Denga
Tsanangudzo: Nzvimbo inogara Jehovha Mwari nezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka; nzvimbo isingaoneki nemaziso evanhu. Bhaibheri rinoshandisawo shoko racho mupfungwa dzakasiyana-siyana; somuenzaniso: rinomiririra Mwari pachake, sangano rake rezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka, kufarirwa naMwari, zvimwe zvinhu zvatinoona zvisiri nyika ino, nzvimbo yakapoteredza Pasi, hurumende dzevanhu dzinodzorwa naSatani, uye hurumende itsva yakarurama yokudenga inotongwa naJesu Kristu nevagari venhaka pamwe chete naye vachipiwa simba naJehovha.
Tose taigara munzvimbo yezvisikwa zvomudzimu here tisati taberekwa sevanhu?
Joh. 8:23: “[Jesu Kristu akati:] ‘Imi munobva munzvimbo dziri pasi; ini ndinobva kunzvimbo dziri kumusoro. Imi munobva munyika ino; ini handibvi munyika ino.’” (Jesu akabva kunzvimbo inogara zvisikwa zvomudzimu. Asi, sezvaakataura, vamwe vanhu havana kubva ikoko.)
VaR. 9:10-12: “Ribheka paakabata pamuviri pemapatya . . . pavakanga vasati vaberekwa uyewo vasati vaita kana chinhu chakanaka kana chakaipa, kuti chinangwa chaMwari pamusoro pokusarudza chirambe chiri pana Iye anodana, kwete pamabasa, mukadzi wacho akaudzwa kuti: ‘Mukuru achava muranda womuduku.’” (Kana mapatya Jakobho naIsau vakanga vamborarama munzvimbo yezvisikwa zvemidzimu chokwadi vangadai vakasvika pakuzivikanwa nezvavaiita ikoko handiti? Asi vakanga vasina zvavakanga vaita kutozosvikira pashure pokuberekwa kwavo.)
Vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga here?
Mab. 2:34: “Dhavhidhi [uyo anonzi neBhaibheri ‘munhu aidiwa nemwoyo waJehovha’] haana kukwira kumatenga.”
Mat. 11:11: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pane vakaberekwa nevakadzi hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari.” (Saka Johani haana kuenda kudenga paakafa.)
Pis. 37:9, 11, 29: “Vanoita zvakaipa vachaparadzwa, asi vaya vanotarisira kuna Jehovha ndivo vachagara nhaka yenyika . . . Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”
Kudai Adhamu asina kutadza, aizodai akaenda kudenga here?
Gen. 1:26: “Mwari akabva ati: ‘Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pahove dzegungwa nepazvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nepazvipfuwo nenyika yose nepazvose zvinokambaira zvinofamba panyika.’” (Saka chinangwa chaMwari nokuda kwaAdhamu chaiva chokuti atarisire pasi nemhuka dzaivamo. Hapana zvinombotaurwa nezvokuti aizoenda kudenga.)
Gen. 2:16, 17: “Jehovha Mwari akarayirawo munhu kuti: ‘Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.’” (Chinangwa chaJehovha chepakutanga chakanga chisiri chokuti vanhu vazofa. Murayiro waMwari pano unoratidza kuti akanyevera nezvezviito zvaizokonzera rufu. Rufu chaizova chirango chokusateerera, kwete nzira yokuwana nayo upenyu hwakanaka kudenga. Kudai vakanga vateerera, vaizodai vakapiwa mubayiro wokurarama nokusingaperi muParadhiso yakapiwa vanhu naMwari. Onawo Isaya 45:18.)
Munhu anofanira kuenda kudenga here kuti ave neramangwana rinofadza zvechokwadi?
Pis. 37:11: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”
Zvak. 21:1-4: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva . . . ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”
Mika 4:3, 4: “Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa. Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa; nokuti muromo waJehovha wemauto wazvitaura.”
Jesu akazarurira nzira yokuenda kudenga here vose vakafa asati afa?
Ko 1 Petro 3:19, 20 inorevei? “Nokudaro [aine muviri womudzimu, pashure pokumutswa kwake] iye [Jesu] akaenda, akaparidzira midzimu yaiva mujeri, yakanga isina kuteerera kare kushivirira kwaMwari pakwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa, umo vanhu vashoma, iyo mweya misere [“vanhu,” BUS, BD, BR], yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” (“Midzimu yaiva mujeri” iyi yaiva mweya yevanhu vakanga varamba kuteerera kuparidzira kwaNoa Mafashamo asati aitika here, uye vakanga vava nomukana wokuenda kudenga here? Kuenzanisa 2 Petro 2:4 uye Judha 6 naGenesisi 6:2-4 kunoratidza kuti midzimu iyi yaiva ngirozi dzaMwari dzakanga dzapfeka miviri yevanhu ndokuroora muzuva raNoa. Pana 1 Petro 3:19, 20 shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “midzimu” ndipneuʹma·sin, ukuwo shoko rakashandurwa kuti “mweya” ndipsy·khaiʹ. “Midzimu” yakanga isiri mweya yakaparadzana nemiviri asi dzaiva ngirozi dzisingateereri; “mweya” inotaurwa pano yaiva vanhu vairarama, Noa nemhuri yake. Zvakaparidzwa ku“midzimu yaiva mujeri” anofanira kunge aiva mashoko okutonga.)
Ko 1 PeterPetro 4:6 inorevei? “Chokwadi, mashoko akanaka akaziviswawo kune vakafa nokuda kwaizvozvi, kuti vatongwe panyama sokuona kunoita vanhu asi vararame mumudzimu sokuona kunoita Mwari.” (“Vakafa” ava vaiva vanhu vakanga vafa Jesu asati afa here? Sezvatoratidzwa, vakafa havasi “midzimu iri mujeri.” Midzimu iyoyo yaiva ngirozi dzisingateereri. Uye kuparidzira kwaisazobatsira vanhu vakafa nokuti sezvinotaurwa pana Muparidzi 9:5 “havana kana chavanoziva” uye Pisarema 146:4 rinowedzera kuti “pfungwa dzake [dzomunhu] dzinoparara.” Asi VaEfeso 2:1-7, 17 inotaura nezvevanhu vaiva vakafa mune zvokunamata uye vakazova vapenyu mune zvokunamata nokuti vakabvuma mashoko akanaka.)
Upenyu hwokudenga hunotaurwa mu“Testamende Itsva” setariro yevaKristu vose vechokwadi here?
Joh. 14:2, 3: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara. Dai zvisina kudaro, ndingadai ndakuudzai, nokuti ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo. Uyewo, kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo, ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.” (Pano Jesu anoratidza kuti vaapostora vake vakatendeka, vaaitaura navo, nokufamba kwenguva vaizova “mumba” maBaba vake kudenga, vaina Jesu. Asi pano haatauri kuti vamwe vaizoendawo kudenga vangani.)
Joh. 1:12, 13: “[Jesu] akapa vazhinji vakamugamuchira kodzero yokuva vana vaMwari, nokuti vakanga vachitenda muzita rake; uye havana kuberekwa neropa kana nezvinodiwa nenyama kana nezvinodiwa nomunhu, asi naMwari.” (Onai kuti mashoko ari Joh 1 mundima 11 anotaura nezvevaJudha ‘vanhu vokwaJesu.’ Vakawanda vavo vakamugamuchira paakauya kwavari muzana remakore rokutanga vakava vana vaMwari, vaine tariro youpenyu kudenga. Mashoko echiito ari mundima yacho anoratidza zvakanga zvatoitika, saka ndima iyi haisi kutaura nezvevanhu vakazova vaKristu kubvira ipapo.)
VaR. 8:14, 16, 17: “Vose vanotungamirirwa nomudzimu waMwari, ivava ndivo vanakomana vaMwari. Iwo mudzimu wacho unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiri vagari venhakawo: chokwadi vagari venhaka vaMwari, asi vagari venhaka pamwe chete naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe chete kuti tikudzwe pamwe chete.” (Panguva yakanyorwa mashoko aya chaiva chokwadi kuti vose vaitungamirirwa nomudzimu waMwari vaiva vanakomana vaMwari vaiva netariro yokuzokudzwa pamwe chete naKristu. Asi izvi hazvina kungogara zvakadaro. Ruka 1:15 inotaura kuti Johani Mubhabhatidzi aizozadzwa nomudzimu mutsvene, asi Mateu 11:11 inobudisa pachena kuti haazokudzwi muUmambo hwokudenga. Saka, pashure pokuunganidzwa kwevadyi venhaka yoUmambo hwokudenga, paizova nevamwe vaizoshumira Mwari sevateveri veMwanakomana wake asi havazokudzwi muumambo hwokudenga.)
Mu“Testamende Itsva” ndeapi magwaro anotaura zvakananga kuti vaKristu vachawana mubayiro woupenyu husingaperi panyika?
Mat. 5:5: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”
Mat. 6:9, 10: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei? Genesisi 1:28 uye Isaya 45:18 dzinoratidzei?)
Mat. 25:31-33, 40, 46: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake. . . . Mambo achati kwavari [makwai], ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana makazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.’ Zvino ava [mbudzi] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama [makwai] muupenyu husingaperi.” (Onai kuti “makwai” aya akasiyana nehama dzaMambo, idzo “dzinogoverana pamwe chete kudanwa kwokudenga.” [VaH. 2:10–3:1] Asi ava vakaita semakwai vaizenge vari vapenyu panguva iyo Kristu aizova pachigaro chake choumambo uye panguva iyo vamwe ve“hama” dzake vaizenge vachitambura panyika.)
Joh. 10:16: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” (“Mamwe makwai” aya ndivanaani? Vateveri voMufudzi Akanaka, Jesu Kristu asi havasi muboka remakwai ari mu“sungano itsva” ane tariro yokurarama kudenga. Asi vane ukama hwepedyo nevaya vari muboka iroro remakwai.)
2 Pet. 3:13: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” (Uyewo Zvakazarurwa 21:1-4)
Zvak. 7:9, 10: “Pashure pezvinhu izvi [pashure pokunge muapostora Johani aona nhamba yakakwana ye“vakaiswa chisimbiso” avo “vakatengwa vachibva panyika” kuti vanova naKristu paGomo reZiyoni rokudenga; ona Zvakazarurwa 7:3, 4; 14:1-3] ndakaona, uye, tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe. Vanoramba vachishevedzera nenzwi guru, vachiti: ‘Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, agere pachigaro choumambo, uye kuGwayana.’”
Bhaibheri rinoti vangani vane tariro youpenyu hwokudenga?
Ruka 12:32: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.”
Zvak. 14:1-3: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni [kudenga; ona VaHebheru 12:22-24], riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo. . . . Vaiimba rwaiita sokunge kuti rwiyo rutsva . . . uye hapana akakwanisa kunyatsodzidza rwiyo irworwo kunze kwevaya vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina, vakatengwa vachibva panyika.”
Vane 144 000 vanongova vaJudha chaivo here?
Zvak. 7:4-8: “Ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose evanakomana vaIsraeri: . . . Judha . . . Rubheni . . . Gadhi . . . Asheri . . . Naftari . . . Manase . . . Simiyoni . . . Revhi . . . Isakari . . . Zebhuruni . . . Josefa . . . Bhenjamini.” (Aya haagoni kuva madzinza evaIsraeri chaivo nokuti kwakanga kusina dzinza raJosefa, madzinza aEfremu naDhani haana kuiswawo pakati pemazita ari pano, uye vaRevhi vakatsaurwa kuti vaite basa repatemberi asi vakanga vasingaverengwi pamadzinza 12. Ona Numeri 1:4-16.)
VaR. 2:28, 29: “Anonzi muJudha haasi uya akadaro nechokunze, uye kudzingiswa hakusi kuya kwokunze kunoitwa panyama. Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechomukati, uye kudzingiswa kwake ndiko kuya kwomwoyo nomudzimu, kwete nebumbiro romutemo rakanyorwa.”
VaG. 3:26-29: “Chokwadi, imi mose muri vanakomana vaMwari nokutenda kwenyu muna Kristu Jesu. . . . Hapana muJudha kana muGiriki, hapana muranda kana munhu akasununguka, hapana munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri munhu mumwe chete pamwe naKristu Jesu. Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana vaAbrahamu, vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.”
Ko 144 000 inongova nhamba yokufananidzira here?
Mhinduro yacho inoratidzwa nechokwadi chokuti pashure pokutaurwa kwenhamba 144 000, Zvakazarurwa 7:9 inotaura nezve“boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu.” Kana 144 000 iri nhamba yokungofananidzira yaisazova nezvainoreva ichisiyaniswa ne“boka guru.” Kuiona senhamba chaiyo kunowirirana nemashoko aJesu ari pana Mateu 22:14 nezvoUmambo hwokudenga: “Kune vazhinji vanokokwa, asi vanosarudzwa vashomanana.”
Vaya ve“boka guru” vanotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9, 10 vanoendawo kudenga here?
Zvakazarurwa haitauri nezvavo sezvinoitwa vane 144- 000, kuti “vakatengwa vachibva panyika” kuti vanova naKristu paGomo reZiyoni rokudenga.—Zvak. 14:1-3.
Kutsanangurwa kwavanoitwa kuti “vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana” hakuratidzi hako nzvimbo, asi kunoratidza kuti vanotenderwa. (Enzanisa naZvakazarurwa 6:17; Ruka 21:36.) Mashoko okuti “pamberi pechigaro choumambo” (chiGiriki, e·noʹpi·on tou throʹnou; anoreva “nzvimbo inooneka neanenge ari pachigaro choumambo”) haarevi kuti vanofanira kuva kudenga. Nzvimbo yavari “inoonekwa” naMwari, uyo anotiudza kuti anoona vanakomana vevanhu ari kudenga.—Pis. 11:4; enzanisa naMateu 25:31-33; Ruka 1:74, 75; Mabasa 10:33.
“Boka guru revanhu vaiva kudenga” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 19:1, 6 rakasiyana ne“boka guru” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9. Vaya vari kudenga havataurwi kuti “vanobva kumarudzi ose” kana kuti vanotaura kuti vanowana ruponeso kuGwayana; ivo ingirozi. Mashoko okuti “boka guru” anoshandiswa kureva zvakasiyana-siyana muBhaibheri.—Mako 5:24; 6:34; 12:37.
Vaya vanoenda kudenga vachanoitei ikoko?
Zvak. 20:6: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Uyewo Dhanieri 7:27)
1 VaK. 6:2: “Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika?”
Zvak. 5:10: “Makaita kuti vave umambo nevapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika [“panyika,” BUS].” (Shoko rimwe chete iroro rechiGiriki uye maumbirwo egirama mamwe chete iwayo zvinowanika pana Zvakazarurwa 11:6.)
Ndiani anosarudza vaya vachaenda kudenga?
2 VaT. 2:13, 14: “Hama dzinodiwa naJehovha, tinosungirwa kuti tigare tichionga Mwari nokuda kwenyu, nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokukutsvenesai nomudzimu uye nokutenda kwenyu muchokwadi. Akakudanirai izvozvi chaizvo nemashoko akanaka atinozivisa, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu.”
VaR. 9:6, 16: “Havasi vose vanobva kuna Israeri vari ‘Israeri’ chaiye. . . . hazvisi kuna iye anoda kana kuna iye anomhanya, asi zviri kuna Mwari ane ngoni.”