-
Bonhora—Rakakomba Sei?Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
-
-
Ganhuro 25
Bonhora—Rakakomba Sei?
“Handizivi kana bonhora risina kunaka mumeso aMwari. Richatapura muviri wangu uye/kana kuti utano hwendangariro munguva yemberi uye kana ndichizotomboroorwa here?”—Melissa wezera ramakore ane gumi namashanu.
IYI mifungo yakatapura pwere zhinji. Chii chiri chikonzero? Bonhora rakapararira. Sezvinoshumwa, vane 97 muzana yavanhurume navanopfuura 90 muzana yavanhukadzi vakanga vaita bonhora pakuzosvika pazera ramakore 21. Kupfuurirazve, uyu muitiro wave uchishorwa nokuda kworudzi rwose rwezvirwere—kubvira pamhopo nefugiro tsvuku kusvikira rupfavi nechirwere chendangariro.
Vanzveri vezvokurapa vomuzana ramakore rechimakumi maviri havazati vachaitazve kutaura kwakadaro kunokatyamadza. Zvamazvirokwazvo, vanachiremba nhasi vanodavira kuti hapana chirwere chomuviri chinoparirwa nebonhora. Vanzveri William Masters naVirginia Johnson vanowedzera kuti “hapana ufakazi hwezvokurapa hwakasimbiswa hwokuti bonhora, pasinei zvapo nokuti rakaitwa kazhinji kakadini, rinoparira chirwere chendangariro.” Hunyanguvezvo, kune dzimwe tapuro dzakashata! Uye pwere zhinji dzechiKristu dzinoitira hanya nomutoo wakarurama pamusoro pomuitirowo. “Apo ini ndaikurirwa ne[bonhora], ndainzwa sokunge kuti ndakanga ndichiodza mwoyo Jehovha Mwari,” yakanyora kudaro imwe pwere. “Ndaipera mwoyo zvakakomba padzimwe nguva.”
Asi bonhora chii chaizvoizvo? Rakakomba sei, uye neiko pwere zhinji kudaro dzichikuwana kuva muitiro uri wakaoma kurega?
Chikonzero Nei Pwere Dzichitapurika
Bonhora nderekuzvimutsira umene noune ruchiva rwevatano. Mukati mokuyaruka kwepwere, ruchiva rwevatano rwunova rwakasimba. Mahormone ane simba anobudiswa anotapura mitezo yokubereka nayo. Pwere inova inoziva kuti iyi mitezo yokwanisa kuparira kunzwa kunonakidza. Uye padzimwe nguva pwere ingava inonyandurwa muvatano isingambofungi pamusoro pevatano.
Somuenzaniso, kusafaranuka kunoparirwa nokuzvidya mwoyo kwakasiana-siana, kutya, kana kuti kukangaidzika zvinogona kutapura gadziriro yetsinga yokunzwa yomukomana ndokuparira nyanduko yevatano. Wedzero yourume ingamuparirawo kumuka akanyanduka muvatano. Kana kuti kungaparira kubuda kwourume usiku, kunowanzova pamwe chete nokuzvirotera. Nomutoo wakafanana, mhandara dzingazviwana dzimene dzakanyanduka dzisingazivi. Zhinji dzine ruchiva rwevatano rwakakwirira pamberi chaipo kana kuti pashure penhambo yadzo yokuenda kumwedzi.
Naizvozvo kana wakava nenyanduko yakadaro, hapana chinhu chakashata kwauri. Ikoku ndiko kuita kwomuzvarirwo kwomuviri wepwere. Kunzwa kwakadaro, kunyange kana kwakakura zvikuru, hakuna kufanana nebonhora, sezvo iko kuchingozviitikira hako kwoga zvikurukuru. Uye sezvaunopfuurira kukura, ukuru hwouku kunzwa kutsva huchaterema.
Kuda kuziva uye hutsva hwouku kunzwa kutsva, kunyange zvazvo zvakadaro, zvinoparira pwere noune kubata-bata, kana kuti kutamba, nemitezo yadzo yevatano.
‘Simba Rendangariro’
Bhaibheri rinorondedzera rimwe jaya rinosangana nomukadzi wamadiro. Iye anoritsvoda ndokuti: “Uya, . . . ngatifadzanei nezviito zvorudo.” Ipapo chii chinoitika? “Pakarepo iro rinomutevera, senzombe inouya kunyange kukuuraiwa.” (Zvirevo 7:7-22) Nomutoo uri pachena, kunzwa kweiyi pwere kwakanyandurwa neisati ichingova bedzi mhaka yokuti mahormone ake akanga achishanda asi nemhaka yeizvo iyo yakaona uye yakanzwa.
Nomutoo wakafanana, rimwe jaya rinobvuma, kuti: ‘Chisakiso chechinetso changu chose nebonhora muuyo weizvo ndinopinza mundangariro mangu. Ndaiona mapurogiramu eTV aibatanidza utere uye mune zvimwe zvinoitika ndaiona mapurogiramu eTV yecable yaizoratidzira vanhu vasina kupfeka. Mifananidzo yakadaro inokatyamadza zvikuru zvokuti inoramba iri mauri. Yaizoonekazve mundangariro mangu, ichigovera simba rendangariro rinodikanwa kuita bonhora.’
Hungu, kazhinji kazhinji ndizvo zvaunorava, zvaunoona, kana kuti zvaunoteerera kwazviri, uyewo izvo munhu anotaura pamusoro pazvo kana kuti zvaunofungisisa pamusoro pazvo, zvinonyandura bonhora. Kwakafanana nokubvuma kwakaita mukadzi wezera ramakore 25, kuti: “Ndairatidzika kuva asingagoni chaizvo kurega uyu muitiro. Zvisinei, ndaisirava mabhuku orudo, uye ikoku kwakawedzera chinetso.”
“Mutirivadzo”
Chinoitika chouyu mukadzi muduku chinoratidzira chiri chikonzero chikurusa chisingapanikirwi nei muitirowo uchigona kuva wakaoma kurega. Iye anopfuurira, kuti: “Ndaiwanzoita bonhora kusunungura dzvinyiriro, kusafaranuka, kana kuti funganyo. Mufarwa iwowo wechinguvana wakanga wakaita sechinwiwa chaunonwa chinonwiwa nechidhakwa kuti chiteramise tsinga dzacho.”
Vanzveri Suzanne naIrving Sarnoff vakanyora, kuti: “Kuna vamwe vanhu bonhora ringava muitiro uyo ivo vanotendeukira kwauri nokuda kwenyaradzo pari pose apo ivo vanenge vakadzvinyiririka kana kuti vachinzwa rutyo pamusoro pechimwe chinhu. Zvisinei, vamwe vangatendeukira kune uyu muitiro bedzi panhambo nenhambo, apo ivo vanooneswa nhamo zvikurusa noruchiva.” Sezvinooneka, vamwe nomutoo wakafanana vanotendeukira kuno uyu muitiro pavanenge vakashatirwa, vakapera mwoyo, vari voga, kana kuti vane nhamo hurusa; unova “mutirivadzo” wokubvisa nawo nhamo dzavo.
Bhaibheri Rinoti Kudii?
Imwe pwere yakabvunza, kuti: “Bonhora chivi chisingakanganwirwi here?” Bonhora harizati richitongodudzwa muBhaibheri.a Muitiro wacho wakanga wakapararira munyika inotaura chiGiriki munguva dzeBhaibheri, uye mashoko anoverengeka echiGiriki aishandiswa kurondedzera muitirowo. Asi hapana rimwe ramashoko aya rinoshandiswa muBhaibheri.
Bonhora zvarisati richishorwa nomutoo wakananga muBhaibheri, kunoreva here kuti iro harizati richikuvadza? Nyangwe napaduku pose! Kunyange zvazvo risati richibatanidzwa nezvivi zvakakomba zvakadai soufeve, bonhora zvamazvirokwazvo muitiro usina kuchena. (VaEfeso 4:19) Nokudaro nheyo dzeShoko raMwari dzinoratidzira kuti iwe “uzvibetsere iwe umene” kupfurikidza nokudzivisa zvakasimba uyu muitiro usina kuchena.—Isaya 48:17.
Kunyandura “Ruchiva Rwevatano”
“Naizvozvo, urayai mitezo yemiviri yenyu,” rinokuchidzira kudaro Bhaibheri, “pamusoro . . . poruchiva rwevatano.” (VaKorose 3:5) “Ruchiva rwevatano” harunongedzeri kukunzwa kwenguva dzose kwevatano asi kuruchiva rusingadzoreki. “Ruchiva rwevatano” rwakadaro runogona kuparira kupinda kwomunhu muzviito zvakakomba, sezvinorondedzerwa naPauro pana VaRoma 1:26, 27.
Asika bonhora harizati richi“uraya” ruchiva irworwo here? Nyangwe, mukupesana, sokubvuma kwakaita imwe pwere: “Paunoita bonhora, unofungisisa mundangariro pamusoro pezvishuvo zvakashata, uye zvinoitwa naikoku kose ndiko kuwedzera ruchiva rwako nokuda kwazvo.” Kazhinji kazhinji mufungo woutere unoshandiswa kuwedzera mufarwa wevatano. (Mateo 5:27, 28) Naizvozvo, kana wapiwa migariro yakanaka, unogona kusatana kupinda muutere. Ikoku kwakaitika kune imwe pwere, inobvuma, kuti: “Pane imwe nguva, ndakafunga kuti bonhora raigona kusunungura kangaidziko pasina kubatanidzwa kwangu nomunhukadzi. Bva ini ndakakudziridza chishuvo chine simba zvikuru chokuita kudaro.” Yakaita ufeve. Nomutoo usingashamisi, nzvero yorudzi rwose yakawadzanyura kuti voruzhinji vavayaruki avo vaiita bonhora vakanga vachiitawo ufeve. Ivo vakapfuura avo vaiva mhandara ne 50 muzana!
Rinosvibisa Ndangariro Nomufungo
Bonhora rinopinzawo zvimiro zvendangariro zvakati kuti zvinoshatisa ndangariro. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:3.) Pakuita bonhora, munhu anonyura mukunzwa kwake amene kwomuviri—anova noudyire chose chose. Vatano inova yakaparadzana norudo uye inoiswa munzvimbo yokunzwa kwomuviri kunogutsa chishuvo chevatano. Asi Mwari akarongedzera kuti zvishuvo zvevatano zvive zvinogutswa muvatano—ratidzirwo yorudo pakati pomurume nomudzimai wake.—Zvirevo 5:15-19.
Muiti webonhora angarerekerawo mukurangarira vemitezo yakasiana savananyajambwa vevatano—midziyo yokugutsa vatano. Zvimiro zvendangariro zvakashata zvinodzidziswa nebonhora nokudaro zvinosvibisa “mudzimu,” womunhu kana kuti murangariro unodzora wendangariro. Mune zvimwe zvinoitika, zvinetso zvinoparirwa nebonhora zvinopfuurira kunyange pashure peroorano! Nokuda kwechikonzero chakanaka, Shoko raMwari rinokuchidzira, kuti: “Vadikanwa, ngatizvichenurei pasvibiso iri yose yenyama nomudzimu.”—2 VaKorinte 7:1.
Murangariro Wakadzikama Wokuva Nemhaka
Pwere zhinji, kunyange zvazvo dzichiwanzobudirira mukukurira uyu muitiro wakashata, panhambo nenhambo dzinokurirwa nawo. Sezvineiwo, Mwari ane ngoni zvikuru. “Nokuti imi, Haiwa Jehovha, makanaka uye makagadzirira kukanganwira,” anodaro wezvamapisarema. (Pisarema 86:5) Apo muKristu anokurirwa nebonhora, mwoyo wake unowanzozvishora. Bva, Bhaibheri rinoreva kuti “Mwari mukuru zvikuru kupinda mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johane 3:20) Mwari anoona zvinopfuura zvivi zvedu. Ukuru hwezivo yake hunomugonesa kunzwa nokunzwira ngoni mikumbiro yedu yapachokwadi nokuda kwekanganwiro. Sokunyora kwakaita imwe mhandara, kuti: “Ini ndakanzwa ndine mhaka kuukuru hwakati kuti, asi kuziva kuti Jehovha ndiMwari ane rudo zvakadini uye kuti iye anogona kuziva zviri mumwoyo wangu uye achiziva nhamburiko dzangu dzose nemirangariro yangu kunondidzivisa kunyanyonzwa ndakapera mwoyo pandinokundikana pane imwe nhambo.” Kana uchirwisa chishuvo chokuita bonhora, hakuzati kuri kunobvira kuti uite chivi chakakomba choufeve.
Chinyorwa cheNharireyomurindi chaSeptember 1, 1959 chechiNgezi, chakati: “Isu ti[nga]zviwana timene tichigumburika nokuwa kazhinji pamusoro pomuitiro wakashata wakapinda zvikuru kwazvo mumuraramire wedu wakare kupfuura zvatakaziva. . . . Rega kupererwa nezano rose zvaro. Rega kutaura kuti iwe wakaita chivi chisingakanganwirwi. Iyeyo ndiyo nzira chaiyo iyo Satani aizoda kuti urangarire nayo. Idi rokuti unozvinzwa iwe umene uchirwadziwa uye uchizvitambudza iwe umene chibvumikiso machiri icho chimene chokuti hauzati wanyanyoenda kure. Rega kupererwa nesimba rokutendeukira nomutoo wokuzvininipisa uye nomwoyo wapachokwadi kuna Mwari, uchitsvaka kanganwiro yake nechenuro nebetsero. Enda kwaari somwana anoenda kuna baba vake paanenge ari munhamo, pasinei zvapo nokuti kazhinji kakadini pamusoro poutera humwe chetehwo, uye Jehovha nengoni achakupa betsero nokuda kwetsitsi dzake dzakakomba uye, kana uri wapachokwadi, iye achakupa mawanirwe ehana yakachena.”
“Hana yakachena” iyeyo inogona sei kuwanwa?
-
-
Bonhora—Ndinogona Sei Kurwisa Kuchidziro?Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
-
-
Ganhuro 26
Bonhora—Ndinogona Sei Kurwisa Kuchidziro?
“KUPINDWA muropa kwakasimba zvikuru,” rakadaro rimwe jaya rakarwisana nebonhora kwaanopfuura makore 15. “Rinogona kuva rakafanana nomuitiro unoumbika somurimo upi noupi kana kuti chinwiwa chinoraradzisa.”
Zvisinei, muapostora Pauro haana kurega zvishuvo zvake zvichiva satenzi anoshusha. Mukupesana, iye akanyora, kuti: “Ndinorova muviri wangu [zvishuvo zvokunyama] ndichiutungamirira somuranda.” (1 VaKorinte 9:27) Akazviomesera amene! Nhamburiko imwe cheteyo ichagonesa munhu upi noupi kurega bonhora.
“Gadzirirai Ndangariro Dzenyu Nokuda Kwechiito”
Vazhinji vanoita bonhora kusunungura kusafaranuka nefunganyo. Bonhora, kunyange zvazvo zvakadaro, inzira youhwana yokuita nayo kuzvinetso. (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:11.) Kuri nani zvikuru kuratidzira “mano okufunga” ndokudenha chinetso icho chimene. (Zvirevo 1:4) Apo zvinetso nekangaidziko zvinoratidzika kuva zvinoremedza, “kandira kufunganya kwako kwose pana [Mwari].”—1 Petro 5:6, 7.
Ngatitii unongoerekana waona kana kuti wanzwa chimwe chinhu chinokuchidzira muvatano? Bhaibheri rinorumbidza, kuti: “Gadzirirai ndangariro dzenyu nokuda kwechiito; ivai vanozvidzora.” (1 Petro 1:13, New International Version) Shandisa ndangariro yako nesimba ndokuramba mufungo woutere. Kuchidziro ichakurumidza kuterama.
Kuramba mifungo yakashata kwakaoma zvikurukuru, kunyange zvazvo zvakadaro, apo mumwe munhu anenge ari oga usiku. Imwe mhandara inopangira, kuti: “Chinhu chakanakisisa chokuita ndechokuburuka pahuvato ndokubatikana norudzi rwakati rwebasa, kana ungava nechokudya chakati, kuti ndangariro yako itendeukire kune zvimwe zvinhu.” Hungu, zvigombedzere iwe umene ‘kurangarira zvinhu zvipi kana zvipi zviri zveitiro hanya yakakomba, zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, zvinosanotaurwa nezvazvo.’—VaFiripi 4:8.
Paunova nechinetso chokurara, tamburira kutevedzera Mambo Dhavhidhi akatendeka, uyo akanyora, kuti: “Kana ndichikurangarirai [Mwari] pahuvato hwangu, mukati mezvirindo zvousiku ndinofungisisa pamusoro penyu.” (Pisarema 63:6) Kugombedzera ndangariro yako kufungisisa pamusoro paMwari namavara ake kunowanzogumisa kuchidziro. Kunobetserawo kana ukaramba uchifunga nezvokuti Mwari anorangarira sei uyu muitiro usina kuchena.—Pisarema 97:10.
Shandisa Nhano Dzinodzivirira
“Munhu akachenjera ndiye anoona ngwavaira ndokupfuurira kuzvivanza amene, asi vasina ruzivo rwokuzviwanira vanopfuura havo uye vanofanira kutambura chirango,” akanyora kudaro murume akachenjera akafuridzirwa. (Zvirevo 22:3) Unogona kuzviratidzira umene kuva akachenjera kupfurikidza nokushandisa kudeya kufunga. Somuenzaniso, kana ukawana kuti kushanda mumibato yakati, kupfeka zvipfeko zvinobata, kana kudya zvokudya zvakati kwakakuparira kuva anonyandurwa muvatano, ipapo napaunogona napo pose dzivisa zvakadaro. Somuenzaniso, zvinwiwa zvinodhakisa zvinogona kuderedza zvirambidzo zvako ndokuita kuti kuzvidzora kuve kwakaoma zvikuru. Uyewo, dzivisa sedenda mabhuku api naapi okurava, mapurogiramu eTV, kana mabhaisikopo ane misoro inonyandura ruchiva rwevatano. “Dzorai meso angu pakuona zviri zvisina maturo,” akanyengetera kudaro wezvamapisarema.—Pisarema 119:37.
Nhano dzinodzivirira dzinogonawo kushandiswa nokuda kwenguva apo iwe unotapurika zvikurukuru. Mhandara ingawana kuti ruchiva rwayo rwevatano rwunova runokura zvikuru panguva dzakati kuti dzomwedzi. Kana kuti munhu angakuvadzika mundangariro kana kupera mwoyo. “Wati wambozviratidzira iwe umene kuva akaora mwoyo muzuva renhamo here? Simba rako richava shoma,” inonyevera kudaro Zvirevo 24:10. Naizvozvo dzivisa kuva oga bedzi kwenhambo refu dzenguva. Rongedzera mibato inovaka ichaita kuti ndangariro yako irambe yakabatikana pamabasa anoda ngwariro, uchiipa banza shoma rokukweverwa kumifungo youtere.
Denho Yomudzimu
Murume ane zera ramakore 27 uyo akanga arwisana nomuitirowo kubvira paakanga ana makore 11 pakupedzisira akakwanisa kuwana rukundo. “Yakanga iri nhau yokupfuurira nedenho,” iye akatsanangura kudaro. “Ndairava Bhaibheri, anenge maganhuro maviri zuva rimwe riri rose pasina rinopfuura.” Iye aita ikoku kwamakore matatu pasina kundikano. Anopangirawo kudaro mumwe muKristu: “Pamberi pokundorara, rava chimwe chinhu chine chokuita nezvinhu zvomudzimu. Kunokosha zvikuru kuti mufungo wokupedzisira wezuva uve chinhu chomudzimu. Munyengetero panguva ino unobetserawo zvikurukuru.”
“Kuva nezvakawanda zvokuita mubasa raShe,” zvakadai sebasa rokudzidzisa vamwe Bhaibheri, kunobetserawo. (1 VaKorinte 15:58) Mumwe mukadzi akakurira bonhora akataura, kuti: “Chimwe chinhu chinondibetsera kudzivisa uyu muitiro ndechokuti somuevhangeri wenguva yakazara ndangariro yangu namasimba angu zvakatendeudzirwa kukubetsera vamwe kuwana ukama hunotenderwa naMwari.”
Kupfurikidza nomunyengetero womwoyo wose, unogonawo kukumbira Mwari nokuda kwe“simba rinopfuura riri renguva dzose.” (2 VaKorinte 4:7) “Dururirai mwoyo wenyu pamberi pake [Mwari].” (Pisarema 62:8) Imwe mhandara inoti: “Munyengetero ishongwe yapakarepo yesimba. Kunyengetera panguva apo chishuvo chinomuka kunobetsera chaizvoizvo.” Uyewo, pakumuka uye muzuva rose, ratidzira kutsunga kwako kuna Mwari uye kumbira nokuda kwomudzimu wake mutsvene unosimbaradza.—Ruka 11:13.
Betsero Inobva Kuna Vamwe
Kana nhamburiko dzako umene dzisati dzichibudirira, ipapo taura kuno mumwe munhu anogona kubetsera, akadai somubereki kana kuti mukuru wechiKristu. Mhandara dzingakuwana kuchibetsera kuvimba nomumwe mukadzi akura wechiKristu. (Tito 2:3-5) Rimwe jaya rakanga rasvika papfundo rokupererwa nezano rose zvaro rakati: “Ini ndakataura nababa vangu tiri toga pahumwe usiku pamusoro pakwo.” Iro rakazivisa, kuti: “Kwakada ushingi hukuru kwazvo kuvaudza. Ndakachema sezvandaivaudza, ndakanzwa kunyara zvikuru. Asi handisati ndichizotongokanganwa zvavakataura. Kupfurikidza nenyemwerero inosimbisira pachiso chavo, ivo vakati: ‘Unondiita kuti ini ndidade newe zvikuru.’ Ivo vaiziva zvandakanga ndichifanira kupfuura nomazviri kuti ndisvike papfundo iroro. Hapana mamwe mashoko aigona kuvigira rukurudziro nokutsunga kwangu anopfuura aya mashoko.
“Baba vangu ipapo vakandiratidzira magwaro mashomanene okundibetsera kuona kuti ndakanga ‘ndisati ndakanyanyoenda kure,’” inopfuurira kudaro pwereyo, “uye ipapo mamwe magwaro okusimbisira kuti ndanzwisisa ukombi hwenzira yangu yakashata. Ivo vakataura kuti ‘ndiite kuzvibata kwakanaka’ kutozosvikira panguva yakati kuti, nokudaro taizokurukurazve panguva iyeyo. Ivo vakandiudza kusakurega kuchindipedza nesimba rose zvaro kana ndikawirazve muchiitocho, kungopfuurira bedzi nhambo refu yenguva ndisingakurirwi munguva inotevera.” Pashure pokukurira chinetsocho zvizere, jaya rakawedzera, kuti: “Kuva nomumwe munhuwo zvake aiziva nezvechinetso changu achindibetsera kwakanga kuri betsero hurusa.”
Kubata Nokuitazve Muitirowo
Pashure pokushanda nesimba kukurira muitirowo, imwe pwere yakatambura kuitazve muitirowo. Iyo yakabvuma, kuti: “Kwakanga kwakaita seibwe rinotswanya riri pamusoro pangu. Ndakanzwa ndisina kukodzera. Ipapo ndakarangarira, kuti: ‘Ndanyanyoenda kure. Handinazve nyasha dzaJehovha, naizvozvo huzviomesererei pachangu?’” Zvisinei, kudzokera kumuitirowo hakuzati kuchireva kuti munhu arashikirwa nokurwa. Mumwe musikana wezera ramakore 19 anoyeuka, kuti: “Pakutanga kwaiitika hunenge usiku huri hwose, asi ipapo ini ndakavamba kuvimba naJehovha zvikuru, uye kupfurikidza nebetsero yomudzimu wake zvino ndokundikana bedzi zvimwe katanhatu pagore. Ndinonzwa zvakashata pashure pakwo, asi nguva imwe neimwe yandinokundikana, apo muedzo unotevera unosvika, ndasimba zvikurusa.” Naizvozvo pashoma napashoma iye ari kukurira mukurwisa kwake.
Apo kuitazve muitirowo kunoitika, nzvera chakatungamirira kwauri. Imwe pwere yakati: “Ndinohwirudzura izvo ndange ndichirava kana ndichifunga pamusoro pazvo. Ndinogona kunongedzera chikonzero nei ndaitazve muitirowo inenge nguva yose. Neiyi nzira ndinogona kurega kuita ikoko ndokukururamisa.”
Tuso Dzokurwa Kwakanaka
Imwe pwere yakakurira bonhora yakati: “Chifo chokukurira chinetsocho, ndinogona kuchengeta hana yakachena pamberi paJehovha, uye ichechi ndichimwe chinhu chandisati ndaizotsinhanisa nechinhu chipi nechipi!”
Hungu, hana yakanaka, pfungwa yakavandudzwa yefaniro dzomunhu oga, simba guru zvikuru retsika, noukama hwapedyo zvikuru naMwari ituso dzose dzokudzivisa kwakanaka bonhora. Imwe mhandara pakupedzisira yakakurira bonhora yakati: “Ndidavirei, rukundo pane uyu muitiro rwunosanofanira nhamburiko dzakashandiswa.”
Mibvunzo Yekurukurirano
◻ Neiko kuri kune ngozi kufungisisa mifungo yorudo? Ko pwere inogona kuitei kuita kuti ndangariro yayo ipinde pane chimwe chinhuwo zvacho?
◻ Inhanoi dzinodzivirira dzingashandiswa nepwere kuderedza muedzo wokupinda mukuita bonhora?
◻ Neiko kurwisa kwomudzimu kuchibetsera?
◻ Ko munyengetero unoita basai mukukurira uyu muitiro?
◻ Neiko kuchibetsera kuvimba nomumwe munhu kana pane chinetso muna ikoku?
-