Ganhuro 23
Nhamo Yechipiri—Mauto Avatasvi Vamabhiza
1. Pasinei hapo nenhamburiko dzavafundisi dzokuparadzanya mhashu, chii chakaitika, uye kusvika kwedzimwe nhamo mbiri kunoratidzirei?
KUBVIRA muna 1919 zvichienda mberi, vhozhokero yokufananidzira yemhashu pachiKristudhomu yakaparira vafundisi kurwadziwa kukuru. Ivo vakaedza kuparadzanya chose chose mhashu, asi idzodzi dzakaramba dzichiuya nesimba zvikuru kupfuura nakare kose. (Zvakazarurwa 9:7) Uye izvezvo handizvo zvoga bedzi! Johane anonyora, kuti: “Nhamo imwe yapfuura. Tarirai! Dzimwe nhamo mbiri dzinouya pashure pezvinhu izvozvi.” (Zvakazarurwa 9:12) Mamwezve madambudziko anorwadzisa akachengeterwa chiKristudhomu.
2. (a) Chii chinoitika apo ngirozi yechitanhatu inoridza hwamanda yayo? (b) Ko “inzwi rimwe rinobuda munyanga dzeatari yendarama” rinomirirei? (c) Neiko ngirozi ina dzichidudzwa?
2 Ndaapi ari manyuko enhamo yechipiri? Johane anonyora, kuti: “Ipapo ngirozi yechitanhatu yakaridza hwamanda yayo. Uye ini ndakanzwa rimwe inzwi rinobuda munyanga dzeatari yendarama iyo iri pamberi paMwari richiti kungirozi yechitanhatu, iyo yakanga ine hwamanda: ‘Sunungura ngirozi ina dzakasungwa parwizi rukuru Yufratesi.’” (Zvakazarurwa 9:13, 14) Kusunungurwa kwengirozi kuri mukupindurwa kweinzwi rinobuda munyanga dzeAtari yendarama. Iyi ndiyo atari yendarama yezvinonhuwira, uye kare zvinonhuwira zvomundiro dzendarama dzapaiyi atari zvakabatanidzwa kaviri neminyengetero yavatsvene. (Zvakazarurwa 5:8; 8:3, 4) Naizvozvo, iri inzwi rimwe rinomirira minyengetero yakabatana yavatsvene pasi pano. Ivo vanoteterera kuti ivo vamene vanunurwe nokuda kwerimwezve basa resimba se“nhume” dzaJehovha, iyoyi ichiva revo huru yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “ngirozi.” Neiko pane ngirozi ina? Ichi chiverengero chokufananidzira chinoratidzika kuva chinoratidzira kuti idzo dzaizova dzakasanorongwa kuti dzikwanise kufukidza pasi rose.—Zvakazarurwa 7:1; 20:8.
3. Ko ngirozi ina dzakanga dzaka“sungwa paRwizi rukuru rwaYufratesi” sei?
3 Ko ngirozi idzodzo dzakanga dzave dza“kasungwa paRwizi rwaYufratesi” sei? Rwizi rwaYufratesi munguva dzekare rwakanga rwuri muganhu wokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva wenyika iyo Jehovha akapikira Abrahama. (Genesi 15:18; Dheuteronomio 11:24) Sezvinooneka, ngirozi dzakanga dzakadzivirirwa pamuganhu wenyika yadzo yokupiwa naMwari, kana kuti nzvimbo yapasi yomubato, dzakadziviswa pakupinda zvizere mubasa iro Jehovha akanga adzigadzirira. Yufratesi rwakanga rwakabatanidzwa nomutoo wakatanhamara neguta reBhabhironi, uye pashure pokuwa kweJerusarema muna 607 B.C.E., vaIsraeri vokunyama vakapedza makore 70 imomo muubatwa, “vakasungwa paRwizi rukuru Yufratesi.” (Pisarema 137:1) Gore ra1919 rakawana vaIsraeri vomudzimu vakasungwa mudziviriro imwe cheteyo, vakasuruvara uye vachikumbira Jehovha nokuda kwenhungamiro.
4. Ko ngirozi ina dzine basai, uye iro rave richiitwa sei?
4 Nomufaro, Johane anogona kushuma, kuti: “Ipapo ngirozi ina dzakasunungurwa, idzo dzakanga dzagadzirirwa awa, zuva, mwedzi negore, kuuraya chetatu chavanhu.” (Zvakazarurwa 9:15) Jehovha Muchengeti wenguva chaiyeiye. Iye anorudungwe rwenguva uye anowirirana narwo. Nokudaro, idzi nhume dzinosunungurwa chaizvoizvo parudungwe rwenguva uye munguva yakafanira yokupedza zvadzinofanira kuita. Fungidzira mufaro wadzo pakubuda muusungwa muna 1919, dzakagadzirira basa! Idzo dzine basa risati riri rokungorwadzisa bedzi asi pakupedzisira “kuuraya chetatu chavanhu.” Ikoku kunowirirana namadambudziko akaziviswa nokurira kwehwamanda ina dzokutanga, uko kwakatambudza chetatu chapasi, gungwa, zvisikwa zvomugungwa, matsime nenzizi, namanyuko ezviedza zvokudenga. (Zvakazarurwa 8:7-12) Ngirozi ina dzinopfuurirazve. Idzo dzino“uraya,” dzichifumura chose chose mugariro wokufa mumudzimu wechiKristudhomu. Zvirevo zvakaziviswa, zvakaitwa muna 1922 zvichienda mberi uye zvinopfuurira kusvikira kunguva inoyi, zvakapedza ikoku.
5. Pamusoro pechiKristudhomu, ko kurira kwokuridzwa kwehwamanda yechitanhatu kwakanzwika sei muna 1927?
5 Yeuka, ngirozi yokudenga ichangobva kuridza hwamanda yechitanhatu. Kudavidza kwairi, yechitanhatu yenhevedzano dzekokorodzano dzegore negore dzamarudzi ose dzaVadzidzi veBhaibheri yakaitirwa muToronto, Ontario, Canada. Ipapo purogiramu yapaSvondo, July 24, 1927, yakatepfenyurwa kupfurikidza nendaza yenhepfutepfu dzine 53, batano hurusa yokutepfenyura kusvikira panguva iyeyo. Shoko irero rakataurwa rakabudira kuvateereri vamamiriyoni mazhinji anobvira. Kutanga, chisarudzo chine simba chakafumura chiKristudhomu sechakafa mumudzimu ndokupa kokero, inoti: “Muawa ino yokukangaidzika Jehovha Mwari anoraira marudzi kusiya uye kurega nokusingaperi ‘chiKristudhomu’ kana kuti ‘chiKristu chakarongwa’ uye kuchifuratira chose . . . ; marudzi [nga]ape kuzvipira kwawo kwomwoyo nenamato yose kuna Jehovha Mwari nokuna Mambo wake noumambo.” “Rusununguko nokuda kwamarudzi” ndowakanga uri musoro wehurukuro yavose iyo yakatevera. J. F. Rutherford akakurukura iyoyi nomutoo wake wenguva dzose une simba, wakakodzera “mwoto noutsi nesurferi” izvo Johane anocherekedzazve muchiono.
6. Ko Johane akarondedzera sei mauto avatasvi vamabhiza aanoona inotevera?
6 “Uye chiverengero chamauto avatasvi vamabhiza chakanga chiri zviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri: Ini ndakanzwa chiverengero chao. Uye aya ndiwo maonere andakaita mabhiza muchiono, naavo vagere paari: ivo vakanga vane zvidzitiro zvechipfuva zvakatsvuka somwoto, zvakasvibira sehiasinto nesurferi; uye misoro yamabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba, uye mumiromo yawo makabuda mwoto, utsi nesurferi. Chetatu chavanhu chakaurawa naaya madambudziko matatu, nomwoto noutsi nesurferi izvo zvakabuda mumiromo yawo.”—Zvakazarurwa 9:16-18.
7, 8. (a) Ko uto ravatasvi vamabhiza rinotinhira munhungamiro yokutungamirira kwavanaani? (b) Ko uto ravatasvi vamabhiza rakafanana munzirai nemhashu dzakaritangira?
7 Sezvinooneka, iri uto ravatasvi vamabhiza rinotinhira mumurairo unotungamirira wengirozi ina. Haiwa chiono chinotyisa sei! Fungidzira hako kuti waizoita sei kudai waiva chinangwa chedenho yakadaro yeuto ravatasvi vamabhiza! Kutarisika kwaro kwaizoparira kudedera mumwoyo mako. Wacherekedza here, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti iri uto ravatasvi vamabhiza rakafanana sei nemhashu dzakaritangira? Mhashu dzakanga dzakafanana namabhiza; muuto ravatasvi vamabhiza muna mabhiza. Zvose zviri zviviri, ipapoka, zvinobatanidzwa muhondo youbati ushe hwoumwari. (Zvirevo 21:31) Mhashu dzakanga dzina meno akafanana neaya eshumba; mabhiza euto ravatasvi vamabhiza ane misoro yakafanana neiya yeshumba. Zvose zviri zviviri nokuda kwechikonzero ichocho zvakabatanidzwa neShumba ine ushingi yendudzi yaJudha, Jesu Kristu, uyo ari Mutungamiriri wao, Murairi noMuenzanisiro.—Zvakazarurwa 5:5; Zvirevo 28:1.
8 Zvose zviri zviviri mhashu neuto ravatasvi vamabhiza zvinogoverana mubasa raJehovha rorutongeso. Mhashu dzakabuda muutsi uhwo hwakatsura nhamo nemwoto unoparadza nokuda kwechiKristudhomu; mumiromo yamabhiza munobuda mwoto, utsi, nesurferi. Mhashu dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvamatare, kuratidzira kuti mwoyo yadzo yakanga yakataviridzirwa nokuzvipira kusingatsuguduki pakururama; uto ravatasvi vamabhiza rakapfeka zvidzitiro zvechipfuva zvakatsvuka, zvakasvibira, uye zvakacheneruka, kuratidzira mwoto, utsi, nesurferi zvamashoko anouraya orutongeso anobuda mumiromo yamabhiza. (Enzanisa naGenesi 19:24, 28; Ruka 17:29, 30.) Mhashu dzakanga dzine miswe yakafanana neyezvinyavada nokuda kwokurwadzisa; mabhiza ane miswe yakafanana nenyoka nokuda kwokuuraya! Kunoratidzika kuti icho chakatangwa nemhashu chichazorondwa neuto ravatasvi vamabhiza noukuru hukuru hwazvo kusvikira chapera.
9. Ko uto ravatasvi vamabhiza rinofananidzirei?
9 Naizvozvo, ko iri uto ravatasvi vamabhiza rinofananidzirei? Seizvo boka rakazodzwa raJohane rakatanga kuzivisa kwakafanana nokurira kwehwamanda kworutongeso rwaJehovha rwamatsive oumwari pachiKristudhomu, riine simba ro‘kubaya ndokurwadzisa,’ naizvozvo taizokarira boka rimwe chetero rinorarama kuva rinoshandiswa mu‘kuuraya,’ ndiko kuti, mukuzivisa kuti chiKristudhomu navafundisi vacho vakafa chose chose mumudzimu, vakarashwa naJehovha uye vakagadzirirwa nokuda kwe“choto chomwoto” choruparadziko rusingaperi. Zvamazvirokwazvo, vose veBhabhironi Guru vanofanira kuparara. (Zvakazarurwa 9:5, 10; 18:2, 8; Mateo 13:41-43) Zvisinei, pamberi poruparadziko rwaro, boka raJohane rinoshandisa “munondo womudzimu, ndiko kuti, shoko raMwari,” mukufumura mugariro wakafanana norufu wechiKristudhomu. Ngirozi ina navatasvi vamabhiza vanopa muraidzo kuuku kuurawa kwokufananidzira kwe“chetatu chavanhu.” (VaEfeso 6:17; Zvakazarurwa 9:15, 18) Ikoku kunoratidzira kuronga kwakafanira nenhungamiro youbati ushe hwoumwari zvinotarisirwa naShe Jesu Kristu sezvo boka rinotyisa ravaparidziri voUmambo rinomhanyira kuhondo.
Zviuru Zvine Gumi Zvinowanziridzwa Nezviuru Zvine Gumi Zvinopetwa Nekaviri
10. Ko zviuru gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri zveuto ravatasvi vamabhiza zviripo munzirai?
10 Ko panogona sei kuva nezviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri zveiri uto ravatasvi vamabhiza? Chiverengero chisingaverengeki chaichoicho i10-000. Naizvozvo zviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri zvingava mamiriyoni ane 200.a Nomufaro, zvino kuna mamiriyoni avaparidzi voUmambo, asi chiverengero chavo chidukusa zvikuru pamazana amamiriyoni! Yeuka, kunyange zvazvo zvakadaro, mashoko aMosesi ari pana Numeri 10:36, anoti: “Dzokai, haiwa Jehovha, kuzviuru zvine gumi zvezviuru zvaIsraeri.” (Enzanisa naGenesi 24:60.) Ikoko kwaizoreva chaizvoizvo, kuti ‘Dzokai kumakumi amamiriyoni avaIsraeri.’ Zvisinei, Israeri aingova bedzi nechiverengero chaanenge mamiriyoni maviri kusvikira kumatatu muzuva raMosesi. Ko zvino, Mosesi akanga achirevei? Pasina panikiro iye airangarira kuti vaIsraeri vaifanira kuva vasingaverengeki se“nyeredzi dzamatenga uye sorukangarabwe rwejecha rwuri pamahombekombe egungwa,” panzvimbo pokuva vanoverengeka. (Genesi 22:17; 1 Makoronike 27:23) Naizvozvo iye akashandisa shoko rinoreva “zviuru zvine gumi” kuratidzira chiverengero chikuru asi chisingadudzwi. Nokudaro, The New English Bible rinoshandura iyi ndima, kuti: “Zororai, ISHE wezviuru zvisingaverengeki zvaIsraeri.” Ikoku kunobvumirana nerondedzero yechipiri yeshoko rokuti “zviuru zvine gumi” rinowanwa mududzira mashoko yechiGiriki neyechiHebheru, rinoti: “vazhinji-zhinji vasingaverengeki,” vazhinji-zhinji.”—The New Thayer’s Greek-English Lexicon of the New Testament; reGesenius A Hebrew and English Lexicon of the Old Testament, rakashandurwa naEdward Robinson.
11. Kuti boka raJohane rive zviuru zvina makumi zvezviuru kunyange mupfungwa yokufananidzira, chii chaizova chinodiwa?
11 Hunyanguvezvo, avo veboka raJohane vachiri pasi pano vane chiverengero chiri pasi zvikuru pe10 000—pasi pezviuru zvine gumi chaizvoizvo. Ko ivo vanogona sei kufananidzirwa nezviuru zvisingaverengeki zveuto ravatasvi vamabhiza? Kuti vagova zviuru zvine makumi kunyange mupfungwa yokufananidzira, ko ivo havazati vaizoda tsigiro here? Ndidzo dzavave vachida, uye kupfurikidza netsitsi dzakakomba dzaJehovha, ndidzo dzavakagamuchira! Ko idzodzi dzakabva kupi?
12, 13. Ndizvinoitikai zvenhau kubvira kuna 1918 kusvikira kuna 1935 zvakaratidzira manyuko etsigirwo?
12 Kubvira muna 1918 kusvikira muna 1922, boka raJohane rakavamba kupa kuvanhu vanotambudzika kariro iyi inofadza yokuti “mamiriyoni anorarama zvino haachazotongofi.” Muna 1923 kwakaziviswawo kuti makwai aMateo 25:31-34 aizogara nhaka upenyu pasi pano muUmambo hwaMwari. Tariro yakafanana yakapiwawo mubhukwana rinonzi Freedom for the Peoples, rakabudiswa pakokorodzano yamarudzi ose muna 1927. Mukuvamba mama1930 boka rakarurama raJonadhabhi na‘vanhu vanogomera nokuchema’ pamusoro pomugariro unonzwisa urombo womudzimu wechiKristudhomu vakaratidzirwa kuva vakafanana namakwai okufananidzira ane kariro dzoupenyu hwapasi. (Ezekieri 9:4; 2 Madzimambo 10:15, 16) Ichitungamirira vakadaro ku“maguta outiziro” omuzuva razvino uno, Nharireyomurindi yaAugust 15, 1934 yechiNgezi, yakati: “Avo veboka raJonadhabhi vakanzwa kurira kwehwamanda yaMwari uye vakatetekera nyevero kupfurikidza nokutizira kusangano raMwari ndokubatana navanhu vaMwari uye ivo vanofanira kugara imomo.”—Numeri 35:6.
13 Muna 1935 avo veiri boka raJonadhadhi vakakokwa chaizvoizvo kuzopinda kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., U.S.A. Ipapowo, paChishanu, May 31, J. F. Rutherford akakurukura hurukuro yake yakakurumbira inoti: “Vazhinji-zhinji Zvikuru,” umo iye akasanoratidzira kuti iri boka raZvakazarurwa 7:9 (King James Version) rakanga rakafanana namakwai aMateo 25:33—boka rakazvitsaurira rine tariro dzapasi. Sechiratidzo chezvinhu zvinouya, pakokorodzano iyeyo Zvapupu zvitsva zvine 840 zvakabhapatidzwa, zvizhinji zvazvo zvichiva zveboka guru.b
14. Ko boka guru raizova norutivi mudenho yeuto rokufananidzira ravatasvi vamabhiza here, uye kutsungai kwakaratidzirwa muna 1963?
14 Ko iri boka guru rakava norutivi mune iyi denho yeuto ravatasvi vamabhiza yakatanga muna 1922 uye iyo yakawana simbiso yakati kuti pakokorodzano yeToronto muna 1927 here? Munhungamiro yengirozi ina, boka rakazodzwa raJohane, zvamazvirokwazvo rakadaro! Pa“Mashoko Akanaka Asingaperi” Gungano ra1963 rokupoterera nyika, iro rakakumbanira boka raJohane muchisarudzo chinonyandura. Ichochi chakazivisa kuti nyika “yanangana nokudengenyeka kwapasi kwenhamo yenyika yakafanana neyaisati yakatongoziva, uye masangano ayo ose ezvamatongerwe enyika neBhabhironi rayo rorudzidziso razvino uno zvichaputsanywa.” Chisarudzo chakataurwa kuti “isu tichapfuurira kuzivisa marudzi ose tisingasaruri ‘mashoko akanaka asingaperi’ pamusoro poUmambo hwouMesiya hwaMwari uye pamusoro pamarutongeso ake, ayo akafanana namadambudziko kuvavengi vake asi achaitwa nokuda kwesunungurwo yavanhu vose vanoshuva kunamata Mwari Musiki nomutoo unogamuchirika mumudzimu nomuzvokwadi.” Ichi chisarudzo chakagamuchirwa nembavarira pamagungano 24 kupote mburumbwa yose nehwerengedzo yose yavakokorodzani vane 454 977, avo vanopfuura kwazvo 95 muzana vaiva veboka guru.
15. (a) Muna 2005 boka guru rakaumba pesendii yavashandi avo Jehovha ari kushandisa mumunda? (b) Ko munyengetero waJesu uri pana Johane 17:20, 21 unoratidzira sei chinzwano cheboka guru neboka raJohane?
15 Boka guru rakapfuurira kuzivisa chinzwano charo chakakwana neboka raJohane mukudurura madambudziko pachiKristudhomu. Muna 2005 iri boka guru rakaumba inopfuura 99,8 muzana yavashandi avo Jehovha ari kushandisa mumunda. Mitezo yaro ine mwoyo wose mukuwirirana neboka raJohane, iro Jesu akanyengetera pamusoro paro pana Johane 17:20, 21, kuti: “Ini ndinoita mukumbiro, kusati kuri pamusoro paivava bedzi, asiwo pamusoro paavo vanonditenda kupfurikidza neshoko ravo; kuti ivo vose vanova vamwe, kungofanana nemi, Baba, muri muhumwe neni uye ini muhumwe nemi, kuti ivowo vanova muhumwe nesu, kuti nyika igova inodavira kuti imi makandituma.” Sezvo boka rakazodzwa raJohane richitungamirira mukudzora kwaJesu, boka guru rinoshingaira rinogoverana navo mudenho inoisvoparadzanya yeuto ravatasvi vamabhiza inopfuura dzose munhau yohunhu!c
16. (a) Ko Johane anorondedzera sei miromo nemiswe yamabhiza okufananidzira? (b) Ko miromo yavanhu vaJehovha yakagadzirirwa sei nokuda kwebasa? (c) Chii chinowirirana neidi rokuti “miswe yao yakafanana nenyoka”?
16 Uto irero ravatasvi vamabhiza rinoda shongedzero nokuda kwehondo. Uye haiwa kunoshamisa sei kuti Jehovha akagovera iyoyi! Johane anoirondedzera, kuti: “Nokuti simba ramabhiza riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakafanana nenyoka uye ine misoro, uye iwo anokuvadza kupfurikidza naiyoyi.” (Zvakazarurwa 9:19) Jehovha akagadza vashumiri vake vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa nokuda kweiri basa. Kupfurikidza neChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari nemimwe misangano yeungano nezvikoro, iye akavadzidzisa mutoo wokuparidzira nawo shoko, kuti vagone kutaura nomutoo une chiremera no“rurimi rwavakadzidziswa.” Iye akaisa mashoko ake mumiromo yavo ndokuvatuma kundozivisa marutongeso ake “pamhene napaimba neimba.” (2 Timotio 4:2; Isaya 50:4; 61:2; Jeremia 1:9, 10; Mabasa 20:20) Boka raJohane neboka guru vakasiya mushure mavo shoko rinobaya, rinowirirana ne“miswe,” muzviuru zvamamiriyoni zvamaBhaibheri, mabhuku, mabhurocha, uye magazini zvakagoverwa kwamakore. Kuvavengi vavo, avo vanoziviswa “nezvekuvadziko” inouya inobva kuna Jehovha, aya mauto avatasvi vamabhiza anoratidzika zvamazvirokwazvo kuva zviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri.—Enzanisa naJoere 2:4-6.
17. Ko Zvapupu zvaJehovha zvine rutivi rupi norupi mudenho yeuto ravatasvi vamabhiza munyika umo mabhuku asingagoni kugoverwa nokuti basa rakarambidzwa here? Tsanangura.
17 Chikamu chinoisvoshingaira zvikuru chaava vatasvi vamabhiza chinoumbwa nehama dziri munyika umo basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa. Kufanana namakwai ari pakati pamapere, ivava vanofanira kuva “vakachenjera senyoka asi vakarurama senjiva.” Mukuteerera Jehovha, ivo havagoni kurega kutaura pamusoro pezvinhu zvavakaona nokunzwa. (Mateo 10:16; Mabasa 4:19, 20; 5:28; 29, 32) Sezvavane zvinyorwa zvishomanene kana kuti vasina zvokugovera pamhene, tinofanira here kutaura kuti ivo havagoverani neiyi denho yeuto ravatasvi vamabhiza? Nyangwe napaduku pose zvapo! Vane miromo yavo nesimba rinobva kuna Jehovha kuti vazvishandise mukutaura zvokwadi yeBhaibheri. Ivo vanoita ikoku, mumasanga uye nomutoo unobudirira, vachitanga fundo muBhaibheri uye “vachisvitsa vazhinji kukururama.” (Dhanieri 12:3) Kunyange zvazvo vangave vasingabayi nemiswe yavo mupfungwa yokusiya mabhuku anorovanya zvakasimba mushure mavo, mwoto wokufananidzira, utsi, uye surferi zvinobuda mumiromo yavo sezvavanopupurira nomutoo wokungwarira uye nokuchenjera pamusoro pezuva rosvika raJehovha ramatsive.
18. Ko iri uto ravatasvi vamabhiza rakagovera shoko rinorwadzisa muchimiro chakatsikirirwa mumitauro mingani uye kusvikira kuchiverengeroi?
18 Mune dzimwe nzvimbo, mabhuku oUmambo anopfuurira kufumura dzidziso nenzira dzechiBhabhironi dzechiKristudhomu, achiparira kuvadziko yaro yakafanira nenzira yokufananidzira. Kupfurikidza nokushandisa mitoo yokutsikirira inowirirana nomusi, iri uto ravatasvi vamabhiza risingaverengeki, mumakore 68 pamberi pa2005 rakanga richikwanisa kuparadzira, mumitauro yapasi pano inopfuura 450, mabhiriyoni emaBhaibheri, mabhuku, magazini, nemabhurocha kusvikira kuchiverengero chikurusa chamakopi 7 821 078 415—kazhinji kanopfuura zviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri chaizvoizvo. Haiwa kubaya kwakadini kwakaita miswe iyeyo!
19, 20. (a) Kunyange zvazvo chinangwa chaichoicho chamashoko anorwadzisa chave chiri chiKristudhomu, ko vamwe vari munyika dziri kure zvikuru nechiKristudhomu dzakadavidza sei? (b) Ko Johane anorondedzera sei kuita kwavanhu vosewo zvavo?
19 Jehovha akaita donzo kuti iri shoko rinorwadzisa rinofanira “kuuraya chetatu chavanhu.” Nokuda kwechikonzero ichecho, chinangwa charo chaichoicho chaive chiri chiKristudhomu. Asi rakasvika nyika dziri kure nechiKristudhomu, kubatanidza zhinji uko unyengeri hwamarudzidziso echiKristudhomu hunosanozivikanwa. Ko vanhu venyika idzodzo vakaswedera pedyo zvikuru naJehovha somuuyo wokuona kurwadziswa kweiri sangano rakashata rorudzidziso here? Vazhinji vakadaro! Kwave kune davidzo yapakarepo pakati pavanhu vanyoro navanodiwa vanogara munharaunda dziri kunze kwenzvimbo yepesvedzero yechiKristudhomu. Asi kana vari vanhu vose zvavo, Johane anorondedzera kuita kwavo, achiti: “Asi vamwe vakasara vavanhu vasina kuurawa naaya madambudziko havana kupfidza mabasa amaoko avo, kuti vagorega kunamata madhemoni nezvifananidzo zvendarama sirivha ndarira mabwe nemiti, izvo zvisingagoni kuona kana kuti kunzwa kana kuti kufamba; uye ivo havana kupfidza pakuponda kwavo kana kuti pamiitiro yavo yokudavira midzimu kana kuti ufeve hwavo kana kuti pakuba kwavo.” (Zvakazarurwa 9:20, 21) Hakuzati kuchizova nokutendeuka kwenyika kwavasingapfidzi vakadaro. Vose vanoomerera panzira dzavo dzakaipa vachatofanira kunangana norutongeso rwakashata runobva kuna Jehovha muzuva guru rerevererwo yake. Asi “munhu ari wose anodana pazita raJehovha uchaponeswa.”—Joere 2:32; Pisarema 145:20; Mabasa 2:20, 21.
20 Zvatichangobva kukurukura rutivi rwenhamo yechipiri. Kune zvakawanda zvichauya iyi nhamo isati yasvika mugumo wayo, sezvatichaona mumaganhuro anotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Commentary on Revelation, rakanyorwa naHenry Barclay Swete, rinoti pamusoro pechiverengero che“zviuru zvine gumi zvinowanziridzwa nezviuru zvine gumi zvinopetwa nekaviri”: “Izvi zviverengero zvikurusa zvinotidzivisa kutsvaka zadziko chaiyoiyo, uye rondedzero inotevera inotsigira uku kutaura.”
b Ona mapeji anotangireri 119-26; uyewo Vindication, Bhuku Rechitatu, rakabudiswa muna 1932 neZvapupu zvaJehovha, mapeji 83-4.
c Mukusafanana nemhashu, mauto avatasvi vamabhiza akaonwa naJohane akanga asina kupfeka “zvairatidzika kuva korona dzakafanana nendarama.” (Zvakazarurwa 9:7) Ikoku kunotsinhirana neidi rokuti boka guru, iro nhasi rinoumba rutivi rukuru rweuto ravatasvi vamabhiza, harizati richikarira kutonga muUmambo hwokudenga hwaMwari.
[Mufananidzo uri papeji 149]
Kuridzwa kwehwamanda yechitanhatu kunosuma nhamo yechipiri
[Mifananidzo iri papeji 150, 151]
Ngirozi ina dzinotungamirira denho hurusa yeuto ravatasvi vamabhiza munhau
[Mifananidzo iri papeji 153]
Uto ravatasvi vamabhiza risingaverengeki rakagovera mamiriyoni asingaverengeki ezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri
[Mifananidzo iri papeji 154]
Vamwe vose vakasara vavanhu havana kupfidza