RWIYO 54
“Iyi Ndiyo Nzira”
1. Nzira yerugare
Yawava kuziva,
Ndoyawakadzidza,
Ndeyekare kare.
Wakaidzidza wanzwa
Inzwi raJesu.
Nzira yerugare,
YeShoko raMwari.
(KORASI)
Heyi nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi nzira;
Usacheuke, ndiyoyi nzira.’
2. Inzira yerudo,
Usatsvaga imwe.
Yabva kuna Mwari
Kuti timuwane.
Anotida kwazvo,
Zvinobva pamwoyo.
Inzira yerudo
Tinoitevera.
(KORASI)
Heyi nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi nzira;
Usacheuke, ndiyoyi nzira.’
3. Nzira yeupenyu
Usamboisiya.
Jehovha akavimbisa
Ndiyo yega.
Yotipa rugare,
Yotipawo rudo.
Yotipa upenyu,
Tinotenda Mwari.
(KORASI)
Heyi nzira yoenda kuupenyu!
Usambotsauka kwekanguva!
Mwari ati: ‘Ndiyoyi nzira;
Usacheuke, ndiyoyi nzira.’
(Onawo Pis. 32:8; 139:24; Zvir. 6:23.)