Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Munyori waZvirevo 30:19 akanzwa zvirokwazvo kuti nzira iyo murume anonyengera nayo musikana nemanomano yakanga ichi“shamisa” here?
Iyoyo irevo inobvira yaZvirevo 30:19, iyo sezvinobvumwa isati iri ndima iri nyore kunzwisisa.
Mukutsvaka pfungwa yeiyi ndima, hatifaniri kufuratira mashoko akapoteredza. Pamberi chaipo peichi chikamu chamashoko, munyori akafuridzirwa akaronga zvinhu zvina izvo neimwe nzira yakati zvisati zvichigutswa. (Zvirevo 30:15, 16) Ipapo akaronga iyi ndaza: “Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: Kufamba kwegondo mudenga; kufamba kwenyoka paruware; kufamba kwechikepe pakati pegungwa; nokufamba kwomurume nomusikana.”—Zvirevo 30:18, 19.
Chii chingagona kuve chakava chino“shamisa” muizvi zvinhu zvina?
Zvichida dzichinzwa kuti “shamisa” anofanira kureva chakajeka kana kuti chakanaka, dzimwe nyanzvi dzinotsanangura kuti chimwe nechimwe chezvinhu zvina chinoratidzira uchenjeri hwechisiko chaMwari: kushamisa kwenzira iyo shiri huru inogona kubhururuka nayo, nzira iyo nyoka isina makumbo inogona kuyambuka nayo ruware, nzira iyo chikepe chihombe chinogona kuramba nayo chichiyangaruka mugungwa rakabvongodzeka, uye nzira iyo pwere yakasimba inogona kudana nayo nenzira isina tariro ndokuroorana nomusikana akaisvonaka, uye ipapo vanobereka mwana wohunhu anoshamisa. Mumwe purofesa akawana muzvinhu zvina imwe fanano, kuti chimwe nechimwe chinofamba nenzira itsva nguva dzose—kufamba kwegondo, nyoka, uye ngarava pasina nzira uye kuva rutsva kworudo rwuri kutanga rwavaviri.
Zvisinei, zvinhu zvina hazvifaniri ku“shamisa” mupfungwa yakanaka, sokunge chazvinazvo zvose ndichimwe chinhu chakanaka. Zvirevo 6:16-19 (NW), inoronga “zvinhu izvo Jehovha anovenga.” Uye sezvacherekedzwa, pamberi chaipo pendima dziri kukurukurwa, Zvirevo 30:15, 16 inoronga zvinhu (Sheori, mimba isina mwana, gwenga, uye mwoto unobvira) zvisingatongoti, “Zvaringana!” Zvamazvirokwazvo hazvina kunaka nenzira inoshamisa.
Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “shamisa” pana Zvirevo 30:18 rinoreva “kuparadzanisa, kutsauranisa; kuita chakatanhamara, chechienzi, chinoshamisa.” Chinhu chinogona kuva chakatanhamara, chechienzi, kana kuti chinoshamisa pasina kuva chakanaka. Dhanieri 8:23, 24 (NW), yakadeya kutaura mambo anotyisa uyo aizosakisa dongo “nenzira inoshamisa” ndoku“paradza vane simba,” kubatanidza vatsvene.—Enzanisa naDheuteronomio 17:8; 28:59; Zekaria 8:6.
Ndima inotevera Zvirevo 30:18, 19 ingagovera nhungamiro kumhinduro pamusoro peizvo munyori akawana zvakaoma kunzwisisa. Zvi 30 Ndima 20 inodudza mukadzi mhombwe uyo aka“dya, ndokupisika muromo wake, achiti: ‘Handina kuita chinhu chakaipa.’” Zvichida nokuvandika nounyengeri akanga atadza, asi sezvo pakanga pasina chiratidzo chemhaka yake, aigona kutaura kusava nemhaka.
Pane fanano nendaza yapfuura. Gondo rinokwira mudenga, nyoka inoyambuka ruware, ngarava inopfuura nomumafungu—hapana nechimwe chinosiya chiratidzo, uye kwaizova kwakaoma kuronda nzira yechipi nechipi chezvitatu. Kana ichochi chiri chinowanikwa mune zvose zvezvitatu, zvakadiniko nechechina, “kufamba kwomurume nomusikana”?
Ikokuwo kunogona kuva kusingati rondekei. Jaya ringashandisa mano, kutaura zvakanaka, uye nzira dzinonyengera kupinda zvisingacherekedzwi muzvidakadaka zvemhandara isina mhaka. Ichiva isina ruzivo rwokuzviwanira, ingasaziva manomano aro. Kunyange pashure pokunyengerwa, ingasakwanisa kutsanangura kuti rakaiwana sei; vacherekedziwo vangakuwana kwakaoma kutsanangura. Zvisinei, mhandara dzakawanda dzakarasikirwa norucheno rwadzo kuvanyengeri vane manomano. Kwakaoma kuronda nzira yavarume vanonyengera vakadaro, bva vane nharidzano, sezvinoita gondo riri kubhururuka, nyoka iri kufamba, kana kuti chikepe chiri mugungwa. Navanyengeri, vavariro ndeyokushandisa vatano zvisakafanira.
Nenzwisiso iyoyi pfundo raZvirevo 30:18, 19 harisati riri pamusoro pezvinhu zvesayenzi kana kuti zvokugadzirwa zviri muchisiko. Panzvimbo pezvo, chikamu chacho chamashoko chinotipa nyevero yetsika, kungofanana nokunyevera kunoita Zvirevo 7:1-27 pamusoro pokudzivisa ngozi dzemhombwe inonyengetedza. Imwe nzira iyo hanzvadzi dzechiKristu dzinogona kufungisisa nayo nyevero iri pana Zvirevo 30:18, 19 iri pamusoro pavarume vanonyepedzera kufarira kudzidza Bhaibheri. Kana murume ane ushamwari, kunyange wokubasa biyako, achiratidzika kuva anoratidza fariro yakadaro, hanzvadzi inofanira kumunangidzira kuimwe hama iri muungano. Hama inogona kugutsa fariro ipi neipi yapachokwadi pasina ngozi dzo“murume nomusikana.”