Rumbidzai Mambo Asingagumi!
“Jehovha ndiye Mambo nokusingaperiperi.”—PISAREMA 10:16.
1. Mibvunzoi inomuka pamusoro pokusaguma?
KUSAGUMA—iwe waizokurondedzera sei? Unofunga kuti nguva ingagona kupfuurira chaizvoizvo nokusingaperi here? Eya, hapana panikiro kuti nguva inotambanuka nokusingaperi ichidzokera munguva yakapfuura. Naizvozvo ingaregererei kutambanuka ichienda kunguva yemberi nokusingaperi? Zvirokwazvo, Bhaibheri reNew World Translation rinonongedzera kuna Mwari seanorumbidzwa “kubvira panguva isingazivikanwi kunyange kusvikira kunguva isingazivikanwi.” (Pisarema 41:13) Uku kutaura kunorevei? Tingabetserwa kukunzwisisa kana tikanongedzera kunhau yakafanana—chadenga.
2, 3. (a) Mibvunzoi inobatanidza chadenga, inotibetsera kunzwisisa kusaguma? (b) Neiko tichifanira kuda kunamata Mambo asingagumi?
2 Chadenga chakakura sei? Chine muganhu upi noupi here? Kutozosvikira makore ane 400 akapfuura, pasi redu raifungidzirwa kuva musimboti wechisiko chose. Ipapo Galileo akagadzira telescope, yaigovera chiono chakakudzwa zvikuru chamatenga. Zvino Galileo aigona kuona dzimwe nyeredzi dzakawanda uye akanga achikwanisa kuratidza kuti pasi nedzimwe nyika zvinotenderera zuva. Gwara Renzou rakanga risisina kucheneruka. Rakabvumikisa kuva boka renyeredzi, dzine uwandu hunenge mabhiriyoni ane zana. Taisatongogona kuverenga nyeredzi chaidzoidzo dzakawanda kudaro, kunyange muupenyu hwose. Gare gare, nyanzvi dzezvemuchadenga dzakapfuurira kuwana mabhiriyoni amapoka enyeredzi. Iwaya anotambanuka asingagumi kupinda muchadenga, kusvikira uko matelescope ane simba zvikurusa anogona kunzvera. Kunoratidzika kuti chadenga hachina miganhu. Zvimwe chetezvo ndizvo zvazvakaita nokusaguma—hakuna miganhu.
3 Mufungo wokusaguma unoratidzika kuva usinganzwisiswi neuropi hwedu hwomunhu hwakaganhurirwa. Zvisinei, pane Mumwe Munhu anokunzwisisa zvizere. Anogona kuverenga, hungu, uye kunyange kududza maquadrillion asingagumi enyeredzi mumabhiriyoni awo emapoka enyeredzi! Iyeyu anoti: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakuna chimwe chinoshayikwa. Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari usingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazivikanwi.” (Isaya 40:26, 28) NdiMwari anoshamisa zvakadini! Zvirokwazvo, iye ndiMwari watinofanira kuda kunamata!
“Mambo Nokusingaperiperi”
4. (a) Dhavhidhi akaratidzira sei kuonga Mambo asingagumi? (b) Mumwe wezvesayenzi mukurusa wenhau akagumisa chii pamusoro pamavambo echisiko chose?
4 PaPisarema 10:16, Dhavhidhi anoti nezveMusiki, Mwari: “Jehovha ndiye Mambo nokusingaperiperi.” Uye paPisarema 29:10, anodzokorora, kuti: “Jehovha unogara ari mambo nokusingaperi.” Hungu, Jehovha ndiye Mambo asingagumi! Zvakare, Dhavhidhi anopupurira kuti uyu Mambo akakwidziridzwa ndiye Muumbi noMugadziri wezvose zvatinoona muchadenga, achitaura paPisarema 19:1, kuti: “Kudenga denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” Anenge makore 2 700 gare gare, wezvesayenzi akakurumbira Sir Isaac Newton akataura kubvumirana naDhavhidhi, achinyora, kuti: “Iyi gadziriro yakaisvonaka yemazuva, nyika nemacomet ingagona bedzi kubva muchinangwa nouchangamire zvomunhu anoziva neane simba.”
5. Isaya naPauro vakanyorei pamusoro paManyuko ouchenjeri?
5 Kunofanira kutidukupisa sei kuziva kuti Changamire Ishe Jehovha, uyo kunyange “denga [rakafara] nokudenga denga [zvisinga]muringani,” anogara nokusingagumi! (1 Madzimambo 8:27) Jehovha, anorondedzerwa pana Isaya 45:18 se“wakasika denga rose, . . . wakaumba nyika nokuiita,” ndiye Manyuko ouchenjeri hwakakura zvikuru kupfuura izvo uropi hwavanhu vanofa hunogona kunzwisisa. Jehovha, sezvinosimbiswa pana 1 VaKorinte 1:19 akati: “Ndichaparadza uchenjeri hwavakachenjera, ndichakonesa kuziva kwavanoziva.” Kuna ikoku muapostora Pauro akawedzera 1 Vak. 1 mundima 20, kuti: “Wakachenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika huve upenzi here?” Hungu, seizvo Pauro akapfuurira kutaura, 1 Vak. paganhuro 3, ndima 19, “uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”
6. Muparidzi 3:11 inoratidzirei pamusoro pe“zvisingaperi”?
6 Mitumbi yomudenga rutivi rwechisiko icho Mambo Soromoni akanongedzera kwachiri, kuti: “Chinhu chimwe nechimwe [Mwari] wakachiita chakanaka panguva yacho; wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:11) Zvirokwazvo, kwakaiswa mumwoyo womunhu kuedza kuwana revo ye“zvisingaperi,” ndiko kuti, kusaguma. Asi anogona kumbowana zivo yakadaro here?
Kariro Youpenyu Yakaisvonaka
7, 8. (a) Ikariroi inoshamisa youpenyu iri mberi kworudzi rwomunhu, uye ingawanwa sei? (b) Neiko tichifanira kufara kuti dzidzo youmwari ichapfuurira nokusingagumi kwose?
7 Jesu Kristu akataura mumunyengetero kuna Jehovha, kuti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Tinogona sei kuwana zivo yakadaro? Tinofanira kufunda Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene. Nenzira iyoyo tinogona kuwana zivo yakarurama yezvinangwa zvakaisvonaka zvaMwari, kubatanidza gadziriro yakaitwa kupfurikidza neMwanakomana wake youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Ihwohwo huchava “upenyu chaihwo” hunonongedzerwa kwahuri pana 1 Timotio 6:19. Huchava huchiwirirana neizvo VaEfeso 3:11 inorondedzera se“chirevo chokutanga-tanga chaakatema muna Kristu Jesu, Ishe wedu.”
8 Hungu, isu vanhu vanotadza tingawana upenyu husingaperi kupfurikidza nedzidzo youmwari nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. Iyi dzidzo ichapfuurira kwenguva yakareba sei? Ichapfuurira nokusingagumi kwose sezvo rudzi rwomunhu runorayiridzwa nenzira inofambira mberi muuchenjeri hwoMusiki wedu. Uchenjeri hwaJehovha hahuna miganhu. Achiziva ikoku, muapostora Pauro akakuwa, kuti: “Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi.” (VaRoma 11:33) Kwakakodzera, zvirokwazvo, kuti 1 Timotio 1:17 inodana Jehovha kuti “Ishe usingaperi”!
Uchenjeri Hwokusika hwaJehovha
9, 10. (a) Mabasai akaisvonaka ayo Jehovha akaita mukugadzira pasi sechipo chake kurudzi rwomunhu? (b) Uchenjeri hukuru hwaJehovha hunoratidzirwa sei muzvisikwa zvake? (Ona bhokisi.)
9 Rangarira nhaka yakaisvonaka iyo Mambo asingagumi akagovera isu vanhu. Pisarema 115:16 rinotiudza kuti: “Kudenga denga ndiko kudenga denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.” Haufungi here kuti ndichakaronzeswa chinoshamisa? Zvirokwazvo! Uye tinokoshesa sei kungwara kwakatanhamara kwoMusiki wedu mukugadzira pasi somusha wedu!—Pisarema 107:8.
10 Mabasa anoshamisa akaitika pasi pano mukati me“mazuva” matanhatu okusika aGenesi ganhuro 1, zuva rimwe nerimwe richifukidza zviuru zvamakore. Izvi zvisikwa zvaMwari pakupedzisira zvaizofukidza pasi rose nekapeti yakasvibira youswa, masango makuru, uye maruva akajeka. Raizozadzwa nezvisikwa zvomugungwa zvechienzi zvizhinji, mapoka eshiri dzine mapapiro akanaka, uye mhatsa huru yemhuka dzinopfuyiwa nedzisingapfuyiwi, imwe neimwe ichibereka “mukuwirirana norudzi rwayo” (NW). Pashure pokurondedzerwa kwokusikwa kwomurume nomukadzi, Genesi 1:31 inorondedzera, kuti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.” Imhoteredzo inofadza zvakadini yakapoteredza vanhu vaviri vokutanga ivavo! Hationi here mune zvisikwa zvose izvozvi uchenjeri, kungwara, uye kuitira hanya kwoMusiki ane rudo?—Isaya 45:11, 12, 18.
11. Soromoni akakudza sei uchenjeri hwokusika hwaJehovha?
11 Mumwe munhu akashamiswa nouchenjeri hwaMambo asingagumi akanga ari Soromoni. Akadanira adanirazve ngwariro kuuchenjeri hwoMusiki. (Zvirevo 1:1, 2; 2:1, 6; 3:13-18) Soromoni anotivimbisa kuti “pasi panongogarapo nokusingaperi.” Aikoshesa zvishamiso zvakawanda zvechisiko, kubatanidza rutivi urwo makore emvura anoita mukunyorovesa pasi redu. Nokudaro, akanyora, kuti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” (Muparidzi 1:4, 7) Ndizvo zvazvinoita kuti pashure pokunge mvura nenzizi zvanyorovesa pasi, mvura dzazvo dzinotenderedzwazve kubva mumakungwa kudzokera kumakore. Pasi rino raizova rakadini, uye taizove tiri kupi tisina uku kucheneswa nokutenderedzwazve kwemvura?
12, 13. Tingaratidza sei kuonga chisiko chaMwari?
12 Kuonga kwedu dzikamo muchisiko kunofanira kutsigirwa nechiito, seizvo Mambo Soromoni akanyora mumashoko okupedzisira aMuparidzi, anoti: “Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri: Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose. Nokuti Mwari uchatonga basa rimwe nerimwe, pamwe chete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa.” (Muparidzi 12:13, 14) Tinofanira kutya kuita chinhu chipi nechipi chisingafadzi Mwari. Panzvimbo pezvo, tinofanira kutsvaka kumuteerera norutyo rwokuremekedza.
13 Zvirokwazvo, tinofanira kuda kurumbidza Mambo asingagumi nokuda kwamabasa ake akaisvonaka echisiko! Pisarema 104:24 rinozivisa, kuti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; pasi pazere nefuma yenyu.” Nomufaro, ngatibvumirane nendima yokupedzisira yeiri pisarema kupfurikidza nokuzviudza timene navamwe, kuti: “Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Hareruya.”
Chisiko Chapasi Chokupedzisira
14. Chisiko chaMwari chomunhu chinopfuura zvikuru mhuka munzirai?
14 Chisiko chose chaJehovha ndecheunyanzvi. Asi chisiko chinoshamisa zvikurusa chapasi ndisu—rudzi rwomunhu. Adhama uye ipapo Evha vakaitwa somugumo wezuva rokusika raJehovha rechitanhatu—chisiko chinopfuura zvikuru hove, shiri, uye mhuka! Nepo zvakawanda zvaizvozvi zvakachenjera nenzira yomusikirwo, rudzi rwomunhu rwakagoverwa simba rokurangarira, hana iyo inogona kutsauranisa pakati pechakarurama nechisina kururama, mano okuronga nokuda kwenguva yemberi, uye chishuvo chomuzvarirwo chokunamata. Izvozvi zvose zvakaitika sei? Panzvimbo pokupinduka-pinduka kubva kumhuka huru, munhu akasikwa mumufananidzo waMwari. Naizvozvo, munhu oga anogona kuratidzira mavara oMusiki wedu, uyo akazvizivisa amene sa“Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.”—Eksodho 34:6.
15. Neiko tichifanira kurumbidza Jehovha nenzira yokuzvininipisa?
15 Ngatirumbidzei nokuonga Jehovha nokuda kwokuumbwa kwechienzi kwemiviri yedu. Ropa redu, rinokosha kuupenyu, rinotenderera mumuviri wose masekondi 60 ari ose. Sokutaura kunoita Dheuteronomio 12:23, “ropa ndihwo upenyu”—upenyu hwedu—hunokosha mukuona kwaMwari. Mapfupa akaoma, tsandanyama dzakapfava, uye gadziriro yetsinga inotapurika zvinoperera kuuropi hunopfuura zvikuru hwemhuka ipi neipi uye hunokwanisa kukwana zvinhu izvo kombiyuta yakaenzana nechivako chirefu zvikuru yaisagona kuvamba kuchengeta. Ikoku hakukuiti kuti unzwe wadukupa here? Kunofanira. (Zvirevo 22:4) Uye rangarirawo izvi: Mapapu edu, gurokuro, rurimi, mazino, uye muromo zvinoshanda pamwe chete kuti zvigovere kutaura kwomunhu muupi noupi wezviuru zvemitauro. Dhavhidhi akaita rwiyo rwakakodzera kuna Jehovha, achiti: “Ndichakuongai; nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa; mweya wangu unozviziva kwazvo.” (Pisarema 139:14) Ngatikumbanirei Dhavhidhi mukurumbidza Jehovha nenzira yokuonga, Muiti wedu anoshamisa naMwari!
16. Rwiyoi urwo wezvokuimba akakurumbira akaita murumbidzo kuna Jehovha, uye tingadavidza kukokeroi inogombedzera?
16 Mashoko orwiyo rworudzidziso rwezana ramakore rechi18 akanyorwa naJoseph Haydn mukurumbidza Jehovha anoti: “Mupei kuonga, imi mose Mabasa ake anoshamisa kwazvo! Imbai rukudzo Rwake, imbai rumbidzo Yake, rumbidzai uye kudzai Zita Rake! Rumbidzo yaJehovha inogara nokusingaperi zvikuru, Ameni, Ameni!” Akatoisvonaka zvikuru ndiwo mashoko akafuridzirwa anowanzodzokororwa muMapisarema, akadai sekokero inotambanudzwa kana muPisarema rechi107, inoti: “Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!” Unokumbanira murumbidzo iyoyo here? Unofanira, nokuti chinhu chiri chose chakaisvonaka zvirokwazvo china Jehovha samanyuko acho, Mambo asingagumi.
Mabasa Anotova Esimba Zvikuru
17. ‘Rwiyo rwaMosesi nerweGwayana’ runorumbidza sei Jehovha?
17 Mukati mamakore ane zviuru zvitanhatu akapfuura, Mambo asingagumi akatanga mabasa anotova esimba zvikuru. Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, pana Zvakazarurwa 15:3, 4, tinorava nezveavo vari mudenga vakakunda vavengi voudhemoni, kuti: “Vakanga vachiimba rwiyo rwaMosesi, muranda waMwari, norwiyo rweGwayana, vachiti: Ishe, Mwari wamasimba ose, mabasa enyu akakura, anoshamisa; Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, Ishe? Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” Neiko irworwu ruchidanwa kunzi ‘rwiyo rwaMosesi nerweGwayana’? Ngationei.
18. Ibasai resimba rinohwirudzurwa murwiyo muna Eksodho ganhuro 15?
18 Makore ane 3 500 akapfuura, apo hondo ine simba yaFarao yakaparara muGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakarumbidza Jehovha nenzira yokuonga murwiyo. Tinorava pana Eksodho 15:1, 18, kuti: “Zvino Mosesi navana vaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti: Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake; wakakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha uchabata ushe nokusingaperi.” Mirayiro yakarurama youyu Mambo asingagumi yakaratidzwa mukutonga kwake nokuparadza vavengi vakazvidza uchangamire hwake.
19, 20. (a) Neiko Jehovha akaumba rudzi rwaIsraeri? (b) Gwayana nevamwe vakapindura sei denho yaSatani?
19 Neiko ikoku kwakanga kwave kuri madikanwa? Makanga muri mubindu reEdheni umo Nyoka ine manomano yakapinza vabereki vedu vokutanga muchivi. Ikoku kwakaguma nokusvitswa kwokusakwana kwokutadza kurudzi rwose rwomunhu. Zvisinei, Mambo asingagumi nokukurumidza akaita nhano mutsinhirano nechinangwa chake chapakuvamba, idzo dzaizotungamirira kukubudiswa kwavavengi vake vose munzvimbo yapasi uye kukudzorerwa kwemamirire ezvinhu eparadhiso. Mambo asingagumi akaumba rudzi rwaIsraeri ndokugovera Mutemo wake kuti ufanoratidzire kuti aizoita sei ikoku.—VaGaratia 3:24.
20 Pashure penguva yakati, zvisinei, Israeri amene akapinda mukusatendeseka, uye aya mamirire ezvinhu anosuruvarisa akaguma apo vatungamiriri vake vakapa Mwanakomana waMwari akaberekwa ari oga kuvaRoma kuti atambudzwe zvakakasharara ndokuurawa. (Mabasa 10:39; VaFiripi 2:8) Zvisinei, perero yaJesu kusvikira kurufu, se“Gwayana raMwari” rechibayiro, yakabvumikisa nenzira yakatanhamara denho yakaitwa noMuvengi wakare waMwari, Satani kuva yenhema—yokuti hakuna munhu pasi pano angagona kuramba akatendeka kuna Mwari mumuedzo wakakomba. (Johane 1:29, 36; Jobho 1:9-12; 27:5) Kunyange zvazvo vakagara nhaka kusakwana kubva kuna Adhama, mamiriyoni avamwe vanhu vanotya Mwari akatevera makwara aJesu kupfurikidza nokuchengeta perero mukutarisana nedenho dzaSatani.—1 Petro 1:18, 19; 2:19, 21.
21. Mukuwirirana naMabasa 17:29-31, chii chichatevera kukurukurwa?
21 Zvino zuva rasvika rokuti Jehovha atuse vakatendeka ivavo uye kuti atonge vavengi vose vezvokwadi nokururama. (Mabasa 17:29-31) Ikoku kuchaitika sei? Nyaya yedu inotevera ichataura.
Bhokisi Rehwirudzuro
◻ Neiko Jehovha achidanwa nenzira yakarurama kuti “Mambo nokusingaperiperi”?
◻ Uchenjeri hwaJehovha hunoratidzirwa sei muzvisiko zvake?
◻ Rudzi rwomunhu ibasa rounyanzvi rechisiko munzirai?
◻ Mabasai anorayira ‘rwiyo rwaMosesi nerweGwayana’?
[Bhokisi riri papeji 12]
Uchenjeri Hukuru HwaJehovha
Uchenjeri hwaMambo asingagumi hunoratidzirwa munzira dzakawanda kwazvo mune zvaakaita zviri pasi pano. Cherekedza mashoko aAguri, anoti: “Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; ndiye nhoo yavose vanovanda maari.” (Zvirevo 30:5) Ipapo Aguri anonongedzera kuzvakawanda zvezvisiko zvipenyu zvaMwari, zvikuru nezviduku. Somuenzaniso, mundima 24 kusvikira ku 28, anorondedzera “zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, asi zvakachenjera kwazvo.” Izvozvi mujuru, mbira, mhashu, uye chipfira.
“Zvakachenjera kwazvo”—hungu, mhuka dzakaitwa nenzira iyoyo. Hadzirangariri zvinhu sezvinoita vanhu asi dzinovimba nouchenjeri hwomusikirwo. Wati wamboshamiswa naikoku here? Izvo chisiko chine nhevedzano chakadini! Somuenzaniso, mujuru wakarongwa kuva mapoka, ayo anobatanidza zimai romujuru, muchenje, uye wechirume. Mumamwe marudzi, mujuru wemuchenje unotounganidzira maaphid mumatura awo akavakwa. Imomo anokama maaphid apo mujuru unodzivirira unenge uchidzinga vavengi vapi navapi vanovhozhokera. Zano rinopiwa pana Zvirevo 6:6, kuti: “Enda kumujuru, iwe simbe; cherekedza nzira dzawo, ugova wakachenjera!” Mienzaniso yakadaro haifaniri kutisunda kuva ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe” here?—1 VaKorinte 15:58, NW.
Munhu akagadzira ndege huru. Asi shiri dzinochinjika zvikuru sei, kubatanidza hummingbird, iyo inorema asingasviki magiramu 30! Boeing 747 inofanira kutakura marita 180 000 emafuta, kushandiswa neboka ravashandi rakarovedzwa, uye kushandisa gadziriro dzakaoma kunzwisisa dzemafambiro kuti iyambuke gungwa. Bva, hummingbird duku inovimba nechikamu chimwe chemakumi matatu egiramu rimwe remafuta akakora kuti aifambise kubva kuNorth America, kuyambuka Gulf of Mexico, uye ndokupinda muSouth America. Hapana mutoro unorema wemafuta, hapana kurovedzwa mukufamba, hapana machati akaoma kunzwisisa kana kuti makombiyuta! Aya mano akabva mumuitiro wetsaona wemhindumupindu here? Nyangwe! Iyi shiri duku yakachenjera nenzira yomusikirwo, ichiva yakarongwa kudaro noMusiki wayo, Jehovha Mwari.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zvisikwa zvakasiyana-siyana zva“Mambo nokusingaperiperi” zvinorumbidza mbiri yake
[Mufananidzo uri papeji 15]
Sezvo Mosesi naIsraeri wose vakapemberera rukundo rwaJehovha paGungwa Dzvuku, kuchava nekufara kukuru pashure peArmagedhoni