Rwiyo 136
Umambo Hwavapo—Ngahuuye!
Jehovha, makangogara
Muripo narini.
Makapa Jesu chigaro;
Makati atonge.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rose.
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
Satani haana nguva;
Zvinhu zvichachinja.
Kunyange tichitambura,
Totarisa mberi.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rose.
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
Ngirozi dzinopembera
Kudenga nom’faro.
Satani nenhema dzake,
Adzingwa kudenga.
Ushe hwaJesu hwazvarwa;
Huchatonga pasi rose.
(KORASI)
Zvino zvaitika,
Ruponeso neumambo.
Umambo hwavapo.
“Ngahuuye, Ngahuuye!”
(Onawo Dhan. 2:34, 35; 2 VaK. 4:18.)