-
Mwari Ndiani?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
2. Bhaibheri rinotidzidzisei nezvaJehovha?
Bhaibheri rinoti pavanamwari vese vanonamatwa nevanhu, Jehovha ndiye ega Mwari wechokwadi. Nei richidaro? Pane zvikonzero zvakati kuti. Jehovha ndiye ane simba pazvinhu zvese, ndiye ega “Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.” (Verengai Pisarema 83:18.) Ndiye “Wemasimbaose,” zvichireva kuti ane simba rekuita chero zvaanoda. Ndiye “akasika zvinhu zvese,” zviri kudenga nepanyika. (Zvakazarurwa 4:8, 11) Jehovha akasiyana nevamwe vese pakuti agara ariko, uye acharamba ariko nekusingaperi.—Pisarema 90:2.
-
-
Tingaita Sei Kuti Kunamata Kwedu Kufadze Mwari?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
Sezvo ari iye Musiki wedu, Jehovha ndiye ega akakodzera kunamatwa. (Zvakazarurwa 4:11) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kumuda uye kunamata iye chete, tisingashandisi zvifananidzo kana kuti zvidhori.—Verengai Isaya 42:8.
Tinofanira kuita kuti kunamata kwedu kuve ‘kutsvene uye kunogamuchirwa’ naJehovha. (VaRoma 12:1) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kutevedzera mitemo yake muupenyu hwedu. Pamwe patinoratidza kuti tinoteerera mitemo yaJehovha panyaya yewanano. Vaya vanoda Jehovha vanosiyanawo nemaitiro anogona kuvakuvadza akadai sekudhakwa, kushandisa fodya, madhiragi nezvimwe zvinodhaka.a
-