Ganhuro 26
Chakavanzika Chinoyera chaMwari—Mugumo Wacho Une Mbiri!
1. (a) Ko Johane anotizivisa sei kuti chakavanzika chinoyera chinogumiswa? (b) Neiko mauto engirozi achitaura nenzwi guru?
UNOYEUKA here ziviso yakapiwa nengirozi ine simba yakanyorwa pana Zvakazarurwa 10:1, 6, 7? Iyo yakati: “Hapachinazve kunonoka; asi mumazuva okunzwika kwengirozi yechinomwe, apo iyo yodokuridza hwamanda yayo, chakavanzika chinoyera chaMwari mukuwirirana namashoko akanaka ayo iyo yakaparidza kuvaranda vake amene vaporofita chinopedzwa zvamazvirokwazvo.” Nguva yakafanira yaJehovha yakasvika nokuda kwokuridzwa kwehwamanda iyeyo yokupedzisira! Ko zvino, kunodaro sei kuti chakavanzika chinoyera chinopedzwa? Johane zvamazvirokwazvo anofara zvikurusa kutizivisa! Iye anonyora, kuti: “Ipapo ngirozi yechinomwe yakaridza hwamanda yayo. Uye manzwi makuru akanzwika mudenga, achiti: ‘Umambo hwenyika hwakava umambo hwaShe wedu nohwaKristu wake, uye iye achabata ushe samambo nokusingaperi-peri.’ ” (Zvakazarurwa 11:15) Mapoka iwawo engirozi ane chikonzero chokutaura nenzwi guru, kunyange namanzwi okutinhira! Nokuti iyi ziviso yenhau ndeyoukoshi hwenyika yose. Ndeyeitiro hanya inokosha kuchisiko chose chipenyu.
2. Chakavanzika chinoyera chinosvitswa kumugumo unokurira rini uye nechinoitikai?
2 Chakavanzika chinoyera chinosvika kumugumo wacho unofadza! Nomutoo une mbiri, nomutoo wakaisvonaka, icho chinosvika kumugumo unokurira muna 1914 apo Ishe Jehovha anogadza pachigaro choumambo Kristu wake saMambo pamwe chete naye. Achibatira Baba vake, Jesu Kristu anotora ubati ushe hunobate basa pakati penyika yavanhu inovenga. SeMbeu yakapikirwa, iye anogamuchira simba roUmambo kuti agoparadzanya Nyoka nembeu yayo ndokudzorera rugare rweparadhiso kupasi rino. (Genesi 3:15; Pisarema 72:1, 7) SaMambo wouMesiya, Jesu nokudarokwo achazadzika Shoko raJehovha ndokurevera Baba vake, “Mambo wokusingagumi,” uyo anofanira kubata ushe saChangamire Ishe “nokusingaperi-peri.”—1 Timotio 1:17.
3. Neiko Jehovha Mwari, kunyange zvazvo nguva dzose ari Mambo, akabvumira humwe uchangamire kuvapo pasi pano?
3 Asika “umambo hwenyika hwakava . . . umambo hwaShe wedu” Jehovha sei? Ko Jehovha nguva dzose ave asati ari Mambo here? Ichecho ichokwadi, nokuti Asafi muRevhi akaimba, kuti: “Mwari ndiye Mambo wangu kubvira kare.” Uye mumwe wezvamapisarema akadanidzira, kuti: “Jehovha iye amene ava mambo . . . Chigaro chenyu choumambo chakasimbiswa zvakatsiga kubvira kare; imi munobva kunguva isingazivikanwi.” (Pisarema 74:12; 93:1, 2) Kunyange zvazvo zvakadaro, muuchenjeri hwake Jehovha akabvumira vamwe vanachangamire kuvapo pasi pano. Nokudaro chirevo chakamutswa muEdheni kana munhu achigona kuzvidzora iye amene kana pasina Mwari chakaedzwa zvizere. Ubati ushe hwomunhu hwakundikana nomutoo unosuruvarisa. Echokwadi, zvamazvirokwazvo, ndiwo mashoko omuporofita waMwari, anoti: “Haiwa Jehovha, ndinosanoziva kuti nzira yomunhu wapasi haizati iri yake. Hakuzati kunyange kuri kwomunhu ari kufamba kururamisa nhano yake.” (Jeremia 10:23) Chifo chokusavimbika kwavabereki vedu vokutanga, pasi rose rinogarwa rave riri muudzori hwe“nyoka yapakuvamba,” Satani. (Zvakazarurwa 12:9; Ruka 4:6) Yava nguva, zvino, yechinjo inokatyamadza! Kureverera nzvimbo yake yapamaruramiro, Jehovha anovamba kushandisa uchangamire hwake pamusoro papasi nenzira itsva, kupfurikidza noUmambo hwake hwakagadzwa hwouMesiya.
4. Apo kuridzwa kwehwamanda kwakaitika muna 1922, chii chakacherekedzwa? Tsanangura.
4 Apo kuridzwa kwehwamanda nomwe kwakaitwa muna 1922, kokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri yapaCedar Point, Ohio, yakasimbisa hurukuro yakakurukurwa naJ. F. Rutherford, yakavakirwa parugwaro rwunoti “Umambo hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:17; King James Version) Iye akagumisa naaya mashoko, anoti: “Ipapo dzokerai kumunda, Haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusorosoro! Pfekai chifukidziro chenyu chesimbi! Pengenukai, svinurai, shingairai, tsungai. Ivai zvapupu zvakatendeka nezvechokwadi zvaShe. Pamberi nokurwa kutozosvikira chisaririra chiri chose cheBhabhironi chisisipo. Zivisai shoko kunzvimbo iri yose. Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. Rino izuva rinopfuura mazuva ose. Tarirai! Mambo anotonga! Imi muri vamiriri vake veparidziro. Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu hwakaiswa pamberi, uye ikoku kwakatangisa dirano huru yokuparidzira Umambo uko kwakabatanidza marutongeso akaziviswa nokurira kwedzose nomwe dzehwamanda dzengirozi.
5. Muna 1928, chii chakaitika pakokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri iyo yakasimbisira kuridzwa kwehwamanda yechinomwe?
5 Kurira kwehwamanda yengirozi yechinomwe kwakaratidzirwa mumapfundo makuru ekokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri muDetroit, Michigan, July 30–August 6, 1928. Panguva iyeyo nhepfutepfu 107 dzakabatanidzwa muicho The New York Times yakarondedzera se‘batano yakaisvokurisa uye inodya mari yenhepfenyuro munhau.’ Kokorodzano yakagamuchira nembavarira “Chiziviso Chine Simba Mukurwisana naSatani uye nokuda kwaJehovha,” chichiratidzira kukurirwa, paArmagedhoni, kwaSatani nesangano rake rakashata norusununguko rwavose avo vanoda kururama. Vadzorwi vakavimbika voUmambo hwaMwari vakafara kugamuchira budiso yekokorodzano, bhuku ramapeji 368 rinonzi Government. Irori rakagovera zvibvumikiso zvakajekesesa zvo“kuti Mwari akagadza Mambo wake Akazodzwa pachigaro chake choumambo muna 1914.”
Jehovha Anotora Simba
6. Ko Johane anosuma sei chiziviso chokuva kwaKristu akagadzwa pachigaro choumambo muUmambo hwaMwari?
6 Kristu akagadzwa pachigaro choumambo muUmambo hwaMwari—haiwa mufaro wakadini wakaratidzirwa nechiziviso ichochi! Johane anoshuma, kuti: “Zvino vakuru vanamakumi maviri navana vakanga vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zvoumambo vakawira pasi nezviso zvavo ndokunamata Mwari, vachiti: ‘Isu tinokuongai, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, Uyo aripo naakanga aripo, nokuti makatora simba renyu guru uye makavamba kubata ushe samambo.’ ”—Zvakazarurwa 11:16, 17.
7. Ko kuonga kwakapiwa sei kuna Jehovha Mwari (a) navakasarira vavakuru vane 24 vokufananidzira pasi pano? (b) naavo vavakuru vane 24 vokufananidzira vakanga vamutsirwa kunzvimbo dzavo mudenga?
7 Avo vanoita uku kuonga kuna Jehovha Mwari ndivo vakuru 24, vanofananidzira hama dzakazodzwa dzaKristu munzvimbo dzavo dzokudenga. Kubvira muna 1922 zvichienda mberi vakasarira vari pasi pano vaava vakazodzwa vane 144 000 vakabatikana mubasa rakatangwa nokurira kwehwamanda. Vakasvika pakuziva revo huru yechiratidzo chiri pana Mateo 24:3-25:46. Kunyange pakuvamba-vamba muzuva raShe, zvisinei, zvapupu biyavo izvo zvakanga zvato‘bvumikisa kuva zvakatendeka kunyange kusvikira kurufu’ zvakanga zvamutswa kuti zvitore nzvimbo dzazvo mudenga, kuti zvigone zvino kumirira boka rose ravane 144 000 mukuwira pasi nezviso zvavo kuti zvinamate Jehovha. (Zvakazarurwa 1:10; 2:10) Haiwa vanoonga sei vose ivava kuti Changamire Ishe wavo haana kunonoka mukusvitsa chakavanzika chake chinoyera kumugumo wokupedzisira!
8. (a) Ko kuridzwa kwehwamanda yechinomwe kunova netapuroi pamarudzi? (b) Ko marudzi akaratidzira kutsamwa kwawo mukurwisana naani?
8 Kuno rumwe rutivi, kuridzwa kwehwamanda yechinomwe hakuvigiri mufaro kumarudzi. Nguva yasvika yokuti iwo atambure kutsamwa kwaJehovha. Sokurondedzera kunoita Johane, kuti: “Asi marudzi akatsamwa, uye kutsamwa kwenyu kumene kwakamuka, nenguva yakagadzwa yokuti vakafa vatongwe, uye kupa tuso yavo kuvaranda venyu vaporofita navatsvene naavo vanotya zita renyu, vaduku navakuru, uye kuparadza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18) Kubvira muna 1914 zvichienda mberi marudzi enyika akaratidzira nomutoo unotyisa kutsamwirana kwawo, mukurwisana noUmambo hwaMwari, uye zvikurukuru mukurwisana nezvapupu zviviri zvaJehovha.—Zvakazarurwa 11:3.
9. Ko marudzi ave achiparadza pasi sei, uye Mwari akatsunga kuitei pamusoro pakwo?
9 Munhau yose marudzi ave achiparadza pasi kupfurikidza nehondo yawo inopfuurira nokutarisira kwakashata. Zvisinei, chifo cha1914 uku kuparadza kwakawedzera kusvikira kumwero unokatyamadza. Makaro noushati zvakavapo somuuyo mumagwenga anofutunuka nomukurashikirwa kuhombe kwenyika inobereka zvibereko. Mvura inouya ine acid namakore ane muchetura enyukireya zvakakuvadza nharaunda huru. Manyuko ezvokudya akashatswa. Mhepo yatinofema nemvura yatinonwa zvakashatswa. Matsvina enzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwezvinhu anotyisidzira upenyu huri panyika nomugungwa. Pane imwe nguva, masimba makuru anotyisidzira kupedza kuparadza kupfurikidza nokuparadza kwenyukireya vanhu vose. Nomufaro, Jehovha acha“paradza avo vanoparadza pasi”; iye achaita rutongeso pana vanhu ivavo vanodada, vasina umwari vano mutoro nokuda kwomugariro unosuruvarisa wapasi. (Dheuteronomio 32:5, 6; Pisarema 14:1-3) Naizvozvo, Jehovha anogadzirira nhamo yechitatu, kuita kuti ava vaiti vezvisakarurama vazvidavirire.—Zvakazarurwa 11:14.
Nhamo Kuna Vanoparadza!
10. (a) Chii chiri nhamo yechitatu? (b) Ko nhamo yechitatu inounza chinopfuura kutambudzwa munzirai?
10 Heino, ipapoka, nhamo yechitatu. Inouya nokukurumidza! Ndiwo mutoo waJehovha wokuunza nawo ruparadziko kuna avo vanoshatsa “chitsiko chetsoka” dzake, pasi rino rakanaka ratinorarama pariri. (Isaya 66:1) Runotangwa noUmambo hwouMesiya—chakavanzika chinoyera chaMwari. Vavengi vaMwari, navatungamiriri vechiKristudhomu zvikurukuru, vave vachitambudzwa nenhamo mbiri dzokutanga—kwakaparirwa zvikurukuru nedambudziko remhashu namauto avatasvi vamabhiza; asi nhamo yechitatu, iyo Umambo hwaJehovha ihwo humene hunotarisira, inounza chinopfuura kutambudza. (Zvakazarurwa 9:3-19) Inogovera kurovanya kunouraya mukubvisa chaunga chavanhu chinoparadza navabati ushe vacho. Ikoku kuchasvika somugumo wokutonga kwaJehovha paArmagedhoni. Kuri seizvo Dhanieri akaporofita, kuti: “Uye mumazuva amadzimambo iwawo [vabati ushe vari kuparadza pasi] Mwari wokudenga uchagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. Uye umambo ihwo humene hahuzati huchizopfuudzwa kuno rumwe rudzi rupi norupi rwavanhu. Ihwo huchaputsanya ndokugumisa maumambo iwawa ose, uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Segomo rakaisvonaka, Umambo hwaMwari huchabata ushe pamusoro papasi rakaitwa kuti rive nembiri, huchireverera uchangamire hwaJehovha nokuvigira mufaro usingagumi kuvanhu.—Dhanieri 2:35, 44; Isaya 11:9; 60:13.
11. (a) Inhevedzanoi inopfuurira yezvinoitika zvinofadza inorondedzerwa nouporofita? (b) Itsitsii dzakakomba dzinozadzikwa, sei, uye naani?
11 Nhamo yechitatu inova pamwe chete nenhevedzano inopfuurira yezvinoitika zvinofadza zvichapfuurira nomutoo unoenderera mberi muzuva rose raShe. Inguva ‘yokuti vakafa vatongwe, neyokuti Mwari ape tuso yavo kuvaranda vake kuvaporofita nokuvatsvene nokuna avo vanotya zita rake.’ Ikoko kunoreva rumuko muna vakafa! Kuna vatsvene vakazodzwa vakatovata murufu, ikoku kunoitika pakuvamba muzuva raShe. (1 VaTesaronika 4:15-17) Munguva yakafanira vatsvene vakasarira vanokumbanira ivava kupfurikidza norumuko rwapakarepo. Vamwe vachatuswawo, kubatanidza varanda vaMwari vaporofita vomunguva dzekare navamwe vose vavanhu vanosvika pakutya zita raJehovha, kunyange vari veboka guru vanopukunyuka dambudziko guru kana va“kafa, vakuru navaduku,” vanomutsirwa kuupenyu mukati moKutonga kweMakore Ane Gumi Ramazana kwaKristu. Sezvo Mambo wouMesiya waMwari ane kiyi dzorufu neHadhesi, ubati ushe hwake hwoUmambo hunomuzarurira nzira kuti ape upenyu husingaperi kuna vose vanosvasvavirira gadziriro iyeyo inokosha. (Zvakazarurwa 1:18; 7:9, 14; 20:12, 13; VaRoma 6:22; Johane 5:28, 29) Kunyange huri upenyu husingafi mumatenga kana upenyu husingagumi pasi pano, ichi chipo choupenyu itsitsi dzakakomba dzinobva kuna Jehovha, idzo mugamuchiri mumwe nomumwe angava anoonga nokuda kwadzo nokusingaperi!—VaHebheru 2:9.
Ona Areka Yesungano Yake!
12. (a) Mukuwirirana naZvakazarurwa 11:19, Johane anoonei mudenga? (b) Ko areka yesungano yakanga yave iri chiratidzo chei, uye chii chakaitika kwairi pashure pokunge Israeri apinda muutapwa kuBhabhironi?
12 Jehovha anobata ushe! Kupfurikidza noUmambo hwake hwouMesiya, iye ari kushandisa uchangamire hwake kuvanhu nenzira inoshamisa. Ikoku kunosimbiswa neicho Johane anoonazve, achiti: “Ipapo nzvimbo tsvene yetembere yaMwari iri mudenga yakazarurwa, uye areka yesungano yake yakaonekwa munzvimbo tsvene yake yetembere. Ipapo pakaitika mheni namanzwi nokutinhira nokudengenyeka kwapasi uye chimvuramabwe chikuru.” (Zvakazarurwa 11:19) Uku ndiko kududzwa bedzi muna Zvakazarurwa kweareka yesungano yaMwari. Areka yakanga iri chiratidzo chinooneka chokuvapo kwaJehovha pavanhu vake Israeri. Mutabhernakeri, uye gare gare mutembere yakavakwa naSoromoni, yakanga ichichengetwa muNzvimbo Tsvene Tsvene. Asi apo Israeri akapinda muutapwa muBhabhironi muna 607 B.C.E., Jerusarema rakaitwa dongo uye areka yesungano yakanyangarika. Ndipo apo vamiriri veimba yaDhavhidhi vakaguma “kugara pachigaro choumambo chaJehovha.”—1 Makoronike 29:23.a
13. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti areka yesungano yaMwari inoonwa munzvimbo tsvene yokudenga yaMwari?
13 Zvino, pashure peanopfuura makore 2 600, Areka inoonwazve. Asi muchiono chaJohane iyi Areka haizati iri mutembere yapasi. Inoonwa munzvimbo tsvene yokudenga yaMwari. Zvakare, Jehovha anobata ushe kupfurikidza namambo womumutsara woumambo waDhavhidhi. Zvisinei, nguva ino Mambo, Kristu Jesu, anogadzwa pachigaro choumambo muJerusarema rokudenga—nzvimbo yakakwirira yaanoita marutongeso aJehovha ari. (VaHebheru 12:22) Maganhuro anotevera aZvakazarurwa achatiwadzanyurira izvozvi.
14, 15. (a) MuJerusarema rekare, ndiani bedzi aiona areka yesungano, uye nei? (b) Munzvimbo tsvene yetembere yokudenga yaMwari, ndivanaani vanoona areka yesungano yake?
14 MuJerusarema rekare rapasi, Areka yakanga isingaonwi navaIsraeri vosewo zvavo, kana kunyange navaprista vaibatira mutembere, nokuti iyo yakanga iri Munzvimbo Tsvene Tsvene yakanga yakakamurwa neNzvimbo Tsvene nechidzitiro. (Numeri 4:20; VaHebheru 9:2, 3) Muprista mukuru bedzi aiiona apo iye aipinda muNzvimbo Tsvene paZuva reYananiso regore negore. Hunyanguvezvo, apo nzvimbo tsvene yetembere mumatenga inozarurwa, areka yokufananidzira inooneka kusati kuchingova bedzi kuMuprista Mukuru waJehovha, Jesu Kristu, asiwo kuvaprista vaduku vake, vane 144 000 kubatanidza Johane.
15 Vokutanga ivavo vakamutsirwa kudenga vanoona iyi areka yokufananidzira vari pedyo, nokuti ivo vakatora nzvimbo yavo sorutivi rwavakuru vane 24 vakapoteredza chigaro choumambo chaJehovha. Uye boka raJohane riri pasi pano rakavhenekerwa nomudzimu waJehovha kucherekedza kuvapo Kwake mutembere Yake yomudzimu. Kwavewo kune zviratidzo zvokusvinudzira vanhu vose zvavo kune ichi chinoitika chinoshamisa. Chiono chaJohane chinoreva nezvemheni, manzwi, kutinhira, kudengenyeka kwapasi, uye chimvuramabwe. (Enzanisa naZvakazarurwa 8:5.) Ko izvozvi zvinofananidzirei?
16. Ko kwave kune mheni, manzwi, kutinhira, kudengenyeka kwapasi uye chimvuramambwe sei?
16 Chifo cha1914 kwave kune vhiringidziko hombe munzvimbo dzorudzidziso. Nomufaro, kunyange zvazvo zvakadaro, uku “kudengenyeka kwapasi” kwave kuchiva pamwe chete namanzwi akazvitsaurira anopa shoko rakajeka pamusoro poUmambo hwakagadzwa hwaMwari. ‘Nyevero dzedutu’ dzinotinhira dzinobva muBhaibheri dzakaziviswa. Semheni, kupenya kwenzwisiso pamusoro peShoko rouporofita raMwari kwakaoneka uye kwakaparidzirwa. “Chimvuramabwe” chinorovanya zvakasimba chamarutongeso oumwari chakasunungurirwa pachiKristudhomu norudzidziso rwenhema rwose zvarwo. Kwose ikoku kwaifanira kuve kwakabata ngwariro yavanhu. Nomutoo unosuruvarisa, kunyange zvazvo zvakadaro, voruzhinjisa—savanhu veJerusarema munguva yaJesu—vakakundikana kucherekedza zadziko yeizvi zviratidzo zvaZvakazarurwa.—Ruka 19:41-44.
17, 18. (a) Kuridzwa kwehwamanda nengirozi nomwe kwakaunza mutoroi kumaKristu akazvitsaurira? (b) Ko maKristu ari kuita sei basa rawo?
17 Ngirozi nomwe dzinopfuurira kuridza hwamanda dzadzo, dzichizivisa zvinoitika zvenhau pasi pano. MaKristu akazvitsaurira ane mutoro mukuru wokupfuurira kuparidzira idzi ziviso kunyika. Haiwa vanofara sei mukuita basa irero! Ikoko kunoratidzirwa mukuti, mukati mumakore 20, kubva muna 1986 kusvikira kuna 2005, ivo vakada kupeta nekaviri maawa akapedzerwa gore negore muushumiri—kubvira pa680 837-042 kusvikira ku1 278 235 504. Zvamazvirokwazvo, “chakavanzika chinoyera chaMwari mukuwirirana namashoko akanaka” chiri kuziviswa “kumigume-gume yapasi rinogarwa.”—Zvakazarurwa 10:7; VaRoma 10:18.
18 Zvimwe zviono zvino zvinotimirira sezvo madonzo oUmambo hwaMwari anopfuurira kuva anowadzanyurwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Wezvenhau weRoma Tacitus anoshuma kuti apo Jerusarema rakatapwa muna 63 B.C.E., uye Cneius Pompeius akapinda munzvimbo tsvene yetembere, akawana kuti yakanga isina chinhu. Makanga musina areka yesungano mukati mayo.—Tacitus History, 5.9.
[Bhokisi riri papeji 173]
Mapfundo Makuru Okuziviswa Kworutongeso Rwakafanana Nehwamanda rwaJehovha
1. 1922 Cedar Point, Ohio: Chishoro kuvatungamiriri vechiKristudhomu vari murudzidziso, mune zvamatongerwe enyika, nomubhizimisi guru kururamisa kundikano yavo yokuunza rugare, rubudiriro, nomufaro. Umambo hwouMesiya ndihwo chigadzikiso.
2. 1923 Los Angeles, California: Hurukuro yavose, “Marudzi Ose Zvino Ari Kuenda kuArmagedhoni, asi Mamiriyoni Zvino Anorarama Haatongofi,” yakadanira pa“makwai” anoda rugare kusiya gungwa rohunhu rinouraya.
3. 1924 Columbus, Ohio: Vafundisi vakapomerwa mhaka yokuzvikudza nokuramba kuparidza Umambo hwouMesiya. MaKristu echokwadi anofanira kuparidza matsive aMwari ndokunyaradza vanhu vanochema.
4. 1925 Indianapolis, Indiana: Shoko retariro rinosianisa rima romudzimu muchiKristudhomu nechipikirwa chakajeka choUmambo chorugare, rubudiriro, utano, upenyu, rusununguko, nomufaro usingagumi.
5. 1926 London, England: Kutambudza kwakafanana nokwemhashu chiKristudhomu navafundisi vacho, kunofumura kuramba kwavo Umambo hwaMwari, nokurumbidza kuberekwa kwehurumende iyeyo yokudenga.
6. 1927 Toronto, Canada: Kokero, yakaita seine mauto navatasvi vamabhiza, kuraira vanhu kusiya ‘chiKristu chakarongwa’ ndokupa ruvimbiko rwomwoyo wose kuna Jehovha Mwari nokuna Mambo wake noUmambo.
7. 1928 Detroit, Michigan: Ziviso mukurwisana naSatani uye nokuda kwaJehovha, ichijekesa kuti Mambo akazodzwa waMwari, akagadzwa pachigaro choumambo muna 1914, achaparadza sangano rakaipa raSatani ndokusunungura vanhu.
[Bhokisi riri papeji 175]
Kuparadza Pasi
“Masekondi matatu ari ose chikamu chamasango anonaya mvura zvikuru apakuvamba chine ukuru hwenhandare yenhabvu chinonyangarika. . . . Kurasika kwamasango apakuvamba kuri kuparadza zviuru zvezvirimwa namarudzi emhuka.”—Illustrated Atlas of the World (Rand McNally).
“Mumazana maviri amakore okugara kwavanhu, [Nyanza Huru] dzakavawo nzvimbo hurusa dzokurashira matsvina dzenyika.”—The Globe and Mail (Canada).
Muna April 1986 kuputika nomwoto panzvimbo yesimba renyukireya muChernobyl, U.S.S.R., “kwakanga kuri chinoitika chenyukireya chinoisvotapura . . . chifo chokubhombwa kweHiroshima neNagasaki,” kuchibudisa “mwaranzi yenguva refu zvikuru mumhepo yenyika, ivhu rapamusoro nemvura kupinda kuedzwa kwose kwenyukireya namabhomba ati amboputiswa.”—JAMA; The New York Times.
MuMinamata, Japan, nzvimbo yemivhenganiswa yemishonga yakayeredzera matsvina mumukana wegungwa. Kudya hove nehovekanje dzakashatiswa neiyi yeredzwo kwakaparira hosha yeMinamata (MD) “hosha inopfuurira yetsinga. . . . Kusvikira zvino [1985], vanhu 2 578 muJapan yose pamutemo vakasimbisirwa kuva vane MD.”—International Journal of Epidemiology.
[Bhokisi riri papeji 176]
Zvirevo zvinokosha zviri pana Zvakazarurwa 11:15-19 isumo dzezviono zvinotevera. Zvakazarurwa ganhuro 12 itsinhirwo yezvinoitika zvakaitika pakuvamba-vamba zvinokudziridza muudzame zviziviso zvakaisvonaka zviri pana Zvakazarurwa 11:15, 17. Ganhuro 13 inopa chirongwa chiri pa11:18, sezvainorondedzera mviromviro nokukudziridzika kwesangano rezvamatongerwe enyika raSatani iro rakaparira ruparadziko kupasi. Ganhuro 14 ne15 dzinorondedzerazve muudzame marutongeso oUmambo anobatanidzwa nokuridzwa kwehwamanda yechinomwe nenhamo yechitatu.
[Mifananidzo iri papeji 174]
Jehovha acha“paradza avo vanoparadza pasi”