-
Kuzarura Chakavanzika ChinoyeraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
16. (a) Vatungamiriri vechiKristudhomu vakaratidzira ruvengo chairwo pana vanaani? (b) Chii chakaitika muchiKristudhomu muMazera Apakati? (c) Rupanduko rwavaPurotesitendi, kana kuti Chinjo Huru, rwakachinja nzira dzokutsauka pakutenda dzechiKristudhomu here?
16 Kunyange vachikambira kuva vafudzi veboka raMwari, vatungamiriri vechiKristudhomu, vorudzidziso navenyika, vakaratidzira ruvengo chairwo nokuda kwomunhu upi noupi aiedza kukurudzira kurava Bhaibheri kana kuti munhu upi noupi aifumura miitiro yavo isati iri yapamagwaro. John Hus nomushanduri weBhaibheri William Tyndale vakatambudzwa ndokuurairwa kutenda. Mukati meMazera Apakati erima, ubati ushe hwokuwa pakutenda hwakasvika pakakwirira zvikurusa Mubvunzurudzo yechiKaturike youdhiabhori. Vapi navapi vaipokanidza dzidziso kana kuti chiremera chechechi vaidzvinyirirwa nomutoo woutsinye, uye zviuru zvisingaverengeki zvavaiidzwa kunzarwo kunzi vatendi vasiri chaivo vaitambudzwa kusvikira kurufu kana kuti kupisirwa padanda rokutambudza. Nokudaro Satani akatamburira kusimbisira kuti mbeu ipi neipi yechokwadi yesangano rakafanana nomudzimai raMwari yaizokurumidza kupwanywa. Apo rupanduko rwavaPurotesitendi, kana kuti Chinjo Huru, rwakaitika (kubvira muna 1517 zvichienda mberi), machechi mazhinji echiPurotesitendi akaratidzira mudzimu mumwe chetewo wokusaregerera. Iwowo akava nemhaka yeropa kupfurikidza nokuuraira kutenda avo vaitamburira kuva vakavimbika kuna Mwari naKristu. Zvamazvirokwazvo, “ropa ravatsvene” rakadururwa norusununguko!—Zvakazarurwa 16:6; enzanisa naMateo 23:33-36.
-
-
Kuzarura Chakavanzika ChinoyeraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Mifananidzo iri papeji 31]
Rudzidziso rwechiKristudhomu rwakapara mhaka yeropa huru kupfurikidza nokutambudza nokuuraya avo vaishandura, vairava, kana kuti kunyange vaiva neBhaibheri
-