-
Johane Anoona Jesu Akapiwa MbiriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
12. Chii chiri revo yo“munondo unopinza, murefu unocheka kuviri”?
12 “Uye iye akanga ane nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makanga muchibuda munondo unopinza, murefu, unocheka kuviri, uye chiso chake chakanga chakaita sezuva apo iro rinopenya musimba raro. Uye apo ini ndakamuona, ndakawira patsoka dzake sendafa.” (Zvakazarurwa 1:16, 17a) Jesu iye amene anotsanangura revo yenyeredzi nomwe chinguvana gare gare. Asi cherekedza chinobuda mumuromo make: “munondo unopinza, murefu unocheka kuviri.” Haiwa rutivi rwakakodzera sei! Nokuti Jesu ndiye uyo akagadzwa kuzozivisa rutongeso rwokupedzisira rwaJehovha pavavengi Vake. Kutaura kwokugumisira kunobuda mumuromo make kunoguma nokuurawa kwavakaipa vose.—Zvakazarurwa 19:13, 15.
13. (a) Chiso chaJesu chakajeka, chinopenya chinotiyeuchidza nezvechii? (b) Ko murangariroi wose watinowana mukurondedzera kwaJohane Jesu?
13 Chiso chinobwinya, chinopenya chaJesu chinotiyeuchidza kuti chiso chaMosesi chakabudisa mwaranzi inopenya pashure pokunge Jehovha akurukura naye paGomo reSinai. (Eksodho 34:29, 30) Yeukawo, kuti apo Jesu akashanduka chitarisiko pamberi pavatatu vavaapostora vake anenge makore 2 000 akapfuura, “chiso chake chakapenya sezuva, uye nguvo dzake dzokunze dzakajeka sechiedza.” (Mateo 17:2) Zvino, muchimiriro chechiono chaJesu mukati mezuva raShe, chiso chake nomutoo wakafanana chinoratidzira ukomba hunopenya hwouyo ave ari pamberi paJehovha. (2 VaKorinte 3:18) Kureva idi, mufungo wose unopiwa nechiono chaJohane ndouya worubwinyo rwembiri. Kubvira muvhudzi rakachena sechando, meso anobvira marimi omwoto, nechiso chinopenya kusvikira kutsoka dzinon’animira, chiono chisingaenzanisirwi choUyo zvino anogara “muchiedza chisingaswedereki.” (1 Timotio 6:16) Huchokwadi hweichi chiono hwakajeka zvikuru! Ko Johane akanyanyobatwa nokutya akaita sei? Muapostora anotiudza, kuti: “Uye apo ini ndakamuona, ndakawira patsoka dzake sendafa.”—Zvakazarurwa 1:17.
-
-
Kuzarura Chakavanzika ChinoyeraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
2. (a) Ko Jesu anozviratidzira iye amene nezitai rechiratidzo? (b) Chii chinorehwa apo Jehovha anoti: “Ini ndini wokutanga uye ini ndini wokupedzisira”? (c) Ko zita rechiratidzo raJesu rokuti “Wokutanga Nowokupedzisira” rinozivisei?
2 Kunyanguvezvo, kutya kwedu hakuzati kuchidikanirwa kudziurira rutyo rwakashata. Jesu akasimbisirazve Johane, sezvo muapostora anotevera kurondedzerazve. “Uye iye akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu ndokuti: ‘Usatya. Ini ndini Wokutanga Nowokupedzisira, uye mupenyu.’” (Zvakazarurwa 1:17b, 18a) Muna Isaya 44:6, Jehovha nomutoo wakarurama anorondedzera nzvimbo yake amene saMwari mumwe nowamasimba ose bedzi, achiti: “Ini ndini iye wokutanga uye ini ndini iye wokupedzisira, uye kunze kwangu hakuna Mwari.”a Apo Jesu anozviratidzira iye amene nezita rechiratidzo rokuti “Wokutanga Nowokupedzisira,” iye haazati ari kukambira huenzani naJehovha, Musiki Mukuru. Iye ari kushandisa zita rechiratidzo rakapiwa nomutoo wakakodzera paari naMwari. Muna Isaya, Jehovha akanga achiita kutaura pamusoro penzvimbo Yake yechienzi saMwari wechokwadi. Iye ndiMwari wokusingagumi, uye kunze kwake hakuna zvamazvirokwazvo Mwari. (1 Timotio 1:17) Muna Zvakazarurwa, Jesu ari kutaura pamusoro pezita rake rechiratidzo rakapiwa, achizivisa rumuko rwake rwechienzi.
3. (a) Ko Jesu akanga ari “Wokutanga Nowokupedzisira” munzirai? (b) Chii chinorehwa nokuva kwaJesu na“makiyi orufu neHadhesi”?
3 Zvamazvirokwazvo Jesu akanga ari munhu “Wokutanga” kumutsirwa kuupenyu husingafi hwomudzimu. (VaKorose 1:18) Zvakare, iye ndiye “Wokupedzisira” anomutswa kudaro naJehovha pachake amene. Nokudaro, iye anova “mupenyu . . . anorarama nokusingaperi-peri.” Iye anofarikanya kusafa. Muna ikoku, iye akafanana naBaba vake vasingafi, avo vanonzi “Mwari mupenyu.” (Zvakazarurwa 7:2; Pisarema 42:2) Nokuda kwavamwe vose vavanhu, Jesu iye amene ndiye “rumuko noupenyu.” (Johane 11:25) Mutsinhirano naikoku, iye anoti kuna Johane: “Ini ndakafa, asi, tarirai! Ndinorarama nokusingaperi-peri, uye ndine kiyi dzorufu neHadhesi.” (Zvakazarurwa 1:18b) Jehovha akamupa chiremera chokumutsa vakafa. Ndokusaka Jesu achigona kutaura kuti iye ane kiyi dzokuzarura masuo nokuda kwaavo vakasungwa norufu neHadhesi (guva).—Enzanisa naMateo 16:18.
-