‘Akafanana Nedombo Dzvuku Rinokosha’
MUAPOSTORA Johani akaratidzwa chigaro chine mbiri chiri kudenga. Akanga akagara pachigaro chacho airatidzika “sedombo rejaspa.” Akanga akafananawo ne“dombo dzvuku rinokosha.” (Zvakazarurwa 4:2, 3) Matombo aya aiva api?
Aya akanga asiri matombo ainjenjemera aipenya nechokunze kwawo. Pasichigare, shoko rechiGiriki raishandurwa kuti “jaspa” raishandiswa kureva matombo ane mavara akasiyana-siyana, kusanganisira matombo anokosha ainjenjemera. “Dombo rejaspa” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 4:3 “chaizvoizvo [rakanga] rakasiyana nedombo ratinoziva risingadhuri rinonzi jaspa mazuva ano,” anodaro A. T. Robertson mubhuku rinonzi Word Pictures in the New Testament. Uyezve, mubhuku raZvakazarurwa, Johani anozorondedzera guta rokudenga, Jerusarema, achiti: “Kupenya kwaro kwakanga kwakafanana nedombo rinokosha zvikuru kwazvo, sedombo rejaspa rinopenya zvinoonekera sekristaro.” (Zvakazarurwa 21:10, 11) Zviri pachena kuti matombo anotaurwa naJohani ainjenjemera.
Munhu ane mbiri kudarika vanhu vose, Jehovha Mwari ndiye anotaurwa nezvake kuti akanga akagara pachigaro pane zvakaratidzwa Johani. Akachena uye mutsvene kupfuura vamwe vanhu vose. Maererano naizvozvo, muapostora Johani akanyora kuti: “Mwari chiedza uye hamuna kana nerima rose mukuva pamwe naye.” (1 Johani 1:5) Saka, Johani akakurudzira vaainamata navo kuti ‘vazvichenese kufanana naJehovha akachena.’—1 Johani 3:3.
Tinofanira kuitei kuti Mwari atione setakachena? Kutenda kwedu muropa raJesu rakateurwa kuti tikanganwirwe zvivi zvedu kunokosha kwazvo. Tinofanirawo kuramba tichi“famba muchiedza” kuburikidza nokudzidza Bhaibheri nguva dzose uye kurarama maererano nezvarinodzidzisa.—1 Johani 1:7.