-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
23. (a) Chii chinoitika kuzvapupu zviviri pashure pamazuva matatu nehafu, uye chii chiri muuyo pavavengi vazvo? (b) Ko uporofita hwaZvakazarurwa 11:11, 12 nohwaEzekieri hwokufemera kwaJehovha pamupata wamapfupa akaoma hunova nezadziko yomuzuva razvino uno rini?
23 Pepanhau ravose rakakumbanira vafundisi mukuzvidza vanhu vaMwari, rimwe pepanhau richiti: “Mugumo weThe Finished Mystery wakaziviswa.” Kunyange zvazvo zvakadaro, hapana chinhu chaigona kuva kure nezvokwadi! Zvapupu zviviri hazvina kuramba zvakafa. Tinorava, kuti: “Uye pashure pamazuva matatu nehafu mudzimu woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, uye ivo vakamira netsoka dzavo, uye rutyo rukuru rwakawira avo vanovaona. Ipapo vakanzwa inzwi guru rinobva kudenga richitaura kwavari, richiti: ‘Kwirai pano.’ Uye ivo vakakwira kudenga vari mugore, uye vavengi vavo vakavaona.” (Zvakazarurwa 11:11, 12) Nokudaro, ivo vakava nechinoitika chakafanana nechecho chamapfupa akaoma omumupata uyo Ezekieri akashanyira muchiono. Jehovha akafemera pamapfupa iwawa akaoma, uye iwo akava mapenyu, kuchigovera mufananidzo wokuberekwazve kworudzi rwaIsraeri pashure pamakore 70 outapwa muBhabhironi. (Ezekieri 37:1-14) Uhu uporofita huviri, huri muna Ezekieri nomuna Zvakazarurwa, hwakava nezadziko yavo inokatyamadza yomuzuva razvino uno muna 1919, apo Jehovha akadzorera zvapupu zvake zva“kafa” kuupenyu hunonyiminyira.
-
-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
25. (a) Ko zvapupu zviviri zvakaudzwa rini kuti, “Kwirai pano,” uye ikoku kwakaitika sei? (b) Muuyoi unokatyamadza wakava nokudzorerwa kwezvapupu zviviri paguta guru?
25 ChiKristudhomu chakaedza chaedzazve kudzokorora rukundo rwacho rwa1918. Chakatendeukira kuchiito chemhomho, kuruka mazano kwapamutemo, kupfigira mutorongo, kunyange kuuraya—kwose ikoku kusina maturo! Pashure pa1919 nzvimbo yomudzimu yezvapupu zviviri yakava isingasvikirwi nacho. Mugore irero Jehovha akanga ataura kwazviri, kuti: “Kwirai pano,” uye izvo zvakanga zvakwira kumugariro womudzimu wakakwiridzirwa apo vavengi vazvo vaigona kuzviona asi vasingagoni kuzvibata. Johane anorondedzera muuyo unokatyamadza wakava nokudzorerwa kwazvo paguta guru, achiti: “Ipapo muawa iyoyo kudengenyeka kwapasi kukuru kwakaitika, chegumi cheguta chakawira pasi; uye vanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka kwapasi, uye vamwe vakasara vakatya ndokurumbidza Mwari wokudenga.” (Zvakazarurwa 11:13) Zvamazvirokwazvo kwaiva nekangaidziko huru munzvimbo yorudzidziso. Ivhu rakaratidzika sokunge kuti rakatenheka pasi pavatungamiriri vamachechi akakurumbira sezvo uyu mutumbi wamaKristu akamutsidzirwa wakashanda. Chegumi chimwe chomubato wawo, nomutoo wokufananidzira vanhu 7 000, vakatapurwa zvikuru kwazvo zvokuti ivo vanotaurwa nezvawo savari kuurawa.
-