RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Rumbidzai Jah Nokuda Kwamarutongeso Ake!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • 1. Ko Johane anonzwa mashokoi “senzwi guru reboka guru riri mudenga”?

      BHABHIRONI GURU harisichipozve! Zvamazvirokwazvo aya mashoko anofadza. Hakushamisiwo kuti Johane anonzwa kukuwa kwomufaro kwerumbidzo mudenga! “Pashure pezvinhu izvi ini ndakanzwa rakanga rakaita senzwi guru reboka guru mudenga. Ivo vakati: ‘Hareruya!a Ruponeso norubwinyo nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti marutongeso ake ndeechokwadi uye akarurama. Nokuti iye akaita rutongeso pahure guru iro rakashatsa pasi noufeve hwaro, uye iye akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwaro.’ Uye pakarepo kechipiri ivo vakati: ‘Hareruya!’b Uye utsi hunobva pariri hunopfuurira kukwira nokusingaperi-peri.”—Zvakazarurwa 19:1-3.

  • Rumbidzai Jah Nokuda Kwamarutongeso Ake!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • 3. Neiko hure guru rave rakafanirwa zvikuru norutongeso rwaro?

      3 Neiko hure guru rave richifanirwa zvikuru nouru rutongeso? Mukuwirirana nomutemo uyo Jehovha akapa kuna Noa—uye kupfurikidza nayo kuvanhu vose—kuteurwa kwoutsinye kweropa kunoda tongerwo yorufu. Ikoku kwakataurwazve muMutemo waMwari kuna Israeri. (Genesi 9:6; Numeri 35:20, 21) Zvakare, pasi poMutemo iwowo waMosesi hwose huri huviri upombwe hwokunyama nohwokumudzimu hwaifanirwa norufu. (Revhitiko 20:10; Dheuteronomio 13:1-5) Kwezviuru zvamakore, Bhabhironi Guru rave rine mhaka yeropa, uye iro chifevekadzi chikurusa. Somuenzaniso, muitiro weChechi yeRoma Katurike wokurambidza vaprista vayo kuroora wakaparira utere hukuru kuvazhinji vavo, havazati vari vashomanene vaivava nhasi vanobatira AIDS. (1 VaKorinte 6:9, 10; 1 Timotio 4:1-3) Asi zvivi zvaro zvikurusa, ‘zvinotutirana pamwe chete kusvika kudenga,’ ndiwo mabasa aro anokatyamadza oufeve hwomudzimu—ikoku kwapashure mukudzidzisa nhema nokuzvibatanidza iro rimene navezvamatongerwe enyika vakashata. (Zvakazarurwa 18:5) Sezvo chirango charo pakupedzisira charikurira, vazhinji-zhinji vokudenga zvino vanodzokorora Hareruya wechipiri.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe