Ganhuro 7
Mutsidzira Rudo Rwuya Rwapakuvamba!
EFESO
1. Ko shoko rokutanga raJesu rinonangidzirwa kuungano ipi, uye anoyeuchidza vatariri nezvechii?
SHOKO raJesu rokutanga nderokuungano iri muEfeso, panguva iyeyo guta raibudirira rapamahombekombe eguta reAsia Minor pedyo nechitsuwa chePatmosi. Iye anoraira Johane, kuti: “Nyorera ngirozi yeungano iri muEfeso, kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura uyo akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, iye unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.” (Zvakazarurwa 2:1) Somuna mamwe mashoko matanhatu, Jesu pano anorereudzira ngwariro kuchinoitika chinoratidzira nzvimbo yake yechiremera. Iye anoyeuchidza vatariri vomuEfeso kuti vakuru vose vari mutarisiro yake amene inodzivirira uye kuti iye ari kunzvera ungano dzose. Kuburukira munguva yedu, iye akapfuurira kushandisa uhwu umusoro hworudo, achirinda vakuru uye achifudza nomutsa vose vanosonganirana neungano. Panguva nenguva, iye anogadziridza gadziriro dzeungano kuti chiedza chigone kupenya nomutoo wakajeka zvikuru. Hungu, Jesu ndiye Mufudzi Mukuru paboka raMwari.—Mateo 11:28-30; 1 Petro 5:2-4.
2. (a) Ko Jesu akarumbidza ungano yeEfeso nokuda kwezvinhui zvakaisvonaka? (b) Izanoi romuapostora Pauro vakuru veEfeso vakanga vateerera sezvinooneka?
2 Jesu ipapo anogadza muenzaniso nokuda kwamashoko ake ose amanomwe kupfurikidza nokuvamba namashoko oushamwari erumbidzo. Nokuda kwavaEfeso, iye ane aya mashoko, saanoti: “Ini ndinoziva mabasa ako, mubato wako netsungiriro, uye kuti iwe haugoni kushivirira vanhu vakashata, uye kuti unoedza ivavo vanoti ivo vaapostora, asi vasiri, uye wakavawana kuva varevi venhema. Uri kuratidzirawo tsungiriro, uye iwe wakashinga nokuda kwezita rangu uye hauna kupera simba.” (Zvakazarurwa 2:2, 3) Makore apamberi, muapostora Pauro akanga anyevera vakuru veEfeso pamusoro pa“mapere anodzvinyirira,” mharadzi dzokutsauka pakutenda dzeboka, uye akanga audza vakuru ivavo ku“ramba vakamuka” vachitevera muenzaniso wake amene wokusaneta. (Mabasa 20:29, 31) Zvino sezvo Jesu anovarumbidza nokuda kwomubato wavo netsungiriro uye nokuda kwokusapera simba, vanofanira kuve vakashandisa zano irero.
3. (a) Ko “vaapostora venhema” vakatsvaka sei kunyengera vakatendeka mumazuva edu? (b) Petro akapa nyeveroi pamusoro pavatsauki pakutenda?
3 Mukati mezuva raShe, makaonekawo “vaapostora venhema” vano“taura zvinhu zvakamonyana kuti vatsause vadzidzi vavatevere ivo vamene.” (2 VaKorinte 11:13; Mabasa 20:30; Zvakazarurwa 1:10) Vanoona runako mumarudzidziso ose amasekete anorwisana, vachikambira havo kuti Mwari haana sangano, uye vanoramba kuti Jesu akagamuchira simba roUmambo muna 1914. Vanozadzika uporofita huri pana 2 Petro 3:3, 4, hunoti: “Mumazuva okupedzisira kuchava navaseki vanokuseka kwavo, vachipfuurira mukuwirirana nezvishuvo zvavo vamene uye vachiti: ‘Kuripiko uku kuvapo kwake kwakapikirwa? Chokwadi, kubvira pazuva rakavata madzibaba edu murufu, zvinhu zvose zvinopfuurira zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubvira pamavambo echisiko.’”
4. (a) Ko rudado norupandukiro zvavaseki zvinoratidzirwa sei? (b) MaKristu nhasi anoratidzira kuti iwo akafanana navaEfeso kupfurikidza nokutora chiitoi mukurwisana navashori vanoreva nhema?
4 Ava vaseki vanopandukira mufungo wokuzivisa pamhene kutenda kwavo. (VaRoma 10: 10) Ivo vakawana tsigiro yavafundisi vechiKristudhomu neyamuro yamapepanhau nenhepfenyuro dzeTV kuparadzira mishumo yenhema pamusoro pevaichimbova vasonganiri vavo. Vakatendeka nokukurumidza vanowana kuti kutaura nomufambiro zvavanyengedzi ivava hazvizati zviri chaizvoizvo. SavaEfeso, maKristu nhasi “havagoni kushivirira vanhu vakashata,” naizvozvo vanovadzinga muungano dzavo.a
5. (a) Ko Jesu akataura kuti vaEfeso vakanga vane uterai? (b) Ko vaEfeso vaifanira kuve vakayeuka mashokoi?
5 Zvisinei, zvino, sezvaanobata neshanu dzeungano nomwe, Jesu anosarudza chinetso chimwe chakakomba. Iye anoti kuvaEfeso: “Hunyanguvezvo, ndinokuwanira iyi mhaka, kuti wakasia rudo rwawakanga unarwo pakutanga.” (Zvakazarurwa 2:4) Ivo vaisafanira kuve vakakundikana muna ikoku, nokuti Pauro akanga avanyorera makore 35 pakuvamba-vamba achitaura nezvo“rudo rukuru [rwaMwari] urwo iye akanga atida narwo,” uye akanga avakurudzira, kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodikanwa, uye rambai muchifamba murudo, seizvo Kristu akakudaiwo.” (VaEfeso 2:4; 5:1, 2) Kupfuurirazve, mashoko aJesu anofanira kuve akanyorwa nomutoo usingadzimiki pamwoyo yavo: “Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe, uye iwe unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nendangariro yako yose nesimba rako rose.” (Marko 12:29-31) VaEfeso vakanga varasikirwa norudo irworwo rwapakutanga.
6. (a) Kunyange tiri vekare kana kuti vasonganiri vatsva muungano, tinofanira kudzivisa ngozii nekombamiro? (b) Ko rudo rwedu nokuda kwaMwari runofanira kutigombedzera kuitei?
6 Kunyange tiri vekare kana kuti vasonganiri vatsva muungano, tinofanira kudzivisa kurashikirwa norudo rwedu rwapakutanga nokuda kwaJehovha. Uku kurashikirwa kungaparirwa nei? Tingabvumidza batano nebasa redu rokunyika, chishuvo chokuita mari yakawanda, kana kuti kurondwa kwomufarwa kuva chinhu chikuru muupenyu hwedu. Nokudaro tingava vanorangarira nomutoo wokunyama panzvimbo pokuva vanorangarira nomutoo womudzimu. (VaRoma 8:5-8; 1 Timotio 4:8; 6:9, 10) Rudo rwedu nokuda kwaJehovha runofanira kutigombedzera kururamisa kombamiro dzipi nedzipi dzakadaro uye ‘kuramba tichitanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake,’ kuti ti‘zvichengetere timene pfuma mudenga.’—Mateo 6:19-21, 31-33.
7. (a) Ko basa redu rinoitirwa kuna Jehovha rinofanira kusundwa nechii? (b) Ko Johane akataurei pamusoro porudo?
7 Basa redu kuna Jehovha ngarisundwe nguva dzose norudo rwakasimba nokuda kwake. Ngativei nokuonga kune mbavarira nokuda kwezvose izvo Jehovha naKristu vakatiitira. Sokunyora kwakaita Johane iye amene gare gare: “Rudo rwuri muchinhu ichi, handi kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida ndokutumira Mwanakomana wake sechibairo chinoyananisira nokuda kwezvivi zvedu.” Johane anopfuurira kutizivisa, kuti: “Mwari rudo, uye iye unorambira murudo unorambira muhumwe naMwari uye Mwari anorambira muhumwe naye.” Tisatongorege rudo rwedu rwuchipera nokuda kwaJehovha, nokuda kwaShe Jesu Kristu, uye nokuda kweShoko benyu raMwari! Isu tinogona kuratidzira urwu rudo musati muchingova bedzi mubasa rokushingaira kuna Mwari asiwo kupfurikidza nokuteerera “uyu murairo watinawo wakabva kwaari, wokuti uyo unoda Mwari unofanira kudawo hama yake.”—1 Johane 4:10, 16, 21; VaHebheru 4:12; onawo 1 Petro 4:8; VaKorose 3:10-14; VaEfeso 4:15.
“Ita Mabasa Apakutanga”
8. Ko Jesu akataura kuti vaEfeso vanofanira kuita sei?
8 VaEfeso ivavo vanofanira kumutsidzira rudo rwavaichimbova narwo kana vasati vachida kurashikirwa. “Naizvozvo,” Jesu anovaudza, “yeuka pane chawakawa pachiri, uye pfidza ndokuita mabasa ako apakutanga. Kana usingaiti, ndiri kuuya kwauri, uye ndichabvisa chigadziko chako chemwenje panzvimbo yacho, kutoti bedzi ukapfidza.” (Zvakazarurwa 2:5) Ko maKristu eungano yeEfeso akagamuchira sei mashoko iwawo? Hatizivi. Isu tinokarira kuti ivo vakapfidza ndokubudirira mukumutsidzira rudo rwavo nokuda kwaJehovha. Kana vasina, ipapoka mwenje wao waizodzimwa uye chigadziko chao chemwenje chaizobviswa. Vaizorashikirwa neropafadzo yao yokuratidzira chiedza chezvokwadi.
9. (a) Ko Jesu akanga ane shokoi rinokurudzira nokuda kwavaEfeso? (b) Ko ungano pashure pezuva raJohane dzakakundikana sei kutetekera zano raJesu rokuvaEfeso?
9 Hunyanguvezvo, Jesu ane iri shoko rinokurudzira nokuda kwavaEfeso: “Zvisinei, iwe une ichi, kuti unovenga mabasa esekete raNikoraiti, andinovengawo.” (Zvakazarurwa 2:6) Zvimwe vaivenga musiano wesekete, seizvo Ishe Jesu Kristu aiuvenga. Zvisinei, makore zvaaipfuura, ungano zhinji dzakakundikana kutetekera mashoko iwawa aJesu. Kushaikwa kworudo nokuda kwaJehovha, nokuda kwezvokwadi, uye nokuda kwomumwe nomumwe kwakaguma nokukukurirwa kwavo murima romudzimu. Ivo vakava vakakamukana mukuva masekete asingaverengeki anorwisana. Nyanzvi dzokunyora makopi dze“chiKristu” dzakanga dzisina rudo nokuda kwaJehovha dzakabvisa zita rimene raMwari mumanyoro echiGiriki eBhaibheri. Kushaikwa kworudo kwakabvumirawo nzvimbo nokuda kwokudzidzisa dzidziso dzechiBhabhironi nedzechiGiriki, dzakadai sehero yomwoto, purigatori, uye Utatu, muzita rechiKristu. Zvavakanga vasina rudo nokuda kwaMwari uye nokuda kwezvokwadi, uzhinjisa hwaavo vaikambira kuva maKristu hwakarega kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Vakava vanodzorwa neboka ravafundisi voudyire rakaita umambo hwarwo rimene pasi pano.—Enzanisa na1 VaKorinte 4:8.
10. Ndoupi wakanga uri mugariro worudzidziso muchiKristudhomu muna 1918?
10 Apo rutongeso rwakatanga neimba yaMwari muna 1918, vafundisi vamasekete vechiKristudhomu vakanga vachipa tsigiro yapamhene kuHondo yeNyika I, vachikuchidzira Vakaturike navaPurotesitendi kumativi ose ari maviri kuurayana. (1 Petro 4:17) Mukusafanana neungano yeEfeso yaivenga zvakanga zvichiitwa nesekete raNikoraiti, marudzidziso echiKristudhomu anguve azerwe nedzidziso dzinopesana, dzinoramba Mwari, uye vafundisi vawo vakanga vasarudza kukumbanirana nenyika, iyo Jesu akati vadzidzi vake vaisafanira kuva rutivi rwayo. (Johane 15:17-19) Ungano dzavo, dzisingazivi musoro weBhaibheri, Umambo hwaMwari, dzakanga dzisati dziri zvigadziko zvemwenje zvinoratidzira mwenje wezvokwadi yapaMagwaro, uyewo mitezo yawo yakanga isati iri rutivi rwetembere yomudzimu yaJehovha. Varume (navakadzi) vavo vakatanhamara vakanga vasati vari nyeredzi asi vakawadzanyurwa kuva mitezo yo“munhu wokusateerera mutemo.”—2 VaTesaronika 2:3; Maraki 3:1-3.
11. (a) Ibokai rechiKristu pamusoro papasi muna 1918 rakashandisa mashoko aJesu okuvaEfeso? (b) Ko boka raJohane rakaitei kubvira muna 1919 zvichienda mberi?
11 Zvisinei, boka raJohane rakabuda mumazuva anotambudza ehondo yenyika yokutanga riine rudo nokuda kwaJehovha uye nokuda kwezvokwadi urwo rwakavagombedzera kumubatira neshingairo yembavarira. Ivo vakadzivisa avo vakaedza kusuma dzidziso dzesekete kupfurikidza chaizvoizvo nokunamata purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Charles T. Russell, pashure porufu rwake muna 1916. Radzidziswa kupfurikidza nezvitambudzo namatambudziko, iri boka rechiKristu rakagamuchira nomutoo wakajeka chisarudzo chokuti “zvaitwa” kuna Tenzi waro nekokero yokupinda mumufaro wake. (Mateo 25:21, 23) Vakaziva mukufambira mberi kwezvinoitika zvenyika, uye nomune zvinoitika zvavo vamene, zadziko yechiratidzo icho Jesu akanga apa kuratidzira kuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo. Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, ivo vakafambira mberi mukugovera imwezve zadziko youporofita hukuru hwaJesu: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 6:9, 10; 24:3-14) Kana rudo rwavo nokuda kwaJehovha rwakanga rwave rwuchishaikwa munzira yakati, rwakakuchidzirwa kuva rimi romwoto kubvira panguva iyeyo zvichienda mberi.
12. (a) Pakokorodzano yenhau muna 1922, idanidziroi yakabudiswa? (b) MaKristu echokwadi akagamuchira zitai muna 1931, uye iwo akapfidza pachii?
12 Pakokorodzano yenhau, yakapindwa ne18 000 yaaya maKristu, paCedar Point, Ohio, U.S.A., September 5-13, 1922, danidziro yakabudiswa, inoti: “Dzokerai kumunda, haiwa imi vanakomana vaMwari wokumusorosoro! . . . Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naShe wamadzishe. . . . Naizvozvo zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Zita rinokosha raJehovha rakanga richiitwa kuti rive rakatanhamara zvikuru. Muna 1931 aya maKristu, akaungana pakokorodzano paColumbus, Ohio, U.S.A., akafara kugamuchira ndokutora zita rakaratidzirwa naMwari muuporofita hwaIsaya—Zvapupu zvaJehovha. (Isaya 43:10, 12) Nechinyorwa chayo chaMarch 1, 1939, zita ramagazini huru yesangano rakachinjirwa kukuva Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha, nokudaro ndokupa rukudzo rukuru kuMusiki wedu nehurumende yake youmambo. Zvapupu zvaJehovha, zviine rudo rwakamutsidzirwa nokuda kwaJehovha, zvakapfidza pakundikano ipi neipi inobvira yokurumbidza nokukudza zita rake rakakurumbira noUmambo.—Pisarema 106:6, 47, 48.
“Kuna Iye Unokunda”
13. (a) Chikomboreroi chaimirira vaEfeso kudai ivo vai‘kunda’? (b) Ko maKristu eEfeso aizo‘kunda’ sei?
13 Pakupedzisira, sezvaanoitawo muna mamwe mashoko ake, Jesu anorereudzira ngwariro kumudzimu waMwari sounozivisa kupfurikidza naJesu tuso dzorutendeko. Kuna vaEfeso iye anoti: “Uyo ane nzeve ngaanzwe zvinoreva mudzimu kuungano: Kuna iye unokunda ini ndichatendera kudya muti woupenyu, uyo uri muparadhiso yaMwari.” (Zvakazarurwa 2:7) Avo vane nzeve dzokunzwa vaizova vanodisisa kutetekera shoko irero rinokosha, vachiziva kuti iro harina kubva mukuzviitira kwaJesu asi kuti iro rakabva kuna Changamire Ishe Jehovha iye amene kupfurikidza nomudzimu mutsvene Wake, kana kuti simba rinobata basa. Ko ivo vaizo‘kunda’ sei? Kupfurikidza nokusanotevera munhano dzaJesu, uyo akachengeta perero kusvikira kurufu uye saizvozvo aigona kuti: “Shingai! Ini ndakakunda nyika.”—Johane 8:28; 16:33; onawo 1 Johane 5:4.
14. Ko “paradhiso yaMwari” yakadudzwa naJesu inofanira kunongedzera kuchii?
14 Sezvo ivo vasina kariro yokurarama muparadhiso yapasi, kunodaro sei kuti maKristu akazodzwa, akadai savaEfeso ivavo, anotuswa nokudya “muti woupenyu, uyo uri muparadhiso yaMwari”? Iyi haingagoni kuva Paradhiso yakadzorerwa pasi pano, sezvo maKristu akazodzwa ane 144 000 kubatanidza naawo eungano yapaEfeso, achidzikinurwa pakati pavanhu kuti abate ushe pamwe neGwayana, Kristu Jesu, paGomo reZioni rokudenga savanakomana vomudzimu. (VaEfeso 1:5-12; Zvakazarurwa 14:1, 4) Nokudaro, nongedzero pano inofanira kuva kunzvimbo yokudenga yakafanana nebindu inogarwa nhaka navakundi ivava. Ikoko, “muparadhiso yaMwari,” hungu, mukuvapo mumene maJehovha iye amene, vakundi ivava vakapiwa kusafa vachapfuurira kurarama nokusingaperi, sezvinofananidzirwa pano nokudya kwavo muti woupenyu.
15. Nei kurudziro yaJesu yokukunda iri yefariro inokosha kuboka guru nhasi?
15 Ko zvino, zvakadiniko navatsigiri vakavimbika vapasi vavakazodzwa vane 144 000? Boka guru reizvi Zvapupu shamwari riri kukurirawo. Asi tariro yaro iri pakupinda muparadhiso yapasi, umo iro richanwa “rwizi rwemvura youpenyu” ndokuwana kuporeswa mu“mashizha emiti” yakasimwa munhivi dzorwizi irworwo. (Zvakazarurwa 7:4, 9, 17; 22:1, 2) Kana iwe uri mumwe weiri boka, ungaratidzira rudo rwako rwoushamwari nokuda kwaJehovha ndokuwana rukundo rwokutenda. Nokudaro ungawana mufaro woupenyu husingaperi muParadhiso yapasi.—Enzanisa na1 Johane 2:13, 14.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamashoko ose oudzame enhau pamusoro pokuoneka kwavaapostora venhema, ona mapeji 175-182 ebhuku rinopinda muhomwe rinonzi Kurangarira muMagwaro, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi riri papeji 36]
Rumbidzo Yorudo Kuna Jehovha nokuMwanakomana Wake
Mubhuku renziyo rakabudiswa navanhu vaJehovha muna 1905, maiva nenziyo zhinji dzinopeta nakaviri dzairumbidza Jesu kupfuura nziyo dzaivamo dzairumbidza Jehovha Mwari. Mubhuku renziyo ravo ra1928, chiverengero chenziyo dzinorumbidza Jesu chakanga chichidokuva chimwe chetecho nechiverengero chenziyo dzinorumbidza Jehovha. Asi mubhuku renziyo razvino uno ra1984, Jehovha anokudzwa nenziyo zhinji dzinowanziridzwa nekana kupfuura zvinoitwa Jesu. Ikoku kuri mutsinhirano namashoko amene aJesu anoti: “Baba vakuru zvikuru kupfuura zvandiri.” (Johane 14:28) Rudo nokuda kwaJehovha runofanira kuva rwakatanhamara, runova pamwe chete norudo rukuru nokuda kwaJesu nokuongwa kwechibairo chake chinokosha nebasa soMuprista Mukuru naMambo.
[Chati iri papeji 34]
Muenzaniso waJesu Wezano
(kududza maganhuro nendima zvaZvakazarurwa)
Chiremera Chinetso Ruramiso Zvikomborero
Shoko chokupa Sumo chinosano- uye/kana zvinovapo
rokuungano zano yerumbidzo ziviswa kurudziro somuuyo
Efeso 2:1 2:2, 3 2:4 2:5, 6 2:7
Pergamo 2:12 2:13 2:14, 15 2:16 2:17
Tiatira 2:18 2:19 2:20, 21 2:24, 25 2:26-28
Sardhisi 3:1 — 3:1, 2 3:3, 4 3:5
Firadherfia 3:7 3:8 — 3:8-11 3:12
Raodhokia 3:14 — 3:15-17 3:18-20 3:21