RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dambudziko Riri Pasi Pose
    Mukai!—2001 | November 8
    • Dambudziko Riri Pasi Pose

      “Kuzviuraya idambudziko revanhu vakawanda.”—David Satcher, chiremba mukuru weUnited States, muna 1999.

      MASHOKO iwayo akanga ari okutanga munhau kuti chiremba mukuru weUnited States abvume kuti kuzviuraya rakanga riri dambudziko revanhu vakawanda. Vanhu vakawanda munyika iyoyo vari kuzviuraya kudarika vari kuurayiwa nevamwe. Ndosaka zvisinganyanyi kushamisa kuti Dare Remakurukota reUnited States rakataura kuti kudzivisa kuzviuraya inhau inofanira kuiswa pokutanga munyika yacho yose.

      Asi, nhamba yevanozviuraya muUnited States, iyo yakanga iri 11,4 pavanhu 100 000 voga voga muna 1997, iri pasi penhamba yepasi pose yakabudiswa neWorld Health Organization (Sangano Routano Repasi Pose) muna 2000—16 pavanhu 100 000 voga voga. Nhamba yevanozviuraya pasi pose yakawedzera nezvikamu 60 kubva muzana mumakore 45 apfuura. Pari zvino, mugore rimwe chete, vanhu vanoda kusvika miriyoni pasi pose vanozviuraya. Izvi zvakafanana nokuti anenge munhu mumwe chete anofa mumasekonzi 40 oga oga!

      Zvisinei, nhamba hadzigoni kutaura nyaya yacho yose. Muzviitiko zvakawanda nhengo dzemhuri dzinoramba kuti munhu azviuraya. Uyezve, zvinofungidzirwa kuti pakuzviuraya kwose kunobudirira, kuedza kuzviuraya 10 kusvika ku25 kunoitwa. Kumwe kuongorora kwakawana kuti vana 27 kubva muzana vechikoro chesekondari vomuUnited States vakabvuma kuti gore rakanga rapfuura, vakanga vatombonyatsofunga zvokuzviuraya; 8 kubva muzana yevakabvunzurudzwa vakati vakanga vaedza kuzviuraya. Dzimwe ongororo dzakawana kuti kubva pa5 kusvika ku15 muzana yevanhu vakura vakambova nepfungwa yokuzviuraya pane imwe nguva.

      Kusiyana Kwetsika

      Maonero anoita vanhu kuzviuraya anosiyana chaizvo. Vamwe vanoti imhosva, vamwe vanoti umbwende, uyezve vamwe vanoti inzira inoremekedzeka yokukumbira nayo ruregerero kana munhu atadza. Vamwe vanototi inzira yakanaka yokuita kuti zvinoda munhu zviitike. Nei paine pfungwa dzakasiyana zvakadaro? Tsika dzine zvizhinji zvadzinoita. The Harvard Mental Health Letter inototaura kuti tsika “dzinogona kuita kuti munhu azviuraye.”

      Chimbofunga nezveimwe nyika iri muEurope—Hungary. Dr. Zoltán Rihmer vanotaura nezvenhamba yakakura yevanhu vanozviuraya muHungary “setsika ‘yakaipa.’” Béla Buda, mutungamiriri weNational Institute for Health yeHungary, akataura kuti vanhu vokuHungary vanozviuraya nyore nyore nokuda kwechikonzero chipi nechipi. “Ane kenza—anoziva mapedzero aanoita dambudziko iroro” maererano naBuda, ndizvo zvinoitwa nevanhu vakawanda.

      Pane imwe nguva muIndia makanga mune tsika yechitendero yaizivikanwa nezita rokuti suttee pachirungu. Tsika yokuti chirikadzi yaizvikanda mumoto munenge muchipiswa chitunha chomurume wayo haisati yanyatsopera kunyange zvazvo yakarambidzwa. Apo mumwe mukadzi anonzi akazviuraya nenzira iyi, vanhu vakawanda vomunharaunda yacho vakarumbidza njodzi yacho. Maererano neIndia Today, munzvimbo iyoyo yomuIndia “ine vakadzi vanenge 25 vakazvipisa panopisirwa zvitunha zvevarume vavo mumakore 25.”

      Zvinosuruvarisa kuti muJapan kuzviuraya kunopeta nekatatu nhamba yevanhu vanofa mutsaona dzomumigwagwa! “Tsika yagara iri muJapan, isina kumbobvira yashora kuzviuraya, inozivikanwa zvikuru nokuzvibudisa matumbu inonzi (“seppuku,” kana kuti hara-kiri), inodaro Japan—An Illustrated Encyclopedia.

      Mubhuku rake rinonzi Bushido—The Soul of Japan, Inazo Nitobe, uyo akazova mutevedzeri womunyori weLeague of Nations, akatsanangura tsika iyi yokufarira rufu. Akanyora kuti: “Chinhu chakatanga muMiddle Ages, [seppuku] wakanga uri muitiro wokuti varwi vatize mhaka dzavanenge vapara, vakumbire ruregerero nokuda kwokukanganisa, vatize kunyadziswa, vazorodze shamwari dzavo, kana kuti kuratidza kuti ndevepachokwadi.” Kunyange zvazvo kuzviuraya kwakadai kwava chinhu chekare, vashoma vachiri kuzviita kuti tsika yacho irambe iripo.

      Kune rimwe divi, kuzviuraya kwagara kuchionekwa semhosva muchiKristudhomu. Pakasvika zana remakore rechitanhatu uye rechinomwe, Chechi yeRoma Katurike yakaramba vaya vakanga vazviuraya uye yakaramba kuti vaitirwe tsika dzemariro. Mune dzimwe nzvimbo, kuzvipira muchitendero kwakatanga dzimwe tsika dzinoshamisa maererano nokuzviuraya—kusanganisira kusungirira chitunha chacho, kunyange kubaya mwoyo wacho nehoko.

      Zvinoshamisawo kuti vaya vaiedza kuzviuraya vaigona kutongerwa rufu. Paakaedza kuzviuraya achizvicheka pahuro, mumwe murume wokuEngland muzana remakore rechi19 akasungirirwa. Saka zviremera zvakazopedzisa zvakanga zvatadza kuitwa nomurume wacho pachake. Kunyange zvazvo chirango chomunhu anenge aedza kuzviuraya chakachinja nokufamba kwenguva, mugore ra1961 ndipo apo Paramende yeBritain yakataura kuti kuzviuraya uye kuedza kuzviuraya yakanga isisiri mhosva. MuIreland yakaramba iri mhosva kusvikira muna 1993.

      Nhasi, vamwe vanyori vanotaura kuti kuzviuraya ndeimwe nzira inogona kushandiswa. Rimwe bhuku rakanyorwa muna 1991 raitaura nezvokuti munhu anenge ane chirwere chinouraya angazviuraya sei achibatsirwa neanenge achimutarisira. Pave paya, nhamba yakakura yevanhu vakanga vasiri kurwara zvinouraya vakashandisa imwe yenzira dzakanga dzataurwa.

      Kuzviuraya ndiko kunopedza matambudziko omunhu here? Kana kuti pane zvikonzero zvakanaka zvokuti munhu arambe achirarama here? Tisati tapindura mibvunzo iyi, regai titange kukurukura chinoita kuti vanhu vazviuraye.

      [Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

      Mugore rimwe chete, vanhu vanenge miriyoni pasi pose vanozviuraya. Izvi zvakafanana nokuti munhu mumwe anofa mumasekonzi 40 oga oga!

  • Chinoita Kuti Vanhu Varase Tariro Muupenyu
    Mukai!—2001 | November 8
    • Chinoita Kuti Vanhu Varase Tariro Muupenyu

      “Munhu mumwe nomumwe anozviuraya ane zvikonzero zvake: zvakavanzika zvikuru, zvisingazivikanwi, uye zvakaipa chaizvo.”—Kay Redield Jamison, chiremba wepfungwa.

      “KURARAMA kunorwadza.” Izvozvo ndizvo zvakanyorwa naRyunosuke Akutagawa, mumwe munyori wokuJapan akakurumbira womuzana remakore rechi20, nguva pfupi asati azviuraya. Zvisinei, asati ataura mashoko iwayo akatanga ati: “Chokwadi, handidi kufa, asi . . . ”

      Kufanana naAkutagawa, vazhinji vanozviuraya havadi chaizvoizvo kufa asi vanoda “kugumisa zvinenge zvichiitika zvacho,” akanyora kudaro mumwe purofesa wepfungwa. Mashoko anowanika mutsamba dzakawanda dzinosiyiwa nevanozviuraya anoratidza izvi. Mashoko akadai sookuti ‘Ndanga ndaneta nazvo’ kana kuti ‘Ndingararamirei?’ anoratidza chido chakadzama chokutiza matambudziko oupenyu. Asi sokurondedzerwa kwazvakaitwa nomumwe mazvikokota, kuzviuraya kwakafanana nokushandisa bhambo renyukireya kurapa dzihwa.”

      Kunyange zvazvo zvikonzero zvevanhu zvokuzviuraya zvichisiyana-siyana, zvimwe zviitiko zvomuupenyu zvinowanzokonzera kuzviuraya.

      Zviitiko Zvinokonzera Kuda Kuzviuraya

      Hazvishamisi kuti vechiduku vanopedzisira vaora mwoyo vozviuraya vanozviita kunyange nezvikonzero zvingaratidzika kuva zvenhando kuvamwe vanhu. Vakarwadziswa vasina zvavanogona kuita nezvazvo, vechiduku vangaona kuzviuraya senzira yokutsividza anenge avarwadzisa. Hiroshi Inamura, mazvikokota munyaya dzevanhu vanenge vachida kuzviuraya muJapan, akanyora kuti: “Vana vanonakidzwa nokuranga munhu anenge avatambudza kuburikidza nokuzviuraya pachavo.”

      Ongororo ichangobva kuitwa muBritain yakaratidza kuti apo vana vanoramba vachirohwa nevamwe, vane mukana unoda kupetwa kanomwe wokuzviuraya. Vana ava vanorwadziwa mupfungwa zvechokwadi. Mumwe mukomana ane makore 13 akazvisungirira akasiya anyora katsamba achitaura vanhu vashanu vaiva vamutambudza uye vaiva vamubvutira mari nechisimba. “Ndapota dzivirirai vamwe vana,” akanyora kudaro.

      Vamwe vangaedza kuzviuraya kana vapinda muchinetso kuchikoro kana kuti vakatyora mutemo, kana varambana nomudiwa, kana vafoira, kana vakanyanya kufunga zvokupera mwoyo pamusoro pebvunzo, kana kuti vakaremerwa nokutya remangwana. Pavayaruki vanogona muchikoro vanoita sevanoda kuita zvinhu zvose nemazvo, kukundikana zvishoma kana kuti kufoira—kungava kwechokwadi kana kuti kwokufungidzira—kungaita kuti vaedze kuzviuraya.

      Kuvakuru, nhamo yemari kana kuti zvinetso zvokubasa ndizvo zvimwe zvinowanzokonzera kuda kuzviuraya. MuJapan, mushure memakore akawanda okuderera kwoupfumi, kuzviuraya kwakapfuura 30 000 pagore munguva ichangopfuura. Maererano neMainichi Daily News, vanenge varume vatatu muvana voga voga vezera rokuma40 vakazviuraya vakadaro “pamusana penhamo inokonzerwa nezvikwereti, kukundikana kwemabhizimisi, urombo, nokushaya basa.” Zvinetso zvomumhuri zvinogona kukonzerawo kuzviuraya. Rimwe pepanhau rokuFinland rakati: “Varume vane makore okuma40 vachangobva kugura michato” ndiro rimwe remapoka anonyanya kuzviuraya. Imwe ongororo yakaitwa muHungary yakawana kuti ruzhinji rwevasikana vanofunga zvokuzviuraya vakarerwa mumhuri dzine vabereki vakarambana.

      Kurega basa uye urwere zvimwewo zvikonzero zvikuru zvokuzviuraya, kazhinji pakati pevachembera. Kazhinji kacho kuzviuraya kunosarudzwa senzira yokubuda nayo mumatambudziko, kwete hazvo kuti chirwere chinenge chisingaperi, asi apo murwere anoona kutambura kwacho kusingaiti.

      Zvisinei, havasi vanhu vose vanozviuraya pavanosangana nezviitiko izvi. Kusiyana naizvozvo, vazhinji havazviurayi pavanosangana nemamiriro ezvinhu anokangaidza akadaro. Saka nei vamwe vachiona sokuti kuzviuraya ndiko kuzvipedza nepo vamwe vasingadaro?

      Zvikonzero Zvikuru Zvisiri Pachena

      “Zvisarudzo zvizhinji zvokuzviuraya zvinoenderana nemaonero aunoita upenyu,” anodaro Kay Redfield Jamison, purofesa wepfungwa paJohns Hopkins University School of Medicine. Akawedzera kuti: “Kana dziine utano hwakanaka, pfungwa dzakawanda hapana chiitiko chadzinomboona sechakanyanyoipa chingaita kuti munhu azviuraye.” Eve K. Mościcki, weU.S. National Institute of Mental Health, anoti zvikonzero zvakawanda—zvimwe zvacho zvisiri pachena—zvinobatana zvoita kuti munhu afunge zvokuzviuraya. Zvikonzero zvakadaro zvisiri pachena zvinosanganisira kurwara nepfungwa uye kupindwa muropa nezvinodhaka, ropa rake, nezvakaita makemikari ari muuropi hwake. Ngationgororei zvimwe zvacho.

      Zvinetso zvepfungwa uye zvokupindwa muropa nezvinodhaka, zvakadai sokuora mwoyo, kuvhiringika kwepfungwa kunokonzera kutya, kutadza kuziva zviri kuitika, kunyanya kunwa doro nokushandisa zvinodhaka ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvikuru. Ongororo yakaitwa kuEurope nokuUnited States inoratidza kuti inopfuura 90 kubva muzana yokuzviuraya kwakabudirira ine chokuita nokurwara kwakadaro. Vaongorori vokuSweden vakatowana kuti pakati pevarume vasina kuwanikwa vaine zvirwere zvipi zvazvo zvorudzi irworwo mwero wokuzviuraya waiva 8,3 muvanhu 100 000 voga voga, asi pakati pevakaora mwoyo wakakwira kusvika pa650 pa100 000 voga voga! Uye vanamazvikokota vanoti zvinokonzera kuzviuraya zvakangofanana nezvokunyika dzokuMabvazuva. Kunyange zvakadaro, kunyange kuora mwoyo kukabatana nezvimwe zviitiko hakuiti kuti kuzviuraya kusadzivisika.

      Purofesa Jamison, uyo akamboedza kuzviuraya, anoti: “Zvinoita sokuti vanhu vanokwanisa kushivirira kana kuti kugona kubata nokuora mwoyo chero bedzi paine tariro yokuti zvinhu zvichaita nani.” Zvisinei, akaona kuti sezvo kuora mwoyo kunoramba kuchiwedzera zvakanyanya, pfungwa dzinopedzisira dzisisakwanisi kudzora kuda kuzviuraya. Akafananidza mamiriro acho ezvinhu nokupera kunoita mabhureki emotokari paanoramba achishandiswa.

      Zvinokosha zvikuru kuziva chinetso ichocho nokuti kuora mwoyo kunogona kurapwa. Kunzwa usina maturo kunogona kupedzwa. Kana zvikonzero zvisiri pachena zvikagadziriswa, vanhu vangarega kuzviuraya kana vasangana nematambudziko anokukonzera.

      Vamwe vanofunga kuti ropa romunhu rinobatsirawo sechimwe chezvikonzero zvisiri pachena mukuzviuraya kwakawanda. Ichokwadi kuti ropa romunhu rine zvarinoita pakuzvidzora kwake, uye ongororo dzinoratidza kuti dzimwe mhuri dzine vanhu vakazviuraya vakawanda mudzinza radzo kudarika dzimwe. Asi Jamison akati ‘izvi hazvirevi kuti kuzviuraya hakudzivisiki.’

      Zvakaita makemikari ari muuropi zvinogonawo kuva chimwe chikonzero chisiri pachena. Muuropi mune mabhiriyoni etutsinga tunofambisa mashoko tuchishandisa makemikari. Nechokumucheto kwetutsinga utwu kune nzvimbo inopfuura nayo makemikari ane mashoko. Mwero wemakemikari aya unogona kukonzera kuti munhu aberekwe aine kapfungwa kokuda kuzviuraya. Bhuku rinonzi Inside the Brain rinotsanangura kuti: “Mwero wakaderera wekemikari rinonzi serotonin pachirungu . . . unogona kushayisa mufaro muupenyu, zvichiita kuti munhu asafarira kurarama zvowedzera mukana wokuora mwoyo uye kuda kuzviuraya.”

      Zvisinei, chokwadi ndechokuti hapana munhu akatongerwa kuzviuraya. Mamiriyoni evanhu ari kurarama nematambudziko anoodza mwoyo. Maonero anoita pfungwa nomwoyo zvinetso ndiwo anoita kuti vamwe vazviuraye. Hazvisi zvikonzero zviri pachena chete asiwo zvisiri pachena zvinofanira kugadziriswa.

      Saka chii chingaitwa kuti pave noupenyu hune tariro, zvichaita kuti pave nechido chikuru chokurarama?

      [Bhokisi riri papeji 24]

      Kuzviuraya Zvichienderana Nokuti Munhui

      Maererano nokumwe kuongorora kwakaitwa muUnited States, kunyange zvazvo vakadzi vachinyanya kuedza kuzviuraya zvakapetwa ruviri kana rutatu pane varume, varume vane mukana wakapetwa kana wokubudirira. Vakadzi vane mukana wakapetwa kaviri wokuora mwoyo pane varume, zvingava zvinokonzera kuti pave nenhamba yakakura yokuedza kuzviuraya. Zvisinei, kuora mwoyo kwavo kungava kusina kunyanya kuipa, saka vangasashandisa nzira dzinorwadza dzokuzviuraya. Ukuwo varume vangashandisa nzira dzinorwadza uye dzine chokwadi chokubudirira kuitira kuti vaite zvavanenge vachida.

      Kunyange zvakadaro, muChina vakadzi vakawanda vanobudirira pane varume. Chokwadi ndechokuti kuongorora kwakaratidza kuti 56 kubva muzana yokuzviuraya kwevanhukadzi pasi pose kunoitika muChina, kunyanya kunzvimbo dzokumaruwa. Zvinonzi chimwe chinoita kuti pave nokuda kuzviuraya kwakadai kwevanhukadzi ndechokuti vanokwanisa kuwana mishonga inouraya zvipembenene nyore nyore.

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

      Kuzviuraya uye Kusurukirwa

      Kusurukirwa ndicho chimwe chinhu chinonyanya kuita kuti vanhu vakawanda vaore mwoyo uye vazviuraye. Jouko Lönnqvist uyo akatungamirira ongororo ine chokuita nokuzviuraya muFinland akati: “Kune vaya vakazviuraya vakawanda vacho vakanga vakasurukirwa zuva nezuva. Vakanga vane nguva yakawanda vasina zvavari kuita asi vasina shamwari.” Kenshiro Ohara, chiremba wepfungwa paHamamatsu University School of Medicine muJapan akataura kuti “kuzviparadzanisa nevamwe” ndiko kwakakonzera kuwedzera chaizvo kwenhamba yevanhu vane mazera okuma40 vanozviuraya munyika iyoyo.

      [Mufananidzo uri papeji 22]

      Kuvakuru, nhamo yemari, nezvinetso zvokubasa ndizvo zvinowanzokonzera kuda kuzviuraya

  • Unogona Kubatsirwa
    Mukai!—2001 | November 8
    • Unogona Kubatsirwa

      ‘MAPIRITSI okukotsirisa makumi mana nemapfumbamwe mukapu imwe chete. Ndoanwa here kana kuti ndorega?’ mumwe murume ane makore 28 muSwitzerland akazvibvunza kudaro. Mudzimai wake nevana vakanga vamusiya, uye akanga aora mwoyo zvikuru. Zvisinei, pashure pokuamedza, akataura oga achiti: ‘Kwete. Handidi kufa!’ Zvinofadza kuti akapona kuti azotaura nyaya yacho. Pfungwa yokuda kuzviuraya haigumi norufu nguva dzose.

      Maererano nevayaruki vanoedza kuzviuraya, Alex Crosby weU.S. Centers for Disease Control and Prevention akati: “Ukagona kuzvidzivisa kunyange kwemaawa mashomanana, unogona kuzvimisa. Unogona kutodzivisa kuzviuraya kwakati kuti kana ukapindira wobatsira. Unogona kuponesa upenyu hwavo.”

      Paaishanda paLifesaving and Emergency Center paJapan Medical College, Purofesa Hisashi Kurosawa akabatsira mazana evanhu vaida kuzviuraya kuti vave nechido chokurarama. Hungu, nokupindira kweimwe nzira, upenyu hunogona kununurwa. Rubatsiro rupi runodiwa?

      Kutarisana Nezvinetso Zvisiri Pachena

      Sezvataurwa munyaya yapfuura, vaongorori vanoti 90 kubva muzana yevanozviuraya vairwara nepfungwa kana kuti vaiva nechinetso chokudhakwa. Nokudaro, Eve K. Mościcki weU.S. National Institute of Mental Health, anoti: “Tariro inopfuura dzose yokudzivisa kuzviuraya mumazera ose ndeyokudzivisa zvinetso zvepfungwa nokupindwa muropa nezvinodhaka.”

      Zvinosuruvarisa kuti vazhinji vane zvinetso zvakadaro havafariri kutsvaka rubatsiro. Nemhaka yei? “Nokuti vanhu vanofunga zvisiri izvo munzanga,” anodaro Yoshitomo Takahashi wepaTokyo Metropolitan Institute of Psychiatry. Anowedzera kuti zvinoguma zvaitika ndezvokuti kunyange vanhu vanonyatsoziva kuti havanzwi zvakanaka vanozeza kutsvaka kurapwa pakarepo.

      Kunyange zvakadaro, vamwe havaregi nyadzi dzichivamisa. Hiroshi Ogawa, mushamarari wepaterevhizheni anozivikanwa zvikuru ave achibudisa chirongwa chake pachake muJapan kwemakore 17, akabvuma kuruzhinji kuti anomboora mwoyo uye kuti akapotsa azviuraya. “Kuora mwoyo kungafananidzwa nokurwara nedzihwa kwendangariro,” akadaro Ogawa. Akatsanangura kuti munhu wose anogona kurwara naro asi achigona kupora.

      Taura Nomumwe Munhu

      “Kana mumwe munhu ari oga nedambudziko rake, kazhinji anoriona serakakura chaizvo zvisina mwero uye risingagadzirisiki,” anodaro Béla Buda, mukuru mukuru wezvoutano muHungary ane mashoko ambotaurwa. Iyi pfungwa inosimudzira uchenjeri huri muchirevo chekare chiri muBhaibheri chinoti: “Unozviparadzanisa navamwe unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.

      Teerera mashoko iwayo okuchenjera. Usazvirega uchitambura nezvinetso zvakakura woga. Tsvaka mumwe munhu waungavimba naye. Ungati, ‘Asi handina wokuvimba naye.’ Maererano nomumwe mazvikokota woutano hwepfungwa Dr. Naoki Sato, vazhinji vanofunga kudaro. Sato akati varwere vangasataurira vamwe vanhu nyaya dzavo nokuti havadi kuzvifumura.

      Munhu angaudza ani anomuteerera? Munzvimbo dzakawanda anogona kuenda kumasangano okudzivirira kuzviuraya kana kuridzira runhare mapoka akagadzirira kuteerera vari mumatambudziko kana kutsvaka chiremba anonyatsozivikanwa anobata nezvinetso zvepfungwa. Asi vamwe vanamazvikokota vane kumwe kwavanoziva kunowanika rubatsiro—chitendero. Chitendero chingabatsira sei?

      Vakawana Rubatsiro Rwavaida

      Marin, imwe ndonda inogara muBulgaria, akanga ava nechido chakasimba chokuzviuraya. Rimwe zuva akawana magazini yechitendero inonzi Nharireyomurindi, inobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Akapindura chikumbiro chaivapo chokuti ashanyirwe neZvapupu zvaJehovha. Marin anorondedzera zvakazoitika: “Vakandidzidzisa kuti upenyu chipo chinobva kuna Baba vedu vokudenga uye kuti hatina kodzero yokuzvikuvadza kana kupfuudza upenyu hwedu nemaune. Nokudaro, ndakadzora pfungwa yangu yekare yokuda kuzviuraya ndikatangazve kuda upenyu!” Marin akawanawo tsigiro yorudo kubva muungano yechiKristu. Kunyange zvake achiri ndonda, anoti: “Mazuva angu azara nomufaro norunyararo, uye azara nezvinhu zvinofadza zvokuita—zvandiri kutoshayira nguva! Zvose izvi nemhaka yaJehovha neZvapupu zvake.”

      Murume wechiduku wokuSwitzerland ataurwa patangira nyaya ino akabatsirwawo neZvapupu zvaJehovha. Nhasi anotaura nezvo“mutsa weimwe mhuri yechiKristu” yakamutora ikagara naye. Anowedzera kuti: “Gare gare, nhengo dzeungano [yeZvapupu zvaJehovha] dzakatanga kuita madzoro kundikoka kuzodya zuva nezuva. Chakabatsira kwakanga kusiri chete kugamuchirwa nomufaro asi kukwanisa kutaura nomumwe munhu.”

      Murume uyu akakurudzirwawo zvikuru nezvaakadzidza muBhaibheri, kunyanya paakadzidza nezvorudo rwaMwari wechokwadi Jehovha rwaanarwo kuvanhu. (Johani 3:16) Zvechokwadi, Jehovha Mwari anokunzwa pauno‘durura mwoyo wako’ pamberi pake. (Pisarema 62:8) “Meso [ake] anotarira-tarira kumativi ose enyika yose,” kwete kuti atsvakire vanhu mhaka, asi “kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.” (2 Makoronike 16:9) Jehovha anotipikira kuti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:10.

      Pamusoro pechipikirwa chaMwari chenyika itsva, murume wokuSwitzerland akati: “Izvi zvakabatsira zvikuru kurerutsa kukangaidzika kwangu.” Tariro iyi, inorondedzerwa se“chinhu chinobata mweya,” inosanganisira chipikirwa choupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.—VaHebheru 6:19; Pisarema 37:10, 11, 29.

      Upenyu Hwako Hunokosha Kune Vamwe

      Ichokwadi kuti ungasangana nemamiriro ezvinhu anoita kuti unzwe souri woga zvachose uye kuti ufunge kuti kunyange ukafa hapana ane basa newe. Zvisinei, yeuka kuti: Pane musiyano mukuru pakati pokunzwa uri woga uye kuva woga. Munguva inotaurwa muBhaibheri muprofita Eriya akanzwa kusurukirwa zvikuru muupenyu. Akati kuna Jehovha: “Vakauraya vaprofita venyu nomunondo; ini, ini ndoga, ndasara hangu.” Hungu, Eriya akanzwa ava oga zvachose—uye paiva nechikonzero chokuti adaro. Vamwe vaprofita vakawanda kwazvo vakanga vaurayiwa. Iye pachake aida kuurayiwa, uye aitotiza kuti asaurayiwa. Asi akanga ari oga zvechokwadi here? Kwete. Jehovha akaita kuti azive kuti kwaiva nevanhu vanenge 7 000 vakatendeka, saiye, vaiedza kushumira Mwari mumazuva iwayo aisuwisa. (1 Madzimambo 19:1-18) Zvakadini newe? Kungadaro kuri kuti hausi woga sezvaunofunga here?

      Pane vanhu vane hanya newe. Unogona kufunga nezvevabereki vako, wawakaroorana naye, vana vako, uye shamwari dzako. Asi pane vamwe. Muungano yeZvapupu zvaJehovha, unogona kuwana vaKristu vakakura mumudzimu vanokufarira, vachanzwa zvaunotaura uye vachanyengetera newe uye vachakunyengeterera. (Jakobho 5:14, 15) Uye kunyange kana munhu wose asina kukwana akakusiya, kune Mumwe asingazokusiyi chero zvodini. Mambo Dhavhidhi wekare akanyora kuti: “Nokuti baba vangu naamai vangu vakandirasa, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Hungu, Jehovha ‘ane hanya newe.’ (1 Petro 5:7) Usafa wakakanganwa kuti unokosha kuna Jehovha.

      Upenyu chipo chinobva kuna Mwari. Ichokwadi kuti upenyu pane dzimwe nguva hunganzwika somutoro kwete sechipo. Zvisinei, unogona kufungidzira here manzwiro awaizoita dai waipa mumwe munhu chipo chinokosha iye ochikanda kwakadaro uko asina kumbochishandisa? Isu vanhu vasina kukwana hatisati tatombotanga kushandisa chipo choupenyu. Bhaibheri rinotoratidza kuti upenyu hwatiri kurarama iye zvino hausi kunyange “upenyu chaihwo” mukuona kwaMwari. (1 Timoti 6:19) Hungu, munguva pfupi iri kutevera upenyu hwedu huchave hwanyatsozara, hwanyatsova nechinangwa, uye hwava kufadza kupfuura zvahuri. Zvingadaro sei?

      Bhaibheri rinoti: “[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) Edza kufungidzira zvichava zvakaita upenyu hwako pachazadzika mashoko iwayo. Usamhanye-mhanye. Edza kuva nomufananidzo wakanaka weremangwana. Mufananidzo iwoyo hakusi kurota. Sezvaunofungisisa mabatiro akaita Jehovha nevanhu vake munguva dzakapfuura, chivimbo chako maari chichawedzera uye mufananidzo iwoyo uchawedzera kuva chinhu chaicho kwauri.—Pisarema 136:1-26.

      Zvingati torei nguva kuti uzonyatsotanga kufarira kurarama. Ramba uchinyengetera kuna “Mwari wokunyaradza kwose anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Jehovha achakupa simba raunoda. Achakudzidzisa kuti upenyu hwakakodzera kuhurarama.—Isaya 40:29.

      [Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

      Ungabatsira sei Munhu Anoita Seanoda Kuzviuraya?

      Unofanira kuitei kana mumwe munhu akakuudza kuti anoda kuzviuraya? “Teerera zvakanaka,” inopa zano iri U.S. Centers for Disease Control and Prevention (CDC). Murege ataure manzwiro aanoita. Zvisinei, kazhinji kacho munhu anoda kuzviuraya anoda kugara oga uye haadi kutaura nevanhu. Ziva kuti ari kurwadziwa uye kuti ari kunzwa asina tariro. Kana ukataura zvakanaka kuti wakacherechedza kumwe kuchinja muunhu hwake, unogona kuita kuti ataure uye akuudze zviri kumunetsa.

      Paunenge uchiteerera, ratidza kunzwira tsitsi. “Zvakakosha kusimbisa kuti upenyu hwomunhu wacho hwakakosha kwauri uye kune vamwe,” inodaro CDC. Muudze kuti kufa kwake kuchakurwadza chaizvo uyewo vamwe. Batsira munhu wacho kuona kuti Musiki wake ane hanya naye.—1 Petro 5:7.

      Vanamazvikokota munyaya iyi vanotiwo unofanira kubvisa chinhu chipi nechipi icho munhu angashandisa kuzviuraya—kunyanya pfuti. Kana zvikaratidza kuti zvakaoma, ungada kukurudzira munhu wacho kuti aende kwachiremba. Muzviitiko zvakanyanya kuipa, pangava pasina zvaunokwanisa kuita asi kudaidza amburenzi.

      [Bhokisi riri papeji 29]

      ‘Mwari Achandikanganwira Here Nemanzwiro Andiri Kuita?’

      Kusonganirana neZvapupu zvaJehovha kwakabatsira vakawanda kukurira pfungwa dzokuda kuzviuraya. Asi, hakuna munhu nhasi asina nhamo uye asingaori mwoyo. VaKristu vakambofunga zvokuzviuraya kazhinji kacho vanozozvitongesa kuti vakafungirei zvakadaro. Kunzwa vaine mhaka kwacho kunotowedzera kuvaremedza. Saka kunzwa kwakadaro kungaitwa sei?

      Zvakanaka kucherechedza kuti vamwe varume nevakadzi vakatendeka vomunguva inotaurwa muBhaibheri vakataura kuvenga kwakakura kwavaiita upenyu. Pane imwe nguva Ribheka, mudzimai watateguru vechiHebheru Isaka, akanga achinetseka nematambudziko omumhuri zvokuti akati: “Ndanetswa noupenyu hwangu.” (Genesi 27:46) Jobho, uyo akarwadziwa nokurasikirwa nevana vake, utano hwake, pfuma yake, uye kuremekedzwa kwaaiitwa munzanga, akati: “Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu.” (Jobho 10:1) Mosesi akambochema kuna Mwari achiti: “Chindiurayai henyu kamwe.” (Numeri 11:15) Eriya, muprofita waMwari, akamboti: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu.” (1 Madzimambo 19:4) Uye muprofita Jona akaramba achiti: “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”—Jona 4:8.

      Jehovha akashora vanhu ava here nemhaka yemanzwiro avaiita? Kwete. Akatochengetedza mashoko avo muBhaibheri. Zvisinei, zvakakosha kucherechedza kuti hapana mumwe wevakatendeka ava akarega manzwiro aaiita achimuita kuti azviuraye. Jehovha aivakoshesa; aida kuti vararame. Chokwadi ndechokuti Mwari ane hanya kunyange noupenyu hwevakaipa. Anovakurudzira kuchinja nzira dzavo kuti ‘varambe vachirarama.’ (Ezekieri 33:11) Anotoda chaizvo kuti vaya vanoda kumufadza varambe vari vapenyu!

      Mwari akapa chibayiro chorudzikinuro chomwanakomana wake, ungano yechiKristu, Bhaibheri, uye ropafadzo yomunyengetero. Mukana uyu wokutaura naMwari—munyengetero—uripo nguva dzose. Mwari anogona uye achanzwa vose vanosvika kwaari nomwoyo wokuzvininipisa uye zvepachokwadi. “Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa, kuti tiwane ngoni uye tiwane mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.”—VaHebheru 4:16.

      [Bhokisi riri papeji 28]

      Mudiwa Wako Akazviuraya Here?

      Mumwe munhu paanozviuraya, mhuri uye shamwari dzepedyo dzinokangaidzika mupfungwa zvikuru. Vakawanda vanozvipa mhaka nokuda kwezvinenge zvaitika. Vanotaura mashoko akaita seaya: ‘Dai ndakangoti garei kweimwe nguva yakati kuti naye zuva riya,’ ‘Dai ndisina hangu kutaura mashoko aye,’ ‘Dai ndakaita chimwe chinhu kuti ndimubatsire.’ Zvavanenge vachireva ndezvokuti, ‘Dai ndakaita zvakati nezvakati, mudiwa wangu angadai achiri mupenyu.’ Asi, zvakarurama here kuzvipa mhaka yokuzviuraya kwomumwe munhu?

      Yeuka kuti zviri nyore chaizvo kuzoziva zviratidzo zvokuda kuzviuraya munhu wacho atozviuraya. Panguva ino zvinhu hazvina kudaro. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo woga ndiwo unoziva kurwadziwa kwawo, uye hapana mumwe munhu anogona kuziva zvinoufadza.” (Zvirevo 14:10, Tanakh) Dzimwe nguva hazvitomboiti kuti uzive kuti mumwe munhu ari kufungei kana kuti ari kunzwa sei. Vanhu vakawanda vanoda kuzviuraya havakwanisi kuudza vamwe vanhu zviri kutsi kwemwoyo yavo, kunyange vomumhuri mavo chaivo.

      Nezvezviratidzo zvomunhu angada kuzviuraya, bhuku rinonzi Giving Sorrow Words rinoti: “Chokwadi ndechokuti hazvisi nyore kuona zviratidzo zvakadaro.” Bhuku iri rinowedzera kuti kunyange kana ukaona zvimwe zviratidzo, izvozvo zvoga hazvipi vimbiso yokuti waikwanisa kudzivisa kuzviuraya kwacho. Pane kuti uzvitambudze, unogona kunyaradzwa nemashoko aMambo akachenjera Soromoni okuti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Mudiwa wako haasi kutambudzwa muhero ine moto. Uye kushungurudzwa kwakaita kuti azviuraye kwapera. Haasi kutambura; akazorora zvake.

      Zvingava zvakanaka kuti iye zvino uise pfungwa dzako pautano hwevapenyu, kusanganisira hwako. Soromoni akaenderera mberi achiti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose” uchiri mupenyu. (Muparidzi 9:10) Unogona kuva nechokwadi chokuti upenyu hwemangwana hwevanhu vanenge vazviuraya huri mumaoko aJehovha, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.a

      [Mashoko Omuzasi]

      a Uchawana mashoko akanaka nezvenguva yemberi yevanhu vakazviuraya munyaya inoti “The Bible’s Viewpoint: Suicides—A Resurrection?” muMukai! yechiRungu yaSeptember 8, 1990.

      [Mifananidzo iri papeji 25]

      Upenyu hwako hunokosha kune vamwe vanhu

      [Mufananidzo uri papeji 26]

      Taura nomumwe munhu

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe