RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Apo Chirwere Chisingaperi Chinopinda Mumhuri
    Mukai!—2000 | June 8
    • Apo Chirwere Chisingaperi Chinopinda Mumhuri

      MUFARO wemhuri yekwaDu Toit uri mumhuri yacho yose. Kudanana kwavanoita chinhu chinofadza kuona. Uchisangana navo, haumbofi wakafungidzira kuti vakatsungirira nguva yakaoma kwazvo.

      Kutanga, apo dangwe ravo, Michelle, rakanga rine makore maviri, Braam naAnn vakaziva kuti rakanga rine chirwere chisingaperi charakaberekwa rinacho chinoita kuti tsandanyama dzishaiwe simba.

      “Chiriporipocho,” anotsanangura kudaro Ann, amai vacho,, “unofanira kudzidza nzira yokukunda nayo chirwere chisingaperi chinotambudza. Unoona kuti upenyu hwemhuri hahuzovi sezvahwaiva.”

      Asi pashure pokunge mumwe mwanasikana nemwanakomana vaberekwa, imwe nhamo yakawira mhuri iyi. Rimwe zuva apo vana vatatu ava vakanga vachitamba panze, vasikana vaviri vacho vakauya mumba vachimhanya. “Amai! Amai!” vakadanidzira. “Uyai nokukurumidza. Uyai muone zvaitika kuna Neil!”

      Achimhanyira panze, Ann akaona musoro waNeil ane makore matatu wakarerekera divi rimwe chete. Akanga asingakwanisi kumisa musoro wake wakati tasa.

      “Ndakarohwa nehana zvikuru,” anoyeuka kudaro Ann, “uye zvakaitika nguva imwe chete. Ndakarwadziwa mwoyo kuti aka kakomana kane utano hwakanaka, kaifanira kurarama nedambudziko rakanga riine hanzvadzi yacho huru rokushaya simba mutsandanyama.”

      “Mufaro wokutanga nemhuri ine utano hwakanaka,” vanodaro baba vacho, Braam, “wakanyangarika nenguva isipi zvichikonzerwa neimwe yenhamo huru kwazvo yatati tava nayo.”

      Pakupedzisira Michelle, pasinei nokurapwa zvakanaka kwazvo muchipatara, akafa nemhaka yematambudziko akakonzerwa nokurwara kwake. Aingova nemakore 14 chete panguva iyoyo. Neil achiri kurwisana nezvakakonzerwa nechirwere chake.

      Izvi zvinomutsa mubvunzo wokuti, Mhuri dzakaita seyekwaDu Toit dzinokunda sei nhamo yokuva nenhengo yemhuri inorwara zvisingaperi? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, regai tiongorore dzimwe nzira idzo mhuri dzinotambura nadzo nechirwere chisingaperi.

  • Chirwere Chisingaperi—Inhau Yemhuri
    Mukai!—2000 | June 8
    • Chirwere Chisingaperi—Inhau Yemhuri

      CHIRWERE chisingaperi chii? Zvichitaurwa zviri nyore, chirwere chinogara kwenguva refu. Uyezve, mumwe purofesa anotsanangura chirwere chisingaperi se“utano hunenge hwachinja husingarapwi nokuvhiya kuri nyore kana kuti kunwa mishonga kwenguva pfupi.” Chinoita kuti chirwere chisingaperi kana kuti zvachinoita ive nhamo huru hachisi chirwere chacho sezvachiri chete uye mishonga yacho asi kuti chinofanira kutsungirirwa kwenguva refu.

      Uyezve, haasi murwere chete anowanzotambudzwa nechirwere chisingaperi. “Vanhu vakawanda inhengo dzemhuri,” rinodaro bhuku rinonzi Motor Neurone Disease—A Family Affair, “uye kurwadziwa kukuru nokunetseka kunoita [murwere wacho] kuchaitwawo navanhu vari pedyo naye.” Izvi zvakatsigirwawo nevamwe amai vakanga vane mwanasikana aiva nekenza. “Nhengo yoga yoga yemhuri inotambura,” vanodaro, “kunyange vachizviratidza kana kuti kwete, uye kunyange vachizviziva kana kuti kwete.”

      Chokwadi, haasi munhu wose achatambura zvakadaro. Zvisinei, kana nhengo dzemhuri dzichinzwisisa kuti chirwere chisingaperi chinobata vanhu vose zvavo, zvimwe dzichagadzirira zviri nani kutarisana nenhamo chaiyo inovapo mumamiriro avo ezvinhu. Uyezve, kana avo vasiri nhengo dzemhuri—vokubasa, vokuchikoro, vavakidzani, shamwari—vakanzwisisa kurwadza kwechirwere chisingaperi, vachakwanisa kubatsira zviri nani nomwoyo wose. Tichifunga izvi, ngationgororei dzimwe nzira idzo mhuri dzingatambudzwa nechirwere chisingaperi.

      Rwendo Munyika Isingazivikanwi

      Zvinoitika kumhuri yawirwa nechirwere chisingaperi zvingafananidzwa nokuenda kwayo parwendo rwokunyika isingazivikanwi. Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zvingava zvakafanana nezviri kunyika yokumusha kwemhuri yacho, zvimwe zvinhu zvichava zvisina kujairika kana kuti zvakatosiyana zvachose. Apo chirwere chisingaperi chinobata nhengo yemhuri, zvinhu zvakawanda zvinoramba zvisina kuchinja mumararamire emhuri yacho. Zvisinei, zvimwe zvinhu zvichava zvakasiyana chaizvo.

      Kutanga, chirwere choga chingachinja zvinhu zvemhuri zvezuva nezuva ndokumanikidza nhengo imwe neimwe kuti ichinje kuitira kuti vakunde. Izvi zvinotsigirwa naHelen ane makore 14, ana amai vanotambura nokuora mwoyo kusingaperi. “Tinochinja zvinhu zvedu kuitira kuti zvienderane nezvingagona kuitwa kana kuti zvingasagona kuitwa naAmai chero zuva ripi zvaro,” anodaro.

      Kunyange kurapa—kunoitirwa kuti kunyaradze chirwere chacho—kunogona kukonzera kumwe kuvhiringidza maitirwe matsva ezvinhu nemhuri yacho. Funga nezvemuenzaniso waBraam naAnn, vataurwa munyaya yatangira ino. “Taifanira kuchinja zvinhu zvakawanda kwazvo muupenyu hwedu hwezuva nezuva nemhaka yokurapwa kwevana vedu,” anodaro Braam. Ann anotsanangura kuti: “Taienda nokudzoka kubva kuchipatara zuva nezuva. Uye, mukuwedzera kune izvozvo, chiremba akati taifanira kupa vana zvokudya zvishoma katanhatu pazuva kuti vawane zvokudya zvavaishaya zvichikonzerwa nechirwere chavo. Kwandiri, zvaireva nzira itsva zvachose yokubika.” Nhamo yakatokura zvikuru yaiva yokubatsira vana kurovedza tsandanyama sezvakanga zvataurwa nachiremba. “Izvozvo,” anoyeuka kudaro Ann, “zvaiva hondo yezvinodiwa nezvisingadiwi nevana.”

      Sezvo murwere anochinja kuti awirirane nezvinhu zvisingafadzi zvinenge zvichiitika—uye pane dzimwe nguva kurwadza—kwokurapwa uye kuongororwa navanachiremba, anobva anyanya kuvimba nemhuri kuti abatsirwe uye atsigirwe mupfungwa. Somugumisiro, nhengo dzemhuri hadzingofaniri bedzi kudzidza zvinhu zvitsva kuti dzitsigire murwere asi kuti dzinomanikidzwa dzose kuchinja maitiro, pfungwa, mararamiro adzo uye zvinhu zvadzinoita zuva nezuva.

      Zvinonzwisisika kuti zvose izvi zvinoda kuti mhuri itsungirire kwazvo. Amai vane mwanasikana aiva muchipatara achirapwa kenza vanotsigira kuti zvinogona “kuva zvinonetesa kwazvo kukunda zvinogona kufungidzirwa nomumwe munhu.”

      Kusaziva Zvichaitika Kunoramba Kuripo

      “Kunyanyisa nokumboita nani kwechirwere chisingaperi kunoramba kuchiitika kunoita kuti pave nokusaziva chichaitika kunotyisa,” rinodaro bhuku rinonzi Coping With Chronic Illness—Overcoming Powerlessness. Kungofanana neapo nhengo dzemhuri dzinenge dzichichinjira kumamwe mamiriro ezvinhu, vangatova neakanyanya kuoma kana kuti anonetsa kunzwisisa. Zviratidzo zvingava zvakasiyana-siyana kana kuti zvingachinja kuva zvakaipa kwazvo, uye kurapa kungatadza kuita kuti zviite nani sezvinotarisirwa. Kurapa kungafanira kuchinjwa nguva nenguva kana kuti kungaguma nematambudziko asingafanooneki. Sezvo murwere anonyanya kuda kubatsirwa nevamwe vari mumhuri iri kutamburira kuti ibatsire, kuzvidzora kwaivapo kunogona kungoerekana kwapera.

      Kusafanofungidzirika kwakaita zvirwere zvakawanda nemishonga kunoita kuti paerekane pava nemibvunzo yakadai seiyi: Izvi zvicharamba zvichiitika kusvika rini? Kurwara uku kuchanyanya kusvika papi? Tingatsungirira kusvika papi? Chirwere chisina tariro chingaita kuti pave nokunetseka kusinganzvengeki—“Zvichatora nguva yakareba sei rufu rusati rwauya?”

      Urwere hwacho, kuenda kunorapwa, kupera simba uye kusaziva zvichaitika zvose zvinoungana kuita murwi womugumisiro usingazivikanwi.

      Zvazvinoita Paupenyu Munzanga

      “Ndaifanira kukunda kunzwa ndiri ndoga uye ndakamanikidzwa,” anotsanangura kudaro Kathleen, ane murume akatambura kuora mwoyo kusingaperi. “Mamiriro acho ezvinhu akanga akaipa kwazvo,” anopfuurira kudaro, “nokuti takanga tisingakwanisi kukoka vamwe kuzotandara kana kuti kubvuma pataikokwa. Pakupedzisira, takanga tisisina shamwari.” Kufanana naKathleen, vakawanda vanoguma vava kuedza kukunda kunzwa vaine mhaka yokusagamuchira vaenzi nokusabvuma kuenda kwavanenge vakokwa. Nei izvi zvichiitika?

      Urwere pachahwo kana kuti marwadzo anokonzerwa nemishonga zvingaita kuti zviome kana kuti zvisabvire kuenda kunotandara nevamwe. Mhuri pamwe chete nemurwere vanganzwa sokuti chirwere chacho chine zvachinoita munzanga, kana kuti vangatya kuti kuchakonzera nyadzi. Kuora mwoyo kungaita kuti murwere anzwe asingakoshi kushamwari dzekare, kana kuti mhuri ingava isisina simba rokutandara. Nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana, chirwere chisingaperi chinogona zviri nyore kuguma nokuzviita vana zindoga uye kusurukirwa kwemhuri yose.

      Uyezve, haasi munhu wose achaziva zvokutaura kana kuti zvokuita kana ari pane munhu ari kurwara. (Ona bhokisi rakanzi “Kutsigira Kwaungaita,” riri papeji 19.) “Kana mwana wako akasiyana nevamwe vana, vanhu vakawanda vanongoyeva votaura zvinhu zvisina musoro,” anodaro Ann. “Chokwadi ndeichi, unogona kuzvipa mhaka yokurwara kwacho, uye zvavanotaura zvinongowedzera bedzi kunzwa uine mhaka kwaunoita.” Zviri kutaurwa naAnn zvine chokuita nezvimwe zvingaitika kumhuri.

      Pfungwa Dzinotambudza Kwazvo

      “Panguva inoonekwa chirwere chacho, mhuri dzakawanda dzinorohwa nehana, kusadavira, uye kuramba,” anodaro mumwe anotsvakurudza ruzivo. “Hazvigoni kutsungirirwa.” Hungu, zvinogona kuvhiringidza chaizvo kuziva kuti mudiwa ane chirwere chinouraya kana kuti chinoita kuti atadze kuita zvimwe zvinhu. Nhengo dzemhuri dzinganzwa kuti zvadzaitarisira nezvadzaifunga zvaparadzwa, zvichidzisiya dziine ramangwana risina tariro uye kunzwa dzarasikirwa chaizvo uye dzichirwadziwa.

      Chokwadi, kumhuri dzakawanda dzakaona zviratidzo zvinorwadza zvakatora nguva refu kunhengo yemhuri pasina kuziva chaizvikonzera, kuongororwa nachiremba kunogona kuti zorodzei. Asi dzimwe mhuri dzinogona kusadaro padzinoudzwa chirwere chacho pashure pokuongorora. Vamwe amai vari muSouth Africa vanobvuma kuti: “Zvairwadza chaizvo kuudzwa chairwarisa vana vedu pakupedzisira, kutaura chokwadi, dai ndisina hangu kuziva kuti chaiva chii.”

      Bhuku rinonzi A Special Child in the Family—Living With Your Sick or Disabled Child rinotsanangura kuti “ndezvemuzvarirwo kunzwa uchirwadziwa . . . sezvaunoedza kunzwisisa mamiriro ezvinhu matsva aya. Dzimwe nguva kunzwa kwako kungava kwakanyanya kwazvo zvokuti unotya, wofunga kuti haungakundi.” Munyori webhuku racho, Diana Kimpton, ane vanakomana vaviri vaiva necystic fibrosis, anoti: “Ndaitya kwazvo zvokuti ndakada kuziva kuti ndezvemuzvarirwo here kunzwa zvakadaro.”

      Ndezvemuzvarirwo kuti mhuri dzinzwe dzichitya—kutya zvisingazivikanwi, kutya chirwere, kutya kurapwa, kutya kurwadziwa, uye kutya kufa. Kunyanya, vana vangatya asi vasingatauri—zvikurukuru kana vakasatsanangurirwa zvinonzwika nezvokuti chii chiri kuitika.

      Hashawo dzinoitika kakawanda. “Nhengo dzemhuri,” inotsanangura kudaro magazini yekuSouth Africa TLC, “dzinganyanya kutsamwirwa nomurwere.” Ukuwo, nhengo dzemhuri dzingatsamwirawo—vanachiremba nokuda kwokutadza kuona chirwere nokukurumidza, vangazvitsamwira pachavo nokuda kwokupfuudza chirwere kuvana vavo, murwere nokuda kwokutadza kuzvitarisira zvakanaka, Satani Dhiyabhorosi nokuda kwokukonzera kutambura kwakadaro, kunyange Mwari, vachifunga kuti ndiye akakonzera chirwere chacho. Kunzwa une mhaka ndechimwe chinhu chinoitika kana pane chirwere chisingaperi. “Anenge mubereki wose kana kuti mwana akaberekwa muimba ine mwana ane kenza anonzwa ane mhaka,” rinodaro bhuku rinonzi Children With Cancer—A Comprehensive Reference Guide for Parents.

      Idzi pfungwa dzinenge dzichiita mhidigari dzinowanzoguma—kumwero mukuru kana muduku—nokuora mwoyo. “Izvi ndizvo zvinenge zvinoita vakawanda,” anonyora kudaro mumwe anotsvakurudza ruzivo. “Ndine faira rakazara netsamba dzinotsigira izvozvo.”

      Hungu, Mhuri Dzinogona Kukunda

      Kudivi rakanaka, mhuri dzakawanda dzakawana kuti kukunda mamiriro acho ezvinhu hakuna kunyanya kuoma sezvazvairatidzika kuva pakutanga. “Mifananidzo inouya mupfungwa dzako ichava yakaipa chaizvo kukunda zvichaitika,” anovimbisa kudaro Diana Kimpton. Kubva mune zvakaitika kwaari akawana kuti “ramangwana hariwanzova rakanyanya kuipa samaonero aunoriita mumazuva okutanga.” Iva nechokwadi chokuti dzimwe mhuri dzakararama rwendo rwadzo munyika isingazivikanwi yechirwere chisingaperi uye kuti iwe unogona kudaro. Vakawanda vakawana kuti nokungoziva chete kuti vamwe vakakunda zvakavanyaradza nokuvapa tariro.

      Zvisinei, zvinonzwisisika kuti mhuri ingashamisika kuti, ‘Tingakunda sei?’ Nyaya inotevera ichatarisa dzimwe nzira idzo mhuri dzakakunda nadzo chirwere chisingaperi.

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

      Mhuri dzinofanira kutarisira murwere uye kugadziridza maitiro, pfungwa, uye mararamiro adzo

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

      Murwere nemhuri vachanetseka zvakanyanya

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

      Usaore mwoyo. Dzimwe mhuri dzakakunda, iwe unogonawo kukunda

      [Bhokisi riri papeji 15]

      Mamwe Matambudziko Anounzwa Nechirwere Chisingaperi

      • Kudzidza nezvechirwere chacho uye nzira yokuchikunda nayo

      • Kuchinja mararamiro emunhu uye zvaanoita zuva nezuva

      • Kukunda kuchinja kunoita kushamwaridzana

      • Kuita kuti urambe uchinzwa zvakanaka uye kudzikama

      • Kuchema kurasikirwa kunokonzerwa nechirwere chacho

      • Kukunda pfungwa dzinotambudza

      • Kuramba une pfungwa dzakanaka

  • Kukunda Kunoita Mhuri Chirwere Chisingaperi
    Mukai!—2000 | June 8
    • Kukunda Kunoita Mhuri Chirwere Chisingaperi

      KUKUNDA kunogona kutsanangurwa se“mano okugona kubudirira kukurira uye kubata nokumanikidzwa kunoitwa mumwe munhu.” (Taber’s Cyclopedic Medical Dictionary) Kunosanganisira kutarisana namatambudziko echirwere chisingaperi munzira inoita kuti ugone kuwana kudzora kwakati uye rugare rwendangariro. Uye tichifunga nezvokuti chirwere chisingaperi inhau yemhuri, kutsigira kworudo nekwokuvimbika kwenhengo imwe neimwe yemhuri kunodiwa kuti mhuri ikunde. Ngatifungei nezvedzimwe nzira idzo mhuri dzinokunda nadzo chirwere chisingaperi.

      Kukosha Kwezivo

      Zvingasava zvinobvira kurapa urema hwacho, asi kuziva nzira yokugara nacho kunogona kuderedza kurwadziwa mupfungwa kunogona kukonzerwa nechirwere. Izvi zvinowirirana nechirevo chekare chinoti: “Munhu [“une zivo,” NW] une simba.” (Zvirevo 24:5) Mhuri ingawana sei zivo nezvenzira yokukunda nayo?

      Danho rokutanga nderokuwana chiremba anokurukura uye anobatsira, uyo anoda kutora nguva achitsanangura zvinhu zvose zvakanaka kumurwere nemhuri yacho. “Chiremba akanaka,” rinodaro bhuku rinonzi A Special Child in the Family, “ane hanya nemhuri yose uyewo ane unyanzvi hwose hwokurapa hunodiwa.”

      Danho rinotevera nderokuramba muchibvunza mibvunzo chaiyo kusvika mava kunzwisisa mamiriro ezvinhu sezvamunogona. Zvisinei, yeukai kuti pamunenge muna chiremba, zviri nyore kuvhiringidzika kwava kukanganwa zvamanga muchida kubvunza. Chimwe chinhu chinobatsira ndechokufanonyora mibvunzo. Kunyanya, mungada kuziva zvamunofanira kutarisira zvinogona kuitwa nourwere uye mushonga wacho uye zvokuita kana zvadaro.—Ona bhokisi rakanzi “Mibvunzo Inogona Kubvunzwa Nemhuri Kuna Chiremba.”

      Zvakanyanya kukosha kupa mashoko akakodzera kune vamwe vana vakaberekwa muimba ine mwana ane chirwere chisingaperi. “Tsanangurai kuti chii chisina kururama kubva pamazuva okutanga chaiwo,” vanonyevera kudaro vamwe amai. “Vanogona kunzwa vasiyiwa mumhuri kana vasinganzwisisi zviri kuitika.”

      Dzimwe mhuri dzakakwanisa kuwana mashoko anobatsira nokuongorora muraibhurari yemunharaunda, muchitoro chamabhuku kana kuti paInternet—kazhinji kacho vachiwana mashoko ane udzamu nezvechirwere chakati.

      Kuramba Muine Upenyu Hwakanaka

      Zvinongova zvomuzvarirwo kuti nhengo dzemhuri dzinoda kuramba dzichiita kuti upenyu hwomurwere hurambe hwakanaka. Somuenzaniso, funga nezvaNeil du Toit, ataurwa munyaya yokutanga. Achiri kunetseka nemhaka yechirwere chake chinomutadzisa kuita zvimwe zvinhu. Kunyange zvakadaro, anopedza anenge maawa 70 mwedzi woga woga achiita zvaanonyanya kuda kuita chaizvo—kutaura navanhu munharaunda yake nezvetariro yake iri muBhaibheri. “Zvinoitawo kuti ndigutsikane,” anodaro, “kupa murayiridzo weBhaibheri muungano.”

      Upenyu hwakanaka hunosanganisirawo kugona kuratidza uye kuwana rudo, kunakidzwa namabasa anofadza, uye kuramba une tariro. Varwere vacharamba vachida kuva vapenyu kusvika panogona kubvumidzwa nechirwere chavo uye mishonga. Vamwe baba vane mhuri yakakunda chirwere kwemakore anopfuura 25 vanotsanangura kuti: “Tinoda zvokufamba-famba, asi nemhaka yokurwara kwomwanakomana wangu, hatigoni kufamba mifambo mirefu. Saka tinoita zvakati siyanei naizvozvo. Tinoenda kunzvimbo dzokutandarira kusina mitambo inoda simba rakawanda.”

      Hungu, varwere vanoramba vane mano anovagonesa kuti vawane kugutsikana kwakati muupenyu. Zvichienderana nechirwere chavo, vakawanda vachiri kunakidzwa nezvinhu zvakanaka zvokuona uye zvokunzwa. Kana vakakwanisa kunyatsodzora zvinhu zvakati kuti zvoupenyu hwavo, vanogona kuva noupenyu hwakati nakei.

      Kukunda Pfungwa Dzinonetsa

      Chinhu chinokosha pakukunda chinosanganisira kudzidza kudzora pfungwa dzinokuvadza. Chimwe chazvo ihasha. Bhaibheri rinobvuma kuti munhu anogona kuva nechikonzero chokushatirwa. Zvisinei, rinotikurudzirawo “kudzora kutsamwa.” (Zvirevo 29:8) Nei kuri kuchenjera kuita izvozvo? Maererano nerimwe bhuku, hasha “dzinogona kukudya dzoita kuti uve nechinya kana kuita kuti utaure zvinhu zvinokuvadza zvaunozozvidemba mangwana.” Kunyange kuputika nehasha kamwe chete kunogona kukonzera dambudziko ringatora nguva refu kugadzirisa.

      Bhaibheri rinorayira kuti: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Pasina mubvunzo, hapana zvatingaita kuti zuva rinonoke kunyura. Asi tinogona kutora matanho kuti tigadzirise mugariro wedu woku“tsamwa” nokukurumidza kuitira kuti tisaramba tichizvikuvadza pamwe chete navamwe. Uye ungakwanisa kugadzirisa mamiriro ezvinhu zviri nyore kana wadzikama.

      Kufanana nemhuri ipi zvayo, yako pasina mubvunzo ichava nenguva yakanaka neyakaoma. Vakawanda vanowana kuti vanokunda zviri nani kana vakaudza mumwe munhu anonzwira tsitsi uye anoteerera. Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika kuna Kathleen. Pakutanga akatarisira amai vake, vaiva nekenza, uye gare gare murume wake, aiva nokuora mwoyo kusingaperi uye pakupedzisira hosha yeAlzheimer. Anobvuma kuti: “Zvaindizorodza uye zvaindinyaradza kwazvo pandaitaura neshamwari dzinonzwisisa.” Rosemary, akatarisira amai vake kwemakore maviri, anobvumirana nazvo. “Kutaura neshamwari inovimbika,” anodaro, “kwakandibatsira kuti ndirambe ndakadzikama.”

      Zvisinei, usashamiswa kana usingagoni kurega kusvimha misodzi paunenge uchitaura. “Kuchema kunoderedza kurwadziwa, uye kunoita kuti ukunde nhamo yako,” rinodaro bhuku rinonzi A Special Child in the Family.a

      Ramba Uine Tariro

      “Kuda kwako kurarama kunogona kukutsigira kana uchirwara,” akanyora kudaro Mambo Soromoni akachenjera. (Zvirevo 18:14, Today’s English Version) Vanotsvakurudza ruzivo vamazuva ano vakawana kuti zvinotarisirwa nomurwere—zvingava zvakaipa kana kuti zvakanaka—kazhinji zvinenge zvinobatsira kana kusabatsira kurapwa kwake. Zvisinei, mhuri ingaramba ine tariro sei mukutarisana nechirwere chinogara kwenguva refu?

      Nepo dzisingakanganwi chirwere chacho, mhuri dzinokunda zviri nani kana dzikafunga nezvezvinhu zvadzichiri kugona kuita panguva ino. “Mamiriro ezvinhu acho anogona kukuita kuti unzwe usina tariro zvachose,” vanobvuma kudaro vamwe baba, “asi unofanira kuziva kuti uchine zvakawanda chaizvo. Uchiri mupenyu, uchiri nevamwe vanhu uye shamwari dzako.”

      Kunyange zvazvo chirwere chisingaperi chisingafaniri kurerutswa, kuseka kunobatsira kudzivisa kunzwa kwokushaya tariro. Kuseka kunoita mhuri yekwaDu Toit kunoratidza izvi. Collette, hanzvadzi yokupedzisira yaNeil du Toit, anotsanangura achiti: “Nokuti takadzidza kukunda mamwe mamiriro ezvinhu, tinogona kuseka zvinhu zvinoitika kwatiri zvingaratidzika kuva zvinovhiringidza vamwe zvakanyanya. Asi kuita izvi kunotigonesa kuderedza kunzwa tichinetseka.” Bhaibheri rinotivimbisa kuti “mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.”—Zvirevo 17:22.

      Tsika Dzokunamata Dzinokosha Kwazvo

      Chinhu chinokosha chokukura mumudzimu kwavaKristu vechokwadi chinosanganisira ‘kurega mikumbiro yavo ichiziviswa kuna Mwari nomunyengetero uye kuteterera.’ Mugumisiro wacho sezvakapikirwa neBhaibheri ndewokuti: “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga.” (VaFiripi 4:6, 7) Pashure pemakore anenge 30 okutarisira vana vaviri vaiva nechirwere chisingaperi, vamwe amai vanoti: “Takadzidza kuti Jehovha anokubatsira kuti ukunde. Zvechokwadi anokutsigira.”

      Uyezve, vakawanda vanosimbiswa nezvipikirwa zveBhaibheri zveparadhiso yepasi isina kurwadziwa kana kutambura. (Zvakazarurwa 21:3, 4) “Nemhaka yechirwere chisingaperi chakapinda mumhuri yedu,” anodaro Braam, “tava kutonyanya kuwana zvinoreva zvipikirwa zvaMwari zvokuti ‘unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.’” Kufanana nevamwe vakawanda kwazvo, mhuri yekwaDu Toit inopanga chaizvo nguva muParadhiso pachazova pasina “ugeremo uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24; 35:6.

      Shinga. Kurwadziwa uye kutambura kuri kuita vanhu kwoga kunoratidza kuti mamiriro ezvinhu akanaka ava pedyo. (Ruka 21:7, 10, 11) Zvisinei, panguva ino, vanhu vakawanda vanotarisira varwere uye varwere vanogona kubvuma kuti chaizvo Jehovha ndiye, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”—2 VaKorinde 1:3, 4.

      [Mashoko Omuzasi]

      a Kana uchida mashoko akawanda nezvenzira yokukunda nayo kurwadza kwechirwere, tapota ona nyaya inoti “Kutarisira—Kutarisana Nedambudziko Racho,” iri muMukai! yaFebruary 8, 1997, mapeji 3-13.

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]

      Mibvunzo Inogona Kubvunzwa Nemhuri Kuna Chiremba

      • Urwere huchafamba sei, uye huchaguma nei?

      • Zviratidzo zvipi zvichavapo, uye zvinogona kudzorwa sei?

      • Ndezvipi zvimwe zvingaitwa kunze kwokurapa?

      • Ndezvipi zvinhu zvingakonzerwa nemishonga, ngozi dzingavapo, uye kubatsira kwokurapa kwakasiyana-siyana?

      • Chii chinogona kuitwa kuti zvinhu zvive nani, uye chii chinofanira kudziviswa?

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]

      Kutsigira Kwaungaita

      Vamwe vanhu vangarega kushanya kana kuti kubatsira nokuti havazivi zvokutaura kana kuti nzira yokubata nayo mamiriro acho ezvinhu. Vamwe vangaita sevanonetsa uye, vachifunga kuti zvavari kuita zvinobatsira, vangawedzera nhamo iri kunzwiwa nemhuri yacho. Saka, mumwe munhu angatsigira sei avo vane nhengo yemhuri iri kurwara zvisingaperi pasina kuvhiringidza kuva kwavo voga?

      Teerera nomutsa. “Kurumidza kunzwa,” inodaro Jakobho 1:19. Ratidza hanya nokuteerera zvakanaka uye nokurega nhengo dzemhuri dzichitaura nhamo dzadzo kana dzichida kutaura. Dzingada kuita izvi kana dzikaona kuti zvechokwadi ‘unonzwira ngoni.’ (1 Petro 3:8) Zvisinei, ramba uchiyeuka kuti hapana vanhu vaviri kana kuti mhuri dzichaita zvakafanana kana dzawirwa nechirwere chisingaperi. Saka, “usapa mazano kunze kwokuti uchinyatsoziva zvose nezvechirwere chacho kana kuti mamiriro ezvinhu,” anodaro Kathleen, uyo akatarisira amai vake uye gare gare murume wake akanga achirwara zvisingaperi. (Zvirevo 10:19) Uye yeuka, kunyange kana uchiziva chimwe chinhu nezvenhau yacho, murwere nemhuri yake vangasarudza kusatsvaka kana kubvuma mazano ako.

      Batsira zvinooneka. Uchiziva kuti mhuri inoda kuva yoga, ivapo kana vava kukuda chaizvo. (1 VaKorinde 10:24) Braam, ane mashoko adzokororwa munyaya dzino dzose, anoti: “Kubatsira kwakaita hama dzedu dzechiKristu kwaiva kwakakura chose. Somuenzaniso, patakarara kuchipatara nemhaka yemamiriro ezvinhu akaipa kwazvo aMichelle, nguva dzose taiva nevanenge vana kana kuti vatanhatu veshamwari dzedu vakagara nesu usiku hwose. Chero pataida rubatsiro, rwaivapo.” Mudzimai waBraam, Ann, anowedzera kuti: “Kwaiva nechando chaikwidza kamba mumuti mumwaka iwoyo, uye kwemavhiki maviri takapiwa zvokudya zvakasiyana-siyana zuva rimwe nerimwe. Takapiwa zvokudya zvinopisa uye rudo runodziya rukuru chaizvo.”

      Nyengetera navo. Pane dzimwe nguva, panogona kuva nezvishoma kana kuti pasina chokuti uite chinooneka. Zvisinei, zvinhu zvishoma zvinokurudzira kufanana nokuvaudza pfungwa inovaka inobva muMagwaro kana kuti munyengetero unobva pamwoyo navarwere uye mhuri dzavo. (Jakobho 5:16) “Usambofa wakarerutsa simba rokunyengeterera—uye kunyengetera—navane chirwere chisingaperi uye mhuri dzavo,” anodaro Nicolas ane makore 18, ana amai vanotambura nekuora mwoyo kusingaperi.

      Hungu, rudzi rwakanaka rwokutsigira runogona kuita zvakawanda kubatsira mhuri kukunda kunzwa kunorwadza kunounzwa nechirwere chisingaperi. Bhaibheri rinotaura richiti: “Shamwari munhu anoda nguva dzose, uye hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.”—Zvirevo 17:17, The New English Bible.

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]

      Apo Urwere Hwacho Hunenge Husina Tariro

      Dzimwe mhuri dzingasada kukurukura nezvorufu ruri kuswedera rwemudiwa ava kurwara zvisina tariro. Zvisinei, bhuku rinonzi Caring—How to Cope rinoti “kana uchiziva chimwe chinhu pamusoro pezvaunofanira kutarisira uye zvaunofanira kuita, zvinogona kubatsira kuderedza kurohwa nehana.” Kunyange zvazvo matanho chaiwo achizosiyana zvichienderana nemitemo yomunzvimbo netsika, hezvino zvimwe zvinogona kubatsira mhuri ingangofunga zvokupepa mudiwa anorwara zvisina tariro ari kumba.

      Zvisati Zvaitika

      1. Bvunzai chiremba zvamunofanira kutarisira mumazuva okupedzisira nemaawa uye zvinofanira kuitwa kana rufu rukaitika usiku.

      2. Nyorai mazita evanofanira kuzoudzwa nezvorufu rwacho.

      3. Fungai zvakasiyana-siyana zvinogona kuitwa pamariro:

      • Murwere anoda zvipi?

      • Kuvigwa kana kupiswa? Enzanisai mitengo uye zvinoitwa namakambani akasiyana-siyana anoviga vanhu.

      • Mariro anofanira kuitwa rini? Itai kuti pave nenguva yokuti dzimwe hama neshamwari dzinogara kure dzisvike.

      • Ndiani achakurukura hurukuro yamariro?

      • Ichakurukurirwa kupi?

      4. Kunyange kana asingachatauri, murwere angangova achiri kuziva zviri kutaurwa kana kuitwa. Chenjerai kuti musataure zvimwe zvinhu pamberi pake zvamusingadi kuti anzwe. Mungada kumunyaradza nokutaura zvinyoro-nyoro uye kubata ruoko rwake.

      Apo Mudiwa Anofa

      Hezvino zvimwe zvinhu zvingaitwa navamwe kuti vabatsire mhuri yacho:

      1. Ipai mhuri yacho nguva yakati kuti yokuti ive yoga nomufi kuti itange kugadzikana nezvorufu rwacho.

      2. Nyengeterai nemhuri yacho.

      3. Kana mhuri yacho yagadzirira, inogona kuonga rubatsiro mukuzivisa vanhu vanotevera:

      • Chiremba kuti azivise zvepamutemo rufu rwacho nokupa gwaro rokufa.

      • Kambani inoviga vanhu, mochari, kana kuti kunopiswa vanhu, kuti vatarisire chitunha.

      • Hama neshamwari. (Nokungwarira ungataura chimwe chinhu chakafanana neichi: “Ndiri kurova runhare maererano na- [zita romurwere]. Ndine urombo kuti ndine mashoko asina kunaka. Sezvamunoziva, anga achirwara kwazvo ne- [chirwere] kwenguva yakati, uye ashaya [rini uye kupi].)

      • Hofisi yepepanhau kuti muise chiziviso chorufu kana muchida.

      4. Mhuri ingada kuperekedzwa nomumwe munhu kuti avabatsire kupedzisa hurongwa hwemariro.

      [Mufananidzo uri papeji 17]

      Nhengo dzemhuri dzinofanira kuita zvose zvadzinogona kuita kuti upenyu hurambe hwakanaka

      [Mufananidzo uri papeji 18]

      Kunyengetera nemhuri yacho kunogona kuibatsira kukunda

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe