMuparidzi 7:12, inoti: “Uchenjeri huri nokuda kwetaviridziro sezvinoitawo mari iri nokuda kwetaviridziro; asi chimuko chezivo ndechokuti uchenjeri ihwo humene hunochengeta vene vahwo vari vapenyu.”
[Mufananidzo uri papeji 67]
Mvura yaisvika muRaodhikia yaizova inodziya nomutoo usingafadzi. MaKristu omuRaodhikia akanga ano mudzimu unodziya usingagutsi