Ganhuro 28
Kurwisana Nezvikara Zviviri Zvinorura
Chiono 8—Zvakazarurwa 13:1-18
Musoro: Chikara chine misoro minomwe, chikara chine nyanga mbiri, uye mufananidzo wechikara
Nguva yezadziko: Kubvira muzuva raNimrodhi kusvikira kudambudziko guru
1, 2. (a) Ko Johane anotii pamusoro pedragoni? (b) Ko Johane, mumutauro wokufananidzira, anorondedzera sei sangano rinooneka rinoshandiswa nedragoni?
DRAGONI huru yakandirwa pasi! Fundo yedu yaZvakazarurwa inojekesa kuti Nyoka kana kuti vateveri vayo voudhemoni havasati vachitongozobvumirwazve kudzokera mudenga. Asika tichigere hedu kupedza no“uyo anonzi Dhiabhorosi naSatani, uyo ari kunyengera pasi rose rinogarwa.” Tevera nhauro yacho inozivisa muudzame hukuru zvikuru kwazvo mutoo unoshandiswa naSatani kurwisana no‘mukadzi nembeu yake.’ (Zvakazarurwa 12:9, 17) Johane anotaura nezvedragoni iyoyo iri nyoka, kuti: “Ipapo iyo yakamira pajecha regungwa.” (Zvakazarurwa 13:1a) Naizvozvo ngatitindikei kuti tinzvere mitoo yadragoni yaanoshanda nayo.
2 Matenga matsvene haazatizve achiri kuoneswa nhamo nokuvapo kwaSatani namadhemoni ake. Midzimu iyeyo yakaipa yakabudiswa mumatenga ndokuganhurirwa kunzvimbo iri pedyo yapasi. Mukusapanikira ikoku kunoparira wedzero hurusa yemiitiro yemidzimu muzuva redu. Nyoka yakaisvochenjera ichiri ine sangano rakashata romudzimu. Asi iye anoshandisawo sangano rinooneka nokuda kwokunyengedzera vanhu here? Johane anotiudza, kuti: “Zvino ini ndakaona chikara chichikwira chichibva mugungwa, chine nyanga dzine gumi, nemisoro minomwe, uye pamusoro penyanga dzacho paiva nekorona dzine gumi, asi pamusoro pemisoro yacho paiva namazita okumhura. Zvino chikara chandakaona chakanga chakaita seingwe, asi tsoka dzacho dzakanga dzakaita sedzedzo dzebere, uye muromo wacho wakanga wakaita somuromo weshumba. Ipapo dragoni yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choumambo nechiremera chikuru.”—Zvakazarurwa 13:1b, 2.
3. (a) Zvikarai zvinorura zvakaonwa nomuporofita Dhanieri muzviono? (b) Ko zvikara zvihombe zvaDhanieri 7 zvakamirirei?
3 Chiiko chiri ichi chikara chechienzi? Bhaibheri iro rimene rinopa mhinduro. Bhabhironi risati rawa muna 539 B.C.E., muporofita wechiJudha Dhanieri akaona zviono zvinobatanidza zvikara zvinorura. Pana Dhanieri 7:2-8 iye anorondedzera zvikara zvina zvinobuda mugungwa, chokutanga chakatodzana neshumba, chechipiri nebere, chetatu neingwe, uye ano“ona uko! chikara chechina, chinotyisa nechinovhundutsa uye chine simba rechienzi . . . uye chakanga chine nyanga dzine gumi.” Ichochi chakafanana nomutoo unoshamisa nechikara chakaonwa naJohane munenge mugore ra96 C.E. Chikara ichecho china mavara eshumba, ebere, neingwe, uye chine nyanga dzine gumi. Chii chiri zvikara zvihombe zvakaonwa naDhanieri? Iye anotizivisa, kuti: “Izvi zvikara zvihombe . . . ndiwo madzimambo mana achasimuka papasi.” (Dhanieri 7:17) Hungu, zvikara izvezvo zvinomirira “madzimambo,” kana kuti ubati ushe hwezvamatongerwe enyika hwapasi.
4. (a) Muna Dhanieri 8, ko gondohwe nenhongo zvakaratidzirei? (b) Chii chakaratidzirwa apo runyanga rukuru rwenhongo rwakavhunika uye rwakatsiviwa nenyanga ina?
4 Mune chimwe chiono, Dhanieri anoona gondohwe rine nyanga mbiri iro rinowisirwa pasi nenhongo ine runyanga rukuru. Ngirozi Gabrieri inomutsanangurira zvachinoreva: “Gondohwe . . . rinomirira madzimambo eMedhia nePersia. Uye nhongo ine mvere inomirira mambo weGirisi.” Gabrieri anopfuurira kuporofita kuti runyanga rukuru rwenhongo ruchavhunika ndokutsiviwa nenyanga ina. Ikoku kwakaitika chaizvoizvo anopfuura makore 200 gare gare apo Alexander Mukuru akafa uye umambo hwake hwakakamuranisirwa mumaumambo mana akabatwa ushe paari navana vavatungamiriri vake vehondo.—Dhanieri 8:3-8, 20-25.a
5. (a) Ko shoko rechiGiriki nokuda kwechikara rinoratidzira tsananguroi? (b) Ko chikara chaZvakazarurwa 13:1, 2, pamwe chete nemisoro yacho minomwe, zvinomirirei?
5 Naizvozvo, kwakajeka kuti Munyori weBhaibheri rakafuridzirwa anorangarira ubati ushe hwezvamatongerwe enyika hwapasi sezvikara. Rudziiko rwezvikara? Mumwe mutsinhiri anoidza zvikara zvaZvakazarurwa 13:1, 2 kuti “chikara chinorura,” uye anowedzera, kuti: “Isu tinobvuma tsananguro dzose idzo θηρίον [the·riʹon, shoko rechiGiriki re“chikara”] rinoratidzira, rakadai serero remhuka ine utsinye, inoparadza, inotyisa, ine makaro, zvichingunodaro.”b Haiwa ikoku kunosanorondedzera sei tsika yezvamatongerwe enyika yakasvibiswa neropa iyo Satani akadzora kupfurikidza nayo vanhu! Misoro minomwe yeichi chikara inomirira ubati ushe hukuru hwenyika hutanhatu hunoratidzirwa munhau yeBhaibheri kusvikira kuzuva raJohane—Egipita, Asiria, Bhabhironi, Medho-Persia, Girisi, uye Roma—uye ubati ushe hwechinomwe hwenyika hwakaporofitwa kuoneka gare gare.—Enzanisa naZvakazarurwa 17:9, 10.
6. (a) Ko misoro minomwe yechikara yakatungamirira muchii? (b) Ko Roma yakashandiswa sei naJehovha mukuita rutongeso rwake patsika yezvinhu yechiJudha, uye maKristu omuJerusarema akaguma nei?
6 Chokwadi, munhau mave mune humwe ubati ushe kunze kwohunomwe—seizvo chikara chakaonwa naJohane chakanga chichiumbwa nomutumbi uyewo nemisoro minomwe nenyanga dzine gumi. Asi misoro minomwe inomirira ubati ushe hunomwe hukuru uhwo, humwe nohumwe mujana rahwo, hwakatungamirira mukudzvinyirira vanhu vaMwari. Muna 33 C.E., apo Roma yakanga yakakwirira musimba, Satani akashandisa musoro iwowo wechikara kuuraya Mwanakomana waMwari. Panguva iyeyo, Mwari akasiya tsika yezvinhu yechiJudha isina kutenda uye gare gare, muna 70 C.E., akabvumira Roma kuita rutongeso rwake parudzi irworwo. Nomufaro, Israeri wechokwadi waMwari, ungano yamaKristu akazodzwa, yakanga yadeya kunyeverwa, uye avo vari muJerusarema nomuJudhea vakanga vatizira kukotsekano iri mhiri kwoRwizi rwaJoridhani.—Mateo 24:15, 16; VaGaratia 6:16.
7. (a) Chii chakanga chodokuitika apo mhedziso yetsika yezvinhu yakasvika uye zuva raShe rakavamba? (b) Chii chakabvumikisa kuva musoro wechinomwe wechikara chaZvakazarurwa 13:1, 2?
7 Zvisinei, pakuzosvika pamugumo wezana ramakore rokutanga C.E., vazhinji vomuiyi ungano yapakuvamba vakanga vatsauka pazvokwadi, uye gorosi rechokwadi rechiKristu, “vanakomana voumambo,” vakanga vavhungwa zvikurukuru namasora, “vanakomana vowakaipa.” Asi apo mhedziso yetsika yezvinhu yakasvika, maKristu akazodzwa akaonekazve seboka rakarongwa. Mukati mezuva raShe, vakarurama vakanga vodoku“penya nomutoo wakajeka sezuva.” Nokudaro, ungano yechiKristu yakarongwa nokuda kwebasa. (Mateo 13:24-30, 36-43) Pakuzosvika panguva iyeyo, Umambo hweRoma hwakanga husichipozve. Umambo hukuru hweBritain, pamwe chete neUnited States of America ine simba, hwakadzora nenzvimbo inokosha yenzvimbo yenyika. Uhu ubati ushe hwenyika hwamaviri hwakabvumikisa kuva musoro wechinomwe wechikara.
8. Neiko kusati kuchifanira kukatyamadza kuti ubati ushe hwenyika hwamaviri hweEngland neAmerica hunofananidzirwa nechikara?
8 Hakuzati kuchikatyamadza here kubatanidza ubati ushe hwezvamatongerwe enyika hunobata ushe nechikara? Ndiko uko vamwe vashori vakataura mukati meHondo yeNyika II, apo chimiro cheZvapupu zvaJehovha, sesangano uye savanhu vamwe navamwe, chakanga chichiva chinoshorwa mumatare emitemo kupote pasi rose. Asika chimbomira ndokufunga! Ko marudzi iwo amene haazati achigamuchira zvikara kana kuti zvisikwa zvomusango sezviratidzo zvourudzi here? Somuenzaniso, kune shumba yeBritain, gondo reAmerica, uye dragoni yeChina. Naizvozvo neiko munhu upi noupi achifanira hake kuramba kana Munyori woumwari weBhaibheri Dzvene akachishandisawo zvikara kufananidzira ubati ushe hwenyika?
9. (a) Neiko munhu asati achifanira kuramba kutaura kweBhaibheri kwokuti Satani anopa chikara chiremera chacho chikuru? (b) Ko Satani anorondedzerwa sei muBhaibheri, uye iye anopesvedzera sei hurumende?
9 Zvakare, neiko munhu upi noupi achifanira kuramba kutaura kweBhaibheri kwokuti Satani anopa chikara chiremera chacho chikuru? Mwari ndiye Manyuko okutaura ikoko, uye pamberi pake ‘marudzi akaita sedonhwe rinodonha muchirongo uye sehuruva yakamotseka.’ Marudzi iwawo angaita zvakanaka zvikuru kutsvaka nyasha dzaMwari panokushatirirwa nzira iyo Shoko rake rouporofita rinovarondedzera. (Isaya 40:15, 17; Pisarema 2:10-12) Satani haazati ari munhu wengano akagoverwa kukutambudza mweya inoenda muhero yomwoto. Hakuna nzvimbo yakadaro iripo. Panzvimbo pakwo, Satani anorondedzerwa muMagwaro se“ngirozi yechiedza”—ishe wenyengedzo anoshandisa pesvedzero ine simba munhauwo zvadzo dzezvamatongerwe enyika.—2 VaKorinte 11:3, 14, 15; VaEfeso 6:11-18.
10. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti pamusoro peimwe neimwe yenyanga dzine gumi pakanga pane korona? (b) Ko nyanga dzine gumi nekorona dzine gumi dzinofananidzirei?
10 Chikara chine nyanga gumi pamisoro yacho minomwe. Zvimwe misoro mina yakanga ine nyanga imwe paumwe noumwe uye misoro mitatu yakanga ine nyanga mbiri paumwe noumwe. Kupfuurirazve, icho chakanga chine korona gumi panyanga dzacho. Mubhuku raDhanieri, zvikara zvinotyisa zvinorondedzerwa, uye chiverengero chenyanga dzazvo chinofanira kududzirwa sezvachiri chaizvozvo. Somuenzaniso, nyanga mbiri dziri pagondohwe dzaimirira umambo hwenyika hwaiumbwa navakutsirani vaviri, Medhia nePersia, nepo nyanga ina dziri panhongo dzaimirira umambo huna hwairarama panguva imwe cheteyo uhwo hwakabuda muumambo hwechiGiriki hwaAlexander Mukuru. (Dhanieri 8:3, 8, 20-22) Zvisinei, pachikara icho Johane akaona, chiverengero chenyanga dzine gumi chinoratidzika kuva chokufananidzira. (Enzanisa naDhanieri 7:24; Zvakazarurwa 17:12.) Dzinomirira kukwana kwehurumende huru dzinoumba sangano rose rezvamatongerwe enyika raSatani. Idzi nyanga dzose ndedzamasimba masimba, uye dzinodenha, asi sezvinoratidzirwa nemisoro minomwe, humusoro huri muubati ushe hwenyika humwe bedzi panguva yakati. Nomutoo wakafanana, korona dzine gumi dzinoratidzira kuti umambo hwose hukuru hwaizoshandisa simba rokubata ushe panguva imwe cheteyo noumambo hukuru, kana kuti simba renyika, rapanguva iyeyo.
11. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti chikara chine “pamusoro pemisoro yacho mazita okumhura”?
11 Chikara chine “mazita okumhura pamisoro yacho,” chichiita kutaura kwacho chimene kunoratidzira ruzvidzo rukuru nokuda kwaJehovha Mwari naKristu Jesu. Icho chakashandisa mazita aMwari naKristu sebata kumeso yokuwana madonzo acho ezvamatongerwe enyika; uye icho chakabata pamwe chete norudzidziso rwenhema, kunyange kubvumira vafundisi kutora rutivi mumiitiro yacho yezvamatongerwe enyika. Somuenzaniso, Dare raPamusoro reParamende muEngland rinobatanidza mabhishopi. Vakuru vakuru veKaturike vakaita mativi akatanhamara ezvamatongerwe enyika muFrance neItaly, uye pamisi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, vaprista vakatora nzvimbo dzezvamatongerwe enyika muLatin America. Hurumende dzinotsikirira zviratidzo zvorudzidziso zvakadai sokuti “ISU TINOVIMBA NAMWARI,” pamari yadzo yamapepa, uye pamusoro pemari yadzo yesirivha dzinokambira tendero youmwari nokuda kwavabati ushe vadzo, dzichitaura, somuenzaniso, kuti ivava vakagadzwa “kupfurikidza nenyasha dzaMwari.” Zvamazvirokwazvo kwose ikoku kumhura, nokuti chinotamburira kubatanidza Mwari munhandare yakashatswa yezvamatongerwe enyika yourudzi.
12. (a) Chii chinoratidzirwa nokubuda kwechikara mu“gungwa,” uye chakavamba kubuda rini? (b) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti dragoni inopa chikara chokufananidzira chiremera chayo chikuru?
12 Chikara chinobuda “mugungwa,” uko kuri chiratidzo chakakodzera chavanhu vazhinjisa vakapirutsika umo hurumende yohunhu inobuda. (Isaya 17:12, 13) Ichi chikara chakatanga kubuda mugungwa ravanhu vakapirutsika kare kare shure mumazuva aNimrodhi (rinenge zana ramakore rechi21 B.C.E.), apo tsika yezvinhu yapashure paMafashamo, inoshora Jehovha, yakatanga kuzviratidzira iyo imene. (Genesi 10:8-12; 11:1-9) Asi bedzi wokupedzisira wemisoro minomwe yacho wakazviratidzira iwo umene zvizere mukati mezuva raShe. Cherekedzawo, ndiyo dragoni yakapa “chikara simba rayo nechigaro chayo choumambo nechiremera chikuru.” (Enzanisa naRuka 4:6.) Chikara ndicho chisikwo chezvamatongerwe enyika chaSatani pakati pavazhinjisa vavanhu. Zvamazvirokwazvo Satani ndiye “mubati ushe wenyika ino.”—Johane 12:31.
Mbonje Inouraya
13. (a) Ingwavairai inodenha chikara mukuvamba mezuva raShe? (b) Kunodaro sei kuti chikara chose chakatambura apo musoro mumwe wakawana mbonje inouraya?
13 Mukuvamba mezuva raShe, ngwavaira inorovanya chikara. Johane anoshuma, kuti: “Uye ndakaona mumwe wemisoro yacho sokunge kuti wakabaiwa kusvikira kurufu, asi mbonje yawo inouraya yakapora, uye pasi rose rakatevera chikara noruyemuro.” (Zvakazarurwa 13:3) Iyi ndima inoreva kuti musoro mumwe wechikara wakawana mbonje inouraya, asi ndima 12 inoreva sokunge kuti chikara chose chakatambura. Neiko kwakadaro? Eya, misoro yechikara yose haizati ichibata ushe pamwe chete. Mumwe nomumwe mujana rawo wakabata ushe samambo pavanhu, zvikurukuru pavanhu vaMwari. (Zvakazarurwa 17:10) Nokudaro, sezvo zuva raShe rinovamba, kunongova bedzi nomusoro mumwe, wechinomwe, unobatira sesimba guru renyika. Mbonje inouraya iri pamusoro iwowo inovigira nhamo huru kuchikara chose.
14. Ko mbonje inouraya yakaitwa rini, uye mukuru mukuru weuto akarondedzera sei muuyo wayo pachikara chaSatani?
14 Chii chakanga chiri mbonje inouraya? Gare gare, inonzi mbonje yomunondo, uye munondo chiratidzo chehondo. Iyi mbonje yomunondo, yakaitwa mukuvamba mezuva raShe, inofanira kuva nechokuita nehondo yenyika yokutanga, iyo yakaparadzanya ndokutambudza chikara chezvamatongerwe enyika chaSatani. (Zvakazarurwa 6:4, 8; 13:14) Munyori Maurice Genevoix, uyo akanga ari mukuru weuto mukati mehondo iyeyo, akataura nezvayo, kuti: “Munhu ari wose anobvuma kuti munhau yose yavanhu, misi mishomanene yakanga yakakosha saAugust 2, 1914. Kutanga Europe uye nokukurumidza pashure pacho vanodokuva vanhu vose vakazviwana vamene vapinda mune chinoitika chinotyisa. Kokorodzano, bvumirano, mitemo yetsika, nheyo dzose dzakatenheka; kubva pazuva rimwe kusvikira kune rinotevera racho, chinhu chiri chose chakapanikirwa. Chinoitika chacho chaizopfuura zvose zviri zviviri zvakaipa zvinotyirwa kuitika nekariro dzino mufungo. Zvachiri chihombe, chakanyongana, chinotyisa, chichiri kutizvuzvurudzira mugwara racho.”—Maurice Genevoix, mutezo weAcadémie Française, akanokorwa mashoko mubhuku rinonzi Promise of Greatness (1968).
15. Ko musoro wechinomwe wechikara wakawana sei mbonje yawo?
15 Hondo iyeyo yakanga iri ngwavaira hurusa nokuda kwomusoro wechinomwe wechikara unodzora. Pamwe chete namamwe marudzi eEurope, Britain yakarashikirwa namajaya ayo muzviverengero zvinokatyamadza. Muhondo imwe yoga bedzi, Hondo yapaRwizi Somme muna 1916, paiva nevanhu 420 000 vokuBritain vakafa uyewo vanenge 194 000 vokuFrance ne440 000 vokuGermany—vanhu vanopfuura 1 000 000 vakafa! Mumugariro wezvemariwo, Britain—pamwe chete nedzimwe nyika dzasara dzeEurope—wakaputsanyika. Umambo hukuru hweBritain hwakadzedzereka pakurovanywa uye hahuna kutongonaya zvizere. Zvamazvirokwazvo, hondo iyoyo, yaiva ine marudzi makuru 28 anotora rutivi, yakadzedzeresa nyika yose sokunge kuti nokurova kunouraya. Pana August 4, 1979, makore 65 bedzi pashure pokutanga kweHondo yeNyika I The Economist, reLondon, England, rakatsinhira, kuti: “Muna 1914 nyika yakarashikirwa nebatano yaisina kukwanisa kuwanazve chifocho.”
16. Mukati mehondo yenyika yokutanga, ko United States yakaratidzira sei kuti yakanga iri rutivi rwoubati ushe hwenyika hwamaviri?
16 Panguva imwe cheteyo, Hondo Huru, sezvayaiidzwa panguva iyeyo, yakazarura nzira nokuda kwokuti United States ibude nomutoo wakajeka sorutivi rwoUbati Ushe hweNyika hweEngland neAmerica. Kwamakore okutanga ehondo, mufungo wavose wakaita kuti United States irambe iri kunze kwerwisano. Asi Esmé Wingfield-Stratford wezvenhau akanyora kuti, “yaingova bedzi nhau yokuti, paawa ino yenjodzi hurusa, Britain neUnited States dzaizogadzikisa kusanzwana kwadzo mukuitwa kweChinzwano [chadzo] chine simba nomutoro wadzose.” Sokuitika kwakaita zvinoitika, ivo vakadaro. Muna 1917 United States yakapira pfuma yayo navarwi kutsigira nhamburiko yehondo yaVabatani vanodzedzereka. Nokudaro, musoro wechinomwe, unobatanidza Britain neUnited States, wakakunda.
17. Chii chakaitika kutsika yapasi yaSatani pashure pehondo?
17 Nyika yapashure pehondo yakanga yakasiyana zvikurukuru. Tsika yapasi yaSatani, kunyange zvazvo yakaparadzwa nembonje inouraya, yakanaya ndokuva ine simba zvikuru kupfuura nakare kose uye naizvozvo yakawana ruyemuro rwavanhu nokuda kwesimba rayo rinoporesa.
18. Ko kunogona sei kutaurwa kuti vanhu vose zvavo vaka“tevera chikara noruyemuro”?
18 Wezvenhau Charles L. Mee, Jr., anonyora, kuti: “Kuputsika kwegadziriro yekare [kwakaparirwa nehondo yenyika yokutanga] kwakanga kuri mavambo ari madikanwa okupararira kwokuzvibata ushe, sunungurwo yamarudzi matsva namapoka, kupiwa kworusununguko rutsva nokuzvitonga.” Waitungamirira mukudziridziko yeiri zera rapashure pehondo wakanga uri musoro wechinomwe wechikara, zvino wapora, uye neUnited States of America ichiva rutivi rukuru. Ubati ushe hwenyika hwamaviri hwakatungamirira mukureverera zvose zviri zviviri Chinzwano chaMarudzi neChibatanwa chaMarudzi. Pakazosvika gore ra2005, ubati ushe hwezvamatongerwe enyika hweU.S. hwakanga hwatungamirira marudzi ane ropafadzo yakawanda mukuita mupimo wakakwira zvikuru wokurarama, mukurwisa hosha, nomukufambidzira mberi ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu. Hwakanga hwatoisa varume 12 pamwedzi. Naizvozvo, hakuzatiwo kuchishamisa kuti vanhu vose zvavo vaka“tevera chikara noruyemuro.”
19. (a) Ko vanhu vakatoita sei zvinopfuura kuyemura chikara? (b) Ndianiko ane chiremera chisingapokanidzwi pamaumambo ose apasi, uye tinoziva sei? (c) Ko Satani anogovera sei chiremera kuchikara, uye nomuuyoi pavoruzhinji rwavanhu?
19 Vanhu vakatoita zvinopfuura kuyemura chikara, sokutaurazve kunoita Johane, kuti: “Zvino ivo vakanamata dragoni nokuti iyo yakapa chiremera kuchikara, uye ivo vakanamata chikara namashoko, anoti: ‘Ndianiko akafanana nechikara, uye ndianiko anogona kurwa nacho?’ ” (Zvakazarurwa 13:4) Apo Jesu aiva pasi pano, Satani akakambira kuva ane chiremera pamusoro pamaumambo ose apasi. Jesu haana kupokanidza ikoku; kureva idika, iye amene akataura nezvaSatani somubati ushe wenyika uye akaramba kutora rutivi mune zvamatongerwe enyika zvezuva irero. Johane gare gare akanyora nezvamaKristu echokwadi, kuti: “Isu tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19; Ruka 4:5-8; Johane 6:15; 14:30) Satani anopa chiremera kuchikara, uye iye anoita ikoku pahwaro hwourudzi. Nokudaro, panzvimbo pokuva vanobatana muzvisungo zvorudo rwoumwari, vanhu vakava vakakamuraniswa norudado rwendudzi, dzinza, uye rudzi. Voruzhinji zvikuru vavanhu vanonamata, kureva idika, rutivi irworwo rwechikara rune chiremera munyika yavangave vachigara. Nokudaro, chikara chose chinowana ruyemuro nenamato.
20. (a) Ko vanhu vanonamata chikara mupfungwai? (b) Neiko maKristu anonamata Jehovha asati achitora rutivi mukunamatwa kwakadaro kwechikara, uye anotevera muenzaniso waani?
20 Namato mupfungwai? Mupfungwa yokuisa rudo rwenyika mberi kworudo rwaMwari. Vanhu vazhinjisa vanoda nyika yavakaberekerwa. Savagari vemo vakanaka, maKristu echokwadi anoremekedzawo vabati ushe nezviratidzo zvenyika umo ivo vanogara, vanoteerera mitemo, uye vanoita mupiro wakananga kugarikano yenzanga yavo navavakidzani vavo. (VaRoma 13:1-7; 1 Petro 2:13-17) Zvisinei, iwo haagoni kupa kuzvipira kwoupofu kunyika imwe seanorwisana nedzimwe dzose. Kuti, “nyika yedu, yakarurama kana kuti haina kururama” hakuzati kuri dzidziso yechiKristu. Naizvozvo maKristu anonamata Jehovha Mwari haagoni kugoverana munamatwo yorudado yokuvimbika kunyika yomumwe murutivi rwupi norwupi rwechikara, nokuti ikoku kungaguma nokunamatwa kwedragoni—manyuko echiremera chechikara. Iwo haagoni nomutoo wokuyemura kubvunza, kuti: “Ndianiko akafanana nechikara?” Panzvimbo pakwo, iwo anotevera muenzaniso waMikaeri—zita rake richireva kuti “Ndianiko Akafanana naMwari?”—sezvaanotsigira uchangamire hwenzvimbo yose hwaJehovha. Panguva yakagadzwa yaMwari, uyu Mikaeri, Kristu Jesu, acharwisana nechikara ndokuchikurira, sezvo iye akakurira mukudzinga Satani mudenga.—Zvakazarurwa 12:7-9; 19:11, 19-21.
Kurwisana Navatsvene
21. Ko Johane anorondedzera sei kushandisa kwaSatani chikara?
21 Satani akaisvochenjera akanga ane rongedzero dzokuparira chikara kusvika madonzo ake amene. Johane anotsanangura ikoku, achiti: “Ipapo chakapiwa [chikara chine misoro minomwe], muromo unotaura zvinhu zvikuru nokumhura, uye chakapiwa chiremera chokushanda kwemwedzi ina makumi mana nemiviri. Uye icho chakashamisa muromo wacho mukumhura Mwari, kumhura zita rake nohugaro hwake, kunyange avo vanogara kudenga. Ipapo icho chakabvumirwa kurwa navatsvene ndokuvakunda, uye chakapiwa chiremera pamusoro pendudzi iri yose, vanhu vari vose, ndimi iri yose uye rudzi rwuri rwose. Uye vose avo vanogara pasi pano vachachinamata; hapana nomumwe wavo ane zita rakanyorwa mumupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana iro rakaurawa, kubvira pakuteiwa kwenyika.”—Zvakazarurwa 13:5-8.
22. (a) Ko mwedzi 42 inonongedzera kunhamboi yenguva? (b) Mukati memwedzi 42, maKristu akazodzwa aka‘kurirwa’ sei?
22 Mwedzi 42 inodudzwa pano inooneka kuva yakafanana namakore matatu nehafu umo vatsvene vanotambudzwa mairi norunyanga runomuka muchimwe chezvikara zvomuuporofita hwaDhanieri. (Dhanieri 7:23-25; onawo Zvakazarurwa 11:1-4.) Nokudaro, pamugumo wa1914 zvichienda mberi kuna 1918, apo marudzi anorwisana akanga achirandabvuranyana chaizvoizvo sezvikara, vagari vemo vamarudzi iwawo vakadzvinyirirwa kunamata chikara, kupinda murudzidziso rwourudzi, kunyange kugadzirira kufira nyika yokwavo. Dzvinyiriro yakadaro yakaparira kutambura kukurusa kuna vazhinji vavakazodzwa, avo vairangarira kuti teerero yavo yakakwirira ndeyaJehovha Mwari noMwanakomana wake, Kristu Jesu. (Mabasa 5:29) Miedzo yavo yakasvika mugumo muna June 1918, apo ivo vaka‘kurirwa.’ MuUnited States, vakuru vakuru vakatanhamara navamwe vamiriri veWatch Tower Society vakapfigirwa mutorongo nomutoo usina kururama, uye kuparidzira kwakarongwa kwaiitwa nehama dzavo dzechiKristu kwakadziviswa zvikurukuru. Chine chiremera “pamusoro pendudzi iri yose vanhu vari vose, nendimi iri yose, uye rudzi rwuri rwose,” chikara chakadzivisa chose chose basa raMwari munyika iri yose.
23. (a) Chii chiri “mupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana,” uye chii chave chichienda kumhedziso chifo cha1918? (b) Neiko rukundo rupi norupi runooneka rwesangano rinooneka raSatani pa“vatsvene” rwaingova bedzi rusina maturo?
23 Ikoku kwakaratidzika sorukundo rwaSatani nesangano rake. Asi harwuzati rwaigona kuvavigira betsero yenhambo refu, sezvo pasina mumwe musangano rinooneka raSatani akanga ane zita rake rakanyorwa mu“mupumburu wamanyoro woupenyu weGwayana.” Nomutoo wokufananidzira, uyu mupumburu wamanyoro une mazita aavo vachabata ushe pamwe chete naJesu muUmambo hwake hwokudenga. Mazita okutanga akanyorwa mauri paPentekosta ya33 C.E. Uye mumakore echifocho, mamwe mazita akawanda akawedzerwa. Chifo cha1918, kuiswa chisimbiso kwavakasarira vavadyi venhaka voUmambo vane 144 000 kwave kuchipfuurira kukupedzwa. Nokukurumidza, mazita avo vose achanyorwa nomutoo usingadzimiki mumupumburu wamanyoro weGwayana woupenyu. Kana vari vashori vanonamata chikara, hapana nomumwe waivava achava nezita rake rakanyorwa mumupumburu iwowo wamanyoro. Naizvozvo rukundo rupi norupi runooneka rungava naivava pamusoro pa“vatsvene” haruna maturo, ndorwechinguvana bedzi.
24. Ko Johane anodana pana avo vane nzwisiso kunzweiko uye mashoko anonzwiwa anorevei nokuda kwavanhu vaMwari?
24 Johane zvino anodana pana avo vane nzwisiswo kusanoteerera zvikuru, achiti: “Kana munhu upi noupi ane nzeve, ngaanzwe.” Ipapo iye anopfuurira, kuti: “Kana munhu upi noupi akatemerwa utapwa, iye achapinda muutapwa. Kana munhu upi noupi achizouraya nomunondo, iye anofanira kuurawa nomunondo. Hepano pakunoreva tsungiriro nokutenda kwavatsvene.” (Zvakazarurwa 13:9, 10) Jeremia akanyora mashoko akafanana zvikuru naiwawa mumakore akatangira 607 B.C.E., kuratidzira kuti kwakanga kusina kudzokera shure kwamarutongeso aJehovha nokuda kweguta risina kutendeka reJerusarema. (Jeremia 15:2; onawo Jeremia 43:11; Zekaria 11:9.) Munguva yake yomuedzo mukuru, Jesu akajekesa kuti vateveri vake vanofanira kusatera apo iye akati: “Vose avo vanoshandisa munondo vachaparara nomunondo.” (Mateo 26:52) Nomutoo wakafanana, zvino muzuva raShe vanhu vaMwari vanofanira kuomerera kunheyo dzeBhaibheri. Hapazati pachizova nokupukunyuka kwokupedzisira nokuda kwavasingapfidzi vanonamata chikara. Isu tose tichada tsungiriro, pamwe chete nokutenda kusingazununguki, kuti tigopukunyuka zvitambudzo nemiedzo zviri mberi.—VaHebheru 10:36-39; 11:6.
Chikara Chine Nyanga Mbiri
25. (a) Ko Johane anorondedzera sei chimwe chikara chokufananidzira chinobudira panyika? (b) Chii chinoratidzirwa nenyanga mbiri dzechikara chitsva uye nokubuda kwacho mupasi?
25 Asi zvino chimwe chikara chinobuda panyika. Johane anoshuma, kuti: “Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira chichibva papasi, uye chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chakavamba kutaura sedragoni. Uye chinoshandisa chiremera chose chechikara chokutanga chiri mberi kwacho. Uye chinoita kuti pasi naavo vanogara pariri vanamate chikara chokutanga, chine mbonje inouraya yakapora. Uye chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinotofanira kuita kuti mwoto uburukire pasi pamberi pavanhu uchibva kudenga.” (Zvakazarurwa 13:11-13) Ichi chikara chine nyanga mbiri, kuratidzira mushandira pamwe woubati ushe huviri hwezvamatongerwe enyika. Uye icho chinorondedzerwa sechinobuda papasi, kwete mugungwa. Nokudaro, chinobuda mutsika yezvinhu yapasi yakatoumbwa yaSatani. Chinofanira kuva ubati ushe hwenyika, hunotovapo, hunotora rutivi runokosha muzuva raShe.
26. (a) Chii chiri chikara chine nyanga mbiri, uye chinowirirana sei nechikara chapakuvamba? (b) Ko nyanga dzechikara chine nyanga mbiri dzakaita sedzegwai mupfungwai, uye chakaita sei “sedragoni” pakutaura? (c) Ko vanhu vourudzi vanonamatei chaizvoizvo, uye urudzi hwakafananidzwa nechii? (Ona mashoko omunyasi.)
26 Hungava hupiko? Ubati Ushe hweNyika hweEngland neAmerica—hwakafanana nomusoro wechinomwe wechikara chokutanga asi hune rutivi chairwo! Kuhutsauranisa muchiono sechikara chiri choga kunotibetsera kuona zvakajeka zvikuru maitire achinoita nomutoo wokuzvimirira munyika. Ichi chikara chine nyanga mbiri chokufananidzira chinoumbwa noubati ushe huviri hunorarama panguva imwe cheteyo, hwokuzvimirira, asi hunobatira pamwe chete hwezvamatongerwe enyika. Nyanga dzacho mbiri “segwayana” dzinokarakadzira kuti icho chinozvibvumikisa icho chimene kuva chinyoro nechisingadeuki, nechimiro chakapepuka chehurumende icho nyika yose inofanira kutendeukira kwachiri. Asi chinotaura se“shato” mukuti chinoshandisa dzvinyiriro netyisidziro uye kunyange masimba masimba akakwana kuri kwose uko chiono chacho choubati ushe chinosagamuchirwa. Icho hachina kukurudzira kuzviisa pasi poUmambo hwaMwari mukudzora kweGwayana raMwari asi, panzvimbo pakwo, pasi pefariro dzaSatani, dragoni mukuru. Chakasimudzira mitsaukano yourudzi namaruvengo izvo zvinowedzera kunamata chikara chokutanga.c
27. (a) Chimiroi chechikara chine nyanga mbiri chinoratidzirwa neidi rokuti icho chinoita kuti mwoto uburuke uchibva kudenga? (b) Ko vanhu vazhinji vanorangarira sei mubiyacho wazvino uno wechikara chine nyanga mbiri?
27 Ichi chikara chine nyanga mbiri chinoita zviratidzo zvikuru, kunyange kuita kuti mwoto uburuke uchibva kudenga. (Enzanisa naMateo 7:21-23.) Ichi chiratidzo chapashure chinotiyeuchidza nezvaEria, muporofita wekare waMwari uyo akapinda mukwikwidzano navaporofita vaBhaari. Apo iye murubudiriro akadana mwoto kuburuka uchibva kudenga muzita raJehovha, kwakabvumikisa pasina panikiro kuti iye akanga ari muporofita wechokwadi uye kuti vaporofita vaBhaari vakanga vari venhema. (1 Madzimambo 18:21-40) Savaporofita ivavo vaBhaari, chikara chine nyanga mbiri chinonzwa kuti icho chine zvipupuriro zvakaringanira somuporofita. (Zvakazarurwa 13:14, 15; 19:20) Chokwadika, icho chinoti chakakurira masimba ezvakaipa muhondo mbiri dzenyika, uye chakakunda chiKomonizimu chainzi hachidi Mwari! Zvamazvirokwazvo, vazhinji vanorangarira mubiyacho wazvino uno wechikara chine nyanga mbiri somuchengeti wesununguko uye manyuko ezvinhu zvokunyama zvakanaka.
Mufananidzo Wechikara
28. Ko Johane anoratidzira sei kuti chikara chine nyanga mbiri hachizati chiri chisine mhaka sokuratidzira kwaizoita nyanga dzacho dzakaita sedzegwai?
28 Ko ichi chikara chine nyanga mbiri hachine mhaka sokuratidzira kwaizoita nyanga dzacho dzakaita sedzegwai here? Johane anopfuurira, kuti: “Uye icho chinonyengera avo vanogara pamusoro papasi, nokuda kwezviratidzo zvachakapiwa kuti chiite pamberi pechikara, apo icho chinoudza avo vanogara pamusoro papasi kuti vaite mufananidzo wechikara chiya chakanga chine mbonje yomunondo asi ndokunaya. Ipapo chakabvumirwa kupa chifemo kumufananidzo wechikara, kuti mufananidzo wechikara utaure uye uparire kuti vose avo vaisazonamata munzira ipi neipi mufananidzo wechikara vaurawe.”—Zvakazarurwa 13:14, 15.
29. (a) Chii chiri donzo romufananidzo wechikara, uye uyu mufananidzo wakaumbwa rini? (b) Neiko mufananidzo wechikara usati uri mufananidzo usino upenyu?
29 Chii chiri uyu “mufananidzo wechikara,” uye chii chiri donzo rawo? Donzo nderokusimudzira kunamatwa kwechikara chine misoro minomwe icho chiri mufananidzo wacho uye nokudaro, kutaura idika, kupfuuridzira kuvapo kwechikara. Uyu mufananidzo unoumba pashure pokunge chikara chine misoro minomwe chanaya pambonje yacho yomunondo, ndiko kuti, pashure pokupera kwehondo yenyika yokutanga. Icho hachizati chiri chifananidzo chisino upenyu, chakadai sechiya chakamiswa naNebhukadnezari pamapani eDhura. (Dhanieri 3:1) Chikara chine nyanga mbiri chinofemera upenyu muno uyu mufananidzo kuti mufananidzowo ugone kurarama ndokuita rutivi munhau yenyika.
30, 31. (a) Ko maidi enhau anozivisa uyu mufananidzo kuvei? (b) Ko vapi navapi vakaurawa nokuda kwokuramba kunamata uyu mufananidzo here? Tsanangura.
30 Kufambira mberi kwenhau kunozivisa uyu mufananidzo kuva sangano rakatangwa, rakasimudzirwa, uye rakatsigirwa neBritain uye neUnited States uye rakazivikanwa pakuvamba-vamba seChinzwano chaMarudzi. Gare gare, muna Zvakazarurwa ganhuro 17, chichaoneka muchiratidzo chakasiyana, chiya chechikara chitsvuku chipenyu, chinofema, chinozvimirira. Uyu mutumbi wamarudzi ose uno‘taura,’ mukuti unoita kutaura kwokuzvitutumadza kwokuva iwo bedzi unokwanisa kuunza rugare nechengeteko kuvanhu. Asika zvamazvirokwazvo iwo wava nzvimbo yekurukurirano nokuda kwamarudzi ari mitezo kuti atsinhane hurukuro dzokutaura nokuvirima. Iwo wakatyisidzira nokudzinga, kana kuti rufu chairwo, rudzi kana kuti vanhu vasati vachikotamira ichi chiremera. Chinzwano chaMarudzi chakatodzinga marudzi aikundikana kurarama mukuwirirana nepfungwa dzacho. Pakutanga kwedambudziko guru, “nyanga” dzinodisa kurwa dzouyu mufananidzo wechikara dzichaita rutivi runoparadzanya.—Zvakazarurwa 7:14; 17:8, 16.
31 Chifo cheHondo yeNyika II, mufananidzo wechikara—zvino unoratidzirwa sesangano reChibatanwa chaMarudzi—rakatouraya munzira chaiyoiyo. Somuenzaniso, muna 1950 uto reCM rakapinda munhandare muhondo pakati poKuchamhembe kweKorea noKumaodzanyemba kweKorea. Uto reCM, pamwe chete navaKorea voKumaodzanyemba, vakauraya vanokarakadzwa kuva vaKorea vokuchamhembe namaChina 1 420 000. Nomutoo wakafanana, kubvira muna 1960 kusvikira muna 1964, mauto eChibatanwa chaMarudzi akanga achishingaira muCongo (Kinshasa). Zvakare, vatungamiriri venyika, kubatanidza vana Papa Paul VI naJohn Paul II, vave vachipfuurira kusimbisira kuti uyu mufananidzo ndiwo tariro yokupedzisira neyakanakisisa yomunhu nokuda kworugare. Kana vanhu vakakundikana kuubatira, ivo vanoomerera pakuti, dzinza romunhu richazviparadza iro rimene. Nokudaro ivo nomutoo wokufananidzira vanoparira vanhu vose vanoramba kuwirirana nomufananidzowo ndokuunamata kuti vaurawe.—Dheuteronomio 5:8, 9.
Chiratidzo Chechikara
32. Ko Johane anorondedzera sei kushandisa kwaSatani mapato ezvamatongerwe enyika esangano rake rinooneka kuparira kutambura nokuda kwavakasarira vembeu yomukadzi waMwari?
32 Johane zvino anoona kuti Satani anoparira sei mativi ezvamatongerwe enyika esangano rake rinooneka kusakisa kutambura kukurusa nokuda kwavakasarira vembeu yomukadzi waMwari. (Genesi 3:15) Iye anodzokera kundorondedzera “chikara” icho chimene: “Uye icho chinomanikidza vanhu vose, vaduku navakuru, navapfumi navarombo, uye vakasununguka navaranda, kuti ivo vanofanira kupa ivava chiratidzo muruoko rwavo rworudyi kana kuti pahuma yavo, uye kuti hapana munhu angava anokwanisa kutenga kana kuti kutengesa kutoti bedzi munhu ane chiratidzo, zita rechikara kana kuti chiverengero chezita racho. Hepano panopinda uchenjeri: Uyo ane ungwaru ngaaverenge chiverengero chechikara, nokuti icho chiverengero chomunhu; uye chiverengero chacho mazana matanhatu ana makumi matanhatu netanhatu.”—Zvakazarurwa 13:16-18.
33. (a) Ko zita rechikara rinonzii? (b) Ko chiverengero chetanhatu chinobatanidzwa nechii? Tsanangura.
33 Chikara chine zita, uye iri zita chiverengero: 666. Tanhatu, sechiverengero, chinobatanidzwa navavengi vaJehovha. Murume weFiristia wavaRafa wakanga ari “wourefu hwechienzi,” uye “minwe nezvigunwe [zvake] zvaiva muzvitanhatu.” (1 Makoronike 20:6) Mambo Nebhukadnezari akadzika mufananidzo wendarama una makubhiti 6 muupamhi namakubhiti 60 muukwiriri kuti agobatanidza vakuru vakuru vake vezvamatongerwe enyika mukunamata kumwe. Apo vabatiri vaMwari vakaramba kunamata mufananidzo wendarama, Mambo akaita kuti ivo vakandirwe muchoto chomwoto. (Dhanieri 3:1-23) Chiverengero chetanhatu chinoperevedza pachechinomwe, icho chinomirira kukwana mumurangariro waMwari. Saizvozvo, vanatanhatu vatatu vanomirira kusakwana kukurusa.
34. (a) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti chiverengero chechikara “ndechechiverengero chomunhu”? (b) Neiko 666 riri zita rakakodzera nokuda kwetsika yenyika yezvamatongerwe enyika yaSatani?
34 Zita rinozivisa munhu. Naizvozvo ichi chiverengero chinozivisa sei chikara? Johane anotaura kuti icho “chiverengero chomunhu,” kwete chomunhu womudzimu, naizvozvo zita rinobetsera kusimbisa kuti chikara ndechapasi, chinofananidzira hurumende yohunhu. Sezvo tanhatu ichikundikana kusvitsa nomwe, naizvozvo 666—tanhatu mumwero wechitatu—izita rakakodzera nokuda kwesangano gurusa rezvamatongerwe enyika renyika rinokundikana nomutoo unosuruvarisa zvikurusa kusvitsa mupimo waMwari wokukwana. Chikara chezvamatongerwe enyika chenyika chinobata ushe zvikurusa muchiverengero chezita 666, nepo zvamatongerwe enyika zvikuru, rudzidziso rukuru, namabhizimisi makuru, zvichiita kuti chikara ichecho chirambe chichishanda somudzvinyiriri wavanhu nomutambudzi wavanhu vaMwari.
35. Ko kuva anoiswa chiratidzo pahuma kana kuti paruoko rworudyi nezita rechikara kunorevei?
35 Ko kuiswa chiratidzo pahuma kana kuti paruoko rworudyi nezita rechikara kunorevei? Apo Jehovha akapa Israeri Mutemo, iye akavaudza, kuti: “Imi munofanira kuchengeta aya mashoko angu mumwoyo menyu nomumweya wenyu ndokuasungira sechiratidzo paruoko rwenyu, uye iwo anofanira kubatira sorundanyara pakati pameso enyu.” (Dheuteronomio 11:18) Ikoku kwakareva kuti vaIsraeri vaitofanira kuchengeta Mutemo iwowo nguva dzose pamberi pavo, zvokuti iwo waipesvedzera zviito zvavo zvose nemifungo. Vakazodzwa 144 000 vanotaurwa kuva vane zita raBaba nerero raJesu rakanyorwa pahuma dzavo. Irori rinovazivisa savari vaJehovha Mwari naJesu Kristu. (Zvakazarurwa 14:1) Mukutevedzera, Satani anoshandisa chiratidzo choudhemoni chechikara. Munhu ari wose anobatikana mumibato yezuva riri rose yakadai sokutenga nokutengesa anogombedzerwa kuita zvinhu nenzira inoita nayo chikara, somuenzaniso, somukuchengeta mazororo. Ivo vanokarirwa kunamata chikara, kuchirega chichibata ushe upenyu hwavo, kuti vagamuchire chiratidzo chacho.
36. Avo vanoramba kugamuchira chiratidzo chechikara vakava nezvinetsoi?
36 Avo vanoramba havo kugamuchira chiratidzo chechikara vakava nezvinetso nguva dzose. Kutangira muma1930, somuenzaniso, vaitofanira kurwisa kakavadzano zhinji dzomumatare ndokutsungirira denho dzamasimba masimba dzemhomho nezvimwe zvitambudzo. Munyika dzoushushi, ivo vakapfigirwa mumisasa yechibharo, uko vazhinji vakafira. Chifo chehondo yenyika yechipiri, majaya asingaverengeki akatambura kupfigirwa mutorongo kwenguva refu, mamwe kunyange kuva anotambudzwa ndokuuraiwa, nemhaka yokuramba kwao kuputsa kusatora rutivi kwao kwechiKristu. Mune dzimwe nyika maKristu haakwanisi chaizvozvo kutenga kana kuti kutengesa; mamwe haakwanisi kuva nenzvimbo dzao amene; mamwe anobatwa chibharo, kupondwa, kana kuti kudzingwa munyika yokwao. Neiko? Nokuti muhana yakanaka iwo anoramba kutenga kadhi rebato rezvamatongerwe enyika.d—Johane 17:16.
37, 38. (a) Neiko nyika iri nzvimbo yakaoma nokuda kwaavo vanoramba kuva nechiratidzo chechikara? (b) Ndivanaani vari kuchengeta kuperera, uye ivo vakatsunga kuitei?
37 Mune dzimwe nzvimbo dzapasi, rudzidziso rwakanyura zvikuru muupenyu hwenzanga zvokuti munhu upi noupi anomira nokuda kwezvokwadi yeBhaibheri anodzingwa nemhuri uye neshamwari dzekare. Kunoda kutenda kukuru kutsungirira. (Mateo 10:36-38; 17:22) Munyika umo voruzhinji vanonamata pfuma yokunyama uye umo kusatendeseka kwakapararira, muKristu wechokwadi kazhinji kazhinji anotofanira kuvimba chose chose naJehovha kuti Iye achamutsigira mukuronda nzira yakarurama. (Pisarema 11:7; VaHebheru 13:18) Munyika yakazadzwa noutere, kunoda kutsunga kukuru kuramba usine tsvina uye wakachena. MaKristu anorwara anowanzodzvinyirirwa navanachiremba navakoti kuputsa mutemo waMwari pamusoro poutsvene hweropa; ivo vanotofanira kudzivisa mirairo yedare inorwisana nokutenda kwavo. (Mabasa 15:28, 29; 1 Petro 4:3, 4) Uye mumazuva ano okushaikwa kwebasa kunowedzera, kuri kuramba kuchiva kunoomera muKristu wechokwadi kudzivisa basa iro ringareva kuputsa perero yake pamberi paMwari.—Mika 4:3, 5.
38 Hungu, nyika inzvimbo yakaoma nokuda kwaavo vasina chiratidzo chechikara. Ndiko kuratidzirwa kwakatanhamara kwesimba raJehovha nechikomborero kuti vakasarira vembeu yomukadzi, uyewo navanopfuura mamiriyoni matanhatu veboka guru, vari kuratidzira perero pasinei zvapo nedzvinyiriro dzose dzokuputsa mitemo yaMwari. (Zvakazarurwa 7:9) Takabatana, mupasi rose, isu tose ngatipfuurirei kukudza Jehovha nenzira dzake dzakarurama, sezvatinoramba kugamuchira chiratidzo chechikara.—Pisarema 34:1-3.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwohumwe udzame, tapota ona mapeji 165-79 ebhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b The Interpretation of St. John’s Revelation, rakanyorwa naR. C. H. Lenski, mapeji 390-1.
c Vatsinhiri vakacherekedza kuti urudzi, kureva idika, rudzidziso. Nokuda kwechikonzero ichocho, vanhu vari vourudzi vanonamata zvomenemene chikamu ichecho chechikara chinomirirwa nenyika yavanogara mairi. Pamusoro pourudzi muUnited States, tinorava, kuti: “Urudzi, huchirangarirwa sorudzidziso, hune zvakafanana zvakawanda zvinogoveranwa pamwe chete namamwe masangano makuru orudzidziso omunguva yakapfuura . . . Wezvourudzi hwazvino uno worudzidziso anoziva nezvorutsamiro pana mwari wake amene worudzi. Iye anonzwa dikanwo yebetsero Yake ine simba. Maari iye anoziva manyuko okukwana kwake amene nomufaro. Mupfungwa chaiyoiyo yorudzidziso, iye anozviisa pasi Pake. . . . Rudzi runofungwa nezvarwo serwokusingagumi, uye nzufu dzavanakomana varwo vanovimbika dzinongowedzera bedzi mukurumbira warwo usingaperi nembiri.”—Carlton J. F. Hayes, seyakanokorwa mashoko papeji 359 yebhuku rinonzi What Americans Believe and How They Worship, rakanyorwa naJ. Paul Williams.
d Ona, somuenzaniso, chinyorwa cheNharireyomurindi yaSeptember 1, 1971, yechiNgezi, peji 520; December 15, 1974, peji 563; December 1, 1975, peji 542; February 1, 1979, yechiNgezi, peji 23; June 1, 1979, yechiNgezi, peji 20; November 15, 1980, peji 11.
[Mufananidzo uri papeji 195]
Icho chakabvumirwa kufemera mufananidzo wechikara