RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2014 | November 15
    • Zvakazarurwa 11:3 inotaura nezvezvapupu zviviri zvaizoprofita kwemazuva 1 260. Nhoroondo yacho inobva yataura kuti chikara chaizorwa nazvo “chozvikunda uye chozviuraya.” Asi pashure “pemazuva matatu nehafu,” zvapupu zviviri izvi zvaizomutswa uye kumutswa ikoko kwaizoshamisa vose vaiona.​—Zvak. 11:7, 11.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2014 | November 15
    • Vakazodzwa ava pavakapedza basa ravo rokuparidza vakapfeka masaga, vakaita sevaurayiwa pavakaiswa mujeri kwenguva pfupi iyo inofananidzirwa nemazuva matatu nehafu. Vavengi vevanhu vaMwari vaiona sokuti basa revakazodzwa ava rainge ramiswa, zvikaita kuti vafare chaizvo.​—Zvak. 11:8-10.

      Asi sezvakataurwa neuprofita hwacho, zvapupu zviviri izvi zvakamutswa pakapera mazuva matatu nehafu. Vakazodzwa ava vakabudiswa mujeri muna 1919 uye mugore iroro, vaya vakaramba vakatendeka vaiva vamwe vevakapiwa basa rinokosha naMwari achishandisa Tenzi wavo Jesu Kristu. Vakagadzwa kuva “muranda akatendeka, akangwara,” vachiita basa rokupa zvokudya zvokunamata kuvanhu vaMwari mumazuva ekupedzisira.​—Mat. 24:45-47; Zvak. 11:11, 12.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi—2014 | November 15
Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe