Ganhuro 33
Kutonga Hure Rine Mbiri Yakashata
Chiono 11—Zvakazarurwa 17:1-18
Musoro: Bhabhironi Guru rinotasva chikara chitsvuku icho pakupedzisira chinorimukira ndokuriparadza
Nguva yezadziko: Kubvira muna 1919 kusvikira kudambudziko guru
1. Ko imwe yengirozi nomwe inowadzanyura chii kuna Johane?
KUTSAMWA kwakarurama kwaJehovha kunofanira kudururwa kusvikira kwapera, ndiro nomwe dzako! Apo ngirozi yechitanhatu yakakuturira ndiro yayo panzvimbo yeBhabhironi rekare, iyo nomutoo wakakodzera yakafananidzira kurwadziswa kweBhabhironi Guru sezvo zvinoitika zvainofamba nomutoo unokurumidza zvakananga kuhondo yokupedzisira yeArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:1, 12, 16) Sezvingabvira, ndiyoyi ngirozi imwe cheteyo iyo zvino inowadzanyura chikonzero nei uye maitire anoita Jehovha marutongeso ake akarurama. Johane anobatwa nokushamiswa nokuona nezvaanonzwa zvinotevera: “Ipapo imwe yengirozi nomwe dzakanga dzine ndiro nomwe yakauya ndokutaura neni, ichiti: ‘Uya, ini ndichakuratidza rutongeso pahure guru iro rinogara pamusoro pemvura zhinji, iro madzimambo apasi akaita ufeve naro, apo avo vanogara papasi vakadhakiswa newaini youfeve hwaro.’ ”—Zvakazarurwa 17:1, 2.
2. Ufakazii huripo hwokuti “hure guru” (a) harizati riri Roma yekare? (b) harizati riri bhizimisi romushandira pamwe? (c) mutumbi chaiwo worudzidziso?
2 “Hure guru”! Neiko riri zita rechiratidzo rinokatyamadza zvikuru kudaro? Ko iro ndiani? Vamwe vakabatanidza hure irori romufananidziro neRoma yekare. Asika Roma yakanga iri simba rezvamatongerwe enyika. Iri hure rinoita ufeve namadzimambo apasi, uye ikoku nomutoo unooneka kunobatanidza madzimambo eRoma. Kunze kwezvo, pashure poruparadziko rwaro, “madzimambo apasi” anotaurwa kuva anochemera kufa kwaro. Naizvozvo, iro haringagoni kuva simba rezvamatongerwe enyika. (Zvakazarurwa 18:9, 10) Mukuwedzera, iro zvarinochemwawo navanamuzvinashavo venyika, iro harigoni kufananidzira boka repfuma. (Zvakazarurwa 18:15, 16) Tinorava, zvisinei, kuti ‘kupfurikidza nomuitiro waro wouroyi marudzi ose akatsauswa.’ (Zvakazarurwa 18:23) Ikoku kunojekesa kuti hure guru rinofanira kuva mutumbi worudzidziso rwenyika yose.
3. (a) Neiko hure guru richifananidzira inopfuura Chechi yeRoma Katurike kana kuti kunyange chiKristudhomu chose? (b) Idzidzisoi dzechiBhabhironi dzinowanwa mumarudzidziso mazhinjisa oKumabvazuva uyewo mumasekete echiKristudhomu? (c) Ko mukuru wamabhishopi weRoma Katurike John Henry Newman akabvumei pamusoro pemviromviro dzezhinji dzedzidziso dzechiKristudhomu, zvinoitika, uye miitiro? (Ona mashoko omunyasi.)
3 Mutumbi upi worudzidziso? Ko iro iChechi yeRoma Katurike, sezvakarangarirwa navamwe here? Kana kuti iro chiKristudhomu chose here? Aiwa, iro rinotofanira kuva guru zvikuru kupinda iwawa kana iro richizotsausa marudzi ose. Iro, kureva idi, umambo hwose hwenyika hworudzidziso rwenhema. Mviromviro dzaro muzvakavanzika zveBhabhironi inoratidzirwa mukuti dzidziso nemiitiro mizhinji yechiBhabhironi zvinozivikanwa namarudzidziso kupote pasi. Somuenzaniso, chitendero mukusafa kwokuberekwa nakwo kwomweya wohunhu, muhero yechitambudzo, nomuutatu hwavamwari chinotofanira kuwana mumarudzidziso mazhinjisa oKumabvazuva uyewo nomumasekete echiKristudhomu. Rudzidziso rwenhema, rwakatangwa anopfuura makore 4 000 akapfuura muguta rekare reBhabhironi, rwakakudziridzika kuva gurusa razvino uno iro rinonzi, nomutoo wakakodzera, Bhabhironi Guru.a Neiko, kunyange zvazvo zvakadaro, iro richirondedzerwa neshoko rinosemesa rinoti “hure guru”?
4. (a) Ko Israeri wekare akaita ufeve munzirai? (b) Ko Bhabhironi Guru rakaita ufeve munzirai yakatanhamara?
4 Bhabhironi (kana kuti Bhabheri, kureva kuti “Nyongano”) rakasvika paukwiriri hwaro hwoukurusa munguva yaNebhukadnezari. Rakanga riri nyika yezvamatongerwe enyika norudzidziso rine dzinopfuura tembere nedzimba dzokunamatira dzine chiuru. Uprista hwaro hwaishandisa simba guru. Kunyange zvazvo Bhabhironi rakanguve raguma kuvako sesimba renyika, Bhabhironi Guru rorudzidziso rinopfuurira kuvapo, uye richitevera muenzaniso wekare, iro richiri kutsvaka kupesvedzera uye kuumba zvinhu zvamatongerwe enyika. Asika Mwari anotendera here rudzidziso mune zvamatongerwe enyika? MuMagwaro echiHebheru, Israeri akataurwa kuva akaita ufeve iye amene apo iyo akabatanidzwa nokunamata kwenhema uye apo, panzvimbo pokuvimba naJehovha, iye akaita batano namarudzi. (Jeremia 3:6, 8, 9; Ezekieri 16:28-30) Bhabhironi Guru rinoitawo ufeve. Nomutoo wakatanhamara, iro rakaita chipi kana chipi charinorangarira kuva chakakodzera kuti riwane pesvedzero nesimba pamadzimambo anobata ushe apasi.—1 Timotio 4:1.
5. (a) Ko vafundisi vorudzidziso vanofarikanya nzvimboi yakakwirira? (b) Neiko chishuvo choutanhamari hwenyika chichipokanidzana zvakananga namashoko aJesu Kristu?
5 Nhasi, vatungamiriri vorudzidziso kazhinji kazhinji vanoita nhimbe nokuda kwenzvimbo yakakwirira yehurumende, uye mune dzimwe nyika, vanogoverana muhurumende, kunyange kuva nenzvimbo mudare rehurumende. Muna 1988 vafundisi vaviri vanoisvozivikanwa vechiPurotesitendi vakamhanyira nzvimbo yapurezidhendi yeUnited States. Vatungamiriri vomuBhabhironi Guru vanoda nzvimbo yakatanhamara; mapikicha avo anowanzova anoonwa mumapepanhau avose sezvavanosonganirana nevezvamatongerwe enyika vakatanhamara. Mukusiyana, Jesu akaramba kubatanidzwa nezvamatongerwe enyika uye akataura nezvadzidzi vake, kuti: “Ivo havazati vari rutivi rwenyika; kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.”—Johane 6:15; 17:16; Mateo 4:8-10; onawo Jakobho 4:4.
‘Uhure’ Hwomuzuva Razvino Uno
6, 7. (a) Ko Bato rechiNazi raHitler rakapinda sei musimba muGermany? (b) Ko chibvumirano icho Vatican yakaita neGermany yeNazi chakabetsera sei Hitler munhamburiko yake nokuda kwoudzorwi hwenyika?
6 Kupfurikidza nokupindira kwaro mune zvamatongerwe enyika, hure guru rakaparira rusuruvaro rusingataurike kuvanhu. Rangarira, somuenzaniso maidi anotsigira kusimukira kwaHitler kusimba muGermany—maidi akashata zvokuti vamwe vaizoda kubvisa mumabhuku enhau. Muna May 1924 Bato reNazi rakava nezvigaro 32 muHurumende yeGermany Reichstag. Pakuzosvika muna May 1928 izvozvi zvakanga zvaderera kusvikira kuzvigaro 12. Zvisinei, Mugariro Mukuru Wokuderera Wezvemari wakamonzvera nyika muma1930; vachibetserwa naikoku, vaNazi vakaita kunaya kwakatanhamara, vachiwana zvigaro 230 mu608 musarudzwo dzeGermany dzaJuly 1932. Nokukurumidza pashure pacho, raichimbova gurukota guru Franz von Papen, Mutezo waVapapa, akayamura vaNazi. Mukuwirirana navezvenhau, von Papen akaona muchiono Umambo hutsva hweRoma Hutsvene. Nhambo pfupi yake amene segorokota guru yakanga isina kuva nebudiriro, naizvozvo zvino iye akakarira kuwanazve simba kupfurikidza navaNazi. Pakuzosvika pana January 1933, iye akanga awana tsigiro nokuda kwaHitler inobva kuvatungamiriri vakuru vamabasa ezvokugadzirwa kwezvinhu, uye kupfurikidza nerangano dzamanomano iye akasimbisira kuti Hitler akave gurukota guru reGermany pana January 30, 1933. Iye amene akaitwa gurukota guru rinotevedzera uye akashandiswa naHitler kuwana tsigiro dzezvikamu zvechiKaturike zveGermany. Mukati memwedzi miviri yokuwana simba, Hitler akaparadza dare, achiendesa zviuru zvavatungamiriri vanoshora kumisasa yechibharo, uye akavamba nhimbe yapamhene yokudzvinyirira vaJudha.
7 Pana July 20, 1933, fariro yeVatican muumambo hunokura hwechiNazi yakaratidzirwa apo Mukuru wamabhishopi Pacelli (uyo gare gare akazova Pope Pius XII) akasaina chibvumirano muRome pakati peVatican neGermany yechiNazi. Von Papen akasaina rugwaro rwechibvumirano somumiriri waHitler, uye Pacelli ipapo akaisa pana von Papen nyembe yakakwirira yapapa yeChipiyaniso Chikuru Chechikamu chaPius.b Mune rake bhuku rinonzi Satan in Top Hat, Tibor Koeves anonyora nezvaikoku, achiti: “Chibvumirano chakanga chiri rukundo rukuru nokuda kwaHitler. Chakamupa betsero yokutanga yaakanga awana kunyika yokunze, uye iyoyi yakabva kumanyuko akaisvokwirira zvikuru.” Chibvumirano chakada kuti Vatican irege kutsigira Catholic Center Party yeGermany, nokudarokwo ndokutsigira “hurumende yakakwana” yebato rimwe raHitler.c Kupfuurirazve, nyaya yaro 14 yakati: “Gadzwo dzamabhishopi makuru, mabhishopi navakafanana dzichabudiswa bedzi pashure pokunge mudzori, anogadzwa neHurumende, asimbisira nomutoo wakafanira kuti hapana panikiro dziripo pakureva nezverangariro dzose zvadzo dzezvamatongerwe enyika.” Pakuzosvika pamugumo wa1933 (rakanzi “Gore Dzvene” naPope Pius XI), tsigiro yeVatican yakanga yava chinhu chikuru mukutamburira kwaHitler kudzorwa kwenyika.
8, 9. (a) Ko Vatican uyewo Chechi yeKaturike navafundisi vayo vakaita sei kuushushi hwechiNazi? (b) Ko mabhishopi eKaturike eGermany akabudisa kutaurai pakutanga kweHondo yeNyika II? (c) Ko wirirano dzezvamatongerwe enyika norudzidziso dzakaparirei?
8 Kunyange zvazvo chitsama chakati kuti chavaprista namanani chakatsutsumwira zviito zvakashata zvaHitler—ndokutambura nokuda kwakwo—Vatican uyewo Chechi yechiKaturike neuto rayo ravafundisi vakapa tsigiro yokushingaira kana kuti zvimwe yechinyararire kuushushi hweNazi, uhwo ivo vakarangarira sechidziviriro pakuenderera mberi kwechiKomonizimu chenyika. Agere hake zvakanaka muVatican, Pope Pius XII akaregera Kuparadzanywa kwavaJudha nokutambudzwa kwoutsinye kweZvapupu zvaJehovha uye vamwe kuchipfuurira kusingatsoropodzwi. Kunoshamisa kuti Pope John Paul II, pakushanyira Germany muna May 1987, aifanira kurumbidza chimiro chokuramba chiNazi chomuprista mumwe wapachokwadi. Ko vamwe vane zviuru vavafundisi veGermany vakanga vachiitei mukati mokutonga kwaHitler kwetyisidziro? Tsamba yavafundisi yakabudiswa namabhishopi echiKaturike eGermany muna September 1939 pakutanga kweHondo yeNyika II inogovera vhenekero pane iri pfundo. Inorava muchikamu, kuti: “Muawa rino rokusarudza tinoraira varwi vedu vechiKaturike kuita basa ravo mukuteerera Fuehrer uye kugadzirira kuzvibaira ivo vamene. Tinokuchidzira Vakatendeka kukumbanira muminyengero yembavarira kuti Nyadenga Woumwari agotungamirira iyi hondo kurubudiriro rwunokomborerwa.”
9 Unyanzvi hwekurukurirano hwakadaro hwechiKaturike hunoenzanisira rudzi rwouhure urwo rudzidziso rwakaita kwamakore 4 000 akapfuura mukupfimba Hurumende yezvamatongerwe enyika nokuda kwokuwana simba nechimuko. Wirirano dzakadaro dzezvamatongerwe enyika norudzidziso dzakakuchidzira hondo, zvitambudzo, nokutambura kwavanhu pamwero mukurusa. Haiwa, vanhu vanogona kufara sei kuti rutongeso rwaJehovha pahure guru rwaswedera pedyo. Ngarukurumidze kuitwa!
Kugara Pamvura Zhinji
10. Chii chiri “mvura zhinji” idzo Bhabhironi Guru rinovimba nadzo nokuda kwedziviriro, uye chii chiri kuitika kwadziri?
10 Bhabhironi rekare rakanga riri pamusoro pemvura zhinji—Rwizi rwaYufratesi nemigero isingaverengeki. Idzodzi dzaiva dziviriro kwariri uyewo manyuko enhengeseranwa inobereka pfuma, kuzosvikira dzapwa muusiku humwe. (Jeremia 50:38; 51:9, 12, 13) Bhabhironi Guru rinovimbawo ne“mvura zhinji” kuritaviridzira nokuripfumisa. Idzi mvura dzokufananidzira “madzinza namapoka namarudzi nendimi,” ndiko kuti, zviuru zvose zvamamiriyoni avanhu avo iro rakadzora pavari uye avo iro rakawana tsigiro yokunyama pavari. Asika idzi mvura dziri kupwawo, kana kuti kubvisa tsigiro.—Zvakazarurwa 17:15; enzanisa nePisarema 18:4; Isaya 8:7.
11. (a) Ko Bhabhironi rekare ra‘kadhakisa pasi rose’ sei? (b) Ko Bhabhironi Guru ra‘kadhakisa pasi rose’ sei?
11 Kupfuurirazve, Bhabhironi rekare rakarondedzerwa se“mukombe wendarama uri muruoko rwaJehovha, iro richiita kuti pasi rose ridhakwe.” (Jeremia 51:7) Bhabhironi rekare rakamanikidzira marudzi akavakidzana naro kutambura kuratidzirwa kwokutsamwa kwaJehovha apo iro rakaakunda mukurwa, richianetesa savanhu vadhakwa. Muna ikoko, ranga riri mudziyo waJehovha. Bhabhironi Guru, rakaitawo rukundo kusvikira kupfundo rokuva umambo hwenyika yose. Asika iro zvamazvirokwazvo harizati riri mudziyo waMwari. Panzvimbo pakwo, iro rakabatira “madzimambo apasi” awo iro rinoita nawo ufeve hworudzidziso. Iro rakagutsa aya madzimambo kupfurikidza nokushandisa dzidziso dzaro dzokureva nhema nemiitiro inobatisa mumusungo yokuita kuti vanhu vazhinjisa, “avo vanogara papasi,” vanete savanhu vakadhakwa, vanopa rukudzo rukuru chinyararire kuvabati ushe vavo.
12. (a) Ko rutivi rweBhabhironi Guru muJapan rwakava nomutoro sei nokuda kwokudeurwa kweropa zhinji mukati meHondo yeNyika II? (b) Ko “mvura” dzaitsigira Bhabhironi Guru dzakabviswa sei muJapan uye nomuuyoi?
12 Japan yechiShinto inogovera muenzaniso wakatanhamara waikoku. Musoja wechiJapan akadzidziswa akakurangarira sorukudzo rukurusa kupa upenyu hwake nokuda kwamambo—mwari mukuru wechiShinto. Mukati meHondo yeNyika II, varwi vechiJapan vane 1 500-000 vakafira muhondo; anenge munhu ari wose, vairangarira kutera soruzvidzo. Asi somuuyo wokukurirwa kweJapan, Mambo Hirohito akagombedzerwa kurega kambiro yake youmwari. Ikoku kwakaparira kubuda kwakatanhamara kwe“mvura” dzinotsigira rutivi rwechiShinto rweBhabhironi Guru—aika, pashure pokunge chiShinto chabvumira kuteurwa kweropa zhinjisa munhandare yehondo yePacific! Uku kuneteswa kwepesvedzero yechiShinto kwakazarurawo nzira mumakore achangobva kupfuura aya kuti vanhu veJapan vanopfuura 200 000, voruzhinjisa zvikuru vaavo vaichimbova vechiShinto nevechiBuddha, kuva vashumiri vakazvitsaurira, vakabhapatidzwa vaChangamire Ishe Jehovha.
Hure Rinotasva Chikara
13. Ko Johane anoona chionoi chinokatyamadza apo ngirozi inomuendesa musimba romudzimu murenje?
13 Uporofita hunowadzanyura chiizve chimwe pamusoro pehure guru nomugumo waro? Zvino Johane zvaanorondedzera, chimwezve chiono chakajeka chinooneka: “Uye iyo [ngirozi] yakandiendesa musimba romudzimu murenje. Ipapo ini ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chizere namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi.”—Zvakazarurwa 17:3.
14. Neiko kwakakodzera kuti Johane akaendeswa murenje?
14 Neiko Johane achiendeswa murenje? Chiziviso chapakuvamba-vamba cheshurikidzo paBhabhironi rekare chakarondedzerwa sechiri “chinorwisana nerenje regungwa.” (Isaya 21:1, 9) Ichochi chakapa nyevero yakakodzera, kuti, pasinei hapo nedziviriro dzaro dzose dzemvura, Bhabhironi rekare raizova dongo risine chinhu. Kwakakodzera, ipapoka, kuti Johane anofanira kuendeswa muchiono chake kurenje kundoona mugumo weBhabhironi Guru. Irowo rinofanira kuva dongo nerisine chinhu. (Zvakazarurwa 18:19, 22, 23) Johane anoshamiswa, kunyange zvazvo zvakadaro, nezvaanoona kunze ikoko. Hure guru harizati riri roga bedzi! Iro rigere pamusoro pechikara chinotyisa!
15. Mitsaukanoi iripo pakati pechikara chaZvakazarurwa 13:1 nechecho chaZvakazarurwa 17:3?
15 Ichi chikara chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi. Ko zvino, icho chakafanana here nechikara icho Johane akaona pakuvamba-vamba, ichowo chine misoro minomwe nenyanga dzine gumi? (Zvakazarurwa 13:1) Aiwa, pane misiano. Ichi chikara chitsvuku uye, mukusafanana nechikara chokutanga, hachizati chichitaurwa kuva chine korona. Panzvimbo pokuva namazita okumhura pamisoro yacho minomwe bedzi, icho “chizere namazita okumhura.” Hunyanguvezvo, panofanira kuva newirirano pakati peichi chikara chitsva nechiya chokutanga; fanano pakati pazvo dzakanyanyotanhamara zvokuzivisawo kuva erekano dzaitika.
16. Chii chiri chikara chitsvuku, uye chii chave chichitaurwa pamusoro pedonzo racho?
16 Ko zvino, chii chiri ichi chikara chitsva chitsvuku? Icho chinofanira kuva mufananidzo wechikara chakabudiswa mukukuchidzira kwechikara cheAmerica neEngland chiya chine nyanga mbiri segwayana. Pashure pokunge mufananidzo waitwa, chikara ichocho chine nyanga mbiri chakabvumirwa kufemera mufananidzo wechikara. (Zvakazarurwa 13:14, 15) Johane zvino anoona mufananidzo mupenyu, unofema. Iwo unofananidzira sangano reChinzwano chaMarudzi iro chikara chine nyanga mbiri chakaumba muna 1920. Purezidhendi weU.S. Wilson akanga arangarira kuti Chinzwano “chaizova nzvimbo yekurukurirano nokuda kwokugoverwa kweruramisiro nokuda kwavanhu vose ndokubvisa chose chose tyisidziro yehondo nokusingaperi.” Apo icho chakamutswa pashure pehondo yenyika yechipiri seChibatanwa chaMarudzi, donzo racho rakabvumirwa rakanga riri ro“kuchengeta rugare rwamarudzi ose nechengeteko.”
17. (a) Ko chikara chitsvuku chokufananidzira chizere namazita okumhura munzirai? (b) Ndianiko akatasva chikara chitsvuku? (c) Ko rudzidziso rwechiBhabhironi rwakazvibatanidza irwo rumene sei neChinzwano chaMarudzi nomutsivi wacho kubvira pamavambo chaipo?
17 Ko ichi chikara chomufananidziro chizere namazita okumhura munzirai? Mukuti vanhu vakamisa ichi chidhori chamarudzi ose sechitsivo choUmambo hwaMwari—kuita izvo Mwari anotaura kuti Umambo hwake hwoga bedzi hunogona kuita. (Dhanieri 2:44; Mateo 12:18, 21) Kunyange zvazvo zvakadaro, chiri chakatanhamara pamusoro pechiono chaJohane ndechokuti Bhabhironi Guru rakatasva chikara chitsvuku. Mukuwirirana nouporofita, rudzidziso rwechiBhabhironi, zvikurukuru muchiKristudhomu, rwakazvibatanidza rwumene neChinzwano chaMarudzi nomutevedzeri wacho. Pakuvamba-vamba sapana December 18, 1918, mutumbi zvino wozivikanwa seDare raMarudzi raMachechi aKristu muAmerica wakagamuchira ziviso yakaziviswa muchikamu, kuti: “Chinzwano chakadaro hachizati chiri mutoowo zvawo wezvamatongerwe enyika; panzvimbo pakwo icho iratidzirwo yezvamatongerwe enyika yoUmambo hwaMwari pasi pano. . . . Chechi inogona kupa mudzimu wefariro, uyo kana pasina Chinzwano chaMarudzi hachingagoni kupfuurira. . . . Chinzwano chaMarudzi chakadzikwa muEvhangeri. SeEvhangeri, nharidzano yacho ndirwo ‘rugare pasi pano, fariro kuvanhu.’ ”
18. Ko vafundisi vechiKristudhomu vakaratidzira sei tsigiro yavo nokuda kweChinzwano chaMarudzi?
18 Pana January 2, 1919, San Francisco Chronicle rakava nomusoro mukuru papeji rokutanga, unoti: “Papa Anokumbira Kugamuchirwa kweChinzwano chaMarudzi chaWilson.” Pana October 16, 1919, mukumbiro wakasainwa navafundisi vane 14 450 vamasangano makuru wakagamuchidzwa kuDare reU.S., uchikuchidzira mutumbi iwowo “kusimbisa chibvumirano chorugare cheParis chinobatanidza sungano yechinzwano chamarudzi.” Kunyange zvazvo Dare reU.S.A. rakakundikana kusimbisa chibvumiranocho, vafundisi vechiKristudhomu vakapfuurira kuita nhimbe nokuda kweChinzwano. Uye Chinzwanocho chakagadzwa sei? Mushumo wenhau wakabva kuSwitzerland, womusi waNovember 15, 1920, wakarava, kuti: “Kuzarurwa kwegungano rokutanga reChinzwano chaMarudzi kwaziviswa panguva yegumi neimwe mangwanani ano kupfurikidza nokurira kwamabhero ose echechi muGeneva.”
19. Apo chikara chitsvuku chakaita kuoneka kwacho, boka raJohane rakatora nzirai yechiito?
19 Ko boka raJohane, boka rimwe pasi pano rakagamuchira nomwoyo wose Umambo hwouMesiya hunouya, rakagoverana nechiKristudhomu mukunyengeterera chikara chitsvuku here? Nyangwe napaduku pose zvapo! PaSvondo, September 7, 1919, kokorodzano yavanhu vaJehovha muCedar Point, Ohio, yakasimbisa hurukuro yavose inoti “Tariro Yavanhu Vanotambudzika.” Pazuva rakatevera racho, Star-Journal yeSandusky yakashuma kuti J. F. Rutherford, mukukurukura kuvanhu vanenge 7 000, akanga a“zivisa kuti kusafarira kwaShe kune chokwadi chokuitirwa Chinzwano . . . nokuti vafundisi—vechiKaturike navechiPurotesitendi—vanokambira kuva vamiriri vaMwari, vakasiya gadziriro yake ndokusimbisa Chinzwano chaMarudzi, vachichirumbidza sokuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika kwoumambo hwaKristu pasi pano.”
20. Neiko kwakanga kuri kumhura kuti vafundisi varumbidze Chinzwano chaMarudzi so“kuratidzirwa kwezvamatongerwe enyika kwoUmambo hwaMwari pasi pano”?
20 Iyi kundikano inosuruvarisa yeChinzwano chaMarudzi inofanira kuve yakaratidzira vafundisi kuti masangano akadaro akaitwa navanhu haazati ari rutivi rwoUmambo hwaMwari pasi pano. Haiwa kumhura kwakadini kuita kutaura kwakadaro! Kunokuita kuratidzike sokunge kuti Mwari akanga ari rutivi rwekundikano hurusa iyo Chinzwano chakava. Kana ari Mwari, “mubato wake wakakwana.” Umambo hwokudenga hwaJehovha hunodzorwa naKristu—uye kwete mubatanidzwa wavezvamatongerwe enyika vanorwisana, vazhinji vavo vachiva vasingadaviri kuvapo kwaMwari—ndiwo mutoo uyo iye achaunza nawo rugare ndokuita kuti kuda kwake kuitwe pasi pano somudenga.—Dheuteronomio 32:4; Mateo 6:10.
21. Chii chinoratidzira kuti hure guru rinotsigira uye rinorumbidza mutsivi weChinzwano, Chibatanwa chaMarudzi?
21 Zvakadiniko nomutsivi weChinzwano, Chibatanzwa chaMarudzi? Kubvira pamavambo pacho, uyu mutumbi wakaitawo kuti hure guru ritasve pamusana pacho, richisonganirana nacho nomutoo unooneka uye richiedza kudzora mugumo wacho. Somuenzaniso, pakuchengeta kwacho kwegore negore kwechi20, muna June 1965, vamiriri veChechi yeRoma Katurike neChechi yeEastern Orthodox, pamwe chete navaPurotesitendi, vaJudha, vaHindu, vaBuddha, vaMuslim—vakataurwa kuva vakamirira mamiriyoni ane zviuru zviviri echiverengero chavagari vapasi—vakaungana muSan Francisco kuzochengeta kutsigira kwavo nokurumbidza kwavo CM. Pakushanyira CM pana October 1965, Pope Paul VI akachirondedzera se“riya sangano ramarudzi ose guru kupinda ose” ndokuwedzera, kuti: “Marudzi apasi anotendeukira kuChinzwano chaMarudzi setariro yokupedzisira yechibvumirano norugare.” Imwe shanyo yapapa, Pope John Paul II, achikurukura kuCM muna October 1979, akati: “Ini ndinokarira kuti Chibatanwa chaMarudzi chicharamba nguva dzose chiri nzvimbo yekurukurirano yakakwirira yorugare neruramisiro.” Zvinoshamisa kuti Papa haana kumbotaura nezvaJesu Kristu kana kuti Umambo hwaMwari mune zvaakataura. Mukati meshanyo yake kuUnited States muna September 1987, sezvinoshumwa neThe New York Times, “John Paul akataura mumashoko oudzame pamusoro pebasa rakananga reChibatanwa chaMarudzi mukusimudzira . . . ‘chinzwano chitsva chenyika yose.’ ”
Zita, Rakavanzika
22. (a) Ko hure guru rakasarudza kutasva rudzii rwechikara? (b) Ko Johane anorondedzera sei hure romufananidziro Bhabhironi Guru?
22 Muapostora Johane nokukurumidza achaziva kuti hure guru rakasarudza kutasva chikara chine ngozi. Kutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, ngwariro yake inotendeukira kuBhabhironi Guru iro rimene. Iro rakapfeka nguvo dzinodya mari, asi, haiwa, rinosembura sei! “Uye mukadzi akanga akapfeka nguvo tsvuku neshava, uyo akanga akashonga ndarama neibwe rinokosha namaparera uye muruoko rwake akanga ane mukombe wendarama wakanga uzere nezvinhu zvinonyangadza nezvinhu zvisina kuchena zvoufeve hwake. Uye pahuma yake pakanga pakanyorwa zita, rakavanzika, rinonzi: ‘Bhabhironi Guru, mai vamahure navezvinhu zvinonyangadza zvapasi.’ Ipapo ini ndakaona kuti mukadzi akanga akadhakwa neropa ravatsvene uye neropa rezvapupu zvaJesu.”—Zvakazarurwa 17:4-6a.
23. Nderipi riri zita rizere reBhabhironi Guru, uye chii chiri revo yaro?
23 Sezvawakanga uri muitiro muRoma yekare, ichi chifeve chinoziviswa nezita riri pahuma yacho.d Iro izita refu: “Bhabhironi Guru, amai vamahure navezvinhu zvinonyangadza zvapasi.” Zita irero “rakavanzika,” ndichimwe chinhu chine revo yakavanzika. Asi munguva yakafanira yaMwari, chakavanzika chichatsanangurwa. Kureva idika, ngirozi inopa Johane mashoko akaringanira okubvumira vabatiri vaJehovha nhasi kucherekedza revo izere yeiri zita rinorondedzera. Isu tinoziva Bhabhironi Guru seriri rudzidziso rwose rwenhema. Iro ndi“mai vamahure” nokuti marudzidziso enhema mamwe namamwe ari munyika, kubatanidza namasekete mazhinji ari muchiKristudhomu, akaita savanasikana varo, vanoritevedzera mukuita uhure hwomudzimu. Irowo ndimai ve“zvinhu zvinonyangadza” mukuti iro rakabereka mbeu inopandukira yakadai sokunamata zvifananidzo, kushandisa midzimu, kuzivisa mhanza, ruzivo rwenyeredzi, kududzira mitsetse yechanza, chibairo chavanhu, ufeve hwapatembere, udhakwa mukukudzwa kwavamwari venhema, uye mimwe miitiro yakashata.
24. Neiko kwakakodzera kuti Bhabhironi Guru rinoonwa kuva rakapfeka “nguvo shava netsvuku” uye raka“shonga ndarama neibwe rinokosha nemaparera”?
24 Bhabhironi Guru rakapfeka “nguvo tsvuku neshava,” mavara oumambo, uye raka“shonga ndarama neibwe rinokosha namaparera.” Haiwa zvakakodzera sei! Chimborangarira hako zvivako zvose zvakaisvonaka, mifananidzo yakavezwa yechienzi nemifananidzo, zvidhori zvinokosha, nezvimwe zvinhu zvorudzidziso, uyewo zvitsama zvikurusa zvenzvimbo nemari, izvo marudzidziso enyika ino akaunganidza. Pasinei hapo nokuti paVatican, muumambo hweTV hweevhangeri huri muUnited States, kana kuti muzvivako zvokunamatira zvakaisvonaka namatembere zvoKumabvazuva, Bhabhironi Guru rakaaunganidza—uye padzimwe nguva rakarashikirwa—nepfuma hurusa.
25. (a) Chii chinofananidzirwa nezviri mukati mo“mukombe wendarama wakanga uzere nezvinhu zvinonyangadza”? (b) Ko hure rokufananidzira rakadhakwa mupfungwai?
25 Tarira zvino icho hure rakabata muruoko rwaro. Johane anofanira kuve akatura befu pakuchiona—mukombe wendarama “uzere nezvinhu zvinonyangadza nezvinhu zvisina kuchena zvoufeve hwaro”! Uyu mukombe une “waini yokutsamwa kwoufeve hwaro” iyo iro rakaita kuti marudzi ose adhakwe nayo. (Zvakazarurwa 14:8; 17:4) Unoratidzika kuva wakapfuma nechokunze, asi zviri mukati mawo zvinonyangadza, hazvina kuchena. (Enzanisa naMateo 23:25, 26.) Une miitiro yose ine tsvina nenhema idzo hure guru rakashandisa mukunyengera marudzi ndokuapinza mupesvedzero yaro. Chinotosemesa zvikuru, Johane anoona kuti hure iro rimene rakararadza, rakadhakwa neropa ravabatiri vaMwari! Kureva idika, gare gare tinorava kuti “mariri makawanwa ropa ravaporofita navatsvene naavo vose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:24) Haiwa imhaka yeropa yakakura sei!
26. Ufakazii huripo hwemhaka yeropa yeBhabhironi Guru?
26 Kwamazana amakore, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema hwakateura makungwa eropa. Somuenzaniso, muJapan yomunhambo yapakati, matembere omuKyoto akashandurwa kuva nhare, uye mamongi ari varwi, achiteterera “zita dzvene raBuddha,” akarwisana kutozosvikira migwagwa yatsvuka neropa. Muzana ramakore rechi20, vafundisi vechiKristudhomu vakafora pamwe chete namauto enyika dzavo dzakasiyana-siyana, uye ivava vakaurayana, nokurashikirwa kwohunenge upenyu huna mamiriyoni ane zana. Muna October 1987, aichimbova purezidhendi weU.S. Nixon akati: “Zana ramakore rechi20 rave riri rechishava munhau. Vanhu vazhinji vakaurawa muhondo dzezana rino ramakore kupinda mune dzimwe hondo dzose dzakarwiwa zana rino ramakore risati ravamba.” Marudzidziso enyika anotongwa zvakashata naMwari nokuda kwokugoverana kwao muna ikoku kwose; Jehovha anovenga “maoko anoteura ropa risine mhaka.” (Zvirevo 6:16, 17) Pakuvamba, Johane akanzwa kudanidzira kunobva paatari, kuchiti: “Changamire Ishe mutsvene nowachokwadi, mucharega kutonga ndokutsiva ropa redu pana avo vanogara papasi kutozosvikira riniko?” (Zvakazarurwa 6:10) Bhabhironi Guru, amai vamahure navezvinhu zvinonyangadza zvapasi richabatanidzwa zvikuru kwazvo apo nguva inosvika yokupindura mubvunzo iwoyo.
[Mashoko Omuzasi]
a Achiratidzira mviromviro isati iri yechiKristu yezhinji dzedzidziso, zvinoitika, nemiitiro zvokuwa pakutenda zvechiKristudhomu, mukuru wavafundisi womuzana ramakore rechi19 weRoma Katurike John Henry Newman akanyora muEssay on the Development of Christian Doctrine rake, kuti: “Kushandiswa kwetembere, uye idzodzi dzichitsaurirwa kuvasande vakati kuti, uye dzichishongedzwa pazvinoitika namatavi emiti; zvinonhuwira, marambi, makenduru; zvipiriso zvine chokuita nemhiko pakunaya pachirwere; mvura tevere zvinhu zvokusenguridzira; mazororo nemwaka, kushandiswa kwamakarenda, kufora, zvikomborero paminda; kuveura musoro, mbatamunwe muroorano, kutendeukira Kumabvazuva, mifananidzo pamusi wapashure, detembedzo ravafundisi, uye Kyrie Eleison [rwiyo rwokuti “Ishe, Ivai Nengoni”], zvose ndezvemviromviro yechihedheni, uye zvakatsveneswa kupfurikidza nokugamuchirwa kwazvo muChechi.”
Panzvimbo pokutsvenesa kunamata zvifananidzo kwakadaro, “Jehovha Wamasimba ose” anoraira maKristu, kuti: “Budai pakati pavo, uye zviparadzanisei imi mumene, . . . uye regai kubata chinhu chine tsvina.”—2 VaKorinte 6:14-18.
b Bhuku renhau raWilliam L. Shirer rinonzi The Rise and Fall of the Third Reich rinoti von Papen akanga ane “mutoro mukuru kupfuura mumwe munhu upi noupi muGermany nokuda kwokupinda musimba kwaHitler.” Muna January 1933 raichimbova gurukota guru reGermany von Schleicher akanga ataura nezvavon Papen, kuti: “Judhasi Iskarioti musande kana achienzanisirwa norudzi rwomunyengeri rwaakazvibvumikisa kuva.”
c Mukutaura kuKoreji yeMondragone pana May 14, 1929, Pope Pius XI akataura kuti iye aizokurukurirana naDhiabhorosi iye amene kana mweya yakanaka ichikuda.
d Enzanisa mashoko omunyori weRoma Seneca omupristakadzi woufeve (seakanokorwa mashoko naSwete) : “Iwe wakamira, musikana, muimba yomukurumbira wakashata . . . zita rako rinorembera pahuma yako; iwe wakagamuchira mari nokuda kworuzvidzo rwako.”—Controv. i, 2.
[Bhokisi riri papeji 237]
Churchill Anofumura ‘Uhure’
Mubhuku rake rinonzi The Gathering Storm (1948), Winston Churchill anoshuma kuti Hitler akagadza Franz von Papen segorokota reGermany kuVienna nokuda kwo“kusekesa kana kuti kuwanwa kwavanhu vakatanhamara mune zvamatongerwe enyika zveAustria.” Churchill anonokora mashoko gurukota reU.S. muVienna serinoti nezvavon Papen: “Nomutoo woushingi nowokuchera zvikurusa . . . Papen akapfuurira kundiudza kuti . . . iye airangarira kushandisa mukurumbira wake somuKaturike akanaka kuti awane pesvedzero kuna vaAustria soMukuru waMabhishopi Innitzer.”
Pashure pokunge Austria yatera uye varwi vamasimba masimba vaHitler vapinda muVienna, Innitzer mukuru wamabhishopi weKaturike akaraira kuti machechi ose eAustria abhururutse mureza weswastika, aridze mabhero avo, uye anyengeterere Adolf Hitler murukudzo rwezuva rake rokuberekwa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 238]
‘MUNYENGETERO WEHONDO’ NOKUDA KWEHURUMENDE
Pasi pouyu musoro, nyaya inotevera yakabuda muchinyorwa chokutanga cheThe New York Times chaDecember 7, 1941, inoti:
“Mabhishopi eKaturike apaFulda Anokumbira Chikomborero Norukundo . . . Musangano waMabhishopi eKaturike eGermany wakaunganwa muFulda warumbidza kutangwa kwo‘munyengetero wehondo’ chaiwo uyo unofanira kuraviwa pamavambo napamugumo peminamato yose youmwari. Munyengeterowo unoteterera Nyadenga kukomborera mauto eGermany kupfurikidza norukundo ndokudzivirira upenyu noutano hwavarwi vose. Mabhishopi akaraidzazve vafundisi veKaturike kuchengeta uye kuyeuka mumharidzo chaiyo yapaSvondo kanenge kamwe chete pamwedzi varwi veGermany ‘vari panyika, vari pagungwa navari mumhepo.’ ”
Iyi nyaya yakabviswa muzvinyorwa zvapashure zvepepanhau. December 7, 1941, rakanga riri zuva apo mukutsirani weGermany yechiNazi, Japan, akadenha boka rengarava reU.S. paPearl Harbor.
[Bhokisi riri papeji 244]
“Mazita Okumhura”
Apo chikara chine nyanga mbiri chakasimudzira Chinzwano chaMarudzi pashure peHondo yeNyika I, zvikomba zvaro zvizhinji zvorudzidziso pakarepo zvakatsvaka kupa bvumiro yorudzidziso kune ichi chiito. Somuuyo, sangano idzva rorugare rakava “rizere namazita okumhura.”
“ChiKristu chinogona kugovera fariro, simba rinotsigira chinzwano [chamarudzi], nokudaro ndokuchinja chibvumirano papepawo zvaro mukuva mudziyo woumambo hwaMwari.”—The Christian Century, U.S.A., June 19, 1919, peji 15.
“Mufungo weChinzwano chaMarudzi ifutunuko yewirirano dzamarudzi ose dzomufungo woUmambo hwaMwari somurairo wenyika wefarirwo. . . . Ndichinhu icho maKristu ose anonyengeterera paanotaura, kuti: ‘Umambo hwenyu ngahuuye.’ ”—The Christian Century, U.S.A., September 25, 1919, peji 7.
“Chisungo cheChinzwano chaMarudzi ndiro Ropa raKristu.”—Dr. Frank Crane, mushumiri wechiPurotesitendi, U.S.A.
“Dare [raMarudzi] [raMachechi eCongregational] anotsigira Sungano [yeChinzwano chaMarudzi] somudziyo bedzi wezvamatongerwe enyika zvino unowanika uyo kupfurikidza nawo Mudzimu waJesu Kristu ungawana nzvimbo yakafara zvikuru mukushandiswa chaikwoikwo kwezvinhu zvamarudzi.”—The Congregationalist and Advance, U.S.A., November 6, 1919, peji 642.
“Dare rinodana pavaMethodist vose kutsigira ndokusimudzira zvikuru pfungwa [dzeChinzwano chaMarudzi] sezvinoratidzirwa nomufungo waMwari Baba navana vapasi vaMwari.”—The Wesleyan Methodist Church, Britain.
“Patinorangarira tariro, bviro, nezvisarudzo zveiyi bvumirano, tinoona kuti ine musimboti wedzidziso dzaJesu Kristu: Umambo hwaMwari nokururama kwake . . . Hahuzati huri chinhu chiduku kuna ichochi.”—Mharidzo yakakurukurwa naBhishopi Mukuru weCanterbury pakuzarurwa kweGungano reChinzwano chaMarudzi muGeneva, December 3, 1922.
“Sangano reChibatanwa chaMarudzi munyika ino rina maruramiro matsvene sechaunga chipi nechipi chavanhu chavafundisi, nokuti iro panguva ino isangano rinoisvobudirira roubati ushe hwaKristu soMuchinda woRugare pakati pamarudzi.”—Dr. Garvie, mushumiri wamaCongregational, Britain.
[Mepu iri papeji 236]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Dzidziso dzenhema dzinodavirwa kupote nyika yose dzina mavambo adzo muBhabhironi
Bhabhironi
Utatu kana kuti vamwari vatatu muno mumwe
Mweya womunhu unorarama parufu
Kushandisa midzimu—kutaura na“vakafa”
Kushandiswa kwemifananidzo mukunamata
Kushandiswa kwezvitsinga kunyaradza madhemoni
Ubati ushe hunoitwa nouprista hune simba
[Mufananidzo uri papeji 239]
Bhabhironi rekare raigara pamusoro pemvura zhinji
[Mufananidzo uri papeji 239]
Hure guru nhasi rinogarawo pamusoro pe“mvura zhinji”
[Mufananidzo uri papeji 241]
Bhabhironi Guru rigere pachikara chine ngozi
[Mifananidzo iri papeji 242]
Hure rorudzidziso rakaita ufeve namadzimambo apasi
[Mifananidzo iri papeji 245]
Mukadzi aka“dhakwa neropa ravatsvene”