Kuyamura Mhuri Yedu Yavatendi muBosnia
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA hazvitori rutivi mukurwisa kwezvamatongerwe enyika. (Johane 17:16) Zvisinei, zvichitevera zano raPauro rokuita zvakanaka “zvikurukuru kumhuri yedu yavatendi,” zvinoyamura nokudisa vaKristu biyazvo vari munharaunda dzasakadzwa nehondo. (VaGaratia 6:10, Beck) Sezvo chando cha 1993-94 chakasvika, Zvapupu zvakabva kuAustria neCroatia zvakapinza upenyu hwazvo mungozi kuti zviyamure mhuri yazvo yavatendi muBosnia. Unotevera ndiwo mushumo wazvo.
Kubvira muna March kusvikira muna October 1993, kwakanga kusina mukana wokutumira zvinhu zvokubetsera kuBosnia. Pamavambo aOctober, zvisinei, zviremera zvakaratidza kuti kungava kunobvira kutakura zvinhu. Iri raizongova basa rine ngozi, sezvo kwakanga kune kurwisana kunotyisa munhandare dzehondo dzose dzeBosnia.
Kunyanguvezvo, paChipiri, October 26, 1993, rori dzedu dzakabva muVienna dzakatakura matani 16 ezvokudya nehuni zvavaKristu biyedu vomuBosnia. Takapfeka mabheji edu ekokorodzano yoruwa nokuda kwezivikano.
Pakusvika pamuganho weCroatia neBosnia, takaperekedzwa kumusasa wavarwi uko rori dzedu dzakaongororwa zvakakwana. Chikumbiro chedu chokufamba nomunharaunda yomuSerbia chakarambwa. Kupfuura kwaizobvumidzwa bedzi tichipfuura napakati peBosnia—kupfuura nomunzvimbo chaimo umo kurwa kwakanga kuchiitika!
Nhamburiko Dzisina Maturo Here?
Sezvo vaperekedzi vamauto vakatitungamirira kubva panzvimbo yokunzvera imwe kuenda pane imwe, takanzwa kubhomba kunodzivira nzeve kwaibva kumotokari dzehondo nepfuti. Mukati mousiku, takafamba nomumasango tichiperekedzwa nemotokari dzehondo mbiri nejipi. Rori dzedu dzakananaira nomunhandare mokurwa chaimo! Zvinhu zvose zvakafamba zvakanaka kutozosvikira mangwanani apo mabara akapfurwa pamusoro pamusoro pemisoro yedu uye taifanira kuvanda seri kwechikomo. Pashure penguva yakati kupfura kwakamira, uye takapfuudzira rwendo rwedu.
Apo takasvika pane mumwe musasa, mutungamiriri wehondo akatibvunza kuti taiva vanaani uye icho taida. “Basa renyu rakashurikidzwa kuti rikundikane,” akadaro pashure pokunge tataura chinangwa chedu. “Hamugoni kubuda mumusasa, kunyange kufamba mayadhi mashomanene. Kune nzara huru kwazvo munyika zvokuti vanhu vachakudenhai ndokuba zvinhu zvenyu.” Akatikurudzira kutenderuka ndokudzokera.
Nhamburiko dzedu dzakanga “dzakashurikidzwa kuti dzikundikane here”? Kwakanga kuri kusina maturo here kukarira kuti taizogona kufamba nomunharaunda dzakasakadzwa nehondo uye dzakabatwa nenzara bva tichichengetedza zvinhu zvedu noupenyu hwedu? Chisarudzo chakakomba chaifanira kuitwa. Takanga tatonzwa kurira kwepfuti nokuputika kwamabhomba kunouraya nzeve. Sezvatakapedza usiku tine varwi, taigona kuona kuti vakanga vakagadzirira denho dzokurwa. Vakapfeka zvipfeko zvisingapindi mabara uye vakanga vane zvombo zvikuru. Kunyange mubiki akabereka chigwagwagwa kumusana kwake. Uye hezvo isu takanga takapfeka hembe, tai, uye mabheji! Kwakanga kuri kuchenjera here kuti tipfuurire?
Kusvika paTravnik
Tariro yedu bedzi, yakaratidzika kuti, yakanga iri yokukurukura nebato rakanga richitora rutivi muiyi hondo. Mangwanani akatevera takabvunza mumwe mukadzi muduku kana aiziva kwokuwana dzimbahwe rebato racho. “Hakusiri kure,” akadaro. “Muchingopfuura nomumasango, muchawana chivako icho chaimbova chipatara.” Takanga tichitya kuenda. Varwi vakashamiswa kuti takatsunga kubva mumusasa tisina zvombo.
Chaimbova chipatara chakanga chava matongo, asi mukuru mukuru akanga aripo. Akabvuma kubetsera, achitipa zano kutanga kutaura kumutungamiriri wake wavarwi. Akatitakura mumotokari yake yakabonderwa ndokuchaira achimhanya zvikuru nomunhandare yehondo. Takamira pachivako apo mutungamiriri wavarwi akatigamuchira mukamuri raiva nerima.
“Usiku hwapfuura taida kukupfurai,” akadaro. “Chii chamunoda?”
“Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye tinoda kuendesa zvinhu zvokubetsera kuhama dzedu.”
Akashamiswa zvikuru—uye akaororwa—kwevhiki dzakati pakanga pasina rori dzine zvinhu zvokubetsera dzinoperekedzwa nokuda kwedziviriro dzakanga dzatsunga kupinda muBosnia. Pashure pokunge taongororwa zvakakwana, takapiwa chibvumikiso chakanyorwa. Usiku hwakapfuura hwacho takafunga kuti takanga tisina mukana wokupfuudzira rwendo rwedu, uye zvino taigona kupfuurira tisingaperekedzwi!
Takachaira nomumasango, tichipfuura napanzvimbo yokunzvera imwe pashure peimwe, uye padzimwe nguva takachaira nomunhandare yehondo. Pasinei hapo nengozi yacho, takasvika zvakakotsekana paTravnik. Mumwe murwi akanzwa nezvokusvika kwedu akamhanya kuimba uko hama dzedu dzakanga dzaungana. “Vanhu venyu vasvika nerori!” akadanidzira kudaro. Unogona kufungidzira mufaro wadzo. Takapinza zvokudya mumba, takataura mashoko mashomanene, asika ipapo taifanira kupfuurira. Kwakanga kwava kusviba, uye rwendo rune ngozi rwamakiromita 32 rwakanga ruri pamberi.
Kupfuurira kuZenica
Motokari inoperekedza yakatitungamirira mumasango ichimhanya zvikuru. Vamwe vakataura kuti taisazotongosvika kuZenica, asi takasvika. Rima rakaratidzika kuva rakanga rawira pataundi. Kwakanga kusina magetsi uye kusina motokari mumugwagwa. Zenica yakanga yakombwa pamativi ose, kuchiguma nenzara huru uye kupera mwoyo.
Sezvatakachaira mumugwagwa, takaona chinhu chinoshamisa—hanzvadzi mbiri dzechiKristu dzichipupura! Zuva rakanga rapfuura racho pamusangano wavo, takanzwa kudaro, kwakanga kwasarudzwa kuti hama dzaizofanira kuenda kumasango kundotsvaka zvokudya, sezvo zvokudya zvakanga zvapera. Takasvika panguva chaipo! Takaburutsa zvinhu muimwe yerori nenguva dza 4 kiroko mangwanani, apo kwakanga kusina munhu aiva mumugwagwa.
Zuva rakatevera racho takaona mukuru mukuru wehondo, uyo akashamiswa zvikuru kuti takanga tasvika kuZenica. Zvino takabvunza pamusoro pekwataienda kunotevera, Sarajevo.
“Hapana ati apinda imomo nerori kwemwedzi yakati,” mukuru mukuru wehondo wacho akadaro. Pakupedzisira akatipa mvumo yokuenda mhiri kwamakomo. “Asi ndinokuudzai, kwakaoma,” akanyevera kudaro. “Handina chokwadi kuti rori dzenyu dzakasimba zvakakwana zvokugona kusvika.”
Mukuru mukuru wehondo akanga asina kukatutsira. Apo takanga tasarirwa namakiromita 40 chete kuti tisvike Sarajevo, taifanira kutenderera kwamakiromita 140 nomumasango! Hatisati tichizotongokanganwa rwendo rwokubva kuZenica tichipfuura nomuSarajevo tichienda Jablanica urwo rwakaita mazuva matatu nousiku huviri, kazhinji kazhinji pakumhanya makiromita mashanu bedzi paawa. “Mugwagwa” wacho yakanga iri nzira yakapfumbidzwa nemotokari dzehondo. Takachaira nomumabwe namakomba zvinotyisa. Kazhinji kazhinji taifanira kuchaira tisina magetsi, uye panhambo mbiri rori dzedu dzakadokutsvedzemuka muzvikomo zvine ngozi. Rori yavarwi yaitevera rori dzedu yakabatidza magetsi ayo kwenhambo pfupi chete ndokupfurwa nokukurumidza. Padzimwe nguva taifanira kugadzira mabhiriji akaparadzwa uye kugadzira matayi.
Sezvo takasvika kunzvimbo dziri kunze kweSarajevo, takakumbira kutaura nomukuru mukuru wehondo aitarisira. Tichimirira, takaona rori mumugwagwa yakatakura zvitunha gumi nesaga remisoro; varwi vakanga vachikurukura kuunzwa kwezvitunha—chiono chisingafadzi zvirokwazvo, chichitiita kuti tishuve zuva apo hondo ichapera.—Isaya 2:4.
Na10:00 a.m., mumwe wedu pakupedzisira akabvumirwa kutaura nomukuru mukuru wehondo navakuru vakuru vake mukamuri raive nerima, raijekeswa bedzi nekanduru.
“Ndimi vanaani?” mukuru mukuru wehondo akabvunza kudaro.
“Tiri Zvapupu zvaJehovha. Tinoda kuendesa zvokudya kuZvapupu biyedu muSarajevo.”
“Unoziva here kuti kune Zvapupu zvaJehovha zvakawanda muSarajevo?”
“Hungu, ndicho chikonzero nei tiri pano.”
Ipapo mukuru mukuru wehondo wacho akadudza zita rechimwe Chapupu. “Unomuziva here?”
“Hungu, ishamwari yedu.”
“Ishamwari yanguwo,” mukuru mukuru wehondo wacho akadaro. “Takaenda kuchikoro pamwe chete. Kubvira apo akava Chapupu, ndinomunzwisisa zvinotova zvikuru. Akakuitirai zvakawanda imi vanhu. Tapota tiudzei zvakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha.”
Kurukurirano yeawa imwe yakatevera, iyo pashure payo magazini namabhurocha zvinopfuura gumi nezviviri zvakagoverwa. Pashure pomusangano wechipiri, mukuru mukuru wehondo akabvuma kuita gadziriro chaidzo kuti zvinhu zvokubetsera zvigogona kuendeswa kuhama dzeSarajevo.
Iri rakanga risiri basa duku. Vanhu vanenge 30, kubatanidza vaisava Zvapupu, vakatakura pasuru dzairema anenge makirogiramu 27 imwe neimwe. Vakashanda kubvira na 8:00 p.m. kusvikira na 5:00 a.m. pausiku huviri hwakaparadzana—hwerengedzo yamaawa 18. Mumwe mukuru akarondedzera kuti vavakidzani vake vakashamiswa kwazvo nenhamburiko dzekubetsera zvokuti vakapfugama nehama ndokuonga Jehovha! Chokwadika, ivowo vakagamuchira zvokudya.
Fungidzira mufaro wehama dzedu pakugamuchira makirogiramu 11 000 ezvinhu zvokubetsera! Mamiriro ezvinhu akanga akaoma. Munzvimbomo, kirogiramu imwe youpfu yaiita pakati peDM450 neDM1,000 ($2 400 ne$5 280). Saga rehuni raiita inenge DM400 ($2 080), uye rita redhiziri raiita DM30 ($160).
Kwakanga kwakaita sokunge kuti nokuda kwengozi iri yose yatakatarisana nayo munzira, takanga zvino tatuswa. Takafara kurangarira mufaro wehama dzedu apo dzakagamuchira izvi zvinhu zvokubetsera. Chakanga chiri chinoitika icho ivo—nesu—tisingazotongokanganwi. Asi zvino taifanira kutanga kufunga pamusoro pedenho yokudzokera kumusha.
Kudzokera Kumusha
“Tinodzoka sei?” takabvunza mukuru mukuru wehondo.
“Nenzira imwe cheteyo yamakauya nayo,” akapindura kudaro.
Takanga taneta, tava namafuta emotokari mashoma, uye takanga tisisina matayi omuraudzo. Kwakatanga kunaya, uye taisagona kufamba nomumadhaka. Takabvunza mukuru mukuru wehondo kana taizogona kuenda kumaodzanyemba.
“Kune kurwa kukuru ikoko,” akadaro. “Kunyange mbeva yaisagona kupfuura.” Pashure penguva yakati, zvisinei, akarangarirazve. “Kuedzei,” akadaro. “Pashure pezvose, makasvika kuno.”
Taifanira kusiya rori imwe ndokuparadzira mafuta ayo pakati pedzimwe rori nhatu. Takasimuka pakati pousiku ndokuchaira zvakare tichipinda mumasango.
Rwendo rwedu rwokudzoka rwakanga rusati ruri rusina zvinetso. Takasangana nerori yavarwi yakarara norutivi rwayo, ichivharidzira murutivi bhiriji iro taida kuyambuka. Takaona kuti kana taigona kubvisa rimwe chete ramavhiri ayo, paizova nenzvimbo yakakwana yokupfuura.
Takakumbira murwi akanga ane zvombo. “Tingabvisawo here vhiri ndokuridzorera zvakare pashure pokunge tayambuka bhiriji?”
“Kana mukabata vhiri racho, pfuti yangu ichawana basa rokuita,” murwi wacho akapindura kudaro, akatondeka chombo chake.
Takafunga kuti kwaizova kuri nani kugadzira kofi ndokupa murwi wacho kapu. Kwamaawa akati, takamuudza pamusoro pekokorodzano dzamarudzi ose dza 1991, dzakadai seyakaitwa muZagreb. Pashure paikoko, chimiro chake chendangariro chakapfava, uye akatibvumira kubvisa vhiri racho.
PaJablanica, mumwe wedu akataura kune mumwe mutungamiriri wehondo pamusoro pomugwagwa wataida kufamba nawo. Aisagona kudavira izvo akanga ari kunzwa. “Munoda kupfuura nomuNeretva Valley?”
Akashamisika nenzira inonzwisisika. Mativi egomo eNeretva Valley anodzorwa navarwi vakasiyana-siyana. Anoridzirana pfuti nguva dzose. Kwaanenge makiromita 16, mugwagwa wacho une ngozi. “Ndizvo zvauri,” mukuru mukuru wehondo akadaro, “asi imi munoda kupfuura nemo?”
Pashure pokuyera nhau yacho, mukuru mukuru wehondo akataura kuti taigona kuenda—asi bedzi kana tikaperekedzwa navakuru vakuru. Ava vakuru vakuru, zvisinei, vaizengurira kuenda nesu! Pakupedzisira, takakumbira kuti vangokurukure novokurumwe rutivi ndokuzivisa kupfuura kwedu. Taizoyambuka tisina anotiperekedza mangwanani aitevera acho.
Namabhii makuru, takanyora rori dzedu sedzaitakura yamuro yomutsa. Pashure pokunyengetera, takachaira tichipinda mumupata wacho. Takabvuma kuti kana mabara akapfurwa, taisazowedzera kumhanya kwedu ndokuparira runyumwiro.
Takayambuka bhiriji kurumwe rutivi rwerwizi ndokupfuurira nomumupata waitevera, tichipfuura mitumbi yemhuka uye rori nemotokari dzehondo zvakaparadzwa. Kamwe kamwe takacherekedza zvimbambaira zviri mumugwagwa, zvichiita kuti kusatibvirire kupfuura. Takaridza bhera rerori kutozosvikira varwi vaviri vabuda seri kwerimwe ibwe. “Ndimi vanaani? Chii chamunoda?” vakarayira kudaro.
Pashure pokuzvizivisa timene, takakumbira kana vaizotivhurirawo mugwagwa, uye vakabvuma. Pakupedzisira, takasvika rumwe rutivi.
Varwi ikoko vakashamiswa kutiona. Vakabuda zvishoma nezvishoma munzvimbo dzawo dzokuvanda, vachisvika rori pfuti dzavo dzakatondekwa zvakananga kwatiri. Takaratidza mapepa edu emvumo pamwe nezvikwangwani zvedu zverezinesi, izvo takanga tabvisa nokuda kwezvikonzero zvechengeteko apo takanga tichichaira nomunhandare yehondo.
“Hapana anga achikukarirai,” mumwe murwi akadaro. “Maigona sei kupfuura?”
Mukupesana nechikumbiro chedu, hapana munhu paiyi misasa akanga aziviswa kuti takanga tichiuya! Mukuru mukuru wacho akapfuurira, kuti: “Pfuti dzedu dzanga dzakungwa, uye tanga tava kuda kutanga kuridza.”
Takabvunza chikonzero nei vasina kukuita.
“Handizivi,” murwi wacho akapindura kudaro. “Ndinodavira kuti yakanga iti mhanza yenyu yakanaka. Asi apo takakutarirai nomumagirazi edu, takaona chiratidzo che‘yamuro yomutsa,’ uye hatina kuziva chokuita nemi. Naizvozvo masvika zvakakotsekana.” Gare gare takapa munyengetero womwoyo wose wokuonga Jehovha nokuda kwedziviriro yake.
Kunyange zvazvo mamiriro ezvinhu avo akaoma, mudzimu wehama nehanzvadzi dzedu dzeBosnia unokurudzira. Dzinogoverana zvinhu zvokunyama zvadzinadzo pamwe chete namashoko akawanda okutenda nekurudziro. MuZenica, mune Zvapupu zvinoshingaira 40, kubatanidza mapiyona 2, mapiyona ebetsero 11, uye vanhu 14 vachangobva kubhapatidzwa. Zvapupu 65 pamwe chete namapiyona ebetsero 4 ayo achiri muguta reSarajevo vari kuitisa fundo dzeBhaibheri 134. Zvapupu zvinopedza avhareji yamaawa 20 mwedzi mumwe nomumwe zvichitaura kuvamwe pamusoro pamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.
Zvirokwazvo, Zvapupu zvaJehovha zvinoumba mhuri yenyika yose yavatendi. Zvinoisa upenyu hwazvo mungozi nokudisa kuti zviite zvakanaka kuavo vane ukama nazvo mukutenda—kunyange avo zvisina kutongosangana navo kare. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti zvinovada. Jesu Kristu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Zvirokwazvo izvi ndizvo zvave zvakaita mhuri yedu yavatendi muBosnia.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 24]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Adriatic Sea
AUSTRIA
SLOVENIA
HUNGARY
CROATIA
BOSNIA
Travnik
Zenica
Sarajevo
SERBIA
[Mifananidzo]
Kuendesa yamuro kuBosnia neHerzegovina
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kufamba zvishoma nezvishoma tichipfuura rori yakabheuka