-
Ngwarira KunyengerwaNharireyomurindi—2004 | February 15
-
-
5. Satani akawedzera sei mazano ake ounyengeri munguva ino yomugumo, uye ndivanaani vaanonyanya kuvavarira?
5 Munguva ino yomugumo, Satani akawedzera kushanda kwake. Akakandirwa pasi pano. Anoziva kuti nguva yake ipfupi, uye “akatsamwa kwazvo.” Atsunga kuparadza vakawanda sezvinobvira, ari “kutsausa pasi rose rinogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9, 12) Satani haasi munyengeri anongonyengera nenguva dziri kure. Asi, haaregi mukunyengera kwake vanhu.a Anoshandisa nzira dzose dzokunyengera dzaanadzo—kusanganisira kuchera—kupofumadza pfungwa dzevasingatendi uye kuti vasaswedera pedyo naMwari. (2 VaKorinde 4:4) Tenzi wokunyengera uyu akatsunga zvikuru kuparadza vaya vari kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24; 1 Petro 5:8) Usambokanganwa kuti Satani, chaizvoizvo, akataura kuti: ‘Ndinogona kutsausa munhu wose pana Mwari.’ (Jobho 1:9-12) Ngatimbotarisa mamwe e“mazano ounyengeri” aSatani.—VaEfeso 6:11, Jewish New Testament.
-
-
Ngwarira KunyengerwaNharireyomurindi—2004 | February 15
-
-
a Nezveshoko rechiito rakashandurwa kuti “ari kutsausa” pana Zvakazarurwa 12:9, rimwe bhuku rinotaura kuti rino“ratidza chiito chinoramba chichienderera mberi chinenge chava tsika.”
-