Ganhuro 38
Rumbidzai Jah Nokuda Kwamarutongeso Ake!
1. Ko Johane anonzwa mashokoi “senzwi guru reboka guru riri mudenga”?
BHABHIRONI GURU harisichipozve! Zvamazvirokwazvo aya mashoko anofadza. Hakushamisiwo kuti Johane anonzwa kukuwa kwomufaro kwerumbidzo mudenga! “Pashure pezvinhu izvi ini ndakanzwa rakanga rakaita senzwi guru reboka guru mudenga. Ivo vakati: ‘Hareruya!a Ruponeso norubwinyo nesimba ndezvaMwari wedu, nokuti marutongeso ake ndeechokwadi uye akarurama. Nokuti iye akaita rutongeso pahure guru iro rakashatsa pasi noufeve hwaro, uye iye akatsiva ropa ravaranda vake paruoko rwaro.’ Uye pakarepo kechipiri ivo vakati: ‘Hareruya!’b Uye utsi hunobva pariri hunopfuurira kukwira nokusingaperi-peri.”—Zvakazarurwa 19:1-3.
2. (a) Ko shoko rokuti “Hareruya” rinorevei, uye kurinzwa kwaJohane kaviri papfundo rino kunoenzanisirei? (b) Ndiani anowana mbiri nokuda kwokuparadza Bhabhironi Guru? Tsanangura.
2 Hareruya zvamazvirokwazvo! Shoko racho rinoreva kuti “Rumbidzai Jah, imi vanhu,” “Jah” richiva chimiro chedimurirwo yezita roumwari, Jehovha. Pano tinoyeuchidzwa nezvepangiro yowezvamapisarema, inoti: “Chinhu chiri chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah, imi vanhu!” (Pisarema 150:6) Kunzwa kwaJohane boka ravaimbi rinofarisisa rokudenga richiimba “Hareruya!” kaviri papfundo rino muna Zvakazarurwa kunoratidzira pfuuriro yewadzanyuro youmwari yezvokwadi. Mwari waMagwaro echiKristu echiGiriki ndiye mumwe cheteyo naMwari waMagwaro echiHebheru apakuvamba-vamba, uye Jehovha ndiro zita rake. Mwari akaparira kuwa kweBhabhironi rekare zvino akatonga uye aparadza Bhabhironi Guru. Ipai kwaari mbiri yose nokuda kwebasa guru irero! Simba rakaparira kuwa kwaro nderake panzvimbo pokuva ramarudzi aakashandisa sezviparadziso kuriita dongo. Tinofanira kurangarira ruponeso kuva runoparirwa naJehovha oga bedzi.—Isaya 12:2; Zvakazarurwa 4:11; 7:10, 12.
3. Neiko hure guru rave rakafanirwa zvikuru norutongeso rwaro?
3 Neiko hure guru rave richifanirwa zvikuru nouru rutongeso? Mukuwirirana nomutemo uyo Jehovha akapa kuna Noa—uye kupfurikidza nayo kuvanhu vose—kuteurwa kwoutsinye kweropa kunoda tongerwo yorufu. Ikoku kwakataurwazve muMutemo waMwari kuna Israeri. (Genesi 9:6; Numeri 35:20, 21) Zvakare, pasi poMutemo iwowo waMosesi hwose huri huviri upombwe hwokunyama nohwokumudzimu hwaifanirwa norufu. (Revhitiko 20:10; Dheuteronomio 13:1-5) Kwezviuru zvamakore, Bhabhironi Guru rave rine mhaka yeropa, uye iro chifevekadzi chikurusa. Somuenzaniso, muitiro weChechi yeRoma Katurike wokurambidza vaprista vayo kuroora wakaparira utere hukuru kuvazhinji vavo, havazati vari vashomanene vaivava nhasi vanobatira AIDS. (1 VaKorinte 6:9, 10; 1 Timotio 4:1-3) Asi zvivi zvaro zvikurusa, ‘zvinotutirana pamwe chete kusvika kudenga,’ ndiwo mabasa aro anokatyamadza oufeve hwomudzimu—ikoku kwapashure mukudzidzisa nhema nokuzvibatanidza iro rimene navezvamatongerwe enyika vakashata. (Zvakazarurwa 18:5) Sezvo chirango charo pakupedzisira charikurira, vazhinji-zhinji vokudenga zvino vanodzokorora Hareruya wechipiri.
4. Chii chinofananidzirwa neidi rokuti utsi hunobva muBhabhironi Guru “hunopfuurira kukwira nokusingaperi-peri”?
4 Bhabhironi Guru rakatungidzwa mwoto seguta rakakundwa, uye utsi hunobva mariri “hunopfuurira kukwira nokusingaperi-peri.” Apo guta chairoiro rinopiswa namauto anokunda, utsi hunoramba huchikwira chero bedzi marota achipisa. Upi noupi anoedza kurivakazve iro richiri kupwititika utsi achangopiswa bedzi namatongo anobvira mwoto. Sezvo utsi hunobva muBhabhironi Guru huchizokwira “nokusingaperi-peri” muchiratidziro chokupedzisira chorutongeso rwaro, hapana munhu achazombokwanisa kudzorera guta irero rine zvivi. Rudzidziso rwenhema rwaparara nokusingaperi. Hareruya, zvamazvirokwazvo!—Enzanisa naIsaya 34:5, 9, 10.
5. (a) Ko vakuru vane 24 nezvisikwa zvipenyu zvina vanoitei uye vanotaurei? (b) Neiko rwiyo rwaHareruya ruchinzwika zvinonakidza zvikuru kwazvo kupinda nziyo dzaHareruya dzinoimbwa mumachechi echiKristudhomu?
5 Muchiono chapakuvamba-vamba, Johane akaona zvisikwa zvipenyu zvina zvakakomba chigaro choumambo, pamwe chete navakuru vane 24 avo vanofananidzira vadyi venhaka voUmambo munzvimbo dzavo dzine mbiri dzokudenga. (Zvakazarurwa 4:8-11) Zvino iye anovaonazve sezvavanodanidzira hareruya wechitatu pamusoro poruparadziko rweBhabhironi guru, vachiti: “Uye vakuru vana makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi ndokunamata Mwari agere pachigaro choumambo, uye vakati: ‘Ameni! Hareruya!’”c (Zvakazarurwa 19:4) Ipapoka, urwu rwiyo rwakaisvonaka rwaHareruya inowedzera, ku“rwiyo rutsva” rwerumbidzo kuGwayana. (Zvakazarurwa 5:8, 9) Zvino ivo vanoimba rwiyo rwakaisvonaka rworukundo, vachipa mbiri yose kuna Changamire Ishe Jehovha nokuda kworukundo rwake runopedza nharo pamusoro pehure guru, Bhabhironi Guru. Ava vanaHareruya vanonzwika zvinonakidza zvikuru kwazvo kupinda nziyo dzipi nedzipi dzaHareruya dzinoimbwa mumachechi echiKristudhomu, umo Jehovha, kana kuti Jah, ave achizvidzwa nokusakudzwa. Kuimba kwakadaro kwounyengeri kunozvidza zita raJehovha zvino kwanyaradzwa nokusingaperi!
6. Ko “inzwi” raani rinonzwiwa, rinokurudzirei, uye ndivanaani vanogoverana mudavidzo?
6 Makanga muri muna 1918 umo Jehovha akavamba kutusa ‘avo vanotya zita rake, vaduku navakuru’—vokutanga vaivava vachiva maKristu akazodzwa akanga afa akatendeka, awo iye akamutsa ndokumisa munzvimbo dzokudenga dzavakuru vane 24. (Zvakazarurwa 11:18) Vamwe vanokumbanira ivava mukuimba vanaHareruya, nokuti Johane anoshuma, kuti: “Uyewo, inzwi rakabuda pachigaro choumambo ndokuti: ‘Rumbidzai Mwari wedu, imi mose varanda vake, vanomutya, vaduku navakuru.’” (Zvakazarurwa 19:5) Irori inzwi roMutauriri waJehovha, Mwanakomana wake, Jesu Kristu, uyo amire “pakati pechigaro choumambo.” (Zvakazarurwa 5:6) Kwete bedzi mudenga asiwo pasi pano, “imi mose varanda vake” munogovera mukuimba, neboka rakazodzwa raJohane rinotungamirira pasi pano. Haiwa vanogoverana sei ivava mukuteerera murairo, unoti: “Rumbidzai Mwari wedu”!
7. Pashure pokunge Bhabhironi Guru raparadzwa, ndivanaani vacharumbidza Jehovha?
7 Hungu, avo veboka guru vanoverengerwawo pakati pavaranda ivava. Kubvira muna 1935 ivava vave vachibuda muBhabhironi Guru uye vakawana zadziko yechipikirwa chaMwari, chinoti: “Iye achakomborera avo vanotya Jehovha, vaduku uyewo vakuru.” (Pisarema 115:13) Apo Bhabhironi rakaita sehure rinenge raparadzwa, mamiriyoni avo achakumbanira mu“kurumbidza Mwari wedu”—pamwe chete neboka raJohane neboka rose rokudenga. Gare gare, avo vanomutswa pasi pano, kunyange vaichimbova vakatanhamara kana kuti kwete, pasina panikiro vachaimba vamwe vanaHareruya pakuziva kuti Bhabhironi Guru raparara nokusingaperi. (Zvakazarurwa 20:12, 15) Rumbidzo yose ngaive kuna Jehovha nokuda kworukundo rwake rwakatanhamara pahure rekare kare!
8. Ko nziyo dzokudenga dzerumbidzo dzakapupurirwa naJohane dzinofanira kutipa kuchidziroi zvino, Bhabhironi Guru risati raparadzwa?
8 Haiwa ikurudziro yakadini yatinopiwa naikoku kwose yokugoverana zvizere mubasa raMwari nokuda kwanhasi! Vabatiri vose vaJah ngavazvipire ivo vamene chose chose kukuzivisa marutongeso aMwari, pamwe chete netariro huru yoUmambo, zvino, Bhabhironi Guru risati rabviswa pachigaro choumambo ndokuparadzwa.—Isaya 61:1-3; 1 VaKorinte 15:58.
‘Hareruya—Jehovha ndiMambo!’
9. Neiko Hareruya wokupedzisira ari mumvumo wakadaro wakwana, unonakidza?
9 Kune zvimwe zvezvikonzero zvokufara, sezvo Johane anopfuurira kutiudza, kuti: “Uye ini ndakanzwa inzwi rakanga rakaita senzwi reboka guru uye somumvumo wemvura zhinji uye sokutinhira kwokutinhira kukuru. Ivo vakati: ‘Hareruya,d nokuti Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, akavamba kubata ushe samambo.’” (Zvakazarurwa 19:6) Uyu Hareruya wokupedzisira ndiye uyo anogumisa kana kuti kupedzisa chiziviso chacho. Ndiwo mumvumo mukuru wokudenga, wakaisvonaka zvikuru kupinda boka ravaimbi ripi neripi ravanhu, mukuru zvikuru kupinda mapopomo api naapi apasi, uye unotyisa zvikuru kupinda chipukude chapasi. Zviuru zvezviuru zvamanzwi okudenga zvinochengeta idi rokuti “Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, akavamba kubata ushe saMambo.”
10. Ko kunogona kutaurwa kuti Jehovha akavamba kubata ushe samambo munzirai pashure pokunge Bhabhironi Guru raparadzwa?
10 Kunyange zvazvo zvakadaro, kunodaro sei kuti Jehovha anovamba kubata ushe? Makore ana makumi amazana akapfuura kubvira apo wezvamapisarema akazivisa, kuti: “Mwari ndiye Mambo wangu kubvira kare kare.” (Pisarema 74:12) Umambo hwaJehovha hwakanga huri hwekare kare kunyange panguva iyeyo, naizvozvo boka ravaimbi rapose pose raigona sei kuimba kuti “Jehovha . . . akavamba kubata ushe samambo”? Mukuti apo Bhabhironi Guru rinenge raparadzwa, Jehovha haazati achizovazve nomurwisani iyeyo ane manyawi wokutsausa pakumuteerera saChangamire Wapose pose. Rudzidziso rwenhema haruzati ruchizokuchidzirazve vabati ushe vapasi kumushora. Apo Bhabhironi rekare rakawa pakudzora nyika, Zioni rakanzwa ziviso yorukundo, inoti: “Mwari wako ava mambo!” (Isaya 52:7) Pashure pokuberekwa kwoUmambo muna 1914, vakuru vane 24 vakazivisa, kuti: “Tinokuongai, Jehovha Mwari . . . nokuti makatora simba renyu guru ndokuvamba kubata ushe samambo.” (Zvakazarurwa 11:17) Zvino, pashure poruparadziko rweBhabhironi Guru, danidziro inotaurwazve, kuti: “Jehovha . . . akavamba kubata ushe samambo.” Hapana mwari akaitwa navanhu anosarira kukwikwidzana nouchangamire hwaMwari wechokwadi, Jehovha!
Roorano yeGwayana Yava Pedyo!
11, 12. (a) Ko Jerusarema rekare rakataura sei kuBhabhironi rekare, richigadza muenzanisoi pamusoro peJerusarema Idzva neBhabhironi Guru? (b) Pamusoro porukundo paBhabhironi Guru, ko mapoka okudenga anoimbei uye anozivisei?
11 “Iwe mukadzi muvengi wangu”! Ndiwo mataurire akaita Jerusarema, nzvimbo yetembere yokunamatira yaJehovha kuBhabhironi rinonamata zvifananidzo. (Mika 7:8) Nenzira imwe cheteyo, “guta dzvene, Jerusarema Idzva,” rinoumbwa nomwenga wemitezo ine 144 000, rakava nechikonzero chiri chose chokutaura Bhabhironi Guru somuvengi waro. (Zvakazarurwa 21:2) Asika pakupedzisira hure guru rakanangana nejambwa, ngwavaira, uye ruparadziko. Miitiro yaro yokushandisa midzimu nenyanzvi dzoruzivo rwenyeredzi zvave zvisingakwanisi kuriponesa. (Enzanisa naIsaya 47:1, 11-13.) Rukundo rukurusa, zvamazvirokwazvo, nokuda kwokunamata kwechokwadi!
12 Hure rinonyangadza, Bhabhironi Guru, raparara nokusingaperi, ngwariro zvino inogona kunangidzirwa pamwenga wemhandara yakachena weGwayana! Nokudaro, mapoka okudenga anoimba nomufaro mukurumbidzwa kwaJehovha: “Ngatifarei ndokuva vanofarisisa, uye ngatimukudzei, nokuti roorano yeGwayana yasvika uye mudzimai waro azvigadzirira amene. Hungu, kupfeka mucheka unon’animira, wakachena, wakaisvonaka kwakabvumirwa kwaari, nokuti mucheka wakaisvonaka unomirira mabasa akarurama avatsvene.”—Zvakazarurwa 19:7, 8.
13. Igadziriroi dzeroorano dzeGwayana dzakaitika kuburuka nomumazana amakore?
13 Kuburuka nomumazana amakore, Jesu akaita gadziriro yorudo nokuda kweroorano iyoyi yokudenga. (Mateo 28:20; 2 VaKorinte 11:2) Iye ave achichenura vane 144 000 vaIsraeri vomudzimu kuti “iye agoisa ungano kwaari amene iri murubwinyo rwayo, isina gwapa kana kuti kuunyana kana kuti chipi nechipi chezvinhu zvakadai, asi kuti iyo igova tsvene uye isina vanga.” (VaEfeso 5:25-27) Nomurangariro wokuwana “mubairo wokudanwa kwokudenga waMwari,” muKristu mumwe nomumwe akazodzwa aitofanira kupfekenura hunhu hwekare hune miitiro yahwo, kupfeka hunhu hutsva hwechiKristu, ndokuita mabasa akarurama “nomwoyo wose sokuna Jehovha.”—VaFiripi 3:8, 13, 14; VaKorose 3:9, 10, 23.
14. Ko Satani akaedza sei kushatsa mitezo inokarirwa yomudzimai weGwayana?
14 Kubvira paPentekosta ya33 C.E. zvichienda mberi, Satani akashandisa Bhabhironi Guru somudziyo wake wokuedza kushatsa mitezo inokarirwa yomudzimai weGwayana. Pakuzosvika pamugumo wezana ramakore rokutanga, iye akanga akusha mbeu dzorudzidziso rwechiBhabhironi muungano. (1 VaKorinte 15:12; 2 Timotio 2:18; Zvakazarurwa 2:6, 14, 20) Muapostora Pauro akarondedzera avo vakanga vachiparadza kutenda naawa mashoko: “Nokuti vamwe varume vaapostora venhema, vashandi venyengedzo, vanozvishandura ivo vamene kuva vaapostora vaKristu. Uye hakuzatiwo kuchishamisa, nokuti Satani iye amene anoramba achizvishandura amene kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:13, 14) Mumazana amakore akatevera, chiKristudhomu chakatsauka pakutenda, savamwe vasara veBhabhironi Guru, chakazvipfekedza icho chimene chipfeko chepfuma neropafadzo, “chishava nechitsvuku, . . . ndarama neibwe rinokosha namaparera.” (Zvakazarurwa 17:4) Vafundisi vacho navapapa vakabatana namadzimambo anodisa kuteura ropa, akadai saConstantine naCharlemagne. Icho hachina kutongopfeka “mabasa akarurama avatsvene.” Somwenga wenyengedzo, icho chakanga chiri zvamazvirokwazvo nyanzvi yenyengedzo yousatani. Pakupedzisira, icho chaparara nokusingaperi!
Mudzimai weGwayana Azvigadzirira Amene
15. Ko kuiswa chisimbiso kunoitika sei, uye chii chinodikanwa kumuKristu akazodzwa?
15 Naizvozvo zvino, pashure paanenge makore 2 000, vose vane 144 000 veboka romwenga vakazviita vagadzirira vamene. Asika panhamboi yenguva pakungava kungataurwa kuti ‘mudzimai weGwayana akazvigadzirira iye amene’? Nomutoo unofambira mberi, kubvira paPentekosta ya33 C.E. zvichienda mberi, vakazodzwa vanodavira “vakaiswa chisimbiso kupfurikidza nomudzimu mutsvene wakapikirwa,” ikoku nokuda kwe“zuva rokusunungura norudzikinuro” rinouya. Sokukurondedzera kwakaita muapostora Pauro, Mwari “akaisawo chisimbiso chake patiri uye akatipa rubatso rweicho chinouya, ndiko kuti, mudzimu, mumwoyo yedu.” (VaEfeso 1:13; 4:30; 2 VaKorinte 1:22) MuKristu mumwe nomumwe akazodzwa ano“danwa ndokusarudzwa,” uye akazvibvumikisa iye amene kuva “akatendeka.”—Zvakazarurwa 17:14.
16. (a) Ko kuiswa chisimbiso kwomuapostora Pauro kwakapera rini, uye tinoziva sei? (b) Ko mudzimai weGwayana achava “azvigadzirira” rini zvizere?
16 Pashure pamakumi amakore omuedzo, Pauro iye amene aigona kuzivisa, kuti: “Ini ndarwa kurwa kwakaisvonaka, ndamhanya nhangemutange kusvikira kumugumo, ini ndakachengeta kutenda. Kubvira panguva ino zvichienda mberi ndakachengeterwa korona yokururama, iyo Ishe, mutongi wokururama, achandipa setuso muzuva irero, asi kwete bedzi kuneni, asi kuna avo vose vakada kuoneka kwake.” (2 Timotio 4:7, 8) Kuiswa chisimbiso kwomuapostora kunoratidzika kuve kwakakwana, kunyange zvazvo iye akanga achiri munyama uye achigere kunangana nokuponderwa kutendeka. Nenzira imwe cheteyo, nguva inofanira kusvika apo vose vakasarira vari pasi pano vavane 144 000 vachave vaiswa chisimbiso somunhu mumwe nomumwe savari vaJehovha. (2 Timotio 2:19) Ipapo pachava apo mudzimai weGwayana achave azvigadzirira amene zvizere—voruzhinji zvikuru vevane 144 000 vachive vatogamuchira tuso yavo yokudenga uye avo vachiri pasi pano vachiva vatenderwa pakupedzisira uye vaiswa chisimbiso savakatendeka.
17. Ko roorano yeGwayana inogona kuitika rini?
17 Papfundo rino murudungwe rwenguva rwaJehovha, apo kuiswa chisimbiso kwe144-000 kunenge kwasvika mugumo, ngirozi dzinosunungura mhepo ina dzedambudziko guru. (Zvakazarurwa 7:1-3) Kutanga, rutongeso runoitwa paBhabhironi Guru rakaita sehure. Kristu anokurira tevere anoenda nokukurumidza kuArmagedhoni kundoparadza vamwe vakasara vesangano raSatani pasi pano uye, pakupedzisira, kukandira mugomba rakadzika-dzika Satani namadhemoni ake. (Zvakazarurwa 19:11–20:3) Kana paine vakazodzwa vachiri vapenyu pasi pano, hapana mubvunzo kuti vachawana mubayiro wavo wokudenga nokukurumidza pashure pokunge Kristu apedzisa kukunda kwake uye vachabatana nedzimwe nhengo dzeboka romwenga. Ipapo, panguva yaMwari yakakodzera, roorano yeGwayana inogona kuitika!
18. Ko Pisarema 45 rinosimbisa sei nhevedzano yezvinoitika pamusoro peroorano yeGwayana?
18 Nhoroondo youporofita iri pana Pisarema 45 inotsigira nhevedzano yezviitiko. Kutanga Mambo akagadzwa pachigaro choumambo anotasva kuti akunde vavengi vake vose. (Ndima 1-7) Tevere roorano inoitwa, mwenga wokudenga achiva anoperekedzwa pasi pano neshamwari dzake mhandara, boka guru. (Ndima 8-15) Tevere roorano inova inobereka zvibereko, vanhu vanomutswa vachiva vanosimudzirwa kukukwana mukutarisira kwa“machinda ari mupasi rose.” (Ndima 16, 17) Haiwa zvikomborero zvine mbiri zvakadini zvinova pamwe chete neroorano yeGwayana!
Vanofara Ndaavo Vanokokwa
19. Chii chiri wechina wemifarwa minomwe iri muna Zvakazarurwa, uye ndivanaani vanogoverana muno uyu mufarwa chaiwoiwo?
19 Johane zvino anonyora wechina wemifarwa minomwe iri muna Zvakazarurwa: “Uye iyo [ngirozi iyo yave ichiwadzanyura zvinhu izvi kuna Johane] inondiudza, kuti: ‘Nyora: Vanofara ndaavo vanokokwa kuchidyo chamadekwana cheroorano yeGwayana.’ Uyewo, iyo inondiudza, kuti: ‘Aya mashoko echokwadi aMwari.’” (Zvakazarurwa 19:9)e Vaya vanokokwa ku“chidyo chamadekwana cheroorano yeGwayana” ndiyo mitezo yeboka romwenga. (Enzanisa naMateo 22:1-14.) Vose veboka rakazodzwa romwenga vanogoverana mufaro mukuva vakagamuchira iyi kokero. Vazhinjisa vavakokwi vakatoenda kudenga, nzvimbo yechidyo chamadekwana cheroorano. Avo vachiri pasi pano vanofarawo, kuti ivo vane kokero. Nzvimbo yavo pachidyo chamadekwana cheroorano yakakotsekana. (Johane 14:1-3; 1 Petro 1:3-9) Apo ivo vanomutsirwa kudenga, ipapo mwenga wose, wakabatana uchapfuurira kugoverana neGwayana muroorano iyeyo inofadza zvikurukuru.
20. (a) Chii chiri revo yamashoko, okuti: “Aya mashoko echokwadi aMwari”? (b) Ko Johane akatapurwa sei namashoko engirozi, uye chii chakava kuita kwengirozi?
20 Ngirozi inowedzera kuti “aya mashoko echokwadi aMwari.” Iri shoko rokuti “chokwadi” rinoshandura shoko rechiGiriki rokuti a·le·thi·nosʹ uye rinoreva kuti “chaiwoiwo” kana kuti “anovimbika.” Mashoko aya zvaanobva zvomenemene kuna Jehovha, iwo akatendeka uye anovimbika. (Enzanisa 1 Johane 4:1-3; Zvakazarurwa 21:5; 22:6.) Somumwe akakokerwa kumutambo iwoyo weroorano, Johane anofanira kuve akazadzwa nomufaro pakunzwa ikoku napakurangarira zvikomborero zviri mberi zveboka romwenga. Iye akasundwa zvikurukuru, kureva idi, zvokutoti ngirozi yaifanira kumupa zano, Johane zvaanorondedzera, kuti: “Pana ikoko ini ndakawira pasi pamberi petsoka dzayo kuti ndiinamate. Asi iyo inondiudza, kuti: ‘Unangwarira! Rega kudaro! Ini ndinongovawo bedzi muranda biyako nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu. Namata Mwari.’”—Zvakazarurwa 19:10a.
21. (a) Ko Zvakazarurwa zvinowadzanyurei pamusoro pengirozi? (b) Ko maKristu anofanira kuva nechimiroi chendangariro kungirozi?
21 Muna Zvakazarurwa wose uchapupu hunoshamisa hunopiwa kukutendeka norushingairo rwengirozi. Idzo dzinobatanidzwa mumukoto wezvokwadi inowadzanyurwa. (Zvakazarurwa 1:1) Idzo dzinoshanda pamwe chete navanhu mukuparidzira mashoko akanaka nomukudurura madambudziko okufananidzira. (Zvakazarurwa 14:6, 7; 16:1) Dzakarwa pamwe chete naJesu kubudisa Satani nengirozi dzake mudenga, uye dzicharwa pamwe chete naye zvakare paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 12:7; 19:11-14) Zvamazvirokwazvo, idzo dzinopinda pamberi chaipo paJehovha. (Mateo 18:10; Zvakazarurwa 15:6) Hunyanguvezvo, idzo hadzizati dzichipfuura varanda vanozvininipisa vaMwari. Mukunamata kwakachena hamuna nzvimbo yokunamatwa kwengirozi kana kuti kunyange nokuda kwokunamatwa kune mwero, kuendesa kunamata kuna Mwari kupfurikidza no“musande” akati kuti kana kuti ngirozi. (VaKorose 2:18) MaKristu anonamata Jehovha bedzi, achiita mikumbiro yawo kwaari muzita raJesu.—Johane 14:12, 13.
Basa raJesu Muuporofita
22. Ko ngirozi inotii kuna Johane, uye mashokowo anorevei?
22 Ngirozi ipapo inoti: “Nokuti kupupurira Jesu ndiko kunokuchidzira uporofita.” (Zvakazarurwa 19:10b) Kunodaro seiko? Ikoko kunoreva kuti uporofita hwose hwakafuridzirwa hunoparirwa nokuda kwaJesu nebasa raanoita mumadonzo aJehovha. Uporofita hwokutanga huri muBhaibheri hwakapikira kuuya kwembeu. (Genesi 3:15) Jesu akava Mbeu iyeyo. Zvinowadzanyurwa zvinotevedzana zvakaumba chivako chihombe chezvokwadi youporofita pane ichi chipikirwa chehwaro. Muapostora Petro akaudza Kornerio waVamarudzi anodavira, kuti: “Vaporofita vose vanomupupurira [Jesu].” (Mabasa 10:43) Makore ane 20 gare gare, muapostora Pauro akati: “Pasinei hapo nokuti pane zvipikirwa zvizhinji zvakadini zvaMwari, izvo zvakava Hungu kupfurikidza naye [Jesu].” (2 VaKorinte 1:20) Pashure pamamwe makore 43, Johane iye amene anotiyeuchidza, kuti: “Zvokwadi yakavapo kupfurikidza naJesu Kristu.”—Johane 1:17.
23. Neiko nzvimbo yakakwirira uye chiremera chaJesu zvisati zvichideredza kunamata kwatinopa kuna Jehovha?
23 Ko ikoku kunoderedza munzira ipi neipi kunamata kwatinopa kuna Jehovha here? Aiwa. Yeuka pangiro yengwariro yengirozi: “Namata Mwari.” Jesu haatongoedzi kukwikwidzana naJehovha. (VaFiripi 2:6) Chokwadi, ngirozi dzose dzinoudzwa “kukotamira [Jesu],” uye chisiko chose chinofanira kuziva nzvimbo yake yakakwirira kuti “muzita raJesu ibvi riri rose rigopfugama.” Asika cherekedza, ikoku kuri “mumbiri yaMwari naBaba” uye kupfurikidza nomurairo wake. (VaHebheru 1:6; VaFiripi 2:9-11) Jehovha akapa Jesu chiremera chake chakakwirira, uye kupfurikidza nokubvuma chiremera ichecho, tinopa mbiri kuna Mwari. Kana tikaramba kuzviisa pasi poubati ushe hwaJesu, kwakafanana nokuramba Jehovha Mwari iye amene.—Pisarema 2:11, 12.
24. Ndizvinoitikai zviviri zvinokatyamadza zvatinorangarira, uye naizvozvo mashokoi atinofanira kutaura?
24 Naizvozvo, ipapoka, ngatibatanei mukutaura mashoko okutanga ePisarema 146 kusvikira ku150, anoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu!” Rwiyo rwokurumbidza Jah ngarunzwike mukariro yorukundo rwaJehovha paumambo hwenyika hwechiBhabhironi hworudzidziso rwenhema! Uye mufaro ngauwande sezvo roorano yeGwayana inosvika!
[Mashoko Omuzasi]
a New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
b New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
c New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
d New World Translation Reference Bible, mashoko omunyasi.
e Onawo Zvakazarurwa 1:3; 14:13; 16:15.
[Bhokisi riri papeji 273]
“Tsamba yokuSodhoma neGomora”
Pasi pouyu musoro unosimbisa, Daily Telegraph yeLondon yaNovember 12, 1987, yakashuma pamusoro pamutemo waikarakadzwa pamberi peDare raVose reChechi yeEngland. Iro rakadana kubviswa kwa“maKristu” evatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo muchechi. Munyori wamapepanhau Godfrey Barker akati: “Bhishopi Mukuru weCanterbury akataura nomutoo unosuruvarisa nezuro: ‘Kudai St. Paul aizonyorera tsamba chechi yeEngland, tingasanobvunza ruri rudzi rwetsamba rwaingava.’” VaBarker ivo vamene vakatsinhira, kuti: “Tsamba yokuSodhoma neGomora ndiyo mhinduro,” ndokuwedzera, kuti: “Dr. Runcie [bhishopi mukuru] akafunga kuti yaizorava saVaRoma Ganh. 1.”
Munyori akanokora mashoko aPauro ari pana VaRoma 1:26-32, anoti: “Mwari akavaisa kukuchiva kwemwoyo yavo kukusachena. . . . Varume vachiita mabasa anonyadzisa navarume . . . kunyange zvazvo ivo vachiziva chirevo chaMwari chokuti avo vanoita zvinhu zvakadaro vakafanirwa nokufa, ivo havazati bedzi vachizviita asi vanobvumira avo vanozviita.” Iye akagumisa, kuti: “St. Paul akanga achizvidya mwoyo bedzi pamusoro pavarume vanogara muzvigaro. Chinetso chaDr. Runcie ndivo varume vari pazvikuva.”
Neiko bhishopi mukuru ane chinetso chakadaro? Misoro mikuru muDaily Mail yeLondon yaOctober 22, 1987, yakanga yazivisa, kuti: “‘Mubatiriri nzvimbo mumwe mune zvevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo vatatu’ . . . Nhimbe yokudzinga vanovatana vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo ingapfiga Chechi yeEngland.’” Mishumo yakanokora mashoko munyori mukuru “mufundisi” weSangano rechiKristu raVarume Vanovatana Uye Vakadzi Vanovatana kuva anoti: “Kudai ichi chiito chaigamuchirwa chaizoputsa Chechi, uye Bhishopi weCanterbury anozviziva. Sechiverengero chavose, tinodavira kuti pakati pe30 muzana ne40 muzana yavafundisi veEngland varume vanovatana. Uye ivo ndivo vanhu vanoisvoshingaira mukubetsera ushumiri hweChechi.” Zviverengero zvinoderera zvavaendi kuchechi pasina panikiro iratidzirwo yechinonyangadza pawedzero iyeyo youshumiri hwavane mitezo mimwe cheteyo vanovatana.
Ko dare rechechi rakasarudzei? Chiverengero chikurusa chemitezo 388 (95 muzana yavafundisi) chakavhota nokuda kwokuderedzwa kwechiito. Pamusoro paikoku, The Economist raNovember 14, 1987, rakashuma, kuti: “Chechi yeEngland inorwisana nemiitiro yevatano yavane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, asi kwete zvikurukuru. Dare ravose, paramende yeChechi, richirangarira vafundisi vevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, vhiki rino rakasarudza kuti zviito zvevatano yavanhu vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo, mukusafanana noufeve noupombwe, hazvizati zviri chivi: vanongo‘perevedza pamupimo’ bedzi kuti ‘vatano chiito chomusengwa chose chose uyo uri nomutoo wakakodzera wapakati poukama hwechigarire hweroorano.’” Richisianisa chimiro chendangariro chaBhishopi Mukuru weCanterbury nokutaura kwakananga kwomuapostora Pauro pana VaRoma 1:26, 27, The Economist rakaratidzira kunokorwa mashoko kwamashoko aPauro ari pamusoro pamashoko anorondedzera “St Paul aiziva zvaaifunga.”
Jesu Kristu aizivawo zvaaifunga uye akazvitaura namashoko anonzwisisika. Iye akataura kuti kwaizova “kunotsungiririka nokuda kwenyika yeSodhoma paZuva roRutongeso” kupinda vorudzidziso vairamba shoko rake. (Mateo 11:23, 24) Jesu pano akanga achishandisa mufananidzo kuratidzira kuti vatungamiriri ivavo vorudzidziso vakaramba Mwanakomana waMwari nedzidziso yake vaitova nomutoro mukuru kupfuura vanovatana vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo eSodhoma. Judhasi 7 inorondedzera kuti vanovatana vane mitezo mimwe cheteyo yokubereka nayo ivavo veSodhoma vakawana “chirango chorutongeso chomwoto usingaperi,” kureva rutongeso rusingagumi. (Mateo 25:41, 46) Haiwa ipapoka, ruchava rwakakomba sei rutongeso rwavanonzi vatungamiriri vechiKristu avo vanotsausa noupofu mapoka avo ari mapofu pamipimo yakakwirira yetsika yoUmambo hwaMwari ndokupinda munzira dzamadiro, dzakashata dzenyika ino! (Mateo 15:14) Pamusoro porudzidziso rwenhema, Bhabhironi Guru, inzwi rinobva kudenga rinodana nekurumidziro, kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kana imi musati muchida kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana imi musati muchida kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:2, 4.
[Mifananidzo iri papeji 275]
Matenga anoungira navanaHareruya vana, rumbidzai Jah nokuda kworukundo rwake rwokupedzisira paBhabhironi Guru