Roorano Inobetsera Mamirioni Ari Kurarama Zvino
“Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, avamba kutonga samambo. . . . Ngatimupei mbiri, nemhaka yokuti roorano yeGwaiana yasvika uye mudzimai waro azvigadzirira amene.”—ZVAKAZARURWA 19:6, 7, “NW.”
1. Rwiyo rwouporofita rwaZvakazarurwa 19:6-8 ruchatanga kuimbwa rini, uye nei?
AYA mashoko anofadza anoumba rutivi rworwiyo rwouporofita rworukundo. Ruchavamba rini kuimbwa? Pashure poruparadziko rwomuvengi wekare kare wokunamatwa kwaJehovha—“Bhabhironi Guru,” “mhombwe huru” yokufananidzira iyo inomirira zvimiro zvose zvorudzidziso rwenhema. Rutongeso runofanira kuitwa pariri nemhaka yenzira iyo rakakwenengera nayo Mwari. Rakatsausa sei rudzi rwomunhu kupfurikidza nokubatanidzwa kwaro mumatongerwe enyika, makaro aro okudisa zvenyika, uye ruvengo rwaro rwokuuraya rwavanamati vechokwadi vaJehovha!—Zvakazarurwa 17:1-6; 18:23, 24; 19:1, 2; Jakobho 4:4.
2. (a) Jehovha achaparira sei ruparadziko rweBhabhironi Guru? (b) Panzvimbo pokurumbidza Jehovha, vaparadzi vorudzidziso rwenhema vachaitei?
2 Nokukurumidza, Jehovha Mwari achafungisa vatungamiriri vezvamatongerwe enyika kuriparadza. (Zvakazarurwa 17:12, 16, 17) Asi vaparadzi vorudzidziso rwenhema havasati vachizokumbanira mukuimba rwiyo rukuru rworukundo. Panzvimbo pezvo, mupesvedzero yaSatani, anozivikanwazve kuti Gogi, ivo vachadenha vashandisi vorudzidziso rwechokwadi, avo vanogara murugare ndokuzvichengeta vamene vakaparadzana noushati hwenyika ino.—Isaya 2:2-4; Ezekieri 38:2, 8-12; Johane 17:14; Jakobho 1:27.
3. Vabatiri vohunhu vaJehovha vachakumbanira murwiyo rwokudenga nokuda kwezvikonzeroi?
3 Iyi denho inozvidza Mwari inoitwa navatongi vezvamatongerwe enyika ichaguma nehondo yeArmagedhoni, iyo ichaunza mugumo wakakwana kumarudzi anorwisana norudzidziso. Tevere, pesvedzero yakaipa yaSatani namadhemoni ake ichabviswa mupasi. (Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11-21; 20:1, 2) Nemwoyo yakazadzwa nokutenda, vanhu vose vanopukunyuka vachakumbanira rwiyo rwokudenga: “Rumbidzai Jah, imi vanhu, nemhaka yokuti Jehovha Mwari wedu, Wamasimba ose, avamba kutonga samambo.” (Zvakazarurwa 19:6, NW) Zvamazvirokwazvo, zvinoitika zvakadaro zvinozunungusa nyika zvicharatidzira mavambo enhambo itsva. Jehovha achave areverera uchangamire hwake ndokubvisa mupasi vose vanodenha utongi hwake. Pakupedzisira nguva ichave yasvika yeroorano yokudenga. Rwiyo rwouporofita runopfuurira, ruchiti: “Ngatifare nokufarisisa, uye ngatipei [Jehovha] mbiri, nemhaka yokuti roorano yeGwaiana yasvika uye mudzimai waro azvigadzirira amene.”—Zvakazarurwa 19:7, 8, NW.
4. (a) Ndivanaani vanofananidzirwa neGwaiana no“mudzimai” waro? (b) Mibvunzoi inobvunzwa pano, uye tinogona sei kuwana mhinduro?
4 Gwaiana haasati ari mumwe kunze kwaJesu Kristu akapiwa mbiri, uye “mudzimai” wake chiverengero chakakwana chavateveri vake vakatendeka vakazodzwa vane 144 000 zvino vakabatanidzwa naye mudenga. Pamwe chete vagoverani ivava vokudenga veroorano vanoumba umutezo hwakakwana hwoUmambo hwaMwari, uhwo huchavandudza rudzi rwomunhu, kubatanidza vakafa vanomutswa, kukukwana kwavanhu. (Zvakazarurwa 5:8-10; 14:1-4; 20:4, 12, 13; 21:3-5, 9, 10; 22:1-3) Ko zvinoitika zvinotungamirira kuroorano iyoyo yakakomborerwa zvichabudirira here? Iwe ungabetserwa sei neroorano iyoyo? Kuti tiwane mhinduro dzeiyi mibvunzo, ngatinzverei zvinoitika zvakapoteredza roorano yaIsaka, sezvakanyorwa pana Genesi ganhuro 24.
Mwenga Akasarudzwa Noumwari Nokuda kwaIsaka
5, 6. Neiko Abrahama akanga akasimba pakuti Isaka asaroora muKanani, uye ikoku inhungamiro yakaisvonaka nhasi nokuda kwavanaani? (1 VaKorinte 7:39)
5 Nhauro yacho inovamba nokupa kwaAbrahama miraidzo kumutarisiri wemhuri yake, sezviri pachena Eriezeri. (Genesi 15:2; 24:2) “Ndikupikise naJehovha,” anodaro Abrahama, “kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kuvanasikana veKanani, vandinogara pakati pavo, asi uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”—Genesi 24:3, 4.
6 Neiko Abrahama akanga akasimba kwazvo kuti mwanakomana wake haafaniri kuroora muKanani? Nemhaka yokuti vaKanani vakanga vari vazukuru vaKanani, uyo akatukwa naNoa. (Genesi 9:25) Uyezve, vaKanani vaizivikanwa nokuda kwemiitiro yavo yakashata, uye zvinokosha zvikurusa, ivo vaisanamata Jehovha. (Genesi 13:13; Revhitiko 18:3, 17-28) Nenzira inonzwisisika, Abrahama aida kuti mwanakomana wake aroore mumwe munhu womumhuri yake amene, vazukuru vaShemi, avo vakanga vagamuchira chikomborero chakafuridzirwa chaNoa. (Genesi 9:26) Ikoku inhungamiro yakaisvonaka sei yamaKristu anosarudza kuroorana nhasi!—Dheuteronomio 7:3, 4.
7. Abrahama akagadzirira sei Eriezeri nokuda kwomugove wake?
7 Naizvozvo Eriezeri akatanga rwendo rwamakiromita anopfuura 800 achienda kuMesopotamia. Iye akaenda akasanogadzirira, namakamera gumi akatakura zvipo. (Genesi 24:10) Mukuwedzera, iye aigona kufungisisa pamusoro paaya mashoko anosimbisa kutenda atenzi wake: “Jehovha, Mwari wokudenga . . . ndiye uchatuma mutumwa wake pamberi pako, kuti utorere mwanakomana wangu mukadzi ikoko.”—Genesi 24:7.
8, 9. (a) Chii chakaitika apo Eriezeri akasvika guta reNahori? (b) Mwenga wakakodzera waizosarudzwa nomuedzoi?
8 Pakupedzisira, iye akasvika guta reNahori kuchamhembe kweMesopotamia. Eriezeri akapfugamisa makamera aneta nokuda kwokuzorora patsime riri kunze kweguta. Yakanga iri nguva yezuva apo vakadzi vaichera mvura—banza rakaisvonaka, zvamazvirokwazvo, rokuti Eriezeri atsvake mwenga unobvira! Asi iye anofanira kuva rudzii rwomukadzi? Tsvarakadenga here? Aiwa. Eriezeri aifarira zvikuru mukadzi ane hunhu hwoumwari. Ikoku kwakaziviswa nomunyengetero wokuzvininipisa wokutenda uyo zvino akataura: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahama, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abrahama ngoni, tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari: ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe, kana akati: ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”—Genesi 24:11-14.
9 Zvamazvirokwazvo iwoyo wakanga uri muedzo wakanaka. Mukuwirirana neThe New Encyclopædia Britannica, kamera rine nyota zvikuru rinogona kunwa ‘marita 95 emvura mumaminiti 10.’ Kungava kuti makamera aAbrahama akanga asina nyota zvakadaro, asi vakadzi venguva iyoyo pasina panikiro vaiziva uwandu hwemvura yemhuka. Zvamazvirokwazvo, kwaizoda mukadzi ane mutsa zvikuru, asina udyire, anobishaira kuti azvipire kuchera mvura yamakamera gumi akaneta omuenzi.
10, 11. (a) Munyengetero waEriezeri wakapindurwa munzirai inoshamisa? (b) Rebheka akaratidza sei mavara akanaka? (c) Eriezeri akaita sei?
10 Kunyange Eriezeri asati apedza munyengetero wake, wakapindurwa, sezvo nhauro yacho ichiti: “Rebheka [wakasvika], . . . Zvino musikana uyu akanga akanaka kwazvo pameso pake, mhandara isina kumbozihwa nomurume; akaburukira kutsime akazadza chirongo chake, akakwirazve. Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati: ‘Dondipawo zvimvura pachirongo chako ndinwe.’ Iye akati kwaari: ‘Inwai henyu, ishe wangu.’ Akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake akamunwisa. Wakati apedza kumunwisa akati: ‘Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta. Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.”—Genesi 24:15-20.
11 Eriezeri ‘akatarisa achishamiswa’ sezvo iye akacherechedza iyi mhinduro yenenji kumunyengetero wake. Apo mhandara inorumbidzwa yakanga yapedza, akaitusa nechindori chendarama chemhino nezvishongo zviviri zvamaoko zvendarama ndokubvunza kuti: “Uri mukunda waaniko?” Pakuwana kuti akanga ari muzukuru waAbrahama, Eriezeri akakotamira Jehovha mukunamata kwokuremekedza, achiti: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahama ngaaongwe, usina kurega nyasha dzake nokutendeka kwake kuna tenzi wangu, kana ndirini, Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu.”—Genesi 24:21-27.
12. Nhau yacho yakapedzwa sei pamusha paRebheka?
12 Rebheka akamhanyira kumba nomufaro kundoudza mhuri yake. Gare gare, apo baba vaRebheka nehanzvadzi vakanzwa mumuromo umene waEriezari donzo rorwendo rwake uye kuti Jehovha akanga apindura sei munyengetero wake, ivo vakabvuma pasina zenguriro kuti Rebheka anofanira kuva mudzimai waIsaka. “Zvino muranda waAbrahama wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha; muranda akabudisa zvishongo zvesirvheri, nezvendarama, nenguvo, akazvipa Rebheka, akapawo hanzvadzi yake naamai vake nhumbi dzinokosha.”—Genesi 24:52, 53.
Mhinduro Yomwenga Navarindiri Vake
13. Chisarudzo chaJehovha chakasimbiswa sei sechakarurama?
13 Rebheka akarangarira sei ropafadzo yokusarudzwa noumwari somwenga waIsaka? Zuva rakatevera racho chimwe chinhu chakaitika chokuzivisa mirangariro yake yechokwadi yomukati. Zvaakanga apedza donzo rorwendo rwake, Eriezeri akashuva kudzokera kuna tenzi wake pasina kunonoka. Asi mhuri yaRebheka yaida kuti mwenga ugare navo kwaanenge mazuva gumi. Naizvozvo kwakaiswa kuna Rebheka kuti asarudze kana akanga akagadzirira kuenda nokukurumidza. “Ndichaenda,” iye akadaro. Kubvuma kusiya mhuri yake nokukurumidza nokuenda kunyika iri kure kuti andoroorwa nomurume waakanga asina kutongoona kwakanga kuri kuratidzirwa kwakatanhamara kwokutenda munhungamiro yaJehovha. Kwakasimbisa kuti iye akanga ari chisarudzo chakarurama.—Genesi 24:54-58.
14. (a) Rebheka akaperekedzwa navanaani? (b) Ivo vakatarisana norudzii rworwendo?
14 Rebheka akanga ana vaperekedzi parwendo rwake. Nhauro yacho inotsanangura, kuti: “Rebheka akasimuka, navasikana vake, vakatasva makamera.” (Genesi 24:61) Naizvozvo mutsara wamakamera wakatanga pamwendo rune ngozi rwamakiromita anopfuura 800 nomunyika yokumwe. “Kumhanya kwapaavhareji kwamakamera akatakura,” rinodaro bhuku rinonzi The Living World of Animals, “anenge makiromita 4 paawa.” Kana makamera aAbrahama akafamba pakumhanya ikoko kwamaawa masere pazuva, kungadai kwakatora anopfuura mazuva 25 kusvika mugumo wavo muNegebhi.
15. (a) Muenzanisoi wakaisvonaka watinoona muna Eriezeri, Rebheka, uye varindiri vake? (b) Nhau yacho inodeya kufananidzirei?
15 Eriezeri, Rebheka, uye varindiri vake vasikana vakavimba zvizere nenhungamiro yaJehovha, muenzaniso wakaisvonaka wamaKristu nhasi! (Zvirevo 3:5, 6) Mukuwedzera, nhauro yacho ndichinoitika chouporofita chinosimbisa kutenda. Sezvataona, Abrahama anofananidzira Jehovha Mwari, uyo akapa Mwanakomana wake anodiwa, Isaka Mukuru, kuitira kuti vanhu vanotadza vagowana upenyu husingaperi. (Johane 3:16) Kugadzirirwa kweroorano yaIsaka kwakasvika pane imwe nguva pashure pokunge iye aponeswa murufu paatari yechibairo. Ikoku kwakanga kuri kwouporofita kwokugadzirirwa kweroorano yokudenga, iri gadziriro yakavamba zvakakomba pashure porumuko rwaJesu.
Roorano yaIsaka Mukuru
16. (a) Mubatiri waAbrahama anofananidzira mudzimu mutsvene waMwari sei, nenzira yakakodzera? (b) Mubvunzoi ungabvunzwa pamusoro po“mudzimu nomwenga”?
16 Zita raEriezeri rinoreva kuti “Mwari Wangu Ndiye Mubetseri.” Muzita nomuchiito, iye anofananidzira nenzira yakakodzera mudzimu mutsvene waAbrahama Mukuru, Jehovha Mwari, uyo Iye akatumira kunyika iri kure, pasi redu, kundosarudza mwenga wakakodzera waIsaka Mukuru, Jesu Kristu. (Johane 14:26; 15:26) Boka romwenga ndiyo “ungano,” yakaumbwa navadzidzi vaJesu avo vakaberekwa nomudzimu mutsvene savanakomana vomudzimu vaMwari. (VaEfeso 5:25-27; VaRoma 8:15-17) Sezvo Rebheka akagamuchira zvipo zvinodhura, naizvozvo mitezo yokutanga yeungano yechiKristu pazuva rePentekosta ya 33 N.V. yakagamuchira zvipo zvamanenji muchibvumikiso chokudanwa kwavo kwoumwari. (Mabasa 2:1-4) Kufanana naRebheka, ivo vakarega nokudisa ukama hwose hwenyika nohwenyama kuti pakupedzisira vagobatanidzwa neChikomba chavo chokudenga. Kuvambira panguva apo mitezo mimwe nemimwe yeboka romwenga inodanwa kutosvikira parufu rwavo, ivo vanofanira kuchengeta umhandara hwavo hwomudzimu vachifamba munyika ine ngozi, inonyengera yaSatani. (Johane 15:18, 19; 2 VaKorinte 11:3; Jakobho 4:4) Rakazadzwa nomudzimu mutsvene, boka romwenga rinokoka vamwe nokutendeka kuti vagamuchire gadziriro dzaJehovha dzoruponeso. (Zvakazarurwa 22:17) Ko iwe unotevera muenzaniso wake here kupfurikidza nokugamuchirawo nhungamiro yomudzimu?
17. (a) Makamera gumi anofananidzirei? (b) Ndechipi chinofanira kuva chimiro chedu kuBhaibheri nokuzvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvinogadzirirwa neboka romwenga? (Mabasa 17:11)
17 Boka romwenga rinokoshesa zvikuru chinofananidzirwa namakamera gumi. Gumi anoshandiswa muBhaibheri kuratidzira kukwana kana kuti kuzara pamusoro pezvinhu zviri pasi pano. Makamera gumi angaenzaniswa neShoko rakazara nerakakwana raMwari, kupfurikidza naro boka romwenga rinogamuchira tsigiro yomudzimu nezvipo zvomudzimu. (Johane 17:17; VaEfeso 1:13, 14; 1 Johane 2:5) Ichitsinhira pamusoro pokunwisa mvura kwaRebheka makamera, Nharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1948, yakaita uku kushanda kuboka romwenga: “Ivo vanorangarira nenzira yorudo Shoko raMwari iro rinoendesa wakawanda womudzimu wake kwaari. Ivo vanova nefariro muShoko rake rakanyorwa, vachiribatira nokurimutsidzira kupfurikidza nokuritarisira nokuratidzira hanya yechokwadi shoko raro nedonzo, vachitsvaka kuridavira.” Somuenzaniso waikoku, vakasarira veboka romwenga nenzira yorudo vakaita kuti iwanike kumamirioni New World Translation of the Holy Scriptures yakanaka, inowirirana nomusi. Kana iyi shanduro yakaisvonaka ichiwanika mumutauro wenyu kana kuti kwete, ko unoratidza kuonga kupfurikidza nokunzvera nguva dzose Bhaibheri pamwe chete neyamuro zvinogoverwa neboka romwenga here?—2 Timotio 3:16.
Roorano yeGwaiana Inoswedera Pedyo
18. Neiko varindiri vaRebheka vachifananidzira nenzira yakakodzera shamwari dzomwenga nhasi?
18 Mumazuva ano okupedzisira enyika yaSatani, vakasarira veboka romwenga vakakumbanirwa ne“boka guru,” rakaenzana ne“vasikana” vaRebheka. Somuchinoitika chaRebheka, ivava vanopfuura nokure boka romwenga rwakakwana muchiverengero ravane 144 000. Ivo ndivo “boka guru” ra“mamwe makwai” aJesu Kristu. (Zvakazarurwa 7:4, 9, NW; Johane 10:16) Savarindiri vakavimbika vomwenga, ivo vanofanira kurambawo vasina kushatiswa nenyika yakaipa yaSatani. Ivowo vanofanira kugamuchira nhungamiro dzomudzimu waMwari neShoko rake sezvarinovatsanangurirwa neboka romwenga. Asi tuso yavo yakasiana. Kana ivo vakatsungirira mukutsigirwa kwokuvimbika kwomwenga waKristu, vachapukunyuka mugumo wenyika yaSatani ndokuva nebanza rinoshamisa rokurarama nokusingaperi paparadhiso yapasi.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
19. Chii chakaitika apo Rebheka navarindiri vake vakasvika mugumo worwendo rwavo?
19 Ko Rebheka na“vasikana” vake vakasvika nenzira inobudirira nharidzano yavo here? Hungu. Bhaibheri rinoshuma, kuti: “Isaka akabuda kundorangarira kusango nenguva yamadekwana; akasimudza meso ake, akatarira, akaona makamera achiuya. Rebheka akasimudzawo meso ake; wakati achiona Isaka, akaburuka pakamera rake.” Pashure pokunge Eriezeri atsanangura rwendo rwake runobudirira, Isaka akagamuchira Rebheka somudzimai wake, uye “akamuda.”—Genesi 24:63-67.
20. Inhamboi yokufara inodeya kufananidzirwa neroorano yaIsaka?
20 Nenzira yakafanana, donzo raJehovha pamusoro pomwenga waKristu harigoni kukundikana. (Isaya 55:11) Nokukurumidza, Bhabhironi Guru ratongwa ndokuparadzwa, vakasara vavakasarira vomwenga vachapedza rwendo rwavo. Nguva ichave yasvika yokuti vaparadzaniswe navarindiri shamwari dzavo ndokubatanidzwa muroorano naIsaka Mukuru mudenga. Iyoyo ichava nguva yakaisvonaka zvakadini yokufara muchisiko chapose pose!—Zvakazarurwa 19:6-8.
21. Sezvo mugumo weroorano yokudenga unoswedera pedyo, tose zvedu tinofanira kuva tichiitei?
21 Munguva ino, mamirioni ari kuzvikomborera amene kupfurikidza nokugamuchira ushumiri hwavakasarira vomwenga vanoderera. Vose vavo vasati vapedza nguva yavo yapasi murufu, kuparadzanywa kwoumambo hwenyika hwakafanana nemhombwe hworudzidziso rwenhema kucharatidzira mavambo e“dambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chapamavambo enyika.” Nguva yasara ipfupi. Kana uchida kupukunyuka, kunokosha sei kugoverana mukuita mirairo youmwari! (Mateo 24:14, 21, NW; Marko 13:10; Ruka 21:15; Johane 13:34) Mirairo yakadaro ine kushanda chaiko munguva dzedu dzinotambudza. Naizvozvo ungave wevakasarira vomwenga kana kuti we“boka guru” rake ravarindiri, pfuurira kuteerera Jehovha kumbiri yake nokumufarwa wako umene usingaperi. Kuchava kwakaisvonaka sei kuti boka guru, rinotorangarirwa seshamwari dzaMwari, rirambe richirarama sezvo Jehovha ‘anoita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva’ uye betsero dzisingagumi dzichiyerera kumamirioni muparadhiso yapasi!—Zvakazarurwa 21:5; 22:1, 2, 17.
Unoyeuka Here?
◻ Ndizvinoitikai zvinofadza zvinofanira kuitika nokukurumidza?
◻ Chii chinovimbisa kuti roorano yokudenga ichava budiriro yakakwana?
◻ Eriezeri namakamera gumi vangaenzaniswa nechii?
◻ Ndivanaani nhasi vanowirirana naRebheka navarindiri vake vasikana?
◻ Chii chatinodzidza muzvinoitika zvinotungamirira kuroorano yaIsaka?