Bhuku reBhaibheri Nhamba 29—Joere
Munyori: Joere
Nzvimbo Yakanyorerwa: Judha
Kunyora Kwakapedzwa: Munenge muna 820 B.C.E. (?)
1. Zviitikoi zvinoshamisa zvinosimbisa uporofita hwebhuku raJoere?
FUNGU pamusoro pefungu, bute rezvipembenene rinoita nyika dongo. Mwoto uri mberi kwazvo uye rimi romwoto riri shure zvinopedzisa ruparadziko. Nzvimbo iri yose ine nzara. Zuva rinoshanduka kuva rima uye mwedzi unova ropa, nokuti zuva guru nerinotyisa raJehovha rava pedyo. Anorayira kuti jeko rikandwe ndokuunganidza marudzi nokuda kworuparadziko. Zvisinei, vamwe “vacharwirwa.” (Joe. 2:32) Kurangarirwa kweizvi zviitiko zvinoshamisa kunoita kuti uporofita hwaJoere huve zvose zviri zviviri hunofadza zvikuru nohwebetsero huru kwatiri.
2. Chii chatinoziva nezvaJoere nemamiriro ezvinhu okuporofita kwake?
2 Bhuku racho rinosumwa se“shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.” Bhaibheri haritiudzi chimwe chinhu chinopfuura ikoku pamusoro paJoere amene. Ishoko rouporofita rinosimbiswa uye kwete munyori waro. Zita rokuti “Joere” (chiHebheru, Yoh·ʼelʹ) rinonzwisiswa kureva kuti “Jehovha Ndiye Mwari.” Kurovedzana kwakananga kwaJoere neJerusarema, tembere yaro, uye udzame hwebasa rapatembere kungaratidzira kuti akanyorera bhuku rake muJerusarema kana kuti Judha.—Joe. 1:1, 9, 13, 14; 2:1, 15, 16, 32.
3. Musi waanenge 820 B.C.E. unokarakadzwa nokuda kwouporofita hwebhuku raJoere nokuda kwezvikonzeroi?
3 Bhuku raJoere rakanyorwa rini? Ikoku hakugoni kutaurwa nouchokwadi. Nyanzvi dzinogovera zvakasiyana-siyana misi inovambira 800 B.C.E. asati asvika kusvikira kunenge kuna 400 B.C.E. Kurondedzerwa kwokutonga kwaJehovha marudzi mumupata waJehoshafati kunokarakadza kuti Joere akanyora uporofita hwake paimwe nguva pashure porukundo rukuru rwaJehovha nokuda kwaMambo Jehoshafati waJudha, uye nokudaro pashure pokunge Jehoshafati ava mambo muna 936 B.C.E. (Joe. 3:2, 12; 2 Mako. 20:22-26) Muporofita Amosi angave akanokora mashoko rugwaro rwaJoere. Ikoku, ipapoka, kungareva kuti uporofita hwaJoere hwakanyorwa uhwo hwaAmosi husati hwanyorwa, uyo akavamba kuporofita paimwe nguva pakati pa829 na804 B.C.E. (Joe. 3:16; Amosi 1:2) Musi wapakuvamba ungaratidzirwawo nenzvimbo yebhuku racho mundaza yamanyoro matsvene echiHebheru pakati paHosea naAmosi. Nokudaro musi waanenge 820 B.C.E. unokarakadzwa nokuda kwouporofita hwaJoere.
4. Zvibvumikisoi zviripo zvouchokwadi hwebhuku raJoere?
4 Uchokwadi hwouporofita hwacho hunobvumikiswa nokunokora mashoko nenongedzero kwahuri muMagwaro echiKristu echiGiriki. Pazuva rePentekosta, Petro akataura nezvo“muporofita Joere” uye akashandisa humwe hwouporofita hwake. Pauro akanokora mashoko uporofita humwe chetehwo uye akaratidza kuzadzika kwahwo kuvose vari vaviri muJudha naasiri muJudha. (Joe. 2:28-32; Mabasa 2:16-21; VaR. 10:13) Uporofita hwaJoere pamarudzi vavakidzani hwose hwakazadzikwa. Guta guru reTire rakakomberedzwa naNebhukadnezari, uye gare gare guta rapachitsuwa rakaitwa dongo naAlexander Mukuru. Firistia nenzira yakafanana yakaparara. Edhomi rakava renje. (Joe. 3:4, 19) VaJudha havana kutongopanikira kuva mundaza yamanyoro matsvene kwebhuku raJoere, uye vakaisa bhuku racho kuva rechipiri pakati pavanonzi vaporofita vakaderera.
5. Uporofita hwebhuku raJoere hune revo nenzira inoshamisa munzirai?
5 Munyorere waJoere uri zvose zviri zviviri wakajeka uye une revo. Anodzokorora nokuda kwesimbiso uye anoshandisa fanano dzinokatyamadza. Mhashu dzinoidzwa rudzi, vanhu, uye hondo. Meno adzo akafanana naawo eshumba, kuoneka kwadzo kwakafanana namabhiza, uye mubvumo wadzo wakafanana nengoro dzehondo dzinorongwa nokuda kwehondo. The Interpreter’s Bible rinonokora mashoko imwe nyanzvi yokudzorwa kwemhashu seinoti: “Kurondedzera kwaJoere kuvhozhokera kwemhashu hakuna kutongopfuurwa nokuda kwoudzame hwako hwakarurama zvinoshamisa.”a Teerera zvino sezvo Joere anoporofita nezvezuva rinotyisa raJehovha.
ZVIRI MUBHUKU RAJOERE
6. Joere anotanga kuona chionoi chinotyisa?
6 Kuvhozhokera kwezvipembenene kunoparadza nyika; zuva raJehovha rava pedyo (1:1–2:11). Haiwa chiono chinotyisa zvakadini chengwavaira chinoona Joere! Kudenha kunoparadzanya kunoitwa nemuteteni, mhashu, gwatakwata, uye mupedzachose. Mizambiringa nemionde zvapururwa, uye kurumwa nenzara kuri kunyangira nyika. Hakuna zviyo kana kuti zvipiriso zvinonwiwa nokuda kweimba yaJehovha. Joere anonyevera vaprista navashumiri vaMwari kuti vapfidze. “Haiwa, zuva iro here,” anodanidzira kudaro, “nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna Wamasimba-ose.” (1:15) Mhuka dzinodzungaira munyongano. Mirazvo yomwoto yapisa mafuro nemiti, uye renje rakabvuraudzwa nomwoto.
7. Uto rinovhozhokera raJehovha rinorondedzerwa sei?
7 Danidzira nyevero! “Ridzai hwamanda paZioni, muridze mhere pagomo rangu dzvene.” (2:1) Zuva raJehovha rava pedyo, zuva rerima nokusviba kuti ndo-o. Tarirai! Vanhu vakawanda uye vane simba. Vanoshandura nyika yakafanana neEdheni kuva renje risine chinhu. Hapana chinhu chinopukunyuka. Vanomhanya samabhiza nomubvumo sowengoro pamusoro pamakomo. Vanomhanyira muguta savanhu vakarongerwa kurwa, vachikwira pamadziro nedzimba uye napamafafitera. Nyika yavhundutswa uye matenga anodengenyeka. Jehovha anotungamirira iyi hondo huru kwazvo. “Zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko ungatsunga naro?”—2:11.
8. (a) Vhozhokero yezvipembenene ingadziviswa bedzi sei? (b) Jehovha anopikira kuripirwai?
8 Tendeukirai kuna Jehovha; mudzimu uchadururwa (2:12-32). Asika chimwe chinhu chinogona kuitwa kudzivisa kuvhozhokera. Jehovha anopa zano, kuti: “Tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose, . . . bvarurai mwoyo yenyu, murege kubvarura nguvo dzenyu; mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu.” (2:12, 13) Kurira kwehwamanda kunokokera vanhu kugungano rakakomba. Kana vakadzokera kwaari, “Jehovha [acha]va negodo pamusoro penyika yake, akanzwira vanhu vake tsitsi.” (2:18) Kuchava nezvikomborero nekanganwiro, uye muvhozhokeri uchadzoswa. Panzvimbo penguva yokutya, inguva yokupembera nokufara, nokuti kuchava nemichero nezviyo newaini itsva namafuta. Jehovha ucharipira makore ayo hondo yake huru yemhashu yakadya. Chipikirwa chake ndeichi: “Muchadya zvakawanda, mukaguta, mukarumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, wakakuitirai zvinoshamisa.” (2:26) Vachaziva kuti Jehovha oga ndiye Mwari wavo pakati paIsraeri.
9. Uporofitai hunofadza hunotevera?
9 “Zvino shure kwaizvozvo ndichadurura [mudzimu, NW] wangu pamusoro penyama yose;” anodaro Jehovha, “vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita, vatana venyu vacharota hope, namajaya enyu achaona zviratidzo; ndichadururawo [mudzimu, NW] wangu pamusoro pavaranda napamusoro pavashandiri namazuva iwayo.” Kuchava nezviratidzo zvinotyisa pazuva napamwedzi zuva raJehovha risati rauya. Bva vamwe vachapukunyuka. “Ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.”—2:28-32.
10. Chii chichaitika mumupata wakadzikira waJehoshafati?
10 Marudzi achatongerwa mu“mupata waJehoshafati” (3:1-21). Jehovha uchadzosa nhapwa dzaJudha neJerusarema. Marudzi achaunganidzwa; Tire, Sidhoni, uye Firistia dzicharasikirwa zvikuru nokuda kwokuzvidza nokuisa muuranda vanhu vaJehovha. Teerera Jehovha sezvaanodenha marudzi: “Zvigadzirirei kurwa; kurudzirai varume vane simba; varwi vose ngavaswedere, vaende kundorwa.” (3:9) Ngavapfure miromo yamapadza kuva minondo vauye kumupata wakadzikira waJehoshafati (kureva kuti “Jehovha Ndiye Mutongi”). Murayiro waJehovha unozivisa, kuti: “Isai banga renyu mumunda, nokuti zviyo zvaibva; . . . zvisviniro zvinopafuma; nokuti kushata kwavo kwakura. Vazhinji-zhinji, vazhinji-zhinji varipo mumupata wokutonga! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo.” (3:13, 14) Zuva nemwedzi zvinosviba. Jehovha anodzvova ari muZioni, achisakisa denga nepasi kuti zvidengenyeke, asi anobvumikisa kuva utiziro nenhare nokuda kwavanhu vake amene. Ivo vachafanira kuziva kuti iye ndiye Jehovha Mwari wavo.
11. Joere ipapo anorondedzera sei zvikomborero zvinobva kuna Jehovha zvichatevera?
11 Haiwa mafashafasha akadini eparadhiso achaonwa “nezuva iro”! (3:18) Makomo achadonha waini, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzichayerera mvura zhinji. Mumba maJehovha muchabuda tsime rinozorodza. Egipita neEdhomi, avo vakateura ropa risine mhaka muna Judha, vachava matongo, asi Judha neJerusarema dzichagarwa kusvikira kunguva isingazivikanwi, “nokuti Jehovha uchagara paZioni.”—3:21.
CHIKONZERO NEI RICHIBETSERA
12. Petro akasimbisa revoi youporofita hwebhuku raJoere paPentekosta?
12 Vamwe vatsinhiri vakarondedzera Joere somuporofita worusuruvaro. Zvisinei, mumurangariro wavanhu vaMwari amene, anooneka somuzivisi wamatama ane mbiri okununurwa. Muapostora Pauro anosimbisa uyu mufungo pana VaRoma 10:13 (NW), achiti: “Nokuti ‘munhu ari wose anodana zita raJehovha uchaponeswa.’” (Joe. 2:32) Paiva nokuzadzika kunoshamisa kwouporofita hwebhuku raJoere pazuva rePentekosta ya33 C.E. Panhambo iyeyo Petro akafuridzirwa kuti atsanangure kuti kudururwa kwomudzimu waMwari pavadzidzi vaKristu kwakanga kuri kuzadzika kwouporofita hwebhuku raJoere. (Mabasa 2:1-21; Joe. 2:28, 29, 32) Petro akasimbisa zvikuru revo youporofita hwamashoko aJoere, achiti: “Uye munhu ari wose anodana zita raJehovha uchaponeswa.”—Mabasa 2:21, 39, 40, NW.
13. (a) Ifananoi dzinoshamisa dzinogona kuonwa pakati pebhuku raJoere neraZvakazarurwa? (b) Iwiriranoi nebhuku raJoere dzinowanwa nohumwe uporofita?
13 Fanano dzinoshamisa dzinogona kuonwa pakati pedenda remhashu rinorondedzerwa naJoere nedenda rakaporofitwa muna Zvakazarurwa ganhuro 9. Zvakare zuva rinosvibiswa. Mhashu dzakafanana namabhiza akagadzirirwa hondo, anoita mubvumo souya wengoro, uye ane meno akafanana naawo eshumba. (Joe. 2:4, 5, 10; 1:6; Zvak. 9:2, 7-9) Uporofita hwebhuku raJoere huri pana Joere 2:31, uhwo hunotaura nezvezuva richishanduka kuva rima, hunowiriraniswa sechiitiko namashoko ari pana Isaya 13:9, 10 naZvakazarurwa 6:12-17, uyewo pana Mateo 24:29, 30, apo Jesu anoratidza uporofita hwacho kuti hunoshanda panguva yaanouya soMwanakomana womunhu ane simba nembiri huru. Mashoko aJoere 2:11 okuti, “zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo,” sezviri pachena anonongedzerwa kwaari pana Maraki 4:5. Kurondedzerwa kunowirirana kweiri ‘zuva rerima nerakasviba kuti ndo-o’ kunowanwawo pana Joere 2:2 naZefania 1:14, 15.
14. Zvikamui zvamashoko zviri mubhuku raJoere zvinokudza uchangamire hwaJehovha nomutsa wake worudo?
14 Uporofita hwaZvakazarurwa hunokarira “zuva guru” rokutsamwa kwoumwari. (Zvak. 6:17) Joere anoporofitawo nezvenguva iyeyo, achiratidza kuti apo “zuva [guru] raJehovha” rinowira pamarudzi, avo vanomudana nokuda kwedziviriro nokununurwa va“charwirwa.” “Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake.” Rubudiriro rwomuEdheni ruchadzorerwa: “Zvino nezuva iro makomo achadonha waini inotapira, zvikomo zvichayerera mukaka, uye hova dzose dzaJudha dzichayerera mvura zhinji; mumba maJehovha muchabuda tsime.” Mukupa izvi zvipikirwa zvakajeka zvokudzorerwa, Joere anokudzawo uchangamire hwaJehovha Mwari uye anokumbira kuna avo vane mwoyo yapachokwadi pahwaro hwenyasha Dzake huru, kuti: “Mutendeukire kuna Jehovha Mwari wenyu; nokuti une ngoni nenyasha, unononoka kutsamwa, une tsitsi zhinji.” Vose vanotetekera uyu mukumbiro wakafuridzirwa vachawana betsero dzisingagumi.—Joe. 2:1, 32; 3:16, 18; 2:13.
[Mashoko Omuzasi]
a 1956, Vhor. VI, peji 733.