-
Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovhaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
Mheni, Manzwi, Nokutinhira
12. Ko Johane anooneizve nokunzwa, uye “mheni namanzwi nokutinhira” zvinoyeuchidzei?
12 Ko Johane anooneizve nokunzwa? “Uye pachigaro choumambo panobuda mheni, manzwi nokutinhira.” (Zvakazarurwa 4:5a) Haiwa chinoyeuchidza sei nezvezvimwe zviratidzirwa zvinopedza mate mukanwa zvesimba rokudenga raJehovha! Somuenzaniso, apo Jehovha aka“buruka” paGomo reSinai, Mosesi, akashuma, kuti: “Pazuva rechitatu pakwakava mangwanani kwakaitika kuti kutinhira nemheni zvakavamba kuitika, uye gore dema pamusoro pegomo nokurira kunonzwika zvikuru kwehwamanda. . . . Apo kurira kwehwamanda kwakapfuurira kunzwika zvikurukuru, Mosesi akavamba kutaura, uye Mwari wechokwadi akavamba kumupindura nenzwi.”—Eksodho 19:16-19.
13. Chii chinofananidzirwa nemheni dzinobuda pachigaro choumambo chaJehovha?
13 Mukati mezuva raShe, Jehovha anoita kuti simba rake nokuvapo zvioneke nenzira ine mbiri. Aiwa, kwete kupfurikidza nemheni chaiyoiyo, nokuti Johane ari kuona zviratidzo. Ko zvino, mheni dzinomirirei? Eya, kupenya kwemheni kunogona kuvheneka, asi kunogonawo kurova munhu ndokufa. Naizvozvo, idzi mheni dzinobuda muchigaro choumambo chaJehovha dzinosanofananidzira vhenekero dzenzwisiso idzo iye akapfuurira kupa vanhu vake uye, kunyange nomutoo une revo zvikuru, mashoko ake omwoto orutongeso.—Enzanisa naPisarema 18:14; 144:5, 6; Mateo 4:14-17; 24:27.
14. Ko manzwi akaungira sei nhasi?
14 Zvakadiniko namanzwi? Mukuburukira kwaJehovha paGomo reSinai, inzwi rakataura kuna Mosesi. (Eksodho 19:19) Manzwi anobva kudenga akabudisa mizhinji yemirairo nezvirevo zviri mubhuku raZvakazarurwa. (Zvakazarurwa 4:1; 10:4, 8; 11:12; 12:10; 14:13; 16:1, 17; 18:4; 19:5; 21:3) Nhasi, Jehovha akabudisawo mirairo nezvirevo kuvanhu vake, zvinovhenekera nzwisiso yavo uporofita hweBhaibheri nenheyo. Mashoko anovhenekera ave achiwanzowadzanyurwa pakokorodzano dzamarudzi ose, uye zvokwadi dzakadaro dzeBhaibheri dzavewo dzichiparidzirwa munyika yose. Muapostora Pauro akataura nezvavaparidzi vakatendeka vamashoko akanaka, kuti: “Chokwadi, kureva idi, ‘inzwi ravo rakabudira mupasi rose, uye mashoko avo kumigumegume yapasi rinogarwa.’”—VaRoma 10:18.
15. Kutinhirai kwakabuda pachigaro choumambo murutivi rwuno rwezuva raShe?
15 Kutinhira kunowanzotevera mheni. Dhavhidhi akataura nezvokutinhira chaikwoikwo se“inzwi raJehovha.” (Pisarema 29:3, 4) Apo Jehovha akarwira Dhavhidhi mukurwisana navavengi vake, kutinhira kwakataurwa kuva kunobva kwaAri. (2 Samueri 22:14; Pisarema 18:13) Erihu akaudza Jobho kuti inzwi raJehovha rainzwika sokutinhira, sezvo Iye achiita “zvinhu zvikuru zvatisingagoni kunzwisisa.” (Jobho 37:4, 5) Mukati morutivi rwuno rwezuva raShe, Jehovha aka‘tinhira,’ achinyevera nezvemabasa makuru aachaita mukurwisana navavengi vake. Uku kudhuruma kwokufananidzira kwezvinhu kwakaungira kwaungirazve mupasi rose. Unofara kana wakateerera idzi paridzirwo dzinotinhira uye uri kuita shandiswo yokuchenjera yorurimi rwako mukuwedzera kukunzwika kwadzo!—Isaya 50:4, 5; 61:1, 2.
Mwenje Yomwoto Negungwa Rinoonekera
16. Chii chinoratidzirwa ne“mwenje minomwe yomwoto”?
16 Ko Johane anooneizve? Ichi: “Uye pamberi pechigaro choumambo pane mwenje minomwe yomwoto unopfuta, uye iyoyi inoreva midzimu minomwe yaMwari. Uye pamberi pechigaro choumambo, sokunge zvakadaro, pane gungwa rinoonekera sekristaro.” (Zvakazarurwa 4:5b, 6a) Johane iye amene anotiudza revo yemwenje minomwe: “Iyi inoreva midzimu minomwe yaMwari.” Chiverengero chechinomwe chinofananidzira kukwana kwoumwari; naizvozvo mwenje minomwe inofanira kumirira kukwana kwesimba renzwisiso romudzimu mutsvene. Haiwa rinoonga sei boka raJohane nhasi kuti iro rakaronzeswa iyi nzwisiso, pamwe chete nomutoro wokuipfuudzira kuvanhu vapasi vane nzara mumudzimu! Haiwa tinofara sei kuti gore rimwe nerimwe makopi mazana amamiriyoni amagazini yeNharireyomurindi anopfuurira kuratidzira uyu mwenje mune inenge mitauro 150!—Pisarema 43:3.
-
-
Kuisvonaka Kwechigaro Choumambo Chokudenga chaJehovhaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 78]
-