Vaverengi Vanobvunza Kuti
Kana Adhamu Aiva Akakwana, Sei Akazoita Chivi?
Zvaiita kuti Adhamu aite chivi nokuti Mwari akamusika aine chipo chorusununguko uye kodzero yokusarudza muupenyu hwake. Chipo ichi hachipesani nechokwadi chokuti Adhamu aiva akakwana. Kutaura chokwadi, Mwari chete ndiye akakwana zvokuti haamboiti chivi. (Dheuteronomio 32:3, 4; Pisarema 18:30; Mako 10:18) Kukwana kungaita mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu kune pakunogumira. Somuenzaniso, banga ringashandiswa kunyatsocheka nyama zvakanaka, asi ungarishandisa kunwisa muto here? Kukwana kwechinhu kunogumira pabasa racho chete.
Saka, Mwari akasikirei Adhamu? Mwari aida kushandisa Adhamu kuti pave norudzi rwevanhu vakangwara vane rusununguko rwokusarudza. Vaya vaida Mwari nenzira dzake, vaizoratidza izvi nokusarudza kuteerera mitemo yake. Saka vanhu havana kusikwa vaine pfungwa dzokumuteerera vasingazvisarudziri asi vaizomuteerera vachida uye zvichibva mumwoyo. (Dheuteronomio 10:12, 13; 30:19, 20) Kudai Adhamu akanga asina rusununguko rwokusarudza kusateerera mitemo yaMwari, aizova munhu asina kukwana. Bhaibheri rinoratidza kuti Adhamu akashandisa sei rusununguko rwokusarudza parinoti akatevedzera mudzimai wake pakusateerera mutemo waMwari waiva nechokuita no“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesisi 2:17; 3:1-6.
Saka, Mwari akasika Adhamu ari munhu akanga asingakwanisi kusarudza zvakanaka nezvakaipa here, zvichiita kuti asagona kusarudza nokuchenjera kana kuti kukunda muedzo? Adhamu asati atadza, Jehovha Mwari akanga aongorora zvisikwa zvose zvaiva panyika, kusanganisira vanhu vaviri vokutanga, uye akaona kuti “zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Genesisi 1:31) Naizvozvo, pakatadza Adhamu, hazvina kureva kuti Musiki wake akanga akanganisa kumusika asi mhosva yakanga iri yaAdhamu. (Genesisi 3:17-19) Adhamu aifanira kutungamirirwa nokuda Mwari uye kuda zvakanaka kuti amuteerere kupfuura zvinhu zvose, asi akakundikana.
Fungawo kuti Jesu paaiva pano pasi aiva munhu akakwana saAdhamu. Asi Jesu, kusiyana nevamwe vazukuru vaAdhamu, akanambwa nomudzimu mutsvene, saka haana kugara nhaka yechivi. (Ruka 1:30, 31; 2:21; 3:23, 38) Jesu akasarudza kuramba akavimbika kuna Baba vake pasinei nemiedzo yakaipisisa. Adhamu paakasarudza zvaaida, akanga aine mhosva yokutadza kuteerera mutemo waJehovha.
Saka, nei Adhamu akasarudza kusateerera Mwari? Aifunga here kuti aizonatsiridza mamiriro ake ezvinhu neimwe nzira? Kwete, nokuti muapostora Pauro akanyora kuti “Adhamu haana kunyengerwa.” (1 Timoti 2:14) Zvisinei, Adhamu akasarudza kutevedzera zvaida mudzimai wake, uyo akanga asarudza kudya muti waiva warambidzwa. Aida kufadza mudzimai wake kupfuura kufadza Musiki wake. Chokwadi, paakapiwa muchero wakanga warambidzwa, Adhamu angadai akambomira achifunga kuti kusateerera kwaizokanganisa sei ukama hwake naMwari. Adhamu haana kukwanisa kukunda muedzo, kusanganisira waibva kumudzimai wake, nokuti Adhamu akanga asingadi Mwari zvakadzama.
Adhamu akatadza asati ava nevana, saka vanhu vose vomudzinza rake vakaberekwa vasina kukwana. Asi saAdhamu, tine chipo chokusarudza zvatinoda. Ngatisarudzei kufungisisa tichionga kunaka kwaJehovha uye tidzamise kuda kwatinoita Mwari, munhu watinofanira kuteerera uye kunamata.—Pisarema 63:6; Mateu 22:36, 37.