Ganhuro 21
Madambudziko aJehovha pachiKristudhomu
Chiono 5—Zvakazarurwa 8:1–9:21
Musoro: Kurira kwehwamanda nhanhatu dzenomwe
Nguva yezadziko: Kubvira pakugadzwa pachigaro kwaKristu Jesu muna 1914 kusvikira kudambudziko guru
1. Chii chinoitika apo Gwayana rinonamanura chisimbiso chechinomwe?
“MHEPO ina” dzakadziviswa kutozosvikira vane 144 000 vaIsraeri womudzimu vaiswa chisimbiso uye boka guru ratenderwa nokuda kworupukunyuko. (Zvakazarurwa 7:1-4, 9) Zvisinei, dutu iroro ramasimba masimba risati ravhuvhuta papasi, marutongeso akashata aJehovha panyika yaSatani anofanirawo kuziviswa! Sezvo Gwayana rinopfuurira kunamanura chisimbiso chechinomwe nechokupedzisira, Johane anofanira kuve ari kusanotarira kuona chiri kuwadzanyurika. Zvino iye anogoverana chinoitika chake nesu: “Uye apo iye [Gwayana] akanamanura chisimbiso chechinomwe, kunyarara kwakavapo mudenga kweinenge hafu yeawa. Ipapo ini ndakaona ngirozi nomwe idzo dzakamira pamberi paMwari, uye dzakapiwa hwamanda nomwe.”—Zvakazarurwa 8:1, 2.
Nguva Yomunyengetero Wokushingaira
2. Chii chinoitika mukati mehafu yeawa yokufananidzira yokunyarara mudenga?
2 Haiwa kunokosha sei kunyarara uku! Hafu yeawa inogona kuratidzika kuva nguva refu apo iwe unenge uchimirira chimwe chinhu kuitika. Zvino, kunyange rwiyo runopfuurira rwokudenga rwerumbidzo haruziri kunzwikazve. (Zvakazarurwa 4:8) Neiko? Johane anoona chikonzero chacho muchiono: “Ipapo imwe ngirozi yakasvika ndokumira paatari, ine mudziyo wendarama wezvinonhuwira; uye yakapiwa chitsama chikuru chezvinonhuwira kuti izvipire pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose paatari yendarama yakanga iri pamberi pechigaro choumambo. Ipapo utsi hwezvinonhuwira hwakakwira huchibva muruoko rwengirozi pamwe chete neminyengetero yavatsvene pamberi paMwari.”—Zvakazarurwa 8:3, 4.
3. (a) Ko kupiswa kwezvinonhuwira kunotiyeuchidza nezvechii? (b) Chii chiri donzo rehafu yeawa yokunyarara mudenga?
3 Ikoku kunotiyeuchidza kuti mutsika yezvinhu yechiJudha, zvinonhuwira zvaipiswa zuva nezuva patabhernakeri uye, mumakore apashure, patembere muJerusarema. (Eksodho 30:1-8) Mukati mokupiwa kwakadaro kwezvinonhuwira, vaIsraeri vasati vari vaprista vaimirira kunze kwenzvimbo tsvene, vachinyengetera—pasina panikiro chinyararire mumwoyo yavo—kuno Uyo utsi hwezvinonhuwira hwakanga huchikwira kwaari. (Ruka 1:10) Johane zvino anoona chimwe chinhu chakafanana chichiitika mudenga. Zvinonhuwira zvinopiwa nengirozi zvinobatanidzwa ne“minyengetero yavatsvene.” Kutaura idi, muchiono chapakuvamba-vamba, zvinonhuwira zvinotaurwa kuva zvinomirira minyengetero yakadaro. (Zvakazarurwa 5:8; Pisarema 141:1, 2) Nomutoo unooneka, ipapoka, kunyarara kwokufananidzira mudenga ndekwokubvumira minyengetero yavatsvene pasi pano kuti inzwike.
4, 5. Ndizvinoitikai zvenhau zvinotibetsera kusarudza nhambo yenguva inowirirana nehafu yeawa yokufananidzira yokunyarara?
4 Tinogona here kusarudza apo ikoku kwakaitika? Hungu, tinogona, kupfurikidza nokunzvera mashoko akapoteredza, pamwe chete nezvinoitika zvenhau mukuvamba mezuva raShe. (Zvakazarurwa 1:10) Muna 1918 na1919, zvinoitika pasi pano zvakatsinhirana nomutoo wakatanhamara nechiono chinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 8:1-4. Kwamakore 40 pamberi pa1914, Vadzidzi veBhaibheri—sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaiidzwa kudaro panguva iyeyo—zvakanga zvave zvichizivisa nomutoo woushingi kuti Nguva dzaVamarudzi dzaizoguma mugore irero. Zvinoitika zvinotambudza zva1914 zvakazvibvumikisa kuva zvakarurama. (Ruka 21:24, King James Version; Mateo 24:3, 7, 8) Asika vazhinji vazvo vaidavirawo kuti muna 1914 ivo vaizotorwa papasi rino kuenda kunhaka yavo yokudenga. Ikoku hakuna kuitika. Panzvimbo pakwo, mukati mehondo yenyika yokutanga, ivo vakatsungirira nguva yechitambudzo chakakomba. Pana October 31, 1916, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Charles T. Russell, akafa. Tevere, pana July 4, 1918, purezidhendi mutsva, Joseph F. Rutherford, navamwe vamiriri vanomwe veSosaiti vakaendeswa kuAtlanta, Georgia, jere ravane mhaka dzakakomba, vatongerwa nomutoo usino kururama kumakore akawanda mutorongo.
5 MaKristu apachokwadi eboka raJohane akakangaidzika. Ko Mwari akada kuti vaitei chinotevera? Ndirini pavaizoendeswa kudenga? Nyaya ino musoro unoti “Kucheka kwakaguma—Chii Chichatevera?” yakaoneka muchinyorwa cheThe Watch Tower chaMay 1, 1919. Chakaratidzira uyu mugariro wokusatsarukana ndokukurudzira vakatendeka kutsungiriro inopfuuridzwa, ichiwedzera, kuti: “Tinodavira kuti zvino kutaura kwechokwadi kuti kuchekwa kweboka roumambo kwakapera, kuti vose vakadaro vakaiswa chisimbiso nomutoo wakakodzera uye kuti suo rakapfigwa.” Mukati meiyi nhambo inotambudza, minyengetero yokushingaira yeboka raJohane yakanga ichikwira, sokunge zvakadaro muutsi hwechitsama chikuru chezvinonhuwira zvikuru. Uye minyengetero yavo yakanga ichinzwiwa!
Kukandira Mwoto Kupasi
6. Chii chinoitika pashure pokunyarara mudenga, uye ikoko mudavidzo yechii?
6 Johane anotiudza, kuti: “Asi pakarepo ngirozi yakatora mudziyo wezvinonhuwira, uye yakauzadza nomumwe womwoto weatari ndokuukandira kupasi. Ipapo kutinhira kwakaitika uye manzwi nemheni nokudengenyeka kwapasi.” (Zvakazarurwa 8:5) Pashure pokunyarara, panova nomubato wakamwe kamwe unokatyamadza! Ikoku sezvinooneka kuri mudavidzo kuminyengetero yavatsvene, sezvaunonyandurwa nomwoto wakatorwa paatari yezvinonhuwira. Kare muna 1513 B.C.E., paGomo reSinai, kutinhira nemheni, nenzwi guru, mwoto, nokuzunguzika kwegomo kwakaratidzira kutendeudzira kwaJehovha ngwariro yake kuvanhu vake. (Eksodho 19:16-20) Kuratidzirwa kwakafanana kunoshumwa naJohane nomutoo wakafanana kunoratidzira kupa ngwariro kwaJehovha kuvabatiri vake pasi pano. Asi icho Johane anocherekedza chinomirirwa muzviratidzo. (Zvakazarurwa 1:1) Naizvozvo ko mwoto, kutinhira, manzwi, nemheni, uye kudengenyeka kwapasi zvokufananidzira zvinodudzirwa sei nhasi?
7. (a) Jesu akavesa mwotoi wokufananidzira pasi pano mukati moushumiri hwake? (b) Ko hama dzomudzimu dzaJesu dzakavesa mwoto sei muchiKristudhomu?
7 Pane imwe nhambo, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Ini ndakauya kuzotanga mwoto pasi pano.” (Ruka 12:49) Zvamazvirokwazvo, iye akavesa mwoto. Kupfurikidza nokuparidzira kwake kwokushingaira, Jesu akaita Umambo hwaMwari chirevo chikuru pamberi pavanhu vechiJudha, uye ikoku kwakanyandura kuitirana nharo kwakakasharara murudzi irworwu rwose. (Mateo 4:17, 25; 10:5-7, 17, 18) Muna 1919 hama dzomudzimu dzaJesu dziri pasi pano, boka duku ramaKristu akazodzwa akanga apukunyuka mazuva omuedzo weHondo yeNyika I, akavesa mwoto wakafanana muchiKristudhomu. Muna September wegore irero, mudzimu waJehovha nomutoo wakatanhamara wakaoneka sezvo Zvapupu zvake zvakavimbika zvakaungana paCedar Point, Ohio, U.S.A. zvichibva munzvimbo iri yose. Joseph F. Rutherford, achangobva kusunungurwa mutorongo uye aizoona mhosva dzose dzaaipomerwa dzichibviswa nokukurumidza, akataura noushingi pakokorodzano iyoyo, achiti: “Tichiteerera kumurairo waShe wedu, uye tichiziva ropafadzo yedu nomusengwa wokurwisana nenhare dzechikanganiso idzo dzakabata vanhu kwenguva refu zvikuru muusungwa, basa redu rakanga riri kuzivisa uye nderokuzivisa umambo hwaMesiya hune mbiri hunouya.” Ichecho ndicho chirevo chikuru—Umambo hwaMwari!
8, 9. (a) Ko J. F. Rutherford akarondedzera sei chimiro chendangariro nechishuvo chavanhu vaMwari mukati mamakore anotambudza ehondo? (b) Kwakaita sei kuti mwoto wakakandirwa kupasi? (c) Ko kutinhira, manzwi, mheni, uye kudengenyeka kwapasi zvakaitika sei?
8 Achinongedzera kuzvinoitika zvakakasharara zvemisi ichangobva kupfuura zvavanhu vaMwari, mukurukuri akati: “Kudenha kwomuvengi kwakanga kusina tsitsi zvikuru zvokuti vazhinji veboka rinodiwa vaShe vakakatyamadzwa ndokumira vachishamiswa, vachinyengetera nokumirira Ishe kuratidzira kuda kwake. . . . Asika pasinei hapo nokuodzwa mwoyo kwechinguvana, pakanga pane chishuvo chokudisisa chokuparidzira shoko roumambo.”—Ona The Watch Tower yaSeptember 15, 1919, papeji 280.
9 Muna 1919 chishuvo ichocho chakagutswa. Iri boka duku asi rinoshingaira ramaKristu rakaiswa pamwoto, kutaura nenzira yokumudzimu, kuti rivambe nhimbe yokuparidzirwa kwenyika yose. (Enzanisa na1 VaTesaonika 5:19.) Mwoto wakakandirwa kupasi mukuti Umambo ihwohwo hwaMwari hwakaitwa chirevo chakakasharara, uye naizvozvo hunopfuurira kuva hwakadaro! Manzwi ane simba akatsiva kunyarara, achizivisa shoko roUmambo nokujeka. Nyevero dzamadutu dzinotinhira dzinobva muBhaibheri dzakaungira. Sokupenya kwemheni, mwaranzi inopenya yezvokwadi yakaratidzirwa kubva muShoko rouporofita raMwari, uye, sokunge kuti kupfurikidza nokudengenyeka kwapasi kune simba, nzvimbo yorudzidziso yakazununguswa kusvikira kunheyo dzayo. Boka raJohane rakaona kuti kwakanga kune basa rinoda kuitwa. Uye kusvikira kuzuva rino, basa irero rinopfuurira kufutunuka nomutoo wembiri mupasi rose rose rinogarwa!—VaRoma 10:18.
Kugadzirira Kuridzwa Kwehwamanda
10. Ko ngirozi nomwe dzinogadzirira kuitei, uye nei?
10 Johane anopfuurira kuti: “Ipapo ngirozi nomwe dzine hwamanda nomwe dzakagadzirira kudziridza.” (Zvakazarurwa 8:6) Ko kuridzwa kwehwamanda idzodzo kunorevei? Mumazuva aIsraeri, kurira kwehwamanda kwaishandiswa kuratidzira mazuva anokosha kana kuti zvinoitika zvinokosha. (Revhitiko 23:24; 2 Madzimambo 11:14) Nomutoo wakafanana, kurira kwehwamanda uko Johane achanzwa kucharereudzira ngwariro kunhau dzoukoshi hworufu noupenyu.
11. Ko boka raJohane rakanga rakabatikana kubvira mu1919 kusvikira kuna 1922 mubasai regadziriro?
11 Ngirozi zvadzakagadzirira kuridza hwamanda idzedzo, pasina panikiro idzo dzakanga dzichipawo nhungamiro kubasa regadziriro pasi pano. Kubvira muna 1919 kusvikira muna 1922, boka raJohane rakasimbiswa rakanga richishingaira mukurongazve ushumiri hwapamhene uye kuvaka nzvimbo dzokubudisira zvinyorwa. Muna 1919 magazini inonzi The Golden Age, yozivikanwa nhasi saMukai!, yakanga yave ichibudiswa se“Magazini Yeidi, Tariro, uye Kupwiswa”—mudziyo wakafanana nehwamanda uyo waizoita rutivi rukuru mukufumura kubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika kworudzidziso rwenhema.
12. Chii chinoziviswa nokurira kumwe nokumwe kwehwamanda, kuchitiyeuchidza nezvechii muzuva raMosesi?
12 Sezvatichaona zvino, kurira kumwe nokumwe kwehwamanda kunozivisa chiono chinokatyamadza umo madambudziko anotyisa anotapura zvikamu zvapasi. Mamwe aiwawa anotiyeuchidza nezvamadambudziko ayo Jehovha akatumira kuzoranga vaEgipita muzuva raMosesi. (Eksodho 7:19–12:32) Iwawa aiva ratidzirwo dzorutongeso rwaJehovha parudzi irworwo, uye akazarurira nzira vanhu vaMwari kubuda muutapwa. Madambudziko akaonwa naJohane anoita chimwe chinhu chakafanana. Zvisinei, iwo haazati ari madambudziko chaiwoiwo. Iwo zviratidzo zvinofananidzira rutongeso rwakarurama rwaJehovha.—Zvakazarurwa 1:1.
Kuzivisa “Chetatu”
13. Chii chinoitika apo hwamanda dzokutanga ina dzinoridzwa, uye ikoku kunomutsa mubvunzoi?
13 Sezvatichaona, apo hwamanda ina dzokutanga dzinoridzwa, madambudziko anoitwa pa“chetatu” chapasi, chegungwa, chenzizi namatsime emvura, nechamanyuko apasi echiedza. (Zvakazarurwa 8:7-12) Chetatu rutivi rwakati kuti rwechimwe chinhu asi chisati chiri chose. (Enzanisa naIsaya 19:24; Ezekieri 5:2, 3; Zekaria 13:8, 9.) Naizvozvo ndechipi “chetatu” chaizvo chinoisvofanirwa namadambudziko iwawa? Voruzhinjisa zvikuru vavanhu vakapofumadzwa ndokushatiswa naSatani nembeu yake. (Genesi 3:15; 2 VaKorinte 4:4) Mugariro wacho uri sezvakarondedzerwa naDhavhidhi, kuti: “Ivo vose vakatsauka, ivo vose vakashata nomutoo wakafanana; hapana nomumwe anoita zvakanaka, kwete kunyange mumwe.” (Pisarema 14:3) Hungu, vanhu vose vari mungozi yokuwana rutongeso rwakashata. Asi chikamu chimwe chete chavo chine mhaka zvikurukuru. Rutivi rumwe—“chetatu”—chinofanira kuve chaiziva zviri nani zvikuru! Chii chiri “chetatu” ichecho?
14. Chii chiri chetatu chokufananidzira chinowana mashoko anorwadza anobva kuna Jehovha?
14 Ndicho chiKristudhomu! Muma1920, nzvimbo yacho yakamonzvera chinenge chetatu chimwe chavanhu. Rudzidziso rwacho chibereko chokutsauka pakutenda kukuru kubva pachiKristu chechokwadi—kutsauka pakutenda uko Jesu navadzidzi vake vakadeya kuzivisa. (Mateo 13:24-30; Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3; 2 Petro 2:1-3) Vafundisi vechiKristudhomu vanokambira kuva vari mutembere yaMwari uye vakazvipa ivo vamene savadzidzisi vechiKristu. Asi dzidziso dzavo dziri kure kure nezvokwadi yeBhaibheri, uye vanopfuurira kupinza zita raMwari muruzvidzo. Chichimirirwa nomutoo wakakodzera nechetatu chokufananidzira, chiKristudhomu chinowana mashoko ane simba, anotambudza anobva kuna Jehovha. Chetatu ichecho chavanhu hachifanirwi nenyasha dzoumwari kana zvoita sei hazvo!
15. (a) Ko kumwe nokumwe kwokurira kwehwamanda kwakaganhurirwa kugore rakati kuti here? Tsanangura. (b) Inzwi raani rakawedzerwa kune rero reboka raJohane mukuzivisa marutongeso aJehovha?
15 Mukuwirirana nokuvapo kwenhevedzano yokurira kwehwamanda, zvisarudzo chaizvo zvakaratidzirwa pakokorodzano nomwe kubvira muna 1922 kusvikira kuna 1928. Asika kuridzwa kwehwamanda hakuna kuganhurirwa kumakore iwawo. Kufumurwa kune simba kwenzira dzakaipa dzechiKristudhomu hakuna kuganhurirwa kumakore iwawo. Kufumurwa kune simba kwenzira dzakaipa dzechiKristudhomu kwave kuchipfuurira, kuchienderera mberi, sezvo zuva raShe rinoenderera mberi. Marutongeso aJehovha anofanira kuziviswa munyika yose, kumarudzi ose, pasinei hapo noruvengo nezvitambudzo zvamarudzi ose. Panguva iyoyo bedzi mugumo wetsika yaSatani unosvika. (Marko 13:10, 13) Nomufaro, boka guru zvino rakawedzera inzwi raro kune rero reboka raJohane mukuita zviziviso izvozvo zvinotinhira zvoukoshi hwapasi rose.
Chetatu Chapasi Chakatsva
16. Chii chinotevera apo ngirozi yokutanga inoridza hwamanda yayo?
16 Achishuma pamusoro pengirozi, Johane anonyora, kuti: “Uye yokutanga yakaridza hwamanda yayo. Ipapo pakavapo chimvuramabwe nemwoto wakasangana neropa, uye wakakandirwa kupasi, chetatu chapasi chakatsva, uye chetatu chemiti chakatsva, zvinomera zvose zvakasvibira zvakatsva.” (Zvakazarurwa 8:7) Irori rakafanana nedambudziko rechinomwe paEgipita, asika rinoreveiko nokuda kwenguva yedu?—Eksodho 9:24.
17. (a) Chii chinomirirwa neshoko rokuti “pasi” pana Zvakazarurwa 8:7? (b) Ko chetatu chechiKristudhomu chapasi chinotsva sei?
17 MuBhaibheri, shoko rokuti “pasi” rinowanzonongedzera kuvanhu. (Genesi 11:1; Pisarema 96:1) Sezvo dambudziko rechipiri riri pagungwa, iro rine chokuitawo navanhu, “pasi” rinofanira kunongedzera kuchaunga chavanhu chinoratidzika kuva chakatsiga icho Satani akaumba uye icho chodokuparadzwa. (2 Petro 3:7; Zvakazarurwa 21:1) Chiono chamadambudziko chinowadzanyura kuti chetatu chechiKristudhomu chapasi chinopiswa nokupisa kunobvuraudza kwokusatendera kwaJehovha. Vakatanhamara vacho—vamire semiti pakati pacho—vanopiswa nokuparidzirwa kworutongeso rwakashata rwaJehovha. Mazana acho ose amamiriyoni emitezo yechechi, kana achipfuurira kutsigira rudzidziso rwechiKristudhomu, anova akafanana nendyiswa dzakabvuraudzwa dzouswa, dzakasvava mumudzimu mumeso aMwari.—Enzanisa nePisarema 37:1, 2.a
18. Ko shoko rorutongeso raJehovha rakaziviswa sei pakokorodzano ya1922 paCedar Point?
18 Ko iri shoko rorutongeso rinoendeswa sei? Zvikurukuru, kwete kupfurikidza nemitoo yokutepfunyura yenyika, iyo iri rutivi rwenyika uye inowanzova inozvidza “muranda” waMwari. (Mateo 24:45) Iro rakaparidzirwa nenzira yakatanhamara pakuungana kwechipiri kwenhau kwavanhu vaMwari paCedar Point, Ohio, September 10, 1922. Ivava muhumwe vakagamuchira nembavarira chisarudzo chinonzi “Denho Kuvatungamiriri Venyika.” mumashoko okusasvitsa, icho chakanyevera pasi rokufananidzira, sezvinotevera, kuti: “Nokuda kwechikonzero ichecho isu tinodana pamarudzi apasi, vabati ushe vao navatungamiriri, napavafundisi vavo vose vamachechi ose amasangano apasi, vateveri vavo navabatani vavo, mabhizimisi makuru navezvamatongerwe enyika vakuru, kuratidzira chibvumikiso chavo chinotsigira kutaura kwavo kwokuti vanogona kusimbisa rugare nokugarika pasi pano ndokuunza mufaro kuvanhu; uye kukundikana kwavo muna ikoku, tinodana pavari kuteerera chipupuriro chatinopa sezvapupu nokuda kwaShe, uye panguva iyeyo ngavataure kana chipupuriro chedu chiri chechokwadi kana kuti kwete.”
19. Ko vanhu vaMwari vakaendesa kuchiKristudhomu chipupuriroi pamusoro poUmambo hwaMwari?
19 Ko aya maKristu akapa chipupuriroi? Ichi: “Isu tinotsigira uye tinoparidzira kuti Umambo hwaMesiya ndihwo mushonga wakakwana nokuda kwezvirwere zvose zvavanhu uye huchavigira rugare pasi pano nefariro kuvanhu, chishuvo chamarudzi ose; kuti avo vanozvipa ivo vamene nokudisa kukutonga kwake kwakarurama zvino kwakavamba vachakomborerwa norugare rusingaperi, upenyu, rusununguko nomufaro usingagumi.” Munguva dzino dzakashata, apo hurumende dzinoitwa nomunhu, zvikurukuru idzo dziri muchiKristudhomu, dziri kukundikana chose chose kugadzikisa zvinetso zvenyika, kokero iyoyo yokuridzwa kwehwamanda inonzwika nesimba rinoramba richikura zvikuru kupinda muna 1922. Haiwa ndokwechokwadi sei kuti Umambo hwaMwari huri musimba raKristu anokurira ndihwo tariro imwe uye bedzi yavanhu!
20. (a) Ko mashoko orutongeso muna 1922 uye pashure pacho akaziviswa kupfurikidza nomutooi neungano dzamaKristu akazodzwa? (b) Chii chakaparirwa muchiKristudhomu nokurira kwehwamanda yokutanga?
20 Kupfurikidza nezvisarudzo, maturakiti, mabhukwana, mabhuku, magazini, nehurukuro, ikoku uyewo kuparidzira kwapashure zvakaziviswa kupfurikidza neungano dzamaKristu akazodzwa. Kurira kwokutanga kwehwamanda kwakaparira kuva kwechiKristudhomu chinorohwa senemvura yakaomeswa yechimvuramabwe chinotaka. Kuva kwacho nemhaka yeropa, nokuda kwokugoverana kwacho muhondo dzomuzana ramakore rechi20, kwakafukurwa, uye icho chave chichiratidzirwa kuva chakafanirwa nokuratidzirwa kwokutsamwa kwehasha dzaJehovha. Boka raJohane, kupfurikidza netsigiro yapashure inobva kuboka guru, rakapfuurira mukuridzazve kurira kwehwamanda yokutanga, richirereudzira ngwariro kumurangariro waJehovha wechiKristudhomu, sechiri chakakodzera nokuda kworuparadziko.—Zvakazarurwa 7:9, 15.
Chakafanana Negomo Rinopfuta Mwoto
21. Chii chinoitika apo ngirozi yechipiri inoridza hwamanda yayo?
21 “Ipapo ngirozi yechipiri yakaridza hwamanda yayo. Uye chimwe chinhu chakafanana negomo guru rinopfuta mwoto chakakandirwa mugungwa. Ipapo chetatu chegungwa chakava ropa; uye chetatu chezvisikwa izvo zviri mugungwa zvine mweya chakafa, uye chetatu chezvikepe chakaputsika.” (Zvakazarurwa 8:8, 9) Ko ichi chiono chinotyisa chinofananidzirei?
22, 23. (a) Pasina panikiro chisarudzoi chakavapo somuuyo wokurira kwehwamanda yechipiri? (b) Chii chinomirirwa ne“chetatu chegungwa”?
22 Tingachinzwisisa zvakanakisisa pamugariro wekokorodzano yavanhu vaJehovha yakaitirwa muLos Angeles, California, U.S.A. pana August 18-26, 1923. Hurukuro yamasikati yeChitanhatu yakasimbisa mapfundo makuru yakakurukurwa naJ. F. Rutherford yakanga iri pamusoro unoti “Makwai Nembudzi.” “Makwai” akaziviswa zvakajeka savanhu avo vane chimiro chendangariro chakarurama avo vaizogara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo hwaMwari. Chisarudzo chakatevera chakarereudzira ngwariro kuunyengeri hwa“vafundisi vakatsauka pakutenda na‘vakatanhamara vamapoka avo,’ avo vari vanhu venyika vepesvedzero yakasimba mune zvemari nemune zvamatongerwe enyika.” Chakadana pa“vazhinji-zhinji vavanhu vanoda rugare norunyararo vari mumachechi amasangano . . . kuti vazvibvise ivo vamene mumasangano asino kururama avafundisi akadudzwa naShe se‘Bhabhironi’” uye kuzvigadzirira ivo vamene “kuwana zvikomborero zvoumambo hwaMwari.”
23 Pasina panikiro, ichi chisarudzo chakavapo somuuyo wokurira kwehwamanda yechipiri. Avo munguva yakafanira vaizodavidza kushoko irero vaizoparadzana nevaya vakarondedzerwa naIsaya naaya mashoko, anoti: “Asi vakaipa vakafanana negungwa riri kubvongodzwa, apo iro rinenge risingakwanisi kuterama, mvura dzaro dzinoramba dzichibudisa masora egungwa namatope.” (Isaya 57:20; 17:12, 13) Nokuda kwechikonzero ichecho, “gungwa” rinosanofananidzira vanhu vasina kuterama, vasina kugadzikana, navanhu vanopandukira vanonyandura kusaterama nokumukira. (Enzanisa naZvakazarurwa 13:1.) Nguva ichasvika apo “gungwa” irero risati richizovapozve. (Zvakazarurwa 21:1) Kuri zvino, kupfurikidza nokurira kwehwamanda yechipiri, Jehovha anozivisa rutongeso pachetatu charo—rutivi rusingadzoreki rwuri munzvimbo yechiKristudhomu icho chimene.
24. Chii chinofananidzirwa nezivhinga regomo rinopfuta mwoto rakakandirwa mugungwa?
24 Zivhinga rakafanana negomo guru rinopfuta mwoto rinokandirwa mune iri “gungwa.” MuBhaibheri, makomo kazhinji kazhinji zvikuru anofananidzira hurumende. Somuenzaniso, Umambo hwaMwari hunoratidzirwa segomo. (Dhanieri 2:35, 44) Bhabhironi rinoparadza rakava “gomo rakapiswa.” (Jeremia 51:25) Asi zivhinga regomo iro Johane anoona richiri kutsva. Kuva kwaro rinokandwa mugungwa kunosanomirira kuti, mukati napashure pehondo yenyika yokutanga, chirevo chehurumende chakava sei nhau inopfuta mwoto pakati pavanhu, zvikurukuru munyika dzechiKristudhomu. MuItaly, Mussolini akasuma chiFasizimu. Germany yakagamuchira chiNasizimu chaHitler, apo dzimwe nyika dzakaedza zvimwe zvimiro zvakasiyana-siyana zvesosharizimu. Chinjo huru yakaitika muRussia, umo kumukira kwavaBolshevik kwakaparira hurumende yokutanga yechiKomonisiti, nomuuyo wokuti vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vakarashikirwa nesimba nepesvedzero mune yaichimbova imwe yenhare dzavo.
25. Ko hurumende yakapfuurira sei kuva chirevo chinopfuta mwoto pashure peHondo yeNyika II?
25 Kuedza kwechiFascist nechiNazi kwakabviswa nehondo yenyika yechipiri, asi hurumende yakapfuurira kuva nhau inopfuta mwoto, uye gungwa ravanhu rakapfuurira kunyandura nokubudisa hurumende itsva dzinomukira. Mumakumi amakore akatevera 1945, idzodzi dzakagadzwa munzvimbo zhinji, dzakadai seChina, Vietnam, Cuba, uye Nicaragua. MuGirisi kuedza kwokudzora kwoushushi hwavarwi kwakakundikana. MuKampuchea (Cambodia) nhimbe yokupinda muchiKomonizimu chisingadi kuchinja yakaparira nzufu dzina mamiriyoni maviri uye dzinopfuura akashumwa.
26. Ko “gomo rinopfuta mwoto” rakapfuurira sei kuita mafungu mugungwa ravanhu?
26 “Gomo rinopfuta mwoto” iroro rakapfuurira kuita mafungu mugungwa ravanhu. Parapatiko pamusoro pehurumende dzakashumwa muAfrica, America, Asia, neZvitsuwa zvePacific. Zhinji dzeparapatiko idzodzi dzakaitika munyika dzechiKristudhomu kana kuti umo vafundisi vechiKristudhomu vakava vezvokushingaira vezvamatongerwe enyika. Vaprista veRoma Katurike vakatokumbanira ndokurwa semitezo yamapoka echimurenga echiKomonisiti. Panguva imwe cheteyo, mapoka eevhangeri echiPurotesitendi akashanda muCentral America kurwisa chavaiidza kuti “nyota inorura neyoutsinye nokuda kwesimba” zvechiKomonisiti. Asika hapana nokumwe kwouku kubvongodza mugungwa ravanhu kwakaunza rugare nechengeteko.—Enzanisa naIsaya 25:10-12; 1 VaTesaronika 5:3.
27. (a) Ko “chetatu chegungwa” chakava sei seropa? (b) Ko ‘chetatu chezvisikwa zviri mugungwa’ chakafa sei uye “chetatu chezvikepe” chinoguma sei?
27 Kurira kwehwamanda yechipiri kunowadzanyura kuti avo vavanhu vanobatanidzwa murwisano dzokumukira pamusoro pehurumende panzvimbo pokuzviisa pasi poUmambo hwaMwari vane mhaka yeropa. Zvikurukuru “chetatu chegungwa” chechiKristudhomu chakava seropa. Zvinhu zvose zvipenyu zviri machiri zvakafa mukuona kwaMwari. Hapana nerimwe ramasangano okuchinja anoyanguruka sezvikepe muchetatu ichecho chegungwa rinogona kudzivisa kuputsika kwokupedzisira. Haiwa tinofara sei kuti mamiriyoni avanhu vakafanana namakwai zvino akatetekera danidziro yakafanana nokurira kwehwamanda yokuparadzana naavo vachiri kuumburuka muurudzi hwakaganhurirwa nomumhaka yeropa yegungwa irero!
Nyeredzi Inowa Kudenga
28. Chii chinoitika apo ngirozi yechitatu inoridza hwamanda yayo?
28 “Ipapo ngirozi yechitatu yakaridza hwamanda yayo. Uye nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje yakawa mudenga, uye yakawira pamusoro pechetatu chenzizi napamusoro pamatsime emvura. Uye zita renyeredziyo rinonzi Chinovava. Uye chetatu chemvura chakashanduka kuva chinovava, uye vazhinji vavanhu vakafa nemvura, nokuti idzodzi dzakanga dzavaviswa.” (Zvakazarurwa 8:10, 11) Zvakare, mamwe mativi eBhaibheri anotibetsera kuona kuti uru rugwaro runoshanda sei muzuva raShe.
29. Chii chinozadzika zvinoitika zvokufananidzira zve“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje,” uye nei?
29 Takaona chinofananidzirwa nenyeredzi mumashoko aJesu aitumirwa kuungano nomwe, umo nyeredzi nomwe dzinofananidzira vakuru vari mudziungano.b (Zvakazarurwa 1:20) “Nyeredzi” dzakazodzwa, pamwe chete navamwe vavakazodzwa, vanogara munzvimbo dzokudenga mupfungwa yomudzimu kubvira panguva yavanoiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene sechisimbiso chenhaka yavo yokudenga. (VaEfeso 2:6, 7) Zvisinei, muapostora Pauro akanyevera kuti pakati pavakadaro vakafanana nenyeredzi paizobuda vatsauki pakutenda, vezvamasekete, vaizotsausa boka. (Mabasa 20:29, 30) Kusatendeka kwakadaro kwaizoparira kutsauka pakutenda kukuru, uye ava vakuru vakawa vaizosvika pakuumba munhu womubatanidzwa wokusateerera mutemo aizozvisimudzira iye amene kunzvimbo yakafanana neyaMwari pakati pavanhu. (2 VaTesaronika 2:3, 4) Nyevero dzaPauro dzakazadzika apo vafundisi vechiKristudhomu vakaoneka panzvimbo yenyika. Iri boka rinosanomirirwa nomufananidzo we“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje.”
30. (a) Apo mambo weBhabhironi akataurwa kwaari souyo akawa kudenga, chii chakarehwa? (b) Ko kuwa kudenga kunogona kunongedzera kuchii?
30 Johane anoona iyi nyeredzi chaiyoiyo ichiwa kudenga. Seiko? Zvinoitika zvamambo wekare zvinotibetsera kunzwisisa. Achitaura kuna mambo weBhabhironi, Isaya akati: “Haiwa, wawa sei kudenga, iwe nyamasase, mwanakomana wamambakwedza! Haiwa warigirwa pasi sei, iwe wakanga uchiremadza marudzi!” (Isaya 14:12) Uhwu uporofita hwakazadzika apo Bhabhironi rakakurirwa namauto aKoreshi, uye mambo waro achiwisirwa pakarepo kukukurirwa kunonyadzisa achibva paubati ushe hwenyika. Nokudaro, kuwa kudenga kunogona kunongedzera kukurashikirwa nenzvimbo yakakwirira ndokuwira muruzvidzo.
31. (a) Ko vafundisi vechiKristudhomu vakawa kunzvimbo “yokudenga” rini? (b) Ko mvura dzakapiwa navafundisi dzakashanduka sei kuva “chinovava,” uye nomuuyoi kuvazhinji?
31 Apo vafundisi vechiKristudhomu vakatsauka pakutenda pachiKristu chechokwadi, vakawa munzvimbo yakakwirira yo“kudenga” yakarondedzerwa naPauro pana VaEfeso 2:6, 7. Panzvimbo pokupa mvura yakanaka yezvokwadi, ivo vakapa “chinovava,” nhema dzinovava dzakadai sehero yomwoto, purigatori, Utatu, nokudeya kutemerwa mugumo; uyewo, vakatungamirira marudzi kupinda muhondo, vachikundikana kuavaka savabatiri vane tsika vaMwari. Chii chakava muuyo wacho? Kushatswa kwomudzimu kwaavo vaidavira nhema. Chinoitika chavo chakafanana nechecho chavaIsraeri vasina kutendeka vomuzuva raJeremia, avo Jehovha akati kwavari: “Ndinovaita kuti vadye gavakava, uye ndichavapa mvura ine nduru kuti vanwe. Nokuti kutsauka pakutenda kwakabva pavaporofita veJerusarema kukaenda kunyika yose.”—Jeremia 9:15; 23:15.
32. Ko kuwa kwechiKristudhomu pamatenga omudzimu kwakaoneka rini, uye kwakaratidzirwa sei?
32 Uku kuwa mumatenga omudzimu kwakava kunooneka mugore ra1919 apo, panzvimbo pavafundisi vechiKristudhomu, vakasarira vashoma vamaKristu akazodzwa vakagadzwa pafariro dzoUmambo. (Mateo 24:45-47) Uye kubvira muna 1922 kuwa ikoko kwakaratidzirwa apo iri boka ramaKristu rakavandudza nhimbe yavo yokufumura nomutoo wokusasvitsa kundikano dzavafundisi vechiKristudhomu.
33. Kufumurwai kwavafundisi vechiKristudhomu kwakaitwa pakokorodzano ya1924 muColumbus, Ohio, U.S.A.?
33 Chakatanhamara muna ikoku chakanga chiri kuziviswa kwakaitwa pane icho magazini yeThe Golden Age yakarondedzera se“kokorodzano huru kune dzose yaVadzidzi veBhaibheri dzakaitwa mukati mamazerawo.” Iyi kokorodzano yakaunganwa muColumbus, Ohio, July 20-27, 1924. Pasina panikiro panhungamiro yengirozi yakaridza hwamanda yechitatu, chisarudzo chine simba chakagamuchirwa ipapo uye gare gare makopi ana mamiriyoni 50 akagoverwa seturakiti. Rakabudiswa mumusoro unoti Ecclesiastics Indicted. Musoro muduku wakaratidzira chirevo, chinoti: “Mbeu Yechipikirwa Inorwisanawo neMbeu Yenyoka.” Pomero iyo imene yakafumura chose chose vafundisi vechiKristudhomu panhau dzakadai sokutora kwavo mazita echiratidzo orudzidziso anonzwika kuva akakwirira, kuita kwavo vezvenhengeseranwa vakurusa uye vazivi vezvamatongerwe enyika vakuru vamapoka avo, kushuva kwavo kuva vanoonekera pamberi pavanhu, nokuramba kwavo kuparidza kuvanhu shoko roUmambo hwaMesiya. Yakasimbisa kuti muKristu ari wose akazvitsaurira anotumwa naMwari kuparidza “zuva ramatsive raMwari wedu; kunyaradza vose vanochema.”—Isaya 61:2, KJ.
34, 35. (a) Chii chakaitika kusimba ravafundisi nepesvedzero chifo chaapo ngirozi yechitatu yakatanga kuridza hwamanda yayo? (b) Ko nguva yemberi inei nokuda kwavafundisi vechiKristudhomu?
34 Chifo chaapo ngirozi yechitatu yakatanga kuridza hwamanda yayo, nzvimbo yavafundisi youdzori pakati pavanhu yave ichiderera kutozosvikira, muzuva rino nezera, vashomanene zvikuru vavo vane masimba akafanana neamwari avaifarikanya mumazana amakore ekare. Nokuda kwokuparidzira kweZvapupu zvaJehovha, zviverengero zvikuru zvavanhu zvakasvika pakuziva kuti dzidziso zhinji dzinodzidziswa navafundisi dzine nduru yomudzimu—“chinovava.” Kupfuurirazve, simba ravafundisi muEurope yokuchamhembe rodokupedzwa, apo mune dzimwe nyika zhinjisa dzeEurope yoKumabvazuva, uyewo China, hurumende inoshomekesa chaizvoizvo pesvedzero yavo. Mumativi echiKaturike eEurope nomuAmerica, mufambiro unonyadzisa wavafundisi munhau dzezvemari, dzezvamatongerwe enyika, uye tsika wakashatsa mukurumbira wavo. Kubvira zvino zvichienda mberi, nzvimbo yavo inogona bedzi kuva inoipisisa, sezvo nokukurumidza vachatambura mugumo mumwe chetewo savamwe vose vezvorudzidziso rwenhema.—Zvakazarurwa 18:21; 19:2.
35 Kurwadzisa kwaJehovha chiKristudhomu kuchigere kupera. Rangarira chinoitika pashure pokuridzwa kwehwamanda yechina.
Rima!
36. Chii chinoitika pashure pokunge ngirozi yechina yaridza hwamanda yayo?
36 “Ipapo ngirozi yechina yakaridza hwamanda yayo. Uye chetatu chezuva chakarovanywa, chetatu chomwedzi nechetatu chenyeredzi, kuti chetatu chazvo chigosvibiswa uye zuva rigorega kuva nechivheneko nokuda kwechetatu charo, uye usikuwo.” (Zvakazarurwa 8:12) Dambudziko rechipfumbamwe paEgipita rakanga riri dambudziko rerima chairoiro. (Eksodho 10:21-29) Asika chii chiri iri rima rokufananidzira rinouya kuzotambudza vanhu?
37. Ko muapostora Petro naPauro vakarondedzera sei mugariro womudzimu waavo vari kunze kweungano yachiKristu?
37 Muapostora Petro akaudza vateveri biyake kuti ivo vakanga vave vari murima, kutaura nenzira yokumudzimu, vasati vava maKristu. (1 Petro 2:9) Paurowo akashandisa shoko rokuti “rima” kurondedzera mugariro womudzimu waavo vari kunze kweungano yechiKristu. (VaEfeso 5:8; 6:12; VaKorose 1:13; 1 VaTesaronika 5:4, 5) Asika zvakadiniko naavo vari muchiKristudhomu vanokambira kuva vanodavira muna Mwari uye avo vanotaura kuti vanogamuchira Jesu soMuponesi wavo?
38. Ngirozi yechina inozivisa idii pamusoro pe“chiedza” chechiKristudhomu?
38 Jesu akataura kuti maKristu echokwadi aizozivikanwa kupfurikidza nezvibereko zvawo uye kuti vazhinji vaizokambira kuva vateveri vake vaizova “vaiti vokusateerera mutemo.” (Mateo 7:15-23) Hakuna munhu anoona zvibereko zvechetatu chenyika inogarwa nechiKristudhomu anogona kuramba kuti icho chiri kutsvangadzira murima gobvu romudzimu. (2 VaKorinte 4:4) Icho chakafanirwa zvikuru nokushorwa, nokuti chinokambira kuva chechiKristu. Nokudaro, kwakakodzera bedzi kuti ngirozi yechina inofanira kuzivisa idi rokuti “chiedza” chechiKristudhomu, kureva idi, irima, uye manyuko acho e“chiedza” ndeechiBhabhironi—hazvisati zviri zvechiKristu.—Marko 13:22, 23; 2 Timotio 4:3, 4.
39. (a) Ko chisarudzo chakagamuchirwa pakokorodzano muna 1925 chakarondedzera sei chiedza chenhema chechiKristudhomu? (b) Ndikumweizve kufumurwa kwakaitwa muna 1955?
39 Mukuwirirana nokuparidzira ikoko kwokudenga, boka guru ravanhu vaMwari rakaungana mukokorodzano muIndianapolis, Indiana, U.S.A. pana August 29, 1925, ndokugamuchira nokuda kwokubudisa chisarudzo chakananga chino musoro unoti “Shoko reTariro.” Zvakare, makopi ana mamiriyoni 50 akagoverwa muchiverengero chakati kuti chemitauro. Chakarondedzera chiedza chenhema chinoratidzirwa nomubatanidzwa pavawani vemhindu huru yezvokutengeserana, vatungamiriri vezvamatongerwe enyika, navafundisi vorudzidziso, zvokuti somuuyo wakwo “marudzi akawira murima.” Uye chakanongedzera Umambo hwaMwari sekariro chaiyo nokuda kwokuwana “zvikomborero zvorugare, rubudiriro, utano, upenyu, rusununguko nomufaro usingagumi.” Kwakada ushingi kuti boka duku ramaKristu akazodzwa riparidzire mashoko akadaro pasangano guru rechiKristudhomu. Asi nomutoo unobvumirana, kubvira muma1920 apakuvamba kutozosvikira zvino, iwo akaita kudaro. Munguva dzemisi ichangobva kupfuura iyi, muna 1955, kumwezve kufumurwa kweboka ravafundisi kwakaitwa negoverwo yenyika yose mumitauro mizhinji yebhukwana rine musoro unoti Christendom or Christianity—Which One Is “the Light of the World”? Nhasi, unyengeri hwechiKristudhomu hwazova hunooneka zvikuru zvokuti vazhinji vari munyika vanogona kuzvionera ivo vamene. Asi vanhu vaJehovha havana kurega kuchifumura nokuda kwezvachiri: umambo hwerima.
Gondo Rinobhururuka
40. Ko kuridzwa kwehwamanda ina kwakaratidzira chiKristudhomu kuvei?
40 Kurira kweidzi hwamanda ina dzokutanga zvamazvirokwazvo kwakaparira kufukurwa kwomugariro usine chinhu uye unouraya wechiKristudhomu. Rutivi rwacho rwa“pasi” rwakafumurwa serwakafanirwa norutongeso rwaJehovha. Hurumende dzinomukira dzinomuka munyika dzacho nokune dzimwe nzvimbo dzakaratidzirwa kuva dzinokuvadza kuupenyu hwomudzimu. Mugariro wakawa wavafundisi vacho wakaiswa pachena, uye rima ravose romugariro wacho womudzimu wakafukurwa kuti vose vaone. ChiKristudhomu zvamazvirokwazvo rutivi rune mutoro mukurusa rwetsika ino yezvinhu yaSatani.
41. Mukati mokutindika munhevedzano yokuridzwa kwehwamanda, Johane anoonei uye anonzwei?
41 Chii chimwezve chiripo chinoda kuwadzanyurwa? Tisati tawana mhinduro yomubvunzo iwowu, pane kutindika kupfupi munhevedzano yokurira kwehwamanda. Johane anorondedzera chaanoona chinotevera: “Ipapo ini ndakaona, uye ndakanzwa gondo richibhururuka pakati pedenga richitaura nenzwi guru, richiti: ‘Nhamo, nhamo, nhamo kuna avo vanogara papasi nokuda kwokumwe kwokurira kwasara kwehwamanda dzengirozi nhatu dzodokuridza hwamanda dzadzo!”—Zvakazarurwa 8:13.
42. Chii chingaratidzirwa negondo rinobhururuka, uye chii chiri shoko raro?
42 Gondo rinobhururuka kwakakwirira mudenga, zvokuti vanhu vari munharaunda yakafara vagone kuriona. Iro rine kuona kukurusa kwechienzi uye rinogona kuona kure kure mberi kwaro rimene. (Jobho 39:29) Chimwe chezvisikwa zvina zvamakerubhi akapoteredza chigaro choumambo chaMwari chakafananidzirwa negondo rinobhururuka. (Zvakazarurwa 4:6, 7) Kunyange riri iri kerubhi kana kuti mumwe mubatiri anoona zviri kuresa waMwari, iro rinozivisa nenzwi guru shoko rine simba, rokuti: “Nhamo, nhamo, nhamo”! Vagari vapasi ngavacherekedze, apo kurira kwasara kwehwamanda nhatu kunonzwika, kumwe nokumwe kwako kuchibatanidzwa neimwe yeidzi nhamo.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukusiyana, Zvakazarurwa 7:16 inoratidzira kuti boka guru harizati richitambura kupisa kunobvuraudza kwokusatendera kwaJehovha.
b Kunyange zvazvo nyeredzi nomwe dziri muruoko rworudyi rwaJesu dzichifananidzira vatariri vakazodzwa vomuungano yechiKristu, vakuru vari muzhinjisa dzeungano dzinopfuura 100 000 munyika nhasi ndeveboka guru. (Zvakazarurwa 1:16; 7:9) Ndeipi iri nzvimbo yavo? Sezvo ivo vachiwana kugadzwa kwavo kupfurikidza nomudzimu mutsvene kupfurikidza neboka rakazodzwa romuranda akatendeka nowakachenjera, ivava vanogona kutaurwa kuva pasi poruoko rworudyi rwaJesu rwokudzora, nokuti ivowo vafudzi vaduku vake. (Isaya 61:5, 6; Mabasa 20:28) Ivo vanotsigira “nyeredzi nomwe” mukuti vanobatira umo hama dzinokwaniriswa dzakazodzwa dzisingawanikwi.
[Chati iri papeji 139]
Mvura dzechiKristudhomu Dzakawadzanyurwa Kuva Chinovava
Zvitendero Icho Bhaibheri Rinoreva
Nezvimiro zvechiKristudhomu Zvomenemene
Zita raMwari amene harizati Jesu akanyengetera kuti zita ra
richikosha: “Kushandiswa kwezita Mwari ritsveneswe.Petro akati:
ripi neripi rakafanira nokuda “Munhu ari wose anodana pazita
kwaMwari uye mumwe oga bedzi raJehovha uchaponeswa.” (Mabasa
. . . hakuna kukodzera chose 2:21; Joere 2:32; Mateo 6:9
chose nokuda kwokutenda kwenyika Eksodho 6:3;Zvakazarurwa 4:11;
yose kweChechi yechiKristu.” Zvak.15:3; Zvak.19:6)
(Sumo yeRevised Standard Version)
Mwari Utatu: “Baba ndiMwari, Bhaibheri rinoti Jehovha Mwanakomana ndiMwari,uye mukuru kupfuura Jesu uye
Mudzimu Mutsvene ndiMwari, ndiye Mwari nomusoro waKristu.
bva hapana vaMwari vatatu asi (Johane 14:28; 20:17; 1 VaKorinte
Mwari mumwe.” (Chinyorwa cha1912 11:3) Mudzimu mutsvene isimba
cheThe Catholic Encyclopedia) rinobate basa raMwari.(Mateo
3:11; Ruka 1:41; Mabasa 2:4)
Mweya womunhu haufi: “Apo munhu Munhu mweya. Parufu mweya
anofa mweya wake nomuviri zvinopa unoguma kufunga kana kuti radzaniswa. Muviri wake . . . kunzwa ndokudzokera kuguruva
unoora . . . mweya wohunhu, iro iwo wakaitwa naro.
zvisinei hazvo, hauzati uchifa.” (Genesi 2:7; 3:19; Pisarema
(What Happens After Death, 146:3, 4; Muparidzi 3:19, 20;
chinyorwa cheRoma Katurike) 9:5, 10; Ezekieri 18:4, 20)
Vakaipa vanorangwa pashure Mibairo yechivi ndirwo rufu,
porufu muhero: “Mukuwirirana kwete upenyu mukutambudzwa.
nechitendero chegamuchidzanwa (VaRoma 6:23) Vakafa vanozorora
chechiKristu, hero inzvimbo mukusaziva muhero (Hadhesi, Sheori),
yedambudziko nokurwadziwa vachimirira rumuko. (Pisarema
kusingagumi.” (Chinyorwa 89:48; Johane 5:28, 29;
cha1987 cheThe World Book 11:24, 25; Zvakazarurwa 20:13, 14)
Encyclopedia)
“Zita rechiratidzo rokuti Mureveri bedzi pakati paMwari
Mureverikadzi [mureveri navanhu ndiJesu. (Johane 14:6;
Womunhukadzi] rinoshandiswa 1 Timotio 2:5; VaHebheru 9:15; 12:24)
kuna Mai Wedu.” (Chinyorwa
cha1967 cheNew Catholic
Encyclopedia)
Vacheche vanofanira Rubhapatidzo ndorwaavo vakaitwa
kubhapatidzwa: “Kubvira vadzidzi ndokudzidziswa kuchengeta
pamavambo pamene Chechi mirairo yaJesu. Kukwanirisa nokuda
yakaita Sakaremende kworubhapatidzo munhu anofanira
yoRubhapatidzo kuvacheche. kunzwisisa Shoko raMwari
Uyu muitiro wakanga usati ndokushandisa kutenda.
uchingorangarirwa bedzi kuva (Mateo 28:19, 20; Ruka 3:21-23;
wapamutemo, asi wakanga Mabasa 8:35, 36)
uchidzidziswawo kuva uri
madikanwa chose chose nokuda
kworuponeso.” (Chinyorwa cha1967
cheNew Catholic Encyclopedia)
Machechi mazhinjisa akakamukana MaKristu ose omuzana rokutanga
mukuva boka ravanhuwo zvavo ramakore aiva vashumiri uye
neboka ravafundisi, rinoshumira aigoverana mukuparidzira
kuvanhuwo zvavo. Vafundisi mashoko akanaka.
vanowanzopiwa muripo nokuda (Mabasa 2:17, 18;VaRoma
kwoushumiri hwavo uye vanokudzwa 10:10-13; 16:1) MuKristu
pavanhuvo zvavo kupfurikidza anofanira “kupa pachena,”
namazita ezviratidzo akadai kwete nokuda kwomuripo.
sa“Mufundisi,” “Fata,” (Mateo 10:7, 8) Jesu
kana kuti “Baba.” akarambidza chaizvoizvo
kushandiswa kwamazita
ezviratidzo. (Mateo 6:2;
23:2-12; 1 Petro 5:1-3)
Mifananidzo, zvidhori MaKristu anofanira kuva
zvavasande, nezvipiyaniso asitongorina rudzi rwose
zvinoshandiswa mukunamata: rwokunamata zvifananidzo,
“Mifananidzo . . . yaKristu, kubatanidza nokunonzi kunamata
yeMhandara Amai vaMwari, kuno mwero. (Eksodho 20:4, 5;
navamwe vasande, inofanira 1 VaKorinte 10:14;
. . .kuchengetwa mumachechi 1 Johane 5:21) Iwo anonamata
uye ruremekedzo rwakafanira Mwari kwete kupfurikidza
norukudzo zvichiiitirwa.” nokuona asi nomudzimu
(Chiziviso cheDare nezvokwadi. (Johane 4:23, 24;
reTrent [1545-63]) 2 VaKorinte 5:7)
Mitezo yamachechi inodzidziswa Jesu akaparidzira Umambo
kuti madonzo aMwari achaitwa hwaMwari, kwete tsika yakati
kupfurikidza nezvamatongerwe kuti yezvamatongerwe enyika,
enyika. Mushakabvu Mufundisi setariro nokuda kwavanhu.
Spellman akati: “Kunongova bedzi (Mateo 4:23; 6:9, 10) Iye
nomugwagwa mumwe unoenda kurugare akaramba kubatanidzwa mune
. . . , mugwagwa mukuru zvamatongerwe enyika.
wehurumende dzokusarudza (Johane 6:14, 15) Umambo
kwavoruzhinji.” Misoro yenhau hwake hwakanga husati huri
inoshuma kubatanidzwa rutivi rwenyika ino; nokudaro,
kworudzidziso mune vateveri vake vaizova vasati
zvamatongerwe enyika zvenyika vari rutivi rwenyika.
(kunyange mukumukira) (Johane 18:36; 17:16)
uye tsigirwo yarwo yeCM Jakobho akanyevera pamusoro
se“tariro yokupedzisira poushamwaridzani nenyika.
yebvumirano norugare.” (Jakobho 4:4)
[Mufananidzo uri papeji 132]
Kunamanurwa kwezvisimbiso zvinomwe kunoparira kuridzwa kwehwamanda nomwe
[Mufananidzo uri papeji 140]
“Denho Kuvatungamiriri Venyika” (1922)
Ichi chisarudzo chakabetsera kuzivisa dambudziko raJehovha mukurwisana ne“pasi”
[Mufananidzo uri papeji 140]
“Nyevero kumaKristu Ose” (1923)
Rutongeso rwakashata rwaJehovha pa“chetatu chegungwa” chakaparidzirwa kwakafara neichi chisarudzo
[Mufananidzo uri papeji 141]
“Vafundisi Vanopomerwa” (1924)
Goverwo yakafara yeiri turakiti yakabetsera kunyevera vanhu kuti “nyeredzi” yavafundisi vechiKristudhomu yakanga yawa
[Mufananidzo uri papeji 141]
“Shoko reTariro” (1925)
Ichi chisarudzo chakananga chakashandiswa kufumura ainzi manyuko echiedza echiKristudhomu manyuko ayo ari zvomenemene erima