-
Shandisa Zvakanakisisa Magazini EduUshumiri hwoUmambo—1995 | September
-
-
Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
1 Apo unosvika panzvimbo inotengeswa mapepanhau nemagazini, chii chaunoona? Magazini. Pachitoro chapakona, chii chinobata ngwariro yako? Magazini. Chii chinoita kuti munhu anofambisa tsamba akombame nokuremerwa nebhegi rake retsamba? Magazini. Nokudaro, chii icho vanhu vakawanda vari kurava? Magazini. Nzvero dzakaratidza kuti pwere 9 mu10 dziri pakati pezera ramakore 10 ne18, uye chiverengero muzana chimwe chetecho chavakuru, vanorava inenge magazini imwe mwedzi mumwe nomumwe. Nyika inofarira magazini.
2 Tinogona kuita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vafarire Nharireyomurindi neMukai! here? Hungu, kana ISU tichifarira Nharireyomurindi neMukai! Chii chinogona kutibetsera? Rangarira izvi zvikarakadzo:
◼ Rava Magazini Acho: Mumwe mutariri anofambira akashuma kuti, paavhareji, muparidzi mumwe bedzi muvatatu mudunhu rake anorava chinyorwa chimwe nechimwe cheNharireyomurindi neMukai! kubva pabutiro kusvikira kubutiro. Iwe unodaro here? Sezvo unorava chinyorwa chimwe nechimwe, zvibvunze umene kuti, ‘Ndiani angaonga mashoko aya—amai, asingadaviri kuvapo kwaMwari, muzvinabhizimisi, pwere?’ Mukopi yako yomunhu oga, tara pfundo rimwe kana kuti maviri aunogona kushandisa pakugovera magazini yacho. Ipapo funga pamusoro penzira yaunganyandura nayo fariro munhau yacho mumutsara mumwe kana kuti miviri.
◼ Iva Neodha Chaiyoiyo Yamagazini: Isa odha chaiyoiyo kuhama inotarisira magazini nokuda kwenhamba chaiyoiyo yamakopi echinyorwa chimwe nechimwe. Muiyi nzira, iwe nemhuri yako muchava nemugove wenguva dzose uye wakakwana wemagazini.
◼ Ronga Zuva Remagazini Renguva Dzose: Ungano dzakawanda dzakatsaura zuva rakarongwa zvikurukuru nokuda kwokupupura namagazini. Unogona kutsigira Zuva Remagazini reungano here? Kana usingagoni, edza kushandisa nguva yakati yebasa panhambo nenhambo nokuda kwokupupura namagazini mumugwagwa uye kuparadzira kwomunhu oga magazini, pose pari paviri pasuo nesuo uye kwakamirirwa magazini.
◼ Farira “Nharireyomurindi” ne“Mukai!”: Takura makopi emagazini pakufamba kana kuti pakutenga. Agovere apo unotaura kuvashandi biyako, vavakidzani, vokuchikoro biyako, kana kuti vadzidzisi. Vamwe varoorani avo kazhinji kazhinji vanofamba nendege vanoshandisa pfundo riri muimwe magazini yazvino uno kutanga kurukurirano nomufambi akagara pedyo navo. Ivo vakafarikanya zviitiko zvakawanda zvinofadza. Vamwe vanhu vaduku nguva dzose vanounza kuchikoro nyaya dzavanofunga kuti dzichafadza vadzidzisi vavo kana kuti vadzidzi biyavo. Takura makopi apo unenge uri parwendo rwupfupi, uye agovere kuvatengesi pashure pokunge wapedza bhizimisi rako. Vakawanda vedu tinotenga peturu nguva dzose; kuregererei kugovera magazini acho kumutengesi wepeturu? Achengete pedyo apo hama dzokunyama dzinoshanya, apo unoshandisa zvifambiso zvavose, kana kuti apo unenge wakamirira rangano. Unogona kufunga nezvedzimwe nhambo dzakakodzera here?
◼ Gadzirira Mharidzo Pfupi Yamagazini: Ronga kutaura zvishoma bedzi, asi zvitaure zvakanaka. Iva ane mbavarira. Fadza mwoyo. Iva akananga. Tora mufungo mumwe munyaya, utaure mumashoko mashomanene, uye govera magazini acho. Mharidzo yakanakisisa inobvunza mubvunzo panhau yefariro uye ipapo inonongedzera kunyaya iyo inopa mhinduro yapaMagwaro. Rangarira mienzaniso mishomanene pamusoro pokuti izvozvi zvingaitwa sei:
3 Kana uri kusimbisa nyaya pamusoro pokuwedzera kwomwero woutsotsi, ungagona kubvunza, kuti:
◼ “Chii chinodikanwa kuti kutibvirire kukwanisa kurara usiku pasina kutya utsotsi?” Saimba angapanikira pamusoro pokuva nani kwezvinhu. Unogona kupindura kuti vanhu vakawanda vanorangarira nenzira imwe cheteyo ndokuwedzera kuti une mamwe mashoko aunodavira kuti achava efariro kwaari. Ipapo nongedzera kupfundo rakakodzera riri munyaya yacho.
4 Pakugovera nyaya pamusoro poupenyu hwemhuri, ungati:
◼ “Vanhu vakawanda vanowana kuti idenho chaiyoiyo kuwana mari yokurarama nayo ndokurera mhuri mazuva ano. Mabhuku anoverengeka akanyorwa pamusoro penhau yacho, asi kunyange nyanzvi hadzibvumirani pamusoro pemhinduro dzezvinetso zvedu. Kune kupi nokupi kwatinogona kuenda kuti tiwane nhungamiro yakavimbika here?” Ipapo nongedzera kutsinhiro yakananga iri mumagazini iyo inoratidzira uchenjeri hunowanikwa muBhaibheri.
5 Ungashandisa uku kusvika pakuratidzira nyaya pamusoro pechinetso chenzanga:
◼ “Vanhu vakawanda zvikurusa vari mudzvinyiriro nhasi. Mwari haana kutongoronga kuti tirarame neiyi nzira.” Ipapo ratidza nzira iyo mashoko akavakirwa muBhaibheri ari munyaya yacho anogona kutibetsera nayo kugonana nezvinetso zvoupenyu zvino ndokugovera mhinduro yechigarire mune ramangwana.
6 Kupupura Kwomumugwagwa Kunobudirira: Makanga muri muchinyorwa cheInformant (Our Kingdom Ministry) chaJanuary 1940 umo vaparidzi vakakurudzirwa kwenguva yokutanga kuronga zuva chairo vhiki imwe neimwe rokupupura kwomumugwagwa vachishandisa magazini. Iwe unogoverana mubasa rokupupura kwomumugwagwa panguva nenguva here? Kana uchidaro, nzira yaunoshandisa inobudirira zvirokwazvo here? Vamwe vaparidzi vakaonekwa vakamira pakona yomugwagwa wakabatikana, vachitaura kune mumwe nomumwe nepo vanhu vakawanda zvikuru vakapfuura vasina kucherekedzwa. Panzvimbo pokumira pedyo napedyo nemagazini, kunobudirira zvikuru kuparadzana ndokusvika vanhu. Vaenzi vangamira ndokuteerera zvishoma kana vakasvikwa nomunhu mumwe bedzi, asi vashoma vachatanga kusvika boka rakanyura mukurukurirano. Sezvo tinokwezva ngwariro huru zvikuru mumugwagwa, pane dikanwo chaiyo yokuva vakatsvinda zvakanaka uye vakapfeka zvine mwero sezvakafanira vabatiri vaMwari.—1 Tim. 2:9, 10.
7 Kwakamirirwa Magazini: Avo vane kwakamirirwa magazini vanogovera magazini akawanda kunyange zvazvo ndima dzichifukidzwa nguva dzose. Kwakamirirwa magazini manyuko akaisvonaka efundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinobvira.
8 Apo unoita shanyo dzedzokerero dzenguva dzose kuti uendese magazini, uchawana kuti kudziya noushamwari pakati pako nasaimba zvichakura. Mukava makarovedzana zviri nani, kuchava nyore zvikuru kukurukura pamusoro pemisoro yepaMagwaro. Ikoku kunogona kutungamirira kukutanga fundo yeBhaibheri yapamusha inobudirira. Pashanyo uko kune kuonga magazini kuri pachena, govera kuzvinyoresa. Uye yeuka, nguva imwe neimwe yaunoonana nasaimba unogona kushuma shanyo yedzokerero.
9 Imwe hanzvadzi nguva dzose yaiendesa magazini kumumwe mukadzi uyo aigaroagamuchira asi aiti: “Handidaviri zvamunondiudza.” Paimwe shanyo gare gare, hanzvadzi yakawana murume wacho ari pamusha. Pashure pekurukurirano youshamwari, rongedzero dzakaitwa kutanga fundo yeBhaibheri. Hanzvadzi yacho yakaita ushamwari nevanakomana vatatu avo vakauya kuzokumbanira mufundo. Pakupedzisira, amai vacho nevanakomana vavo vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha uye vakabhapatidzwa. Kusvikira nhasi, mitezo 35 yemhuri yacho yakagamuchira zvokwadi. Ikoku kose imhaka yokuti hanzvadzi yakadzokera kwakamirirwa magazini kwayo!
10 Pane nzira dzakawanda dzokutanga nadzo kwakamirirwa magazini. Unogona kutanga kwakamirirwa magazini kupfurikidza nokungochengeta zvako chinyorwa chezvaunogovera uye kuronga kudzoka vhiki mbiri dziri dzose nezvinyorwa zvazvino uno. Imwe nzira ndeyokushandisa mashoko ari pasi pomusoro unoti “Dziri Muchinyorwa Chedu Chinotevera.” Apo unodzoka, udza saimba kuti une nyaya yawakadudza munguva yakapfuura. Kana kuti, pakuita shanyo yedzokerero, ungagona kuti: “Apo ndakarava nyaya ino, ndakafunga kuti ingakufadzai . . . “Ipapo ita tsinhiro pfupi shomanene panyaya yacho uye igovere. Apo unenge wapedza shanyo yacho, nyora mapfundo ari nyore mashanu pachinyorwa chako chapaimba neimba: (1) zita rasaimba, (2) kero yasaimba, (3) musi weshanyo, (4) zvinyorwa zvagoverwa, uye (5) nyaya yakasimbiswa. Vamwe vaparidzi vakava vanobudirira zvikuru mukutanga kwakamirirwa magazini, vachiwana shanyo dzakawanda se40 kana kuti kupfuura pandaza yavo!
11 Ndima Yebhizimisi: Magazini akawanda anogoverwa navaparidzi avo vanoshanda ndima yebhizimisi. Wakamboedza basa rapachitoro nechitoro here? Mishumo inoratidzira kuti mune dzimwe ungano, goverano muurwu rutivi rwebasa yakaganhurirwa zvikuru. Pakutanga, vamwe vanotya kushanyira vanamuzvinabhizimisi, asi pashure pokunge vakuedza nguva shomanene, ivo vanokuwana kuri zvose zviri zviviri kunofadza nokunotusa. Kuregererei kukumbira muparidzi ane ruzivo rwokuzviwanira kana kuti piyona kukubetsera kutanga?
12 Pane betsero dzinoverengeka mukushanda chitoro nechitoro. Pane vashomanene zvikuru vasati vari pamisha, zvikurukuru mukati memaawa ebhizimisi! Vanamuzvinabhizimisi vanowanzova netsika dzakanaka, kunyange kana vangasava nefariro yakati muBhaibheri. Kurumidza kutanga; sezvingabvira uchagamuchirwa zviri nani. Pashure pokuzvisuma umene, ungataura kuti hauwanzowani vanamuzvinabhizimisi pamusha, naizvozvo uri kuvashanyira kwamaminiti mashomanene chete panzvimbo yavo yebasa kuti ugovere zvinyorwa zvazvino uno zveNharireyomurindi neMukai! Ratidza kuti vanamuzvinabhizimisi vakawanda vanoonga magazini edu nemhaka yokuti ivo vanoda kuti varambe vachiwirirana nomusi pamusoro pezviitiko asi vane nguva shomanene yokurava. Magazini anopa mashoko anonyandura mufungo unobva mumurangariro mutsva, pasina kufungira mano akaipa kworudzidziso, kwematongerwe enyika, kana kuti kwezvokutengeserana. Kwakamirirwa magazini kungatangwa nevanhu vanofarira vanowanwa mundima yebhizimisi.
13 Gadzirirai Semhuri: Nguva yakati ingatsaurwa mukati mefundo yenyu yemhuri kuti mukurukure kuti inyaya dzipi dziri mumagazini azvino uno dzingava dzakakodzera kushandiswa mundima yenyu. Mitezo yemhuri—kubatanidza vana—inogona kuchinjana kurovedza mharidzo dzayo uye kukurira zvirambidzo zvinozivikanwa navose zvinomutswa, zvakadai sokuti: “Ndakabatikana,” “Tine rudzidziso rwedu timene,” kana kuti “Handifariri.” Batira pamwe yakanaka inogona kuita kuti kuve kunobvirira mhuri yose kuva negoverano yenguva dzose mukuparadzirwa kwamagazini.
14 Vaitisi Vefundo Dzebhuku Dzeungano Vanogona Kubetsera: Panguva ipi neipi pakunoshanda, rongai misangano yebasa paZuva Remagazini panzvimbo dzefundo dzebhuku panzvimbo pokuita kuti ungano yose isangane paHoro yoUmambo. Avo vanotungamirira misangano yebasa romumunda vanofanira kugadzirira zvakananga zvikarakadzo chaizvoizvo zveboka. Izvozvi zvingabatanidza mharidzo yomuenzaniso yakapfava uye pfundo rimwe kana kuti maviri anobva muzvinyorwa zvazvino uno izvo zvingashandiswa kunyandura fariro munzvimbomo. Misangano yebasa romumunda—kubatanidza kurongwa kweboka—inofanira kuva mipfupi, isingapfuuri maminiti 10 kusvika ku15. Vaitisi vefundo vanofanira kuva nechokwadi chokuti pane ndima yakakwana kuitira kuti boka richengetwe rakabatikana kwenhambo yose yebasa romumunda.
15 Ratidza Kuonga Magazini: Nyaya inoti “Kushandisa Zvakanakisisa Nharireyomurindi neMukai!” iyo yakaburitswa muchinyorwa chaJuly 1993 choUshumiri Hwedu hwoUmambo yakasimbisa iri pfundo rinokosha: “Nharireyomurindi neMukai! haasati achirasa ukoshi hwawo, kunyange kana ose asina kugoverwa mumwedzi mumwe kana kuti miviri yezuva rechinyorwa chacho. Mashoko aanawo haavi anokosha zvishomamanene nokufamba kwenguva. . . . Kubvumira magazini ekare kuungana uye kusatongoashandisa kunoratidza kushayikwa kwokuonga izvi zvishandiso zvinokosha. . . . Panzvimbo pokuisa parutivi zvinyorwa zvekare ndokukanganwa nezvazvo, hakwaizova nani kuita nhamburiko chaiyo kuagovera muvanhu vanofarira here?”
16 Nhasi kune vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka avo vari kutsvaka zvokwadi. Mashoko ari mune imwe magazini angagona kuva zvavanoda chaizvo kuti zvivatungamirire kuzvokwadi! Jehovha akatipa mashoko anofadza okuzivisa, uye magazini edu anoita rutivi rwakakosha mukusvitsa shoko racho kuvamwe. Uchava anofarira zvikuru kuparadzirwa kwamagazini mune ramangwana here? Uchashandisa zvimwe zveizvi zvikarakadzo kupera kuno kumene kwevhiki chaiko here? Uchakomborerwa zvikuru kana ukadaro.
Zvikarakadzo Zvinoshanda:
◼ Rava magazini pachine nguva mberi, uye iva akarovedzana nenyaya dzacho.
◼ Sarudza nyaya inotaura nezvechimwe chinhu chinofarirwa navose munzanga menyu.
◼ Gadzirira mharidzo iyo ichava yakakodzera vanhu vakasiyana-siyana, vangava varume, vakadzi, kana kuti pwere. Ratidza kuti magazini yacho ine chokuita sei nasaimba uye kuti mhuri yose ichaifarikanya sei.
◼ Ronga kugoverana mumubato wenyu webasa romumunda apo vanhu vakawanda zvikurusa vanenge vari pamusha. Dzimwe ungano dzinoronga kupupura kwamanheru nemagazini.
◼ Chengeta mharidzo yako iri pfupi uye yakananga.
◼ Usataura nokukurumidzisa. Kana muteereri wako asina fariro, kutaura nokukurumidza hakusati kuchizobetsera. Edza kuva akasununguka, uye ipa saimba mukana wokupindura.
Kugovera Magazini Paimba Neimba:
◼ Iva anonyemwerera nenzira youshamwari uye inzwi rine ushamwari.
◼ Iva ane mbavarira pamusoro pemagazini.
◼ Taura zvishoma nezvishoma uye zvakajeka.
◼ Taura pamusoro penhau imwe bedzi; nyandura fariro nokupfupikisa, uye ratidza ukoshi hwayo kuna saimba.
◼ Simbisa nyaya imwe chete.
◼ Ratidzira magazini imwe bedzi, uchigovera imwe somuperekedzi.
◼ Gamuchidza magazini yacho kuna saimba.
◼ Ita kuti saimba azive kuti unoronga kudzoka.
◼ Iva nemhedziso youshamwari, yakanaka kana magazini akarambwa.
◼ Nyora pachinyorwa chapaimba neimba fariro yose nezvagoverwa.
Mikana Yokugovera Magazini:
◼ Kupupura paimba neimba
◼ Kupupura mumugwagwa
◼ Basa rapachitoro nechitoro
◼ Kwakamirirwa magazini
◼ Kupupura kwamanheru
◼ Kuita shanyo dzedzokerero
◼ Kushanyira vaichimbova vadzidzi veBhaibheri
◼ Pakufamba, kutenga
◼ Pakutaura nehama dzokunyama, vashandi biyako, vavakidzani, vokuchikoro biyako, vadzidzisi
◼ Muzvifambiso zvavose, mudzimba dzokumirira
-
-
Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Weruzivo RwemakomupiyutaUshumiri hwoUmambo—1995 | September
-
-
Kuchengeta Murangariro Wakadzikama Weruzivo Rwemakomupiyuta
1 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu muzana rokutanga ramakore kuti vasatsauswe, nemhaka yokuti “nguva yasara yatapudzika.” (1 VaK. 7:29, NW) Sezvo mugumo wetsika ino yekare yezvinhu unoswedera pedyo, ndekwokukurumidzira sei kuti ti‘tange kutsvaka Umambo nokururama kwaMwari’ uye ku‘tenga nguva yakafanira’! Nguva inokosha.—Mat. 6:33; VaEf. 5:15, 16.
2 Ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakarumbidzwa somuchengetedzi mukuru wenguva. Somuenzaniso, pakungobaya bhatani rekomupiyuta, mushandisi anogona pakarepo kusvika kuzvitsama zvikuru zvamashoko. Makomupiyuta anogona kuita kazhinji kazhinji mumasekondi izvo zvaizodai zvakada maawa kana kuti vhiki dzakawanda kuita nemimwe mitoo. Apo anoshandiswa nenzira yakakodzera, iwo chishandiso chinobetsera.
3 Ruchachengetedza Nguva Chaizvoizvo Here?: Pane rumwe rutivi, ruzivo rwokugadzira zvinhu rwakadaro haruuyi kumushandisi pasina ndyiko dzakati kuti—zvose zviri zviviri mumari nomunguva. Maawa angadikanwa kudzidza nzira yokuita nayo kuti komupiyuta iite mabasa akati. Uyezve, munhu anova anofadzwa neruzivo rwokugadzira zvinhu irwo rumene angapedza nguva yaigona kushandiswa zviri nani. Tinofanira kuchengeta murangariro wakajeka, tichiyeuka nheyo inobatanidzwa muzano romuapostora Pauro rokufamba “savakachenjera; mungwarire nguva yenyu.”—Ona 1 VaK. 7:31.
4 Vanhu vakati kuti vane vavariro dzakanaka vakagadzira purogiramu dzemakomupiyuta nokuda kwokuchengeta zvinyorwa zveungano. Chokwadika, chisarudzo chomunhu oga pamusoro pokuti munhu anoshandisa sei komupiyuta yake. Zvisinei, zvinyorwa zveungano zvine mafomu akagoverwa nokuda kwazvo hazvifaniri kuchengetwa mumakomupiyuta, sezvo vana kana kuti vamwe vanhu vasina kubvumidzwa vangagona kusvika pazviri. Zvinyorwa zvose zveungano—zvinyorwa zveakaunzi, makadhi eChinyorwa Chomuparidzi Cheungano, uye zvichingodaro—zvinofanira kuchengetwa pamafomu anogoverwa neSosaiti, uye mashoko ari paaya mafomu eungano haafaniri kuchengetwa mukomupiyuta. Neiyi nzira, zvinyorwa zvakavanzika zveungano zvichadzivirirwa.
5 Vatariri vakavimbika vanofanira kuva vanonzwisisa mukuita migove yepurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neMusangano Webasa. Vanofanira kurangarira mashoko achafukidzwa murutivi rwakati. Muchikoro, somuenzaniso, mamwe mashoko angasava akakodzera kuti mudzidzi upi noupiwo zvake atarisire. Chinangwa chehurukuro pamwe chete nezvikwaniriso zvomunhu wacho norudzi rwamashoko acho zvinofanira kurangarirwa. Hakufaniri kusiyirwa kukomupiyuta kusarudza.
6 Hama inogoverwa rutivi runofanira kupiwa pamisangano yeungano haifaniri kutsamira pamashoko akagadzirwa nomumwe munhuwo zvake, zvikurukuru munhu asingazivikanwi, nemhaka chete yokuti akaitwa kuti awanikwe panetwork yemakomupiyuta uye kuashandisa kuchaita kuti asave nebasa. VaKristu vakavimbika havarerutsi kugadzirira hurukuro dzeBhaibheri kana kuti mativi emisangano ndokuita kuti awanikwe pamanetwork emakomupiyuta kuti vamwe vashandise. Zvisinei komupiyuta neWatchtower Library yeSosaiti iri muCD-ROM zvingava zvishandiso zvinokosha zvinoshandiswa nehama imwe neimwe, zvichibetsera kukunzvera kunobudirira munguva yakaganhurirwa inowanikwa.
7 Kana kuri kuitazve nokuparadzira purogiramu dzemakomupiyuta, ndaza, uye mashoko anowirirana pakati pehama, uye kugadzirira nokuparadzira mativi paMusangano Webasa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari neelectronic kana kuti mimwe mitoo, kazhinji kazhinji kuri nani kuti hama dzigadzirire mashoko adzo dzimene, dzichirangarira betsero dzomunzvimbomo. (1 Tim. 4:13, 15) Vazivikanwi vomuungano havatongofaniri kushandiswa nokuda kwokuita chimuko chemari.
8 Zvakadiniko nokuparadzirwa kwemapepa akadhindwa nekomupiyuta amagwaro anoshandiswa muFundo yeNharireyomurindi kana kuti muFundo yeBhuku yeUngano? Eya, kungava kuri nani kuti vaparidzi vaite zvinonyorwa zvavo zvomunhu mumwe nomumwe nokutara muBhaibheri nezvinyorwa zviri kufundwa chaimo. Pamusangano, kushandiswa kwemapepa akadhindwa eMagwaro anodudzwa muzvinyorwa kungagona kusakurudzira kushandiswa kweBhaibheri iro rimene mukuwana magwaro. Bva kutarira Magwaro mukati mefundo yeBhaibheri kana kuti pamusangano weungano rutivi rwerovedzo inogamuchirwa, ichitishongedza nokuda kwokushandiswa kunobudirira kweBhaibheri muushumiri hwomumunda. Muzviitiko zvizhinjisa, uye zvikurukuru nokunokorwa kwamashoko kurefu, kurava zvakananga muBhaibheri kunobudirira zvikuru, zvikurukuru apo vateereri vanokurudzirwa kutevera muBhaibheri.
9 Mimwe Misungo Yakakomba: Sezvinoratidzwa papeji 17 yechinyorwa chaAugust 1, 1993, cheNharireyomurindi, kubatanidza komupiyuta nebulletin board yeelectronic kunogona kudziurira ngozi dzakakomba dzomudzimu. Sezvo munhu asina kururama achigona kuisa virus mubulletin board—purogiramu yakarongedzerwa kushatisa nokuparadza mafaira emakomupiyuta—vakaramba kutenda, vafundisi, uye vanhu vanotsvaka kushatisa vamwe mutsika kana kuti neimwe nzira vanogona kuisa vakasununguka pfungwa dzavo dzisina kururama mumabulletin board. Kutoti bulletin board, kunyange iyo ine chiratidzo chokuti “JW Only,” ichitarisirwa nenzira yakanaka, kushandiswa kwayo kuchiganhurirwa kuavo vari vabatiri vaJehovha vakakura mumudzimu, vakatendeka, ingagona kuratidzira vashandisi vechiKristu ku“songaniro dzakashata.” (1 VaK. 15:33, NW) Sosaiti yakagamuchira mishumo yokuti dzinonzi network dzavanhu dzakadaro dzakashandiswa kwete bedzi kufungidzira pamusoro penhau dzomudzimu asiwo kupa zano rakashata, kuparadzira guhwa nemashoko enhema, kudyara pfungwa dzakaipa, kumutsa mibvunzo nepanikiro zvinoshatisa kutenda kwavamwe, uye kuparadzira dudziro dzakavanzika dzoRugwaro. Nechepamusoro, mamwe mashoko angaratidzika kuva anofadza uye anodzidzisa, bva angave akashongedzwa nezvinhu zvine chepfu. VaKristu vanotarira ku“muranda akatendeka uye akachenjera” nokuda kwezvokudya zvomudzimu zvakakodzera nguva uye nokuda kwejekeso. (Ona Nharireyomurindi yaJuly 1, 1994, mapeji 9-11.) MuKristu ane mutoro wakakomba wokudzivirira kutenda kwake papesvedzero dzose dzinoshatisa uye, chikuru kuna iwoyo, anofanira kuziva nguva dzose kuti ari kusonganira navanaani.—Mat. 24:45-47, NW; 2 Joh. 10, 11.
10 Nyaya imwe cheteyo yeNharireyomurindi yakasimbisa ukoshi hwokuremekedza mitemo yecopyright. Kambani dzakawanda zvikurusa idzo dzinogadzira nokutengesa purogiramu dzemakomupiyuta dzinoita kuti idzodzi dzive necopyright, uye dzinogovera rezenisi inoratidza kuti purogiramu dzacho dzinogona sei kushandiswa zvapamutemo. Rezenisi yacho kazhinji kazhinji inotaura kuti muridzi haagoni kupa kuvamwe makopi epurogiramu yacho; kutaura idi, mutemo womunyika dzakawanda unoita kuti kuve kusiri kwapamutemo kuita saizvozvo. Vanhu vakawanda vane makaro havana matyira pamusoro pokuputsa mutemo wacho. VaKristu, kunyange zvakadaro, vanofanira kutungamirirwa nehana munhau dzapamutemo, vachipa kuna Kesari zviri zvaKesari.—Mat. 22:21; VaR. 13:1.
11 Dzimwe femu huru dzinotengesa makomupiyuta ane purogiramu dzakafanoiswa nedzine rezenisi. Zvisinei, zvimwe zvitoro zvemakomupiyuta hazvigoveri marezenisi nemhaka yokuti purogiramu dzavanofanoisa makopi asiri apamutemo, kuchireva kuti mutengi anoputsa mutemo mukushandisa purogiramu dzacho. Mukuwirirana naikoku, vaKristu vanofanira kudzivisa kuisa, kana kuti kubvisa, mumabulletin board eelectronic mashoko ari ecopyright (sezvakaita zvinyorwa zveSosaiti) uye zviri kukopiwa pasina mvumo yapamutemo inobva kuvaridzi vacho.—VaH. 13:18.
12 Ukoshi hwokushandiswa kupi nokupi kwemabasa ounyanzvi hunofanira kuenzaniswa nengozi dzinobvira dziri mukushandiswa kwawo. Sezvo terevhizheni ichigona kushandiswa kubetsero yakanaka, tapuro isina kunaka yairi kuva nayo parudzi rwomunhu nhasi yakaparira kunyange manyuko enyika kuratidzira kuitira hanya kwakakomba. Network dzemakomupiyuta dzinotambanuka munyika yose uye dzinogona kupinza mashoko anokosha asina kuganhurirwa mumusha kana kuti nzvimbo yebasa. Dzinogovera betsero dzinodikanwa zvikuru kumabhizimisi nemasangano pamwe chete nokuvanhu vamwe navamwe avo vanoda kuvambirana nefariro dzomunhu oga kana kuti dzebhizimisi munzanga inofamba nokukurumidza yavanorarama mairi. Panguva imwe cheteyo, network dzemakomupiyuta dzinozadzwa nezvinetso zvakadai sezvevatano, mashoko anoparadzirwa okuvenga anokamuranisa, uye mashoko oudzame pamusoro penzira yokuita nayo mabasa anonyangadza neakaipa.
13 Kune zvikonzero zvinokosha zvakawanda, naizvozvo, nei vaKristu vachifanira kuchengeta murangariro wakadzikama wemabasa ounyanzvi emakomupiyuta. Vanhu vakawanda vari kufarikanya New World Translation, mavhoriyamu aInsight, uye purogiramu yeGetVerse, izvo Sosaiti yakaita kuti zviwanikwe pamadiskette emakomupiyuta. Vamwe vakabetserwa nokushandisa Watchtower Library inogoverwa neSosaiti iri paCD-ROM, iyo inobatanidza zvinogonesa kunzvera zvokuwedzera. Nepo achibvuma ukoshi hwemabasa ounyanzvi akati, munhu anoshandisa mabasa ounyanzvi akadaro azvino uno nokuda kwezvinangwa zvinobetsera anofanira kungwarirawo kuzvidzivirira amene navamwe pamativi api naapi akashata. Tinofanira kushandisa dzikamo zvokuti kunyange kushandiswa kusingakuvadzi kwemabasa ounyanzvi hakupedzi chitsama chikuru chenguva yedu yakatsaurirwa ndokutitsausa pabasa redu guru nenharidzano.—Mat. 6:22; 28:19, 20.
-