CHITSAUKO 11
Zvakadini Noushamwari HwepaIndaneti?
Unofarira kukurukura nevamwe sei?
□ Chiso nechiso
□ Nefoni
□ Nekombiyuta
Ndivanaani vaunoona vari nyore zvikuru kutaura navo?
□ Vaunodzidza navo
□ Vomumhuri
□ Vamwe vaKristu
Ndokupi kwaunonzwa wakasununguka zvikuru kuti ukurukure nevamwe?
□ Kuchikoro
□ Kumba
□ Kumisangano yeungano
ONA zvawapindura pamubvunzo wokutanga. Waratidza here kuti unofarira kukurukura uchishandisa kombiyuta pane kutaura makatarisana? Kana wadaro, hausi woga. Vechiduku vakawanda vanoshandisa Indaneti kuti vatange ushamwari uye kuhuchengetedza. Mumwe musikana anonzi Elaine anoti, “Kukwanisa kutaura nevanhu vanobva pasi pose—vanhu vausingambofi wasangana navo—kunonakidza.” Tammy ane makore 19, anotaura chimwezve chinokwezva. Anoti, “Unogona kudzora maonerwo aunoitwa nevanhu. Pamunenge makatarisana, kana ukasafarirwa, hapana chaungaita nezvazvo.”
Iye zvino chitarira zvawapindura pamubvunzo wechipiri newechitatu. Usashamisika kana ukaona zviri nyore kutaura nevaunodzidza navo pane kutaura nevaKristu vaunonamata navo pamisangano yeungano. Jasmine ane makore 18 anoti, “Kuchikoro kune mikana yakawanda yokuwana vanhu vari kusangana nezvinhu zvauri kusanganawo nazvo. Izvozvo zvinoita kuti zvive nyore kwavari kuti vasununguke.”
Pashure pokufungisisa zviri pamusoro apa, zvingaita sokuti chaunongoda chete kukurukura paIndaneti nevaunodzidza navo. Tammy anobvuma kuti akazviita kwenguva yakati. Anoti, “Vandinodzidza navo vose vaitaura paIndaneti, uye ini ndakanga ndisingadi kusaririra.” Natalie ane makore 20 akagadzira nzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti kuti agare achitaura neshamwari dzake.a Anoti, “Unyanzvi hwokugadzira zvinhu huri kufambira mberi. Kwava nenzira itsva dzokukurukurirana. Iyi ndiyo imwe yacho, uye ndinoifarira.”
Kuongorora Ngozi Dzacho
Hapana mubvunzo kuti vamwe vanoona zviri nyore kutanga ushamwari paIndaneti uye kuhuchengetedza. Natalie anoti, “Indaneti inokupa chivimbo chawaisazombowana.” Tammy anobvumirana nazvo. Anoti, “Kana uchinyara, kukurukurirana paIndaneti kunokupa mukana wokuronga zvaunoda kuzotaura chaizvo.”
Asi pane ngozi dzokukurukurirana paIndaneti uye hungava upenzi kuti usava nehanya nadzo. Kuenzanisira: Waizofamba mumigwagwa yomunzvimbo ine ngozi wakavharwa maziso here? Saka unopedzerei nguva uri paIndaneti usingazivi ngozi dzacho?
Chimbofunga ngozi dzinovapo nokuedza kutsvaka shamwari paIndaneti. “Zviri nyore zvikuru kusangana nevanhu vane unyengeri,” anodaro Elaine, uyo pane imwe nguva ainakidzwa nokungotaura nevanhu vaakanga asingazivi paIndaneti. Anowedzera kuti: “Dzimwe nguva hazvimbotori nguva mumwe munhu asati atanga kutaura mashoko enhando kana kuti abvunza mibvunzo yakadai: ‘Uri mhandara here? Unoita zvepabonde nomumukanwa here?’ Vamwe vanonakidzwa nokukurukura zvepabonde paIndaneti.”
Ko kana uchingotaura neshamwari yaunovimba nayo? Kunyange pakadai, unofanira kungwarira. Joan anoti, “Unogona kupedza nguva yakawandisa uchikurukura nomumwe munhu wechirume kana kuti wechikadzi, kunyange kana munhu wacho ‘achingova shamwari.’” “Kana ukapedza nguva yakawanda uchinyorerana nomunhu iyeye, ushamwari hwenyu hunowedzera kusimba uye kukurukurirana kwamunoita kunogona kuita kuti muve pedyo napedyo zvikuru.”
“Vaya Vanovanza Zvavari”
Mambo Dhavhidhi ainyatsoziva kuti kudzivisa shamwari dzakaipa kunokosha. Akanyora kuti: “Handina kugara nevanhu venhema; handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.”—Pisarema 26:4.
Wakambosangana nevanhu vakataurwa naDhavhidhi pawaiva paIndaneti here? Ndepapi apo vanhu vanenge vari paIndaneti “vanovanza zvavari”? ․․․․․
Ukuwo, kungava kuti iwe unovanza zvauri paunenge uri paIndaneti here? “Ndaitanga kukurukura nevanhu ndobva ndapfeka unhu hunoita kuti ndikwane pakukurukura kwacho,” anodaro Abigail, uyo akashanyira dzimwe nzvimbo dzokuchinjana mashoko paIndaneti (chat rooms).
Mumwe musikana anonzi Leanne akashandisa imwe nzira yokunyengedza. Anoti: “Ndaigara ndichikurukura nomumwe mukomana womuungano yepedyo. Pasina nguva takanga tava kutaurirana mashoko ‘orudo.’ Vabereki vangu pavaipfuura, ndaivanza peji yandaishandisa kuti vasaziva kuti chii chaiitika. Handifungi kuti vaizviona zvichiita kuti mwanasikana wavo ane makore 13 ainyora nhetembo dzorudo kumukomana ane makore 14. Hazvina kumbouya mumusoro mavo.”
Kugara Wakachengeteka
Chokwadi, pane nguva dzakakodzera kukurukura paIndaneti. Somuenzaniso, vanhu vakawanda, kusanganisira vanhu vakuru, vanoshandisa Indaneti kuti vagare vachikurukura neshamwari. Kana zviri izvo zvaunoita, pane matanho okuzvidzivirira aungatora here? Ona pfungwa dzinotevera.
● Ramba uchitarira nguva yaunopedzera paIndaneti, uye usarega ichikubira nguva yezvinhu zvinonyanya kukosha—kusanganisira kurara. “Vamwe vana vokuchikoro vakati vaigara paIndaneti kusvika nenguva dza3 mangwanani,” anodaro mumwe wechiduku anonzi Brian.—VaEfeso 5:15, 16.
● Kurukura bedzi nevanhu vaunoziva. Vanhu vasina unhu vanogara vari paIndaneti vachitsvaka kukanganisa vechiduku vasina zvavanofungira.—VaRoma 16:18.
● Paunenge uchitenga kana kutengesa, ngwarira. Pakutaura mashoko ane chokuita newe, nyatsongwarira. Ungangobiridzirwa—kana kuitwa zvinopfuura ipapo.—Mateu 10:16.
● Pakutumira shamwari yako mapikicha, zvibvunze kuti, ‘Anonyatsoratidza munhu anoti anoshumira Mwari here?’—Tito 2:7, 8.
● Sezvawaizoita muchikurukurirana makatarisana, kana kukurukurirana paIndaneti kwava kurerekera ku“zvinhu zvisina kukodzera,” kugumise.—VaEfeso 5:3, 4.
● Nguva dzose iva akatendeseka pakushandisa kwaunoita Indaneti. Kana ‘uchizovanzira vabereki zvauri’ zvinoratidza kuti pane chimwe chinhu chaunoita chisina kunaka. “Amai vangu ndinovabudira pachena,” anodaro mumwe musikana anonzi Kari. “Ndinovaratidza zvandinenge ndichiita paIndaneti.”—VaHebheru 13:18.
“Unenge Wamirira Zviripo!”
Unoda kuva neshamwari. Ndizvo zvinoita munhu wose. Vanhu vakasikwa kuti vafare nevamwe. (Genesisi 2:18) Saka paunonzwa uchida kuva neshamwari, izvozvo zvinoenderana nemasikirwo awakaitwa! Ingongwarira pakudzisarudza.
Iva nechokwadi chokuti unogona kuwana shamwari dzakanaka kana ukadzisarudza maererano nezvinodiwa neShoko raMwari. Mumwe musikana ane makore 15 akati: “Zvakaoma kuwana shamwari dzinoda Jehovha uye dzinokuda. Asi kana wadziwana, unenge wamirira zviripo!”
Ndiani akati mashoko haakuvadzi? Makuhwa anogona kubaya somunondo. Ungaamisa sei?
[Mashoko Omuzasi]
a Ushamwari hwokuchikoro huchakurukurwa zvakadzama muChitsauko 17.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Handina kugara nevanhu venhema; handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.”—Pisarema 26:4.
ZANO
Nguva inomhanya kana uri paIndaneti! Saka iva nepokugumira woomerera ipapo. Kana zvakakodzera, ita kuti pave nearamu inozorira kana nguva yawakaronga kuva paIndaneti yapera.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Zvinongoda mashoko mashomanana chete epaIndaneti—zvichida zita rako rokupedzisira, zita rechikoro chako, nhamba yako yefoni—kuti mumwe munhu ane vavariro dzakaipa akuwane.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndinoda kupedza nguva inosvika ku- pavhiki ndiri paIndaneti, uye kuti ndiite izvi ndicha- ․․․․․
Kana ndikaona ndava kutaura nomunhu wandisingazivi paIndaneti, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Kukurukurirana paIndaneti kwakanakirei uye kwakaipirei kana kuchienzaniswa nokutaura makatarisana?
● Nei zviri nyore kuchinja unhu paunenge uchitaura uri paIndaneti?
● Ungadzora sei nguva yaunopedzera paIndaneti?
● Kukurukurirana paIndaneti kungaitwa sei zvinobatsira?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 103]
“Handina vanhu vokukurukura navo paIndaneti vandisingazivi kana kuti vandisingazoshamwaridzani navo muupenyu chaihwo.’’—Joan
[Mufananidzo uri papeji 101]
Waizofamba mumigwagwa yomunzvimbo ine ngozi wakavharwa maziso here? Saka unotaurirei paIndaneti usingangwariri ngozi dzacho?