Kumirira Jehovha Nokushivirira Kubvira Paupwere Hwangu Zvichienda Mberi
YAKATAURWA NARUDOLF GRAICHEN
Kufanana nemheni, ngwavaira yakarova mhuri yangu pandakanga ndine makore 12 chete okukura. Kutanga, baba vangu vakaiswa mujeri. Tevere, hanzvadzi yangu neni takatorwa pamusha nechisimba ndokuendeswa kundogara nevanhu vataisaziva. Gare gare, amai vangu neni takasungwa neGestapo. Ndakaenda kujeri, uye vakaguma vava mumusasa wevasungwa.
ZVIITIKO izvozvo zvakareva bedzi kuvamba kwenhambo yechitambudzo chinorwadza chandakatambura muupwere hwangu somumwe weZvapupu zvaJehovha. Nazi Gestapo yaiva nemukurumbira wakaisvoipa uye yainzi Stasi yeEast Germany yakaedza kuputsa kuperera kwangu kuna Mwari. Zvino, pashure pemakore 50 ebasa rokuzvitsaurira kwaari, ndinogona kutaura sezvakaita wezvemapisarema kuti: “Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; kunyange zvakadaro, havana kundikunda.” (Pisarema 129:2) Ndinotenda zvikuru Jehovha!
Ndakaberekwa musi waJune 2, 1925, mutaundi duku reLucka pedyo neLeipzig, Germany. Kunyange ndisati ndaberekwa, vabereki vangu, Alfred naTeresa, vakaziva chokwadi cheBhabheri mumabhuku eVadzidzi veBhaibheri, sezvaizivikanwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Ndinoyeuka kuti mazuva ose ndaitarira mifananidzo yezviitiko zveBhaibheri yaive pamadziro eimba yedu. Mumwe mufananidzo wairatidza bere negwayana, mbudzana nembada, mhuru neshumba—zvose zviri murugare, zvichitungamirirwa nekakomana. (Isaya 11:6-9) Mifananidzo iyoyo yakandiorora zvikuru.
Pazvaibvira pose, vabereki vangu vaindibatanidza mumibato yeungano. Somuenzaniso, muna February 1933, mazuva mashomanene chete pashure pokunge Hitler atora simba, “Photo-Drama of Creation”—nemasiraidhi ayo, bhaisikopo, nekutsanangura kwakarekodwa—zvakaratidzwa mutaundi redu duku. Ndakafara zvikuru, somukomana wemakore manomwe chete, kufamba mutaundi ndiri kumashure kwemotokari sorutivi rwokuzivisa nezve“Photo-Drama”! Pane chiitiko ichi nezvimwe, hama dzakandiita kuti ndinzwe ndiri mutezo unoshanda weungano pasinei zvapo nezera rangu duku. Naizvozvo kubvira pazera duku zvikuru, ndakadzidziswa naJehovha ndokupesvedzerwa neShoko rake.
Ndakadzidziswa Kuvimba naJehovha
Nemhaka yekusatora rutivi kwechiKristu, Zvapupu zvaJehovha hazvina kubatanidzwa mune zvematongerwe enyika zveNazi. Somugumisiro, muna 1933 vaNazi vakapa mitemo yaitirambidza kuparidza, kuungana, uye kunyange kurava mabhuku edu eBhaibheri. Muna September 1937 hama dzose dzaiva muungano yedu, kubatanidza baba vangu, dzakasungwa neGestapo. Zvakandisuruvarisa zvikuru. Baba vangu vakatongerwa makore mashanu mujeri.
Zvinhu zvakatiomera zvikuru pamusha. Asi takakurumidza kudzidza kuvimba naJehovha. Rimwe zuva pandasvika kumba ndichibva kuchikoro, amai vangu vakanga vachiverenga Nharireyomurindi. Vaida kundibikira kudya kwamasikati, naizvozvo vakaisa magazini yacho pamusoro peimwe kabati. Pashure pekudya kwemasikati, patakanga tichibvisa ndiro, pamusuo pakagogodzwa zvine simba. Aiva mupurisa aida kutsvaga kuti aone kana taiva nemabhuku eBhaibheri mumba. Ndakatyiswa zvikuru.
Musi wacho waipisa zvikuru. Naizvozvo chinhu chokutanga chakaitwa nomupurisa wacho kukumura heremeti yake ndokuiisa pamusoro petafuta. Ipapo akatanga kutsvaka. Paakanga achitarisa pasi petafura, heremeti yake yakavamba kutsvedza. Naizvozvo amai vangu vakakurumidza kubata heremeti yacho ndokuiisa pamusoro pekabati pamusoro chaipo peNharireyomurindi! Mupurisa wacho akatsvakisisa kamuri redu asi haana kuwana mabhuku. Chokwadika, haana kumbofunga zvekutarira pasi peheremeti yake. Paakanga ava kuda kuenda, akakumbira ruregerero kuna mai vangu achitora heremeti yake akafuratira. Ndakanyaradzwa zvikuru!
Zviitiko zvakadaro zvakandigadzirira miedzo yakatooma zvikuru. Somuenzaniso, muchikoro ndaimanikidzwa kukumbanira sangano reHitler Youth, umo vana vairovedzwa unyanzvi hwechiuto ndokudzidziswa uzivi hwechiNazi. Vamwe vadzidzisi vaiva nevavariro yomunhu oga yokuti vadzidzi vatore rutivi zvakakwana. Mudzidzisi wangu Herr Schneider, anofanira kuve akarangarira kuti akakundikana zvakakwana nemhaka yekuti, kusafanana nevamwe vadzidzisi vose vaiva muchikoro, akanga aine mudzidzi mumwe aisatora rutivi. Ndini ndaiva mudzidzi iyeye.
Rimwe zuva Herr Schneider akazivisa kirasi yose kuti: “Vakomana, mangwana tichambofamba-famba sekirasi.” Munhu wose akafarira pfungwa yacho. Ipapo akawedzera kuti: “Mose munofanira kupfeka yunifomu dzenyu dzeHitler Youth kuitira kuti patinofamba-famba mumigwagwa, vose vagoona kuti muri vakomana vakanaka vaHitler.” Mangwanani akatevera acho vakomana vose vakauya vakapfeka yunifomu dzavo kunze kwangu. Mudzidzisi akandidana kumberi kwekirasi ndokundibvunza kuti: “Tarisa uone vamwe vakomana vose wozozvitarisa.” Akawedzera kuti: “Ndinoziva kuti vabereki vako varombo uye havagoni kukutengera yunifomu, asi rega ndikuratidze chimwe chinhu.” Akandiendesa kutafura yake, akazarura dhirowa, ndokuti: “Ndinoda kukupa yunifomu itsva iyi. Yakanaka handiti?”
Ndingadai ndakafa zvangu pane kuti ndipfeke yunifomu yeNazi. Apo mudzidzisi wangu akaona kuti ndaisava nevavariro yokuipfeka, akatsamwa, uye kirasi yose yakandisveeredza. Ipapo takafamba-famba asi akaedza kundivanza kupfurikidza nokundiita kuti ndifambire pakati pevamwe vakomana vose vaiva vakapfeka mayunifomu avo. Zvisinei, vanhu vakawanda vaiva mutaundi vaigona kundiona sezvo ndakanga ndakasiyana nevandaidzidza navo. Munhu wose aiziva kuti vabereki vangu neni taiva Zvapupu zvaJehovha. Ndinoonga Jehovha nokuda kwokundipa simba romudzimu randaida pandakanga ndiri muduku.
Chitambudzo Chinokura
Rimwe zuva mukuvamba kwa1938, hanzvadzi yangu neni takatorwa kuchikoro ndokuendeswa nemotokari yemapurisa kune chimwe chikoro chekushandurwa ndangariro chaiva muStadtroda, anenge makiromita 80. Nei? Matare akanga asarudza kutibvisa mupesvedzero yevabereki vedu ndokutishandura kuva vana veNazi. Nokukurumidza vaitarisira zvekushandurwa vakacherekedza kuti hanzvadzi yangu neni tairemekedza vakuru uye taiteerera, kunyange zvazvo takanga takasimba pakusatora rutivi kwedu kwechiKristu. Mutungamiriri akaororwa kwazvo zvokuti aida kuonana namai vangu pachake. Zvakangonzi zviitikewo panguva iyoyo chete, uye amai vangu vakabvumirwa kutishanyira. Hanzvadzi yangu, amai vangu, neni takafara kwazvo ndokutenda Jehovha nokuda kwokutipa mukana wokuva pamwe chete nokuda kwokukurudzirana zuva rose. Taizvida chaizvo.
Takaramba tiri muchikoro chokushandurwa kweinenge mwedzi mina. Ipapo takaendeswa kuti tindogara neimwe mhuri muPahna. Vakarayirwa kuti vasatibvumire kuonana nehama dzedu. Amai vangu vaisatombobvumirwa kutishanyira. Bva, pazviitiko zvishomanene, vaiwana mukana wokutiwana. Vachishandisa mikana iyoyo yaisawanzowanika, amai vangu vaiita napavaigona napo kuti tifunge nezvekutsunga kuramba takatendeka kuna Jehovha, pasinei zvapo nemiedzo nemamiriro ezvinhu aaibvumidza.—1 VaKorinte 10:13.
Uye miedzo yakauya. Pana December 15, 1942, pandakanga ndine makore 17 bedzi okukura, ndakatorwa neGestapo ndokuchengetwa mujeri raiva muGera. Inenge vhiki gare gare, amai vangu vakasungwawo ndokundikumbanira mujeri rimwe chetero. Sezvo ndakanga ndichiri muduku, matare aisagona kunditonga. Naizvozvo amai vangu neni takapedza mwedzi mitanhatu takasungwa panguva apo matare aimirira kusvitsa kwangu makore 18. Pazuva chairo randakasvitsa makore 18, amai vangu neni takamiswa pamberi pedare.
Ndisati ndazviziva, zvakanga zvapera zvose. Handina kuziva kuti ndaisazoona amai vangu zvakare. Ndakapedzisira kuvaona vakagara mudare pabenji repuranga pedyo neni. Tose takanzi taiva nemhaka. Ndakatongerwa makore mana mujeri uye amai vangu gore rimwe nehafu.
Mumazuva iwayo kwakanga kune zviuru zveZvapupu zvaJehovha zvaiva mumajeri nemisasa. Zvisinei, ndakaendeswa kujeri raiva muStollberg, kwandakanga ndirini Chapupu bedzi. Ndakapedza gore rimwe ndakapfigirwa ndiri ndoga, bva Jehovha aiva neni. Rudo rwandakanga ndasakurira muupwere hwangu rwakandiponesa mumudzimu.
Nemusi waMay 9, 1945, pashure pemakore maviri nehafu ndiri mujeri, takagamuchira mashoko akanaka—hondo yakanga yapera! Pazuva iroro ndakasunungurwa. Pashure pokufamba makiromita 110, ndakasvika kumusha ndichirwara nokuneta nenzara. Zvakanditorera mwedzi inoverengeka kuti ndinyatsonaya.
Ndichangosvika, ndakanzwa mashoko anorwadza akawanda. Kutanga pamusoro pamai vangu. Pashure pokunge vaiswa mutorongo kwegore rimwe nehafu, vaNazi vakavarayira kusaina tsamba yokuramba kutenda kwavo Jehovha. Vakaramba. Naizvozvo Gestapo yakavaendesa kumusasa wevasungwa wevakadzi, muRavensbrück. Ikoko vakafa netyphus hondo isati yapera. Vaiva muKristu akashinga zvikuru—murwi akasimba asina kumborega. Jehovha ngaavayeuke nemutsa.
Kwaivawo nemashoko pamusoro pemukoma wangu, Werner, uyo akanga asina kumbozvitsaurira kuna Jehovha. Akanga ava mumwe wevarwi veGermany uye akaurawa kuRussia. Baba vangu? Vakauya kumba, asi nenzira inosuruvarisa, vaiva mumwe weZvapupu zvishomanene zvakanga zvasaina tsamba iya yokuramba kutenda kwazvo. Pandakavaona, vakanga vakasuruvara vachiita sevanorwara nepfungwa.—2 Petro 2:20.
Nhambo Pfupi yeMubato Womudzimu Wokushingaira
Musi waMarch 10, 1946, ndakapinda gungano rangu rokutanga pashure pehondo muLeipzig. Waiva mufaro wakadini pazvakaziviswa kuti rubhabhatidzo rwaizovako zuva iroro! Kunyange zvazvo ndakanga ndatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha makore akawanda pashure pezvo, uyu waiva mukana wangu wokutanga kubhabhatidzwa. Handimbokanganwi zuva iroro.
Musi waMarch 1, 1947, pashure pokupayona kwemwedzi mumwe, ndakakokwa kuBheteri muMagdeburg. Mahofisi eSosaiti akanga akuvadzwa zvikuru nekubhomba. Yaiva ropafadzo yakadini kubatsira nebasa rokugadzira! Pashure pezhizha iroro ndakagoverwa kuguta reWittenberge sapiyona chaiye. Mwedzi mimwe ndaipedzera maawa anopfuura 200 ndichiparidzira vamwe pamusoro pemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ndakafara sei kusununguka zvakare—pasina hondo, pasina chitambudzo, pasina majeri!
Nenzira inosuruvarisa, rusununguko irworwo haruna kugara nguva refu. Pashure pehondo Germany yakakamurwa, uye nharaunda yandaigara yakava pasi pekutonga kwevaKomonisiti. Muna September 1950 matikitivha eEast Germany, aizivikanwa seStasi, akavamba kusunga hama. Zvandakapomerwa zvainyadzisa. Ndakapomerwa kuva musori wehurumende yeAmerica. Vakandiendesa kujeri raiva rakaipisisa reStasi munyika, muBrandenburg.
Tsigiro Inobva Kuhama Dzangu Dzomudzimu
Ikoko vaStasi vaisandibvumira kurara masikati. Ipapo vaindibvunzurudza usiku hwose. Pashure pokunge ndatambudzwa kwemazuva mashomanene, zvinhu zvakashatisisa. Mamwe mangwanani, panzvimbo pokudzokera kuchitokisi changu, vakandiendesa kuU-Boot Zellen yavo (yaizivikanwa sezvitokisi zvemusubmarine nemhaka yokuti yaiva mugomba riri pasi zvikuru). Vakavhura suo rakasakara, rine ngura ndokundirayira kupinda. Ndaifanira kukwira sitepisi rakareba. Pandakapinza gumbo rangu, ndakacherekedza kuti uriri hwakanga hwakazara nemvura. Suo rakavharwa neruzha runotyisa. Makanga musina chiedza kana kuti fafitera. Maiva nerima rakati ndo-o.
Nemhaka yemasendimita anoverengeka emvura aiva pauriri, ndaisagona kugara, kuzvambarara, kana kuti kukotsira. Pashure pokumira nguva yaiita kunge isingaperi, ndakadzorerwa kundobvunzwa zvakare vachishandisa zviedza zvine simba. Handizivi kuti chaive chakanyanya kuipa ndechipi—kumira mumvura zuva rose murima gobvu kana kuti kutsungirira zviedza zvinorwadza zvaivhenekerwa kwandiri usiku hwose.
Pazviitiko zvinoverengeka vakatyisidzira kundipfura. Pashure pousiku hwakati hwokubvunzurudzwa, ndakashanyirwa mamwe mangwanani nemumwe mukuru mukuru wemauto eRussia. Ndakava nemukana wokumuudza kuti Stasi yeGermany yakanga ichindibata zvakatoipisisa kupfuura zvakanga zvaita Gestapo yeNazi. Ndakamuudza kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingatori rutivi muhurumende yeNazi uyewo zvakanga zvisingatori rutivi muhurumende yeKomonisiti uye kuti taisapindira mune zvematongerwe enyika kupi nokupi munyika. Mukupesana, ndakadaro, vazhinji vakanga vava mapurisa eStasi zvino vakanga vambova mitezo yesangano reHitler Youth, uko vangangodaro vakadzidza nzira yokutambudza nayo vanhu vasina mhaka zvine utsinye. Sezvandakanga ndichitaura, muviri wangu wakanga uchibvunda nechando, nzara, uye kuneta.
Nenzira inoshamisa, mukuru mukuru wechiRussia haana kunditsamwira. Mukupesana, akandifukidza gumbeze ndokundibata nenzira yomutsa. Chinguvana pashure pekushanya kwake, ndakadzoserwa kune chimwe chitokisi chaiva nani. Mazuva mashomanene gare gare, ndakaendeswa kumatare eGermany. Nhau yangu payakanga ichiri kupfuurira, ndakafarikanya ropafadzo yokugoverana chitokisi nezvimwe Zvapupu zvishanu. Pashure pokutsungirira kubatwa kune utsinye zvikuru, zvaizorodza sei kusangana nehama dzangu dzomudzimu!—Pisarema 133:1.
Mudare ndakanzi ndaiva nemhaka yekuva musori uye ndakatongerwa makore mana mutorongo. Iwoyo wakanzi mutongo wakareruka. Dzimwe hama dzakatongerwa makore anopfuura gumi. Ndakaendeswa kutorongo raichengetwa zvakasimba. Ndinofunga kuti hapana kana gonzo raimbokwanisa kupinda kana kuti kubuda mujeri iroro—vaichengeta vacho vakanga vakaoma. Bva, nebetsero yaJehovha dzimwe hama dzakashinga dzakakwanisa kupinza Bhaibheri rose. Rakakamurwa kuva mabhuku mamwe namamwe ndokuparadzirwa pakati pehama dzaive vasungwa.
Takazviita sei? Zvakanga zvakaoma zvikuru. Nguva bedzi yataisangana ndipo pataiendeswa kunogeza pashure pemavhiki maviri. Pane imwe nhambo, pandakanga ndichigeza, imwe hama yakazevezera munzeve yangu kuti akanga ahwandisa mapeji eBhaibheri mutauro rake. Pashure pokunge ndapedza kugeza ndaifanira kutora tauro rake panzvimbo perangu.
Mumwe murindi akaona hama yacho ichindizevezera ndokuirakasha netsvimbo. Ndakatokurumidza kutora tauro racho ndokupinda makanga mune vamwe vasungwa. Ndinoonga kuti handina kubatwa ndine mapeji acho eBhaibheri. Nezvisizvo gadziriro yedu yekudyiswa mumudzimu ingadai yakapinda pangozi. Takava nezviitiko zvakawanda zvakafanana. Kurava kwedu Bhaibheri nguva dzose kwaiva pachivande uye kune ngozi zvikuru. Mashoko omuapostora Petro okuti, “Svinurai, murinde,” akanga akakodzera zvikuru.—1 Petro 5:8.
Nokuda kwezvimwe zvikonzero, zviremera zvakasarudza kuti vamwe vedu vachinjirwe kune rimwe torongo nguva nenguva. Munhambo yemakore mana, ndakachinjirwa kuanenge matorongo gumi akasiyana. Bva, nguva dzose ndaikwanisa kuwana hama. Ndakasvika pakuda hama dzose idzodzi zvikuru, uye ndaisuwa zvikuru panguva yose yandaichinjwa.
Pakupedzisira ndakaendeswa kuLeipzig, uye ipapo ndakasunungurwa mujeri. Murindi wejeri akandisunungura haana kuti ufambe zvakanaka asi, panzvimbo pezvo, “Tichakuona zvakare nokukurumidza.” Ndangariro yake yakaipa yaida kuti ndidzoke zvakare kujeri. Ndinowanzofunga nezvePisarema 124:2, 3, parinoti: “Dai Jehovha asaiva nesu, panguva yatakamukirwa navanhu; vangadai vakatimedza tiri vapenyu, panguva yatakamukirwa nehasha dzavo.”
Jehovha Anonunura Vabatiri Vake Vakavimbika
Zvino ndakanga ndasununguka zvakare. Hanzvadzi yangu, Ruth, naHanzvadzi Herta Schlensog vakanga varipo pagedhi vakandimirira. Mukati memakore ose aya omujeri, Herta ainditumira kapasuru kaduku kaiva nezvokudya mwedzi uri wose. Ndinodavira zvikuru kuti dai pasina tumapasuru utwu, ndingadai ndakafira mujeri. Jehovha ngaamuyeuka nemutsa.
Kubvira pakusunungurwa kwangu, Jehovha akandikomborera neropafadzo zhinji dzebasa. Ndakabatira zvakare sapiyona chaiye, muGronau, Germany, uye somutariri wedunhu muGerman Alps. Gare gare ndakakumbirwa kupinda kirasi yechi31 yeWatchtower Bible School of Gilead yevafundisi. Kupedza kufunda kwedu kwakaitika kuYankee Stadium mukati megungano ramarudzi akawanda reZvapupu zvaJehovha muna 1958. Ndakava neropafadzo yekutaura neboka guru rehama nehanzvadzi uye kutaura zvimwe zviitiko zvangu.
Pashure pokupedza kufunda ndakaenda kuChile kundobatira somufundisi. Ikoko ndakabatira zvakare somutariri wedunhu, kuchamhembe zvikurusa kweChile—ndakanyatsotumwa kumigumo kwenyika chaiko. Muna 1962, ndakaroora Patsy Beutnagel, mumwe mufundisi akaisvonaka anobva kuSan Antonio, Texas, U.S.A. Ndakafarikanya makore akawanda akaisvonaka ebasa kuna Jehovha ndinaye.
Mumakore angu anopfuura 70 oupenyu, ndakava nenguva zhinji dzinofadza nengwavaira dzakawanda. Wezvemapisarema akati: “Wakarurama una madambudzo mazhinji; asi Jehovha unomurwira abude paari ose.” (Pisarema 34:19) Muna 1963, patakanga tichiri muChile, Patsy neni takafirwa nemwana wedu musikana nenzira inosuruvarisa. Gare gare, Patsy akarwara zvikuru, uye takatamira kuTexas. Paakanga ane makore 43 bedzi okukura, akafa, mumamiriro ezvinhu anosuruvarisa. Ndinowanzonyengetera kuti Jehovha ayeuke nemutsa mukadzi wangu anodiwa.
Zvino, kunyange zvazvo ndichirwara uye ndakwegura, ndinofarikanya ropafadzo yokubatira sapiyona wenguva dzose uye mukuru muBrady, Texas. Chokwadi, upenyu hwave husiri nyore nguva dzose, uye kungava nemimwe miedzo yandinofanira kutarisana nayo. Zvisinei, kufanana newezvemapisarema ndinogona kutaura kuti: “Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.”—Pisarema 71:17.
[Mufananidzo uri papeji 23]
(1) Nhasi ndinobatira somukuru napiyona wenguva dzose, (2) naPatsy tisati tachata, (3) mukirasi yaHerr Schneider, (4) amai vangu, Teresa, avo vakafira muRavensbrück