Tevedzerai Kutenda Kwavo
Akatsigira Kunamata Kwakachena
ERIYA akatarira boka revanhu rainanaira richikwira Gomo reKameri. Kunyange akanga ava mambakwedza, zvaiva pachena kuti vanhu ava vakanga vatamba nhova nourombo uye nzara. Vakanga vayaura kwemakore matatu nehafu mvura isinganayi.
Pakati pavo paiva nevaprofita vaBhaari 450 vaifamba vachizvidhonza, vaitsenga mvura uye vaivenga Eriya, muprofita waJehovha. Mambokadzi Jezebheri akanga aponda vashumiri vaJehovha vakawanda, asi murume uyu akanga achakatsunga kupikisa kunamatwa kwaBhaari. Asi, aizosvikepi? Zvimwe vapristi vacho vaifunga kuti hakuna kwaaizosvika nokuti rume rimwe harikombi churu. (1 Madzimambo 18:3, 19, 20) Mambo Ahabhi akauyawo ari mungoro yake youmambo. Akanga asingatombodiwo kuona Eriya.
Muprofita uyu aiva oga akanga atarisana nezuva raikosha kupfuura mamwe ose muupenyu hwake. Sezvo Eriya akanga akatarisa, aizoona chishamiso chakanga chisati chamboitika munyika pakati pezvakanaka nezvakaipa. Akanzwa sei sezvo zuva iri rakanga rava kusvika? Haana kumborohwa nehana, kunyange zvazvo aiva “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jakobho 5:17) Tinogona kuva nechokwadi cheizvi: Zvaakanga akapoteredzwa nevanhu vakanga vasina kutenda, mambo wavo akaramba kutenda uye nemhondi dzevapristi, Eriya akanzwisisa kuti akanga ari zindoga.—1 Madzimambo 18:22.
Zvisinei, chii chakanga chaita kuti Israeri apinde mutsekwende iyi? Uye nyaya iyi inei chokuita newe nhasi? Bhaibheri rinotikurudzira kunyatsotarisa vashumiri vaMwari vaiva vakazvipira ‘totevedzera kutenda kwavo.’ (VaHebheru 13:7) Chimbofunga nezvomuenzaniso waEriya.
Nyaya Yava Nenguva Inokora Muto
Kwenguva yakawanda youpenyu hwake, Eriya aingotarisa asina zvaaikwanisa kuita sezvo chainyanya kukosheswa munzvimbo yokumusha kwake uye kuvanhu vake chakanga chafuratirwa uye chaitwa chikorobho. Unoonaka, kwenguva yakareba Israeri yakanga iri muhondo, hondo pakati pokunamata kwakachena nokwenhema, pakati pokunamatwa kwaJehovha Mwari nokunamata zvidhori kwaiitwa nemarudzi aive akapoteredza. Muzuva raEriya, hondo iyoyo yakanga yatonyanya kukora muto.
Mambo Ahabhi akanga aroora Jezebheri, mwanasikana wamambo weSidhoni. Jezebheri akanga akatsunga kuita kuti kunamatwa kwaBhaari kupararire munyika yeIsraeri uye kuti kunamatwa kwaJehovha kutsakatiswe. Ahabhi haana kutora nguva kuti aite zvaidiwa naJezebheri. Akavaka temberi neatari yaBhaari uye akanga ari pamberi pakunamata mwari uyu wechihedheni. Akatsamwisa Jehovha chaizvo.—1 Madzimambo 16:30-33.a
Chii chakaita kuti kunamata Bhaari kuve chinhu chakaipa kudaro? Kwainyengera Israeri, kuchitsausa vakawanda pana Mwari wechokwadi. Kunamata kwacho kwaisembura uye kwaiva kwoutsinye. Kwaisanganisira chipfambi chepatemberi chevarume nevakadzi, mitambo youpengo younzenza uye kunyange kupisa vana sezvibayiro. Jehovha akabva atuma Eriya kuna Ahabhi kuti amuudze kuti mvura yaisazonaya kusvikira muprofita waMwari ati zvakwana. (1 Madzimambo 17:1) Pakapfuura makore anoverengeka Eriya asati adzokera kuna Ahabhi ndokumuudza kuti aunganidze vanhu pamwe chete nevaprofita vaBhaari paGomo reKameri.
Saka hondo iyi inorevei kwatiri nhasi? Vamwe vangafunga kuti nyaya yokunamatwa kwaBhaari haichashandi, nokuti mazuva ano hakusisina temberi neatari zvaBhaari. Asi nyaya iyi haisi kungotaura zvakaitika kare chete. (VaRoma 15:4) Shoko rokuti “Bhaari” rinoreva kuti “muridzi” kana kuti “tenzi.” Jehovha akaudza vanhu vake kuti vaifanira kumusarudza sa“bhaari” wavo kana kuti murume wavo. (Isaya 54:5) Haubvumirani nazvo here kuti vanhu vakawanda vachiri kushumira vanatenzi vakasiyana-siyana vasiri Mwari Wemasimbaose? Chokwadi, vanhu vanenge vachisarudza tenzi pavanorarama upenyu hwavo vachitsvaka mari, basa, kutandara, kuita zvepabonde, kana kuti kunamata vamwe vanamwari vasingaverengeki vasiri Jehovha. (Mateu 6:24; VaRoma 6:16) Saka neimwe nzira, zvinhu zvakawanda zvainyanya kuitwa pakunamata Bhaari zvichiri kuitwa nhasi. Nyaya iyi yokuratidza kuti Mwari wechokwadi ndiani pakati paJehovha naBhaari inogona kutibatsira kusarudza nokuchenjera kuti tichashumira ani.
‘Kuva Nemwoyo Miviri’—Sei?
Uri pamusoro peGomo reKameri pane mhepo, unogona kuona nzvimbo yakakura yeIsraeri, kubva kumupata une rukova weKishoni unenge uri nechezasi kusvika kuGungwa Guru (Gungwa reMediterranean) riri pedyo kusvika kumakomo eRebhanoni anenge achionekera mujengachenga nechokuchamhembe.b Asi sezvo zuva rinobuda pamusi uyu usingakanganwiki, nyika haifadzi kuona. Nyika yakaorera yaive yapiwa vaIsraeri naJehovha yaoma. Yakanga yave nyika yaive yapiswa nezuva, yakanganiswa noupenzi hwevanhu vaMwari. Sezvo vanhu vaiungana, Eriya akaenda kwavari akati: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini? Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei; asi kana ari Bhaari, muteverei.”—1 Madzimambo 18:21.
Eriya airevei nemashoko okuti “muine mwoyo miviri”? Vanhu ivavo vakanga vasingazivi kuti vosarudza kunamata Jehovha here kana kuti Bhaari. Vaifungidzira kuti vaigona kurova shiri mbiri nedombo rimwe chete, kuti vaigona kufadza Bhaari nemitambo yavo yaisembura asi voramba vachikumbira kufarirwa naJehovha Mwari. Zvimwe vaifunga kuti Bhaari aizokomborera zvirimwa nezvipfuwo zvavo, ukuwo “Jehovha wemauto” achizovadzivirira muhondo. (1 Samueri 17:45) Vakanga vakanganwa chokwadi chinokosha chokuti Jehovha anoda kunamatwa iye oga, chokwadi chisati chava kunzwisiswa nevakawanda. Anoda zvikuru kunamatwa iye oga uye ndizvo zvakamukodzera. Haadi kunamatwa pamwe chete nevamwe vanamwari, uye zvinotomugumbura!—Eksodho 20:5.
Saka vaIsraeri ivavo vaiva ne“mwoyo miviri” sezvinoita munhu anoedza kufamba nenzira mbiri nguva imwe chete. Nhasi vanhu vakawanda vari kuita chikanganiso chakafanana, vachibvumira vamwe vana“bhaari” kuti zvishoma nezvishoma vave muupenyu hwavo, zvichivakanganisa kunamata Mwari! Kushevedzera kwechimbichimbi kwakaitwa naEriya achiudza vanhu kuti varege kuva nemwoyo miviri kunogona kutibatsira kuongororazve zvatinoisa pakutanga uye manamatiro edu.
Muedzo Usingakanganwiki
Eriya akazoti ngatirege kuyera nyoka negavi iyo iripo. Zvavaifanira kuita zvaiva nyore zvikuru. Vapristi vaBhaari vaifanira kugadzira atari voisa chibayiro pairi; zvadaro vaifanira kunyengetera kuna mwari wavo kuti abatidze moto wacho. Eriya aizoitawo zvakafanana. Akati: “Mwari wechokwadi achapindura nomoto ndiye Mwari wechokwadi.” Eriya ainyatsoziva kuti Mwari wechokwadi ndiani. Kutenda kwake kwakanga kwakasimba zvokuti haana kuzeza kuti vaprofita vaBhaari ivavo vatange ivo kunyengetera kuna mwari wavo. Akaita kuti zvinakire vaimushora ava, achiita kuti vasarudze nzombe yavaida kuzobayira kuna Bhaari uye vatange ivo kunyengetera kwaari.c—1 Madzimambo 18:24, 25.
Nguva yatiri kurarama haisi yezvishamiso. Zvisinei, Jehovha haana kuchinja. Tinogona kumuvimba sezvaingoita Eriya. Somuenzaniso, vamwe pavanoramba zvinodzidziswa neBhaibheri, hatifaniri kutya kuvarega vachitaura zvavanoda. SaEriya, tingatarisira kuti Mwari wechokwadi agadzirise nyaya yacho. Tinoita izvozvo nokuvimba neShoko rake rakafuridzirwa, rakagadzirirwa “kururamisa zvinhu,” kwete kuzvivimba.—2 Timoti 3:16.
Vaprofita vaBhaari vakagadzira chibayiro chavo vakatanga kudana mwari wavo. Vakashevedzera vashevedzerazve vachiti, “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Vakaswerera vachingodaro. Bhaibheri rinoti: “Asi kwakanga kusina inzwi, uye hapana aipindura.” Ava masikati Eriya akatanga kuvaseka, achivatsvinyira kuti Bhaari anofanira kunge akabatikana zvokuti haagoni kuvapindura, kuti ari kuchimbudzi, kana kuti akotsira uye pane anofanira kumumutsa. Eriya akakurudzira vanhu vainyepedzera ivavo achiti: “Shevedzerai kwazvo.” Zviri pachena kuti kunamata Bhaari uku kwaiva kwokunyepedzera, uye aida kuti vanhu vaMwari vaone kuti hwaiva unyengeri.—1 Madzimambo 18:26, 27.
Vapristi vaBhaari vakabva vatonyanya kuita sevaipenga, “vakatanga kushevedzera kwazvo, vachizvicheka nemapanga nemapfumo marefu maererano netsika yavo, kusvikira vaita kuti ropa riyerere pavari.” Zvose izvi hazvina zvazvakabatsira. “Kwakanga kusina inzwi, hapana aipindura, uye hapana aiteerera.” (1 Madzimambo 18:28, 29) Zvechokwadi, kwakanga kusina munhu ainzi Bhaari. Aingova mazano aSatani okunyengedza vanhu kuti vabve kuna Jehovha. Kubvira kare nazvino, kusarudza mumwe tenzi asiri Jehovha kunoodza mwoyo, kunyange kutonyadzisa.—Pisarema 25:3; 115:4-8.
Mhinduro Yacho
Zuva rava kuzonyura, jana raEriya rakasvika. Akagadzira atari yaJehovha yakanga yaputswa nevaivenga kunamata kwakachena. Akashandisa matombo 12, zvimwe achiyeuchidza vakawanda vemadzinza gumi aIsraeri kuti vakanga vachiri kufanira kuteerera Mutemo wakapiwa madzinza 12. Zvadaro akaisa chibayiro chacho uye akaita kuti zvose zvidirwe mvura, ingadaro yakatorwa muGungwa reMediterranean raiva pedyo. Akatoita kuti mugero ucherwe paatari yacho, akauzadzawo nemvura. Sezvaakanga aita kuti zvive nyore kuvaprofita vaBhaari, akaita kuti zvisava nyore kuna Jehovha, kuratidza kuti aiva nechivimbo muna Mwari wake.—1 Madzimambo 18:30-35.
Zvinhu zvose pazvakanga zvaita, Eriya akanyengetera. Munyengetero wacho waiva wakajeka wakaratidza pachena zvaikosheswa naEriya. Chokutanga, aida kuti zvizivikanwe kuti Jehovha ndiye aiva “Mwari pakati paIsraeri,” kwete Bhaari uyu. Chechipiri, aida kuti munhu wose azive kuti iye aingova mushumiri waJehovha; kukudzwa kwose nembiri zvaifanira kuenda kuna Mwari. Pakupedzisira, akaratidza kuti aiva nehanya nevanhu vake, nokuti aitarisira chaizvo kuona Jehovha achi“dzosa mwoyo yavo.” (1 Madzimambo 18:36, 37) Pasinei nenhamo yose yakanga yakonzerwa nokusatendeka kwavo, Eriya akanga achiri kuvada. Patinenge tichinyengetera kuna Mwari, zvingaita here kuti tiratidze kuti tine hanya nezita raMwari, kuti tinozvininipisa uyewo tinonzwira urombo vaya vanoda kubatsirwa?
Eriya asati anyengetera, vanhu vaivapo vangadaro vainetseka kana Jehovha aizovaodza mwoyo sezvakanga zvaita Bhaari. Zvisinei, anyengetera, hazvina kutora nguva. Nhoroondo yacho inoti: “Moto waJehovha wakabva waburuka, ukapisa chinopiwa chinopiswa nehuni nematombo neguruva, ukananzva mvura yaiva mumugero.” (1 Madzimambo 18:38) Vakapindurwa zvinoshamisa zvikuru! Asi vanhu vacho vakaita sei?
Vose vakashevedzera vachiti, “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” (1 Madzimambo 18:39) Pakupedzisira chokwadi chakabuda pachena. Zvisinei, vakanga vasati varatidza kuti vane kutenda. Kutaura zvazviri, kubvuma kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi pashure pokuona moto uchibva kudenga papiwa munyengetero hakusi kuratidza kutenda. Saka Eriya akakumbira kuti vaite zvimwe zvairatidza kuti vaiva nokutenda. Akati vaite zvavangadai vakaita makore akawanda akanga adarika, kuteerera Mutemo waJehovha. Mutemo waMwari waiti vaprofita venhema nevainamata zvidhori vaurayiwe. (Dheuteronomio 13:5-9) Vapristi vaBhaari vaiva vavengi vaJehovha Mwari vakazvipira vaiita nemaune zvaipesana nezvinangwa zvake. Zvakanga zvakakodzera kuti vanzwirwe ngoni here? Vana vaya vakapiswa vari vapenyu vachipiwa sezvibayiro kuna Bhaari vakanzwirwa ngoni here? (Zvirevo 21:13; Jeremiya 19:5) Aiwa, varume ivavo vakanga vasina kukodzera kunzwirwa ngoni. Naizvozvo Eriya akarayira kuti vaurayiwe, uye ndozvakaitika.—1 Madzimambo 18:40.
Vamwe vatsoropodzi vemazuva ano vanoshora maperero azvakaita paGomo reKameri. Vamwe vanganetseka kuti vaya vanonyanyisa mune zvechitendero vangazvishandisa kuti vaitire zvimwe zvitendero utsinye. Zvinonzwisa tsitsi kuti mazuva ano kune vakawanda vanonyanyisa kuita utsinye mune zvechitendero. Zvisinei, Eriya akanga asiri munhu anonyanyisa. Akanga ari kuita zvaidiwa naJehovha. Uyezve, vaKristu vechokwadi vanoziva kuti havagoni kuita zvakaitwa naEriya zvokuuraya vakaipa. Mesiya auya, zvinofanira kuitwa nevadzidzi vaJesu vose zvakataurwa naKristu kuna Petro, zvokuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Jehovha achaita kuti Mwanakomana wake aruramisire mune ramangwana.
MuKristu wechokwadi anofanira kurarama upenyu hwokutenda. (Johani 3:16) Imwe nzira yokuita izvozvo ndeyokutevedzera varume vaiva vakatendeka saEriya. Ainamata Jehovha chete uye akakurudzira vamwe kuti vadarowo. Noushingi akafumura chitendero chaishandiswa naSatani kuti abvise vanhu kuna Jehovha achiratidza kuti ndechenhema. Uye aivimba kuti Jehovha aizogadzirisa nyaya yacho pane kuvimba nemano ake nezvaaigona kuita. Chokwadi, Eriya akatsigira kunamata kwakachena. Dai mumwe nomumwe wedu akatevedzera kutenda kwake!
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko ezvakanga zvamboitika pakati paEriya naAhabhi, ona nyaya inoti “Une Kutenda Kwakafanana nokwaEriya Here?” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 1992.
b Kazhinji Gomo reKameri rinogara rakasvibira, nokuti mwando unobva mugungwa paunokwidza gomo unowanzounza mvura uye dova rakawanda. Sezvo Bhaari ainzi ndiye anounza mvura, zviri pachena kuti gomo iri raiva nzvimbo yaikosha pakunamata Bhaari. Kameri rakanga raoma risisina miti ndiro rakava nzvimbo yakanaka zvikuru yokufumura kunamata Bhaari.
c Eriya akavaudza kuti: “Musaisa moto” pachibayiro. Dzimwe nyanzvi dzinoti dzimwe nguva vanonamata zvidhori vakadaro vaishandisa atari dzaiva neburi pasi kuitira kuti zvigoita sokuti moto wangobvira woga.
[Mashoko okukwezva vateereri ari papeji 20]
Kusarudza mumwe tenzi asiri Jehovha kunoodza mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 21]
“Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!”