Ganhuro 32
Kutsamwa kwaMwari Kunopedzwa
1. Chii chichave chaitika apo ndiro nomwe dzichave dzadururwa kusvikira pakupedzisira, uye mibvunzoi zvino inomuka pamusoro pendiro?
JOHANE atosuma ngirozi dzakatumwa kundodurura ndiro nomwe. Iye anotiudza kuti “iwawa ndiwo okupedzisira, nokuti kutsamwa kwaMwari kunopedzwa kupfurikidza nawo.” (Zvakazarurwa 15:1; 16:1) Aya madambudziko, anoratidzira zvirango zvaJehovha nokuda kwouipi mupasi, anofanira kudururwa kusvikira pakupedzisira. Apo iwo anenge apera, marutongeso aMwari achave aitwa. Nyika yaSatani haichazovipozve! Ko aya madambudziko anoratidzirei nokuda kwavanhu navabati ushe vetsika yazvino yakaipa? Ko maKristu anogona sei kudzivisa kuva anorwadziwa pamwe chete neiyi nyika yakashurikidzwa? Iyoyi mibvunzo inokosha, uye zvino iyo ichapindurwa. Vose vanopanga rukundo rwokururama vachafarira zvikuru izvo Johane anoona mukutevera.
Kutsamwira “Pasi” kwaJehovha
2. Chii chinoparirwa nokudururira kwengirozi yokutanga ndiro yayo mupasi, uye chii chinofananidzirwa ne“pasi”?
2 Ngirozi yokutanga inoita chiito! “Ipapo yokutanga yakaenda ndokudururira ndiro yayo mupasi. Uye ronda rinorwadza nerakaipa rakava pavanhu vakanga vane chiratidzo chechikara navakanga vachinamata mufananidzo wacho.” (Zvakazarurwa 16:2) Somune chinoitika chokurira kwokutanga kwehwamanda, pano “pasi” rinofananidzira tsika yezvamatongerwe enyika inoratidzika kuva yakatsiga iyo Satani akavamba kuumba pasi pano shure munguva yaNimrodhi, kwaanopfuura makore 4 000 akapfuura.—Zvakazarurwa 8:7.
3. (a) Ko hurumende zhinji dzakaraira sei icho chakava kunamata kunobva kuvadzorwi vavo? (b) Ko marudzi akaitei sechitsivo choUmambo hwaMwari, uye chii chiri tapuro pana avo vanochinamata?
3 Mumazuva ano okupedzisira, hurumende zhinji dzakaraira kuti dzinoda chaizova kunamatwa navadzorwi vadzo, dzichiomerera kuti Hurumende dzinofanira kusimudzirwa pamusoro paMwari kana kuti rumwe ruvimbiko rwupi norwupi. (2 Timotio 3:1; enzanisira naRuka 20:25; Johane 19:15.) Chifo cha1914 kwakava kunozivikanwa kuti marudzi anyorese pwere dzawo nokuda kwokuti dzirwe, kana kuti kuva dzakagadzirira kurwa, rudzi rwehondo yachose chose yakasvibisa neropa mapeji enhau yazvino uno. Mukati mezuva raShe, marudzi akabudisawo, sechitsivo nokuda kwoUmambo hwaMwari, mufananidzo wechikara—Chinzwano chaMarudzi nomutsivi wacho, Chibatanwa chaMarudzi. Haiwa rumhuro rwakadini kuzivisa, sezvakaita vanapapa vazvino uno, kuti uyu mutumbi wakaitwa navanhu ndiwo tariro bedzi bedzi yamarudzi nokuda kworugare! Iwo unoshora nomutoo wakatsiga Umambo hwaMwari. Avo vanounamata vanova vasina kuchena mumudzimu, vazerwe namaronda, kungofanana navaEgipita avo vaishora Jehovha muzuva raMosesi vakatambudzwa namamota chaiwoiwo namaronda.—Eksodho 9:10, 11.
4. (a) Ko zviri mukati mendiro yokutanga yengirozi yaMwari zvinosimbisei zvikurukuru? (b) Ko Jehovha anorangarira sei avo vanogamuchira chiratidzo chechikara?
4 Zviri mukati meiyi ndiro zvinosimbisa nomutoo wakasimba chisarudzo chiri pamberi pavanhu. Ivo vanofanira kutambura kusatendera kwenyika kana kuti zvimwe kutsamwa kwaJehovha. Vanhu vakamanikidzirwa kugamuchira chiratidzo chechikara nedonzo rokuti “hapana munhu angava anokwanisa kutenga kana kuti kutengesa, kutoti bedzi munhu ane chiratidzo, zita rechikara kana kuti chiverengero chezita racho.” (Zvakazarurwa 13:16, 17) Asi pane muripo wokuripira ikoku! Jehovha anorangarira avo vanogamuchira chiratidzo savari kurovanywa ne“ronda rinorwadza nerakaipa.” Chifo cha1922 ivo vakaratidzirwa pamhene savari vakaramba Mwari mupenyu. Mazano avo ezvamatongerwe enyika haana rubudiriro, uye vanotambura neshungu. Mumudzimu, ivo havana kuchena. Kutoti vakapfidza, ichi chirwere “chinorwadza” chichava chinouraya, nokuti zvino izuva rorutongeso raJehovha. Hapana nzvimbo yokusatora rutivi pakati pokuva rutivi rwetsika yezvinhu yenyika nokubatira Jehovha kurutivi rwaKristu wake.—Ruka 11:23; enzanisira naJakobho 4:4.
Gungwa Rinoshanduka Kuva Ropa
5. (a) Chii chinoitika apo ndiro yechipiri inodururwa? (b) Ko Jehovha anorangarira sei avo vanogara pagungwa rokufananidzira?
5 Ndiro yechipiri yokutsamwa kwaMwari zvino inofanira kudururwa. Ichareveiko nokuda kwavanhu? Johane anotiudza, kuti: “Zvino yechipiri yakadururira ndiro yayo mugungwa. Ipapo rakashanduka kuva ropa seromunhu akafa, uye mweya mupenyu uri wose wakafa, hungu, zvinhu zviri mugungwa.” (Zvakazarurwa 16:3) Sokurira kwechipiri kwehwamanda, iyi ndiro inonangidzirwa pa“gungwa”—vanhu vazhinjisa vakapirutsika, vanopandukira vari kure naJehovha. (Isaya 57:20, 21; Zvakazarurwa 8:8, 9) Mumeso aJehovha, iri “gungwa” rakafanana neropa, harina kukodzera kuti zvisikwa zvigaremo. Ndokusaka maKristu achifanira kuva asati ari rutivi rwenyika. (Johane 17:14) Kudururwa kwendiro yechipiri yokutsamwa kwaMwari kunowadzanyura kuti vanhu vose vanogara mune iri gungwa vakafa mumeso aJehovha. Kupfurikidza nechikonzero chomutoro wenzanga, vanhu vane mhaka yokuteurwa kukurusa kweropa risine mhaka. Apo zuva raJehovha rokutsamwa rinosvika, ivo vachafa chaizvoizvo pakuuraya kwamauto ake.—Zvakazarurwa 19:17, 18; enzanisira naVaEfeso 2:1; VaKorose 2:13.
Kuvapa Ropa Rokunwa
6. Chii chinoitika apo ndiro yechitatu inodururwa, uye mashokoi anonzwiwa anobva kungirozi uye anobva paatari?
6 Ndiro yechitatu yokutsamwa kwaMwari, sokurira kwechitatu kwehwamanda, ine tapuro pamanyuko akachena emvura. “Zvino yechitatu yakadururira ndiro yayo munzizi nomumatsime emvura. Ipapo dzakashanduka kuva ropa. Ipapo ini ndakanzwa ngirozi inotarisira mvura ichiti: ‘Imi, Uyo aripo naakanga aripo, Nyakuvimbika, makarurama, nokuti imi makaita izvi zvisarudzo, nokuti ivo vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, uye imi makavapa ropa rokunwa. Ivo vakafanirwa naro.’ Ipapo ndakanzwa atari ichiti: ‘Hungu, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, zvisarudzo zvenyu zvokutonga ndezvechokwadi uye zvakarurama.’ ”—Zvakazarurwa 16:4-7.
7. Chii chinofananidzirwa ne“nzizi namatsime emvura”?
7 Idzi “nzizi namatsime emvura” dzinofananidzira anonzi manyuko akachena enhungamiro nouchenjeri zvinogamuchirwa neiyi nyika, zvakadai souzivi hwezvamatongerwe enyika, hwomugariro wemari, hwezvesayenzi, hwedzidzo, hwefambidzano, uye hworudzidziso hunotungamirira zviito zvavanhu nezvisarudzo. Panzvimbo pokuvimba naJehovha, Manyuko oupenyu, nokuda kwezvokwadi dzinopa upenyu, vanhu va‘kazvivezera vamene magangwa akaputsika’ ndokunwa zvikurukuru “uchenjeri hwenyika ino [uhwo] huri upenzi kuna Mwari.”—Jeremia 2:13; 1 VaKorinte 1:19; 2:6; 3:19; Pisarema 36:9.
8. Ko vanhu vakapara mhaka yeropa munzirai?
8 “Mvura” dzakasviba dzakadaro dzakaparira vanhu kuva vane mhaka yeropa, somuenzaniso, mukuvakurudzira kuteura ropa pamwero mukurusa muhondo, idzo muzana ramakore rapfuura dzakauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni ane zana. Zvikurukuru muchiKristudhomu, umo hondo dzenyika mbiri dzakatanga, vanhu vave vachi“mhanyira kuteura ropa risine mhaka,” uye ikoku kwakabatanidza ropa rezvapupu zvaMwari amene. (Isaya 59:7; Jeremia 2:34) Vanhu vakaparawo mhaka yeropa kupfurikidza nokushandisa kwavo zvisino kufanira mwero mikuru yeropa nokuda kwokuisirwa ropa, mukuputswa kwemitemo yakarurama yaJehovha. (Genesi 9:3-5; Revhitiko 17:14; Mabasa 15:28, 29) Nokuda kwaikoku, vakatocheka rusuruvaro runoparirwa nokuwanziridzika zvikuru, kupfurikidza nokuisirwa ropa, kweAIDS, zvirwere zvechiropa, nedzimwe hosha. Matsive azere nokuda kwemhaka yose yeropa achakurumidza kuitwa apo vadariki vanoripira nechirango chikurusa, vachiva vanotsikwa-tsikwa mu“chisviniro chewaini chikuru chokutsamwa kwaMwari.”—Zvakazarurwa 14:19, 20.
9. Ko kudururwa kwendiro yechitatu kunobatanidzei?
9 Muzuva raMosesi, apo Rwizi rwaNire rwakashandurwa kuva ropa, vaEgipita vakakwanisa kupfuurira kurarama kupfurikidza nokutsvaka mamwe manyuko emvura. (Eksodho 7:24) Nhasi, kunyange zvazvo zvakadaro, mukati medambudziko romudzimu, hakuna imwe nzvimbo munyika yaSatani uko vanhu vanogona kuwana mvura dzinopa upenyu. Kudururwa kweiyi ndiro yechitatu kunobatanidza kuzivisa kuti “nzizi namatsime emvura” zvenyika zvakaita seropa, zvichivigira rufu rwomudzimu kuna vose vanodzinwa. Kutoti bedzi vanhu vakatendeukira kuna Jehovha, ivo vanocheka rutongeso rwake rwakashata.—Enzanisa naEzekieri 33:11.
10. Ko “ngirozi inotarisira mvura” inozivisei, uye “atari” inowedzera chipupuriroi?
10 “Ngirozi inotarisira mvura,” ndiko kuti, ngirozi inodururira iyi ndiro mumvura, inokudza Jehovha soMutongi Wenzvimbo yose, uyo ane zvisarudzo zvakarurama zviri zvakakwana. Naizvozvo, iye anotaura nezvourwu rutongeso, kuti: “Ivo vakafanirwa narwo.” Pasina panikiro, ngirozi iyo imene yakaona kuteurwa kukurusa kweropa noutsinye zvakakurudzirwa anopfuura mazana amakore kupfurikidza nedzidziso dzenhema nouzivi hwenyika ino yakaipa. Nokuda kwechikonzero ichocho, inoziva kuti chisarudzo chokutonga chaJehovha chakarurama. Kunyange “atari” yaMwari inotaura. Pana Zvakazarurwa 6:9, 10, mweya yaavo vakaurairwa kutendeka inotaurwa kuva iri pasi peatari iyeyo. Naizvozvo “atari” inowedzera chipupuriro chine simba pamusoro peruramisiro nokururama kwezvisarudzo zvaJehovha.a Zvamazvirokwazvo, kwakakodzera kuti avo vakateura ndokushandisa zvisinokufanira zvikuru kwazvo ropa ivo vamene vanofanira kuva vakagombedzerwa kudya ropa, muchiratidzo chokuvatongera kurufu kwaJehovha.
Kupisa Vanhu Nomwoto
11. Chii chiri chipfuro chendiro yechina yengirozi yaMwari, uye chii chinoitika painodururwa?
11 Zuva ndiro chipfuro chendiro yechina yokutsamwa kwaMwari. Johane anotiudza, kuti: “Ipapo yechina yakadururira ndiro yayo pazuva; uye zuva rakabvumirwa kupisa vanhu nomwoto. Zvino vanhu vakapiswa nokupisa kukuru, asi ivo vakamhura zita raMwari, uyo ane chiremera pana aya madambudziko, uye havana kupfidza kuti vape mbiri kuna iye.”—Zvakazarurwa 16:8, 9.
12. Chii chiri “zuva” renyika, uye chii chinobvumirwa kune iri zuva rokufananidzira?
12 Nhasi, pamhedziso yetsika yezvinhu, hama dzomudzimu dzaJesu “dzinopenya nomutoo wakajeka sezuva muumambo hwaBaba vadzo.” (Mateo 13:40, 43) Jesu iye amene ndiye “zuva rokururama.” (Maraki 4:2) Vanhu, kunyange zvazvo zvakadaro, vane “zuva” ravo vamene, vane vabati ushe vavo vamene vanoedza kupenya mukushora Umambo hwaMwari. Kurira kwehwamanda yechina kwakazivisa kuti ‘zuva, mwedzi, nenyeredzi’ zviri mumatenga echiKristudhomu zvamazvirokwazvo manyuko erima, kwete chiedza. (Zvakazarurwa 8:12) Ndiro yechina yokutsamwa kwaMwari zvino inoratidzira kuti “zuva” renyika raizopisa nomutoo usingatsungiririki. Avo vanovimbwa navo savatungamiriri vakafanana nezuva vaizo“pisa” vanhu. Ikoku kwaizobvumirwa kuzuva rokufananidzira. Namamwe mashoko, Jehovha aizobvumira ikoku sorutivi rworutongeso rwake rwakaita somwoto pavanhu. Ko uku kupisa kwakaitika munzirai?
13. Ko vabati ushe vakaita sezuva venyika ino “vakapisa” vanhu munzirai?
13 Pashure pehondo yenyika yokutanga, vabati ushe venyika ino vakaumba Chinzwano chaMarudzi munhamburiko yokupedza chinetso chechengeteko yenyika, asi ichochi chakakundikana. Naizvozvo mamwe marudzi okuedza oubati ushe akaedzwa, akadai sechiFascist nechiNazi. Chikomonizimu chakapfuurira kufutunuka. Panzvimbo pokuvandudza mugariro wavanhu, vabati ushe vakaita sezuva vari mune idzi tsika vakavamba ku‘pisa vanhu nokupisa kukuru.’ Hondo dzomunzvimbomo, muSpain, Ethiopia, uye Manchuria dzakaparira hondo yenyika yechipiri. Nhau yazvino uno inopupurira kuti Mussolini, Hitler, naStalin savashushi vakaparira nomutoo wakananga uye nomutoo usina kunanga nzufu dzamakumi amamiriyoni, kubatanidza zhinji dzamarudzi avo vamene. Pamisi ichangobva kupfuura ino iyi, rwisano dzamarudzi ose kana kuti dzavasati vari varwi dzaka“pisa” vanhu vomunyika dzakadai seVietnam, Kampuchea, Iran, Lebanon, uye Ireland, uyewo nyika dzomuLatin America neAfrica. Wedzera kuna ikoku rwisano inopfuurira pakati pamasimba makuru, ane zvombo zvawo zvenyukireya zvinotyisa zvinokwanisa kuroromesa vanhu vose. Mumazuva ano okupedzisira, vanhu vakatayayikwa ku“zuva” rinopisa, vabati ushe vavo vasina kururama. Kudururwa kwendiro yechina yokutsamwa kwaMwari kwakaratidzira aya maidi enhau, uye vanhu vaMwari vakaazivisa mupasi rose rose.
14. Ko Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvave zvichidzidzisei kuva chigadzikiso bedzi chezvinetso zvavanhu, nedavidzoi yakaitwa navanhu zvavo?
14 Zvapupu zvaJehovha nguva dzose zvave zvichidzidzisa kuti chigadzikiso bedzi chezvinetso zvinotambudza zvavanhu ndihwo Umambo hwaMwari, uhwo Jehovha anoita donzo kutsvenesa zita rake kupfurikidza nahwo. (Pisarema 83:4, 17, 18; Mateo 6:9, 10) Zvisinei, vanhu vose zvavo vakatendeudzira nzeve isinganzwi kune ichi chigadzikiso. Vazhinji vanoramba Umambo vanomhurawo zita raMwari, seizvo Farao akaita apo iye akaramba kubvuma uchangamire hwaJehovha. (Eksodho 1:8-10; 5:2) Vasina havo fariro muUmambo hwouMesiya, ava vashori vanosarudza havo kutambura pasi pe“zuva” ravo vamene rinopisa roubati ushe hwavanhu hunodzvinyirira.
Chigaro Choumambo Chechikara
15. (a) Ko ndiro yechishanu inodururwa pamusoro pechii? (b) Chii chiri “chigaro choumambo chechikara,” uye chii chinobatanidzwa mukudururwa kwendiro pamusoro pacho?
15 Ko ngirozi inotevera inodururira ndiro yayo pamusoro pechii? “Uye yechishanu yakadururira ndiro yayo pamusoro pechigaro choumambo chechikara.” (Zvakazarurwa 16:10a) “Chikara” itsika yehurumende yaSatani. Icho hachina chigaro choumambo chaichoicho, sezvo chikara icho chimene chisati chiri chaichoicho. Zvisinei, kududzwa kwechigaro choumambo kunoratidzira kuti chikara chakashandisa chiremera choumambo pavanhu; ikoku kunotsinhirana neidi rokuti mumwe nomumwe wemisoro yechikara une korona youmambo. Kureva idi, “chigaro choumambo chechikara” ndiyo nheyo, kana kuti manyuko, yechiremera ichecho.b Bhaibheri rinowadzanyura mugariro wechokwadi wechiremera choumambo chechikara parinoti “dragoni yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choumambo nechiremera chikuru.” (Zvakazarurwa 13:1, 2; 1 Johane 5:19) Nokudaro, kudururwa kwendiro pamusoro pechigaro choumambo chechikara kunobatanidza ziviso inowadzanyura rutivi rwechokwadi urwo Satani akaita uye rwaachiri kuita mukutsigira nokusimudzira chikara.
16. (a) Ko marudzi anobatira aniko, kunyange achiziva nezvako kana kuti kwete? Tsanangura. (b) Ko nyika inoratidzira sei hunhu hwaSatani? (c) Ko chigaro choumambo chechikara chichapidigurwa riniko?
16 Ko iyi wirirano iri pakati paSatani namarudzi inotsigirwa sei? Apo Satani akaedza Jesu, iye akamuratidza maumambo ose enyika muchiono ndokugovera “ichi chiremera chose nembiri yazvo.” Asi pakanga pano mugariro—Jesu pakutanga aitofanira kuita chiito chokunamata pamberi paSatani. (Ruka 4:5-7) Tinogona kufungidzira kuti hurumende dzenyika dzinowana chiremera chadzo pamutengo muduku zvikuru here? Nyangwe napaduku pose zvapo. Mukuwirirana neBhaibheri, Satani ndiye Mwari wetsika ino yezvinhu, zvokuti, kunyange marudzi achiziva nezvakwo kana kuti kwete, anomubatira. (2 VaKorinte 4:3, 4)c Uyu mugariro unowadzanyurwa mukuitwa kwetsika ino yazvino yenyika, iyo yakavakirwa paurudzi hwerusaruro, ruvengo, uye udyire. Iyo yakarongwa nenzira iyo Satani anoida—kuita kuti vanhu varambe vari mukudzora kwake. Ushati huri muhurumende, ruchiva rwesimba, unyanzvi hwokureva nhema hwokudzorwa kwenhau dzapakati penyika, nhangamutange yezvombo—izvozvi zvinoratidzira hunhu hwakaderera hwaSatani. Nyika inotsigira mipimo isina kururama yaSatani, nokudarozvo ichimuita mwari wayo. Chigaro choumambo chechikara chichapidigurwa apo chikara ichecho chinotambura kuparadzwa uye Mbeu yomukadzi waMwari pakupedzisira inopinza mugomba rakadzika-dzika Satani iye amene.—Genesi 3:15; Zvakazarurwa 19:20, 21; 20:1-3.
Rima Nokurwadziwa Kukuru
17. (a) Ko kudururwa kwendiro yechishanu kune chokuitai nerima romudzimu iro nguva dzose rave rakaputira umambo hwechikara? (b) Ko vanhu vanoita sei kukudururwa kwendiro yechishanu yokutsamwa kwaMwari?
17 Umambo hweichi chikara hwave huri murima romudzimu chifo chamavambo ahwo. (Enzanisa naMateo 8:12; VaEfeso 6:11, 12.) Ndiro yechishanu inounza chiziviso chakakudziridzwa chapamhene cheiri rima. Inotochiratidzira, mukuti iyi ndiro yokutsamwa kwaMwari inodururirwa pamusoro pechigaro choumambo chimene chechikara chokufananidzira. “Uye umambo hwacho hwakasvibiswa, uye ivo vakavamba kutsenga marimi avo nokuda kwokurwadziwa kwavo, asi vakamhura Mwari wokudenga nokuda kwamarwadzo avo uye nokuda kwamaronda avo, uye ivo havana kupfidza pamabasa avo.”—Zvakazarurwa 16:10b, 11.
18. Iwiriranoi iripo pakati pokuridzwa kwehwamanda yechishanu nendiro yechishanu yokutsamwa kwaMwari?
18 Kurira kwehwamanda yechishanu hakuzati kwakafanana chaizvoizvo nendiro yokutsamwa kwaMwari, sezvo kurira kwehwamanda kwakazivisa dambudziko remhashu. Asi cherekedza kuti pakubudiswa kwedambudziko irero remhashu, kwakanga kune kusvibiswa kwezuva nemhepo. (Zvakazarurwa 9:2-5) Uye pana Eksodho 10:14, 15, tinorava pamusoro pemhashu idzo Jehovha akatambudza nadzo Egipita, kuti: “Idzo dzakanga dzichinetsa zvikuru. Pamberi padzo hapana kutongovapo neiyi nzira mhashu dzakafanana nadzo, uye hapazati pachizotongovapo nedzipi nedzipi neiyi nzira pashure padzo. Uye idzo dzakapfuurira kufukidza pamusoro panooneka penyika yose yose, uye nyika yakati svi-i kusviba.” Hungu, rima! Nhasi, rima romudzimu renyika razova rinonyanyooneka zvikurusa somuuyo wokuridzwa kwehwamanda yechishanu nokudururwa kwendiro yechishanu yokutsamwa kwaMwari. Shoko rinorwadzwa rakaparidzirwa nebute remhashu romuzuva razvino uno rinoudza chitambudzo nokurwadziwa kuna avo vakaipa avo “vakada rima kupfuura chiedza.”—Johane 3:19.
19. Mutsinhirano naZvakazarurwa 16:10, 11, ko fumurwo yapamhene yaSatani samwari wetsika ino yezvinhu inoparirei?
19 Somubati ushe wenyika, Satani akaparira kusafara kukurusa nokutambura. Nzara, hondo, masimba masimba, utsotsi, shandiswo isina kufanira yemirimo, utere, hosha dzinopomeranwa muvatano, kusatendeseka, nyengedzo yorudzidziso—izvozvi nezvimwe zviratidzo zvinotsauranisa zvetsika yezvinhu yaSatani. (Enzanisa naVaGaratia 5:19-21.) Kunyange zvakadaro, fumurwo yapamhene yaSatani samwari wetsika ino yezvinhu yakaparira kurwadziwa nekangaidziko kuna avo vanorarama mukuwirirana nemipimo yake. “Vakavamba kutsenga marimi avo nokuda kwokurwadziwa,” zvikurukuru muchiKristudhomu. Vazhinji vanoshatirirwa kuti zvokwadi inofumura mararamire avo. Vamwe vanoiwana ichityisidzira, nokudaro vanotambudza avo vanoiparidzira. Vanoramba Umambo hwaMwari uye vanozvidza zita dzvene raJehovha. Mugariro wavo une hosha worudzidziso, una maronda unoratidzirwa pamhene, zvokuti ivo vanomhura Mwari wedenga. Aiwa, hava“sati vachipfidza pamabasa avo.” Naizvozvo hatigoni kukarira kutendeuka kwavazhinji-zhinji pamberi pomugumo wetsika ino yezvinhu.—Isaya 32:6.
Rwizi rwaYufratesi Rwakapwa
20. Ko zvose zviri zviviri kuridzwa kwehwamanda yechitanhatu nokudururwa kwendiro yechitanhatu zvinobatanidza sei rwizi rwaYufratesi?
20 Kurira kwehwamanda yechitanhatu kwakazivisa kubudiswa kwe“ngirozi ina dzakasungirwa parwizi rukuru rwaYufratesi.” (Zvakazarurwa 9:14) Munhau, Bhabhironi rakanga riri guta guru iro rakanga riri pamusoro porwizi rwaYufratesi. Uye muna 1919 kusunungurwa kwengirozi ina dzokufananidzira kwakava pamwe chete nokuwa kune revo kweBhabhironi Guru. (Zvakazarurwa 14:8) Kunokosha, ipapoka, kuti ndiro yechitanhatu yokutsamwa kwaMwari inobatanidza rwizi rwaYufratesi: “Ipapo yechitanhatu yakadururira ndiro yayo pamusoro porwizi rukuru rwaYufratesi, uye mvura yarwo yakapwa, kuti nzira igogadzirirwa madzimambo anobva kumabuda zuva.” (Zvakazarurwa 16:12) Iwawawo mashoko akashata nokuda kweBhabhironi Guru!
21, 22. (a) Ko mvura dzinotaviridzira dzorwizi rwaYufratesi dzakapwa sei nokuda kweBhabhironi muna 539 B.C.E.? (b) Chii chiri “mvura” idzo Bhabhironi Guru rinogara padziri, uye mvura idzodzi dzokufananidzira dziri kutopwa sei zvino?
21 Munguva yorubudiriro rweBhabhironi rekare, mvura zhinjisa dzeYufratesi dzaiva rutivi rukuru rwegadziriro yaro yedziviriro. Muna 539 B.C.E. mvura idzodzo dzakapwa apo dzakatsauswa mumuronga wadzo nomutungamiriri wePersia Koreshi. Nokudaro, nzira yakazarurirwa Koreshi muPersia naDhariusi muMedhia, madzimambo anobva “kumabudazuva” (ndiko kuti, kumabvazuva), kuti vapinde Bhabhironi ndokurikunda. Muawa yenjodzi, rwizi rwaYufratesi rwakakundikana mukudzivirirwa kweguta guru. (Isaya 44:27-45:7; Jeremia 51:36) Chimwe chinhu chakafanana chodokuitika kuBhabhironi razvino uno, gadziriro yenyika yose yorudzidziso rwenhema.
22 Bhabhironi Guru “rigere pamusoro pemvura zhinji.” Mukuwirirana naZvakazarurwa 17:1, 15, idzodzi dzinofananidzira “madzinza namapoka namarudzi nendimi”—mapoka avateveri avo iro rakarangarira setaviridzo. Asika “mvura” dziri kupwa! MuEurope yoKumadokero, uko raichimbova nepesvedzero huru, mazana amamiriyoni akafuratira pamhene rudzidziso. Mune dzimwe nyika, kwamakore akawanda kwaiva nomuitiro wakaziviswa wokuedza kuparadza pesvedzero yorudzidziso. Vazhinji-zhinji vari munyika idzodzo havazati vachiritsigira. Nomutoo wakafanana, apo nguva inosvika yokuti Bhabhironi Guru rive rinoparadzwa, chiverengero chiri kuderera chavateveri varo chichabvumikisa kuva chisati chichitongova taviridzo. (Zvakazarurwa 17:16) Kunyange zvazvo iro richikambira kuti rine mitezo ine zviuru zvamamiriyoni, Bhabhironi Guru richazviwana iro rimene risina dziviriro mukurwisana na“madzimambo anobva kumabudazuva.”
23. (a) Ndivanaani vaiva madzimambo anobva “kumabudazuva” muna 539 B.C.E.? (b) Ndivanaani vari “madzimambo anobva kumabudazuva” mukati mezuva raShe, uye ivo vachaparadza sei Bhabhironi Guru?
23 Ndivanaani madzimambo iwawa? Muna 539 B.C.E. ivo vaiva Dhariusi muMedhia naKoreshi muPersia, avo vakashandiswa naJehovha kukurira guta rekare Bhabhironi. Muzuva rino raShe, gadziriro yorudzidziso rwenhema yeBhabhironi Guru ichaparadzwawo navabati ushe vohunhu. Asi zvakare, irworwu rwuchava rutongeso rwoumwari. Jehovha Mwari naJesu Kristu, “madzimambo anobva kumabudazuva,” vachave vapinza mumwoyo yavabati ushe vohunhu “mufungo” wokumukira Bhabhironi Guru ndokuriparadza chose chose. (Zvakazarurwa 17:16, 17) Kudururwa kwendiro yechitanhatu kunozivisa pamhene kuti urwu rutongeswo rwodokuitwa!
24. (a) Ko zviri mukati zvendiro nhanhatu dzokutanga dzokutsamwa kwaJehovha zvave zvichiparidzirwa sei, uye nomuuyoi? (b) Pamberi pokutizivisa nezvendiro yasara yokutsamwa kwaMwari, ko Zvakazarurwa zvinowadzanyurei?
24 Idzi ndiro nhanhatu dzokutanga dzokutsamwa kwaJehovha dzine shoko rinopengenutsa. Vabatiri vapasi vaMwari, vachitsigirwa nengirozi, vave vakabatikana mukuparidzira zviri mukati zvadzo pamwero wepasi rose. Neiyi nzira, nyevero yakafanira yakaziviswa pamativi ose egadziriro yenyika yaSatani, uye Jehovha akagovera vanhu vamwe navamwe banza rokutendeukira kukururama ndokuramba vachirarama. (Ezekieri 33:14-16) Zvakare, imwezve ndiro yokutsamwa kwaMwari ichipo. Asi pamberi pokutizivisa pamusoro payo, Zvakazarurwa zvinowadzanyura kuti Satani navamiriri vake vapasi vari kuedza sei kudzivisa kuparidzirwa kwamarutongeso aJehovha.
Kuunganidzirwa kuArmagedhoni
25. (a) Ko Johane anotiudzei pamusoro pe“midzimu yakafuridzirwa” isina kuchena, yakaita samatafi? (b) Ko kwave kune nhamo yakafanana namatafi inonyangadza sei ye“midzimu yakafuridzirwa isina kuchena” muzuva raShe, uye nomuuyoi?
25 Johane anotiudza, kuti: “Ipapo ini ndakaona midzimu yakafuridzirwa isina kuchena mitatu yairatidzika samatafi ichibuda mumuromo wedragoni nomumuromo wechikara nomumuromo womuporofita wenhema. Iyo, kureva idi, midzimu yakafuridzirwa namadhemoni uye inoita zviratidzo, uye inoenda kumadzimambo apasi rose rinogarwa, kundoaunganidzira pamwe chete kuhondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:13, 14) Muzuva raMosesi, Jehovha akaunza dambudziko rinosemesa ramatafi paEgipita yaFarao, zvokuti “nyika yakavamba kunhuwa.” (Eksodho 8:5-15) Mukati mezuva raShe, kwave kunewo nhamo yakaita samatafi inonyangadza, kunyange zvazvo ichibva kumanyuko akasiyana. Iyo inoparirwa “nemidzimu yakafuridzirwa isina kuchena” yaSatani; inofananidzira nomutoo wakajeka paradziro inoitirwa kuparira vabati ushe vose vohunhu, “madzimambo,” kupinda mukushorwa kwaJehovha Mwari. Satani nokudaro anova nechokwadi chokuti iwo haazati achitsauswa kupfurikidza nokudururwa kwendiro dzokutsamwa kwaMwari asi nomutoo wakatsiga anova kurutivi rwaSatani apo “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose” inovamba.
26. (a) Ko kuparadzira kwousatani kunobva mumanyukoi matatu? (b) Chii chiri “muporofita wenhema,” uye tinoziva sei?
26 Paradziro inobva ku“dragoni” (Satani) uye “chikara” (gadziriro yezvamatongerwe enyika yapasi yaSatani), zvisikwa zvatakatosangana nazvo muna Zvakazarurwa. Chii, kunyange zvazvo zvakadaro, chiri “muporofita wenhema”? Uyu muuyi mutsva muzita bedzi. Munguva yakapfuura, takaratidzirwa chikara chine nyanga mbiri segwai chinoita zviratidzo zvikuru pamberi pechikara chine misoro minomwe. Ichi chikara chinonyengedza chakaita somuporofita nokuda kwechikara ichecho. Chakasimudzira kunamatwa kwechikara, kunyange kuparira mufananidzo kuva unochiitirwa. (Zvakazarurwa 13:11-14) Ichi chikara chine nyanga mbiri dzegwai chinofanira kuva chimwe chetecho no“muporofita wenhema” anodudzwa pano. Kusimbisira ikoku, tinorava gare gare kuti muporofita wenhema, akafanana nechikara chokufananidzira chine nyanga mbiri, cha“kaita zviratidzo pamberi pe[chikara chine misoro minomwe] zviratidzo izvo iye anonyengera nazvo avo vakagamuchira chiratidzo chikara naavo vanonamata mufananidzo wacho.”—Zvakazarurwa 19:20.
27. (a) Ko Jesu Kristu iye amene akapa nyeveroi inowirirana nomusi? (b) Ko Jesu akapa nyeveroi apo iye akanga ari pasi pano? (c) Ko muapostora Pauro akadzokorora sei nyevero yaJesu?
27 Zvakune paradziro yousatani yakawanda zvikurusa iripo, mashoko anotevera ayo Johane anonyora zvamazvirokwazvo anowirirana nomusi: “Tarira! ini ndiri kuuya sembavha. Anofara ndiye uyo anogara akamuka uye achichengeta nguvo dzake dzokunze, kuti agorega kufamba asina kupfeka uye vanhu vaone nyadzi dzake.” (Zvakazarurwa 16:15) Ndiani ari kuuya “sembavha”? Jesu iye amene, anouya panguva isina kuziviswa soMupondi waJehovha. (Zvakazarurwa 3:3; 2 Petro 3:10) Achingunoveri achiri pasi pano, Jesu akafananidzawo kuuya kwake nokwokwo kwembavha, achiti: “Naizvozvo, rambai muchirinda nokuti hamuzati muchiziva kuti Ishe wenyu anouya pazuvai. Nokuda kwaikoku imiwo zvibvumikisei mumene kuva vakagadzirira, nokuti paawa yamusati muchifunga kuva iyo, Mwanakomana womunhu anouya.” (Mateo 24:42, 44; Ruka 12:37, 40) Achidzokorora iyi nyevero, muapostora Pauro akati: “Zuva raJehovha rinosvika chaizvoizvo sembavha muusiku. Pari pose apo ivo vanenge vachitaura kuti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko ruchawira pavari kamwe kamwe.” Satani ndiye ari kukonzera kuziviswa chero kupi zvako ikoko kwenhema kwo“Rugare nechengeteko!”—1 VaTesaronika 5:2, 3.
28. Ko Jesu akapa nyeveroi pamusoro pokudzivisa dzvinyiriro dzenyika, uye chii chiri “zuva irero” iro maKristu asati achida kuti rive paari “seriva”?
28 Jesu akanyeverawo nezvorudzi rwedzvinyiriro idzo nyika ino, yakazadzwa neparadziro, yaizoisa pamaKristu. Iye akati: “Zvingwarirei imi mumene kuti mwoyo yenyu isatongova inoremedzwa nokunyanyodyisa nokunyanyonwisa nefunganyo dzoupenyu, uye kuti zuva irero rirege kukuwirai kamwe kamwe seriva. . . . Naizvozvo, rambai makamuka, nguva dzose muchiita mukumbiro kuti mugobudirira mukupukunyuka zvinhu zvose izvozvi zvakatemerwa kuitika, napakumira pamberi poMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) “Zuva irero” i“zuva guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14) Sezvo “zuva irero” rerevererwo youchangamire hwaJehovha rinosvika, kunoramba kuchiva kwakaoma zvikuru kugonana nefunganyo dzoupenyu. MaKristu anodikanirwa kuva anosvinurira naanorinda, achiramba akamuka kutozosvikira zuva irero rasvika.
29, 30. (a) Chii chinoratidzirwa nenyevero yaJesu yokuti avo vanowanwa vavete vachanyadziswa kupfurikidza nokurashikirwa ne“nguvo dzokunze” dzavo? (b) Ko nguvo dzokunze dzinoratidzira mupfeki kuva chii? (c) Ko munhu angarashikirwa sei nenguvo dzake dzokunze dzokufananidzira, uye nomuuyoi?
29 Chii, kunyange zvazvo zvakadaro, chinoratidzirwa nenyevero yokuti avo vanowanwa varere vachanyadziswa kupfurikidza nokurashikirwa ne“nguvo dzokunze dzavo”? Muna Israeri wekare, muprista upi noupi kana kuti muRevhi ari pajana rokurinda patembere aiva nomutoro wakakomba. Vatsinhiri vechiJudha vanotiudza kuti kana munhu upi noupi akabatwa avete pajana rakadaro, nguvo dzake dzaipfekenurwa paari ndokupiswa, zvokuti iye ainyadziswa pamhene.
30 Jesu pano anonyevera kuti chimwe chinhu chakafanana chinogona kuitika nhasi. Vaprista navaRevhi vanofananidzira hama dzakazodzwa dzaJesu. (1 Petro 2:9) Asi nyevero yaJesu inoshanda kupfurikidza nokutambanukirawo kuboka guru. Nguvo dzokunze pano dzinotaurwa nezvadzo dzinozivisa mupfeki seChapupu chechiKristu chaJehovha. (Enzanisira naZvakazarurwa 3:18; 7:14.) Kana vapi navapi vakabvumira dzvinyiriro dzenyika yaSatani kuvanyengedza kurara kana kuti kusaita basa, ivo vane bviro yokurashikirwa neidzi nguvo dzokunze—namamwe mashoko, kurashikirwa nezivikanwo yavo yakachena samaKristu. Mugariro wakadaro waizova unonyadzisa. Ungapinza munhu mungozi yokurashikirwa chose chose.
31. (a) Ko Zvakazarurwa 16:16 inosimbisa sei chinodikanwa chokuti maKristu arambe akamuka? (b) Kufungidzirai kwakaitwa navamwe vatungamiriri vorudzidziso pamusoro peArmagedhoni?
31 Chinodikanwa chamaKristu chokuramba akamuka chinova chinokosha zvikuru sezvo ndima inotevera yaZvakazarurwa inoswedera pedyo nezadziko: “Uye iyo [midzimu yakafuridzirwa namadhemoni] yakaaunganidzira [madzimambo apasi, kana kuti vabati ushe] pamwe chete kunzvimbo iyo inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni.” (Zvakazarurwa 16:16) Iri zita, rinowanzoshandurwa kuti Armagedhoni, rinowanikwa kamwe bedzi muBhaibheri. Asi iro rakakuchidzira fungidziro yavanhu. Vatungamiriri venyika vakanyevera nezvebviro yeArmagedhoni yenyukireya. Armagedhoni yakabatanidzwawo neguta rekare reMegidho, nzvimbo yehondo zhinji dzaipedza nharo munguva dzeBhaibheri, uye vamwe vatungamiriri vorudzidziso nokuda kwechikonzero ichecho vakafungidzira kuti hondo yokupedzisira pasi pano ichaitikira munharaunda iyeyo yakaganhurirwa. Muna ikoku, ivo vari kure kure nezvokwadi.
32, 33. (a) Panzvimbo pokuva nzvimbo chaiyoiyo, ko zita rokuti Har–Magedhoni kana kuti Armagedhoni, rinomirirei? (b) Ndimamwei mashoko eBhaibheri akafanana ne“Armagedhoni” kana kuti anowirirana naro? (c) Ndirini paichava nguva yokuti ngirozi yechinomwe idurure ndiro yokupedzisira yokutsamwa kwaMwari?
32 Zita rokuti Har–Magedhoni rinoreva “Gomo reMegidho.” Asi panzvimbo pokuva nzvimbo chaiyoiyo, rinomirira mugariro wenyika umo marudzi ose anounganidzirwa pamwe chete mukushora Jehovha Mwari uye umo iye pakupedzisira achaaparadzira. Iwowu unopoteredza mburumbwa yose. (Jeremia 25:31-33; Dhanieri 2:44) Wakafanana ne“chisviniro chewaini chikuru chokutsamwa kwaMwari” uye “mupata wechisarudzo,” kana kuti “mupata waJehoshafati,” umo marudzi anounganidzwa nokuda kwokuparadzwa naJehovha. (Zvakazarurwa 14:19; Joere 3:12, 14) Unowiriranawo ne“nyika yaIsraeri” umo mauto ousatani aGogi waMagogi anoparadzirwa uye nzvimbo iyeyo iri “pakati pegungwa rakaisvonaka negomo dzvene roKunatsa” apo mambo wokuchamhembe anosvika “kumugumo wake” unoparirwa naMikaeri muchinda mukuru.—Ezekieri 38:16-18, 22, 23; Dhanieri 11:45–12:1.
33 Apo marudzi anenge asvosverwa kupinda mune uyu mugariro kupfurikidza neparadziro inoita sokukokorodza kwamatatya inobva kuna Satani navamiriri vake vapasi, ichava nguva yokuti ngirozi yechinomwe idurure ndiro yayo yokupedzisira yokutsamwa kwaMwari.
“Zvazoitika!”
34. Ko ngirozi yechinomwe inodururira ndiro yayo pamusoro pechii, uye izivisoi inobudiswa “munzvimbo tsvene ichibva pachigaro choumambo”?
34 “Ipapo yechinomwe yakadururira ndiro yayo pamusoro pemhepo. Pana ikoku inzwi guru rakabuda munzvimbo tsvene richibva pachigaro choumambo, richiti: ‘Zvazoitika!’ ”—Zvakazarurwa 16:17.
35. (a) Chii chiri “mhepo” yaZvakazarurwa 16:17? (b) Mukudururira ndiro yayo pamusoro pemhepo, ko ngirozi yechinomwe inoratidzirei?
35 “Mhepo” ndiyo mhoteredzo yokupedzisira inotsigira upenyu kuva inotapurwa. Asi iyo haizati iri mhepo chaiyoiyo. Hapana chinhu pamusoro pemhepo chaiyoiyo chinoita kuti ifanirwe namarutongeso akashata aJehovha, sezvo pasi chairoiro, gungwa, matsime emvura yakanaka, kana kuti zuva zvisati zvichifanirawo kutambura marutongeso anoitwa naJehovha. Panzvimbo pakwo, iyi i“mhepo” Pauro akanga achitaura apo iye akaidza Satani kuti “mubati ushe wechiremera chemhepo.” (VaEfeso 2:2) I“mhepo” yousatani inofemwa nenyika nhasi, mudzimu, kana kuti mufungo wendangarirowo zvawo, unoratidzira tsika yezvinhu yakaipa yake yose, kufunga kwousatani kunotekeshera murutivi rwuri rwose rwoupenyu kunze kwesangano raJehovha. Naizvozvo mukudururira ndiro yayo pamusoro pemhepo, ngirozi yechinomwe inoratidzira hasha dzaMwari mukurwisana naSatani, sangano rake, nechinhu chiri chose chinokuchidzira vanhu kutsigira Satani mukuzvidza uchangamire hwaJehovha.
36. (a) Ko madambudziko manomwe anoumbei? (b) Chii chinoratidzirwa kupfurikidza nokuzivisa kwaJehovha, kuti: “Zvazoitika!”?
36 Irori namadambudziko matanhatu apfuura anopa hwerengedzo yose yamarutongeso aJehovha mukurwisana naSatani netsika yake. Iwo iziviswo yeshurikidzo nokuda kwaSatani nembeu yake. Apo iyi ndiro yokupedzisira inodururwa, Jehovha iye amene anozivisa, kuti: “Zvazoitika!” Hapana chimwe chinhuwo zvacho chokutaura. Apo zviri mukati mendiro dzokutsamwa kwaMwari zvinenge zvaziviswa kusvikira kukugutsikana kwaJehovha, hapazati pachizova nokunonoka mukuita kwake marutongeso akaziviswa naaya mashoko.
37. Ko Johane anorondedzera sei chinoitika pashure pokudurura ndiro yechinomwe yokutsamwa kwaMwari?
37 Johane anopfuurira, kuti: “Ipapo mheni namanzwi nokutinhira zvakaitika, uye kudengenyeka kwapasi kukuru kwakadai sokusakamboitika kubvira apo vanhu vakavapo pasi pano, kudengenyeka kwapasi kukuru kwazvo, kwakakura zvikuru kwakaitika. Zvino guta guru rakakamukana kuva mativi matatu, uye maguta amarudzi akawa; uye Bhabhironi Guru rakayeukwa pamberi paMwari, kuripa mukombe wewaini yokutsamwa kwehasha dzake. Uyewo, chitsuwa chiri chose chakatiza, uye makomo haana kuwanikwa. Ipapo chimvuramabwe chikuru chine ibwe riri rose rinenge rine uremu hwetarenda chakaburuka kudenga chichiwira pamusoro pavanhu, uye vanhu vakamhura Mwari nokuda kwedambudziko rechimvuramabwe, nokuti dambudziko racho rakanga riri gurusa kwazvo.”—Zvakazarurwa 16:18-21.
38. Chii chinofananidzirwa ne (a) “kudengenyeka kwapasi kukuru”? (b) idi rokuti “guta guru,” Bhabhironi Guru, rinokamukana kuva “mativi matatu”? (c) idi rokuti “chitsuwa chiri chose chakatiza, uye makomo hazvina kuwanwa”? (d) “dambudziko rechimvuramabwe”?
38 Zvakare, Jehovha anoita nomutoo usingaposhi kuvanhu, ikoku kuchiva kunoziviswa ne“mheni namanzwi nokutinhira.” (Enzanisa naZvakazarurwa 4:5; 8:5.) Vanhu vachava vanozununguswa nenzira isati yakamboitika kare, sokunge kuti kupfurikidza nokudengenyeka kwapasi kunoparadzanya. (Enzanisa naIsaya 13:13; Joere 3:16.) Uku kuzunungusa kwehora kuchaputsanya “guta guru” Bhabhironi Guru, zvokuti rinokamukana kuva “mativi matatu”—mufananidziro wokuwa kwaro mukuva matongo asingamutsidziriki. Uyewo, “maguta amarudzi” achawa. “Chitsuwa chiri chose” na“makomo”—mapato namasangano zvinoratidzika kuva zvechigarire mutsika ino—zvichaparara. “Chimvuramabwe chikuru,” chikuru zvikuru kupfuura chiya chakaonesa nhamo Egipita mukati medambudziko rechinomwe, neibwe rimwe nerimwe rechimvuramabwe, rine uremu hunenge hwetarenda, chicharovanya vanhu nomutoo unorwadza.d (Eksodho 9:22-26) Dzvotsvotsvo rinoranga remvura dzakagwamba sezvinobvira rinofananidzira kutaura kwomuromo kukurusa marutongeso aJehovha, kuchiratidzira kuti mugumo wetsika ino yezvinhu wazosvika pakupedzisira! Jehovha anogona kusanoshandisawo chimvuramabwe chaichoicho mubasa rake rinoparadza.—Jobho 38:22, 23.
39. Pasinei zvapo nokudururwa kwendiro nomwe, inzirai yechiito ichatorwa navanhu vazhinjisa?
39 Nokudaro, nyika yaSatani ichasangana norutongeso rwakarurama rwaJehovha. Kusvikira kumugumo, vazhinjisa vavanhu vachapfuurira kuzvidza nokumhura Mwari. Sezvakaita Farao wekare, mwoyo yavo haizati ichizopfaviswa kupfurikidza namadambudziko anodzokororwa adzokororwazve kana kuti kupfurikidza nokugumiswa kwokupedzisira kunouraya kwamadambudziko iwawo. (Eksodho 11:9, 10) Hapazati pachizova nechinjo yapanguva yokupedzisira, yomwero mukuru yomwoyo. Nechifemo chavo chokufa, ivo vachamhura Mwari uyo anozivisa, kuti: “Ivo vachatofanira kuziva kuti ini ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:23) Hunyanguvezvo, uchangamire hwaJehovha Mwari Wamasimba ose huchave hwarevererwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemienzaniso yezvinhu zvisino upenyu zvinobatira sechapupu kana kuti zvinopupurira, enzanisira naGenesi 4:10; 31:44-53; VaHebheru 12:24.
b Kushandiswa kwakafanana kwe“chigaro choumambo” kunooneka mumashoko akataurwa nomutoo wouporofita kuna Jesu, kuti: “Mwari ndicho chigaro chenyu choumambo kusvikira kunguva isingazivikanwi, kunyange nokusingaperi.” (Pisarema 45:6) Jehovha ndiye manyuko, kana kuti nheyo, yechiremera choumambo chaJesu.
c Onawo Jobho 1:6, 12; 2:1, 2; Mateo 4:8-10; 13:19; Ruka 8:12; Johane 8:44; 12:31; 14:30; VaHebheru 2:14; 1 Petro 5:8.
d Kana Johane akanga achirangarira tarenda rechiGiriki, ibwe rimwe nerimwe rechimvuramabwe raizova nouremu hunenge makirogiramu 20. Chaizova chimvuramabwe chinoparadzanya.
[Bhokisi riri papeji 221]
“Mupasi”
Boka raJohane rakazivisa kutsamwa kwaJehovha mukurwisana ne“pasi” nokutaura kwakadai sokunotevera:
“Pashure pamazana amakore enhamburiko, mapato ezvamatongerwe enyika akabvumikisa kuva kwavo asingakwanisi kunangana nemigariro iripoyi uye kugadzikisa zvinetso zvinotambudza. Vezvoruzivo rwomugariro wemari navanhu vehurumende, vanofunda nhau yacho norushingairo, vanowana kuti ivo havagoni kuita chinhu.”—Millions Now Living Will Never Die, 1920, peji 61.
“Hakuna hurumende pasi pano nhasi inogutsa mwero upi noupi uno mufungo wenyika. Mazhinji amarudzi anobatwa ushe navashushi. Nyika yose yakachipa zvikurukuru.”—A Desirable Government, 1924, peji 5.
“Kugumisa iyi tsika yezvinhu . . . ndiyo nzira bedzi yokubvisira nyika zvakashata ndokupa nzvimbo nokuda kworugare nokururama kuti zvitekeshere.”—“This Good News of the Kingdom,” 1954, peji 25.
“Gadziriro yenyika yazvino yakazvitsauranisa iyo imene nechivi chinowedzera, kusarurama nokupandukira Mwari nokuda kwake. . . . Haivandudziki. Naizvozvo, inofanira kuparara!”—Nharireyomurindi, July 15, 1982, peji 6.
[Bhokisi riri papeji 223]
“Mugungwa”
Kunotevera kunongova bedzi kushomanene kwokutaura kwakabudiswa mukati mamakore akati kuti neboka raJohane rinozivisa kutsamwira kwaMwari “gungwa” risino kuterama, rinopandukira ravanhu vasino umwari vari kure naJehovha:
“Nhau yorudzi rwuri rwose inoratidzira kuti yave iri parapatiko pakati pamapoka. Vave vari vashomanene vanorwisana navazhinji. . . . Idzi parapatiko dzakaparira kumukira kuzhinji, kutambura kukuru, nokuteurwa kukurusa kweropa.”—Government, 1928, peji 244.
Munyika itsva, “ ‘gungwa’ rokufananidzira ravanhu vasina kuterama, vanopandukira, vasino umwari umo chikara chokufananidzira chakabva chichikwira kare kare nokuda kwokushandisa kwaDhiabhorosi richave rabva.”—Nharireyomurindi yechiNgezi, September 15, 1967, peji 567.
“Chaunga chavanhu chiripochi chiri kunyanyorwara mumudzimu uye chine hosha. Hapana nomumwe wedu anogona kuchiponesa, nokuti Shoko raMwari rinoratidzira kuti chirwere chacho chiri kutungamirira kurufu rwacho.”—Rugare Rwechokwadi Nechengeteko—Zvinobva Mumanyukoi?, 1976, peji 131.
[Bhokisi riri papeji 224]
“Munzizi Namatsime”
Dambudziko rechitatu rakafumura “nzizi namatsime emvura” kupfurikidza nokutaura kwakadai sokunotevera:
“Vafundisi, vanokambira kuva vadzidzisi vedzidziso dza[Kristu], vakatsvenesa hondo ndokuiita chinhu chitsvene. Ivo vakafarira kuita kuti zvidhori zvavo nemifananidzo yakavezwa zviratidzirwe rutivi norutivi neyeyo yamagamba azerwe neropa.”—The Watch Tower, September 15, 1924, peji 275.
“Kudavira midzimu kwakavakirwa panhema chaidzo, nhema dzokurarama pashure porufu nedzokusafa kwomweya womunhu.”—What Do the Scriptures Say About “Survival After Death”?, 1955, peji 51.
“Uzivi hwavanhu, vezverondedzero dzezvamatongerwe enyika, varongi vamagariro avanhu, vapangiri vomugariro wemari navarevereri vamagamuchidzanwa orudzidziso vakaguma nokusava nezorodzo chaiyoiyo inopa upenyu . . . Mvura dzakadaro dzakatoparira vanwi kuputsa mutemo woMusiki pamusoro poutsvene hweropa uye kupinda muzvitambudzo zvorudzidziso.”—Chisarudzo chakagamuchirwa pa“Mashoko Akanaka Asingaperi” Kokorodzano Yamarudzi Ose, 1963.
“Kwete ruponeso chairwoirwo, asi ruparadziko rwedzinza romunhu ndicho chinhu chinokarirwa kumunhu iye amene. . . . Hatingagoni kuvimba nenyanzvi dzoruzivo rwendangariro dzose nenyanzvi dzokurapwa kwendangariro dzenyika kuchinja mutoo wavanhu wokufunga nawo . . . Hatigoni kuvimba neuto ripi neripi ramapurisa ramarudzi ose ringaumbwa . . . ndokuita iri pasi nzvimbo yakakotsekana yokurarama mairi.”—Saving the Human Race—In the Kingdom Way, 1970, peji 5.
[Bhokisi riri papeji 225]
“Pamusoro Pezuva”
“Zuva” roubati ushe hwavanhu zvara“kapisa” vanhu mukati mezuva raShe, boka raJohane, kupfurikidza nokutaura kwakadai sokunotevera, rakarereudzira ngwariro kune chiri kuitika:
“Nhasi Hitler naMussolini, vashushi vane upfini, vanotyisidzira rugare rwenyika yose, uye vanotsigirwa zvizere mukuparadza kwavo rusununguko kupfurikidza neDare Rapamusoro ravaprista veRoma Katurike.”—Fascism or Freedom, 1939, peji 12.
“Munhau yose muitiro wakateverwa navashushi vohunhu wave uri, Bata ushe kana kuti paradza! Asi murairo zvino unofanira kushandisirwa kupasi rose naMambo akagadzwa waMwari, Jesu Kristu, ndouyu, Batwa ushe kana kuti paradzwa.”—When All Nations Unite Under God’s Kingdom, 1961, peji 23.
“Chibviro cha1945 vanopfuura vanhu vane mamiriyoni 25 vakaurawa muhondo dzine 150 dzakarwiwa kupote mburumbwa.”—Nharireyomurindi yaJuly 15, 1980, peji 8.
“Marudzi kupote nyika . . . anoitira hanya zvishoma mutoro wamarudzi ose kana kuti mirairo yomufambiro. Kuti asvike madonzo awo, mamwe marudzi anonzwa achiruramiswa zvizere mukushandisa mutoo upi noupi uyo anorangarira kuva uri madikanwa—kuuraya, kuponda, kupamba, kubhomba, zvichingunodaro . . . Marudzi achashivirirana kwenguva yakareba sei mumufambiro wakadaro woupenzi nousine mufungo?”—Nharireyomurindi, February 15, 1985, peji 4.
[Bhokisi riri papeji 227]
“Pamusoro Pechigaro Choumambo Chechikara”
Zvapupu zvaJehovha zvakafumura chigaro choumambo chechikara ndokuparidzira shurikidzo yacho yaJehovha kupfurikidza nokutaura kwakadai souku:
“Vabati ushe nenhungamiro dzezvamatongerwe enyika dzamarudzi zvinopesvedzerwa namasimba ane upfini anopfuura simba rohunhu anovasunda nomutoo usingadzivisiki pakufamba kwokuzviuraya parwisano inopedza nharo yeArmagedhoni.”—After Armageddon—God’s New World, 1953, peji 8.
“ ‘Chikara’ chehurumende isati iri youbati ushe yohunhu chakawana simba racho, chiremera nechigaro choumambo kuDragoni. Naizvozvo icho chinofanira kuwirirana nomutsara webato, mutsara weDragoni.”—After Armageddon—God’s New World, 1953, peji 15.
“Nguva dzaVamarudzi dzinogona kuzviisa idzo dzimene bedzi . . . kurutivi rwoMuvengi Mukuru waMwari, Satani Dhiabhorosi.”—Chisarudzo chakagamuchirwa pa“Rukundo Rwoumwari” Kokorodzano Yamarudzi Ose, 1973.
[Bhokisi riri papeji 229]
“Mvura Dzarwo Dzakapwa”
Kunyange zvino, tsigiro nokuda kworudzidziso rwechiBhabhironi iri kupwa munzvimbo zhinji, kuratidzira chichaitika apo “madzimambo anobva kumabudazuva” anoita kudenha kwawo.
“Nzvero yenyika yose yakawana kuti 75 muzana yaavo vanorarama munharaunda dzemanusiparati [dzeThailand] havaendi kumatembere echiBuddha kundoteerera mharidzo napaduku pose zvapo, apo chiverengero chomumaruwa chinoshanyira tembere chiri kuderera nomutoo wakatsiga kusvikira kuunenge makumi mashanu muzana.”—Bangkok Post, September 7, 1987, peji 4.
“Mashiripiti akabva muchiTao munyika ye[China] umo akanga akateiwa kwamakore ane gumi ramazana akapfuura. . . . Vachitorerwa makona amashiripiti ayo iyo navatangiri vayo yaishandisa kuwana vateveri vakawanda, mitezo youprista inozviwana imene isina vatsivi, ichinangana nokunenge kupera chaiko kwechiTao sokutenda kwakarongwa panyika.”—The Atlanta Journal and Constitution, September 12, 1982, peji 36-A.
“Japan . . . ine rimwe ramapoka enyika makurusa avafundisi vokumwe, vanenge 5 200, asi . . . iri pasi pe1% yechiverengero chavagari vemo ndeyechiKristu. . . . Muprista weboka raFrancis anoshanda muno chifo chomuma1950 anodavira kuti ‘zuva ravafundisi vokumwe muJapan rapera.’ ”—The Wall Street Journal, July 9, 1986, peji 1.
“MuEngland mukati mamakumi matatu amakore akapfuura, “dzinenge chechi dzeAnglican dzine 2 000 dze16 000 dzakapfigwa nokuda kwokushandiswa zvisino kufanira. Chiverengero chavapindi chakaderera kusvikira pakati pedzakadereresa dzenyika dzinozviidza dzimene kuva dzechiKristu. . . . ‘Zvino haizati iri nhau yokuti England inyika yechiKristu,’ [Bishopi weDurham] akataura kudaro.”—The New York Times, May 11, 1987, peji A4.
“Pashure pamaawa enharo dzembavarira, Paramende [yeGirisi] yatendera mutemo nhasi, unogonesa Hurumende yechiSosharisiti kutora nzvimbo huru dzaiva dzeChechi yeGiriki Orthodox . . . Zvakare, mutemo unopa udzori vasati vari vafundisi vamatare nemitumbi yamatare ano mutoro nokuda kwokutarisirwa kwezvinhu zvinokosheswa zvechechi zvinobatanidza mahotera, makwari amabwe anokosha nemidhadhadha yamahofisi.”—The New York Times, April 4, 1987, peji 3.
[Mifananidzo iri papeji 222]
Ndiro ina dzokutanga dzokutsamwa kwaMwari dzinounza madambudziko akafanana naawo akaparirwa nokurira kwehwamanda ina dzokutanga
[Mufananidzo uri papeji 226]
Ndiro yechishanu inofumura chigaro choumambo chechikara sechiri chiremera icho Satani akapa kuchikara
[Mifananidzo iri papeji 231]
Paradziro youdhemoni iri kuunganidzira vabati ushe vapasi kumugariro wapakati, Har–Magedhoni, apo marutongeso aJehovha achadururirwa pavari
[Mufananidzo uri papeji 233]
Avo vanosundwa ne“mhepo” yakashatswa yaSatani vanofanira kutambura kuuraya kwamarutongeso akarurama aJehovha