-
Ita Kuti “Mutemo Womutsa Worudo” Uchengetedze Rurimi RwakoNharireyomurindi—2010 | August 15
-
-
18, 19. Sei mutemo wemutsa worudo usingafaniri kubva parurimi rwedu pazvose zvatinoitirana nevatinonamata navo?
18 Rudo rwokuvimbika runofanira kuoneka pazvose zvatinoita navatinonamata navo Jehovha. Kunyange kana zvinhu zvaoma mutemo wemutsa worudo haufaniri kubva parurimi rwedu. Vanakomana vaIsraeri pavakava nomutsa worudo waiita “sedova rinokurumidza kuenda” Jehovha haana kufadzwa nazvo. (Hos. 6:4, 6) Ukuwo Jehovha anofadzwa kana kuratidza mutsa worudo ari iwo mararamiro edu. Funga kukomborera kwaanoita vaya vanogara vachiuratidza.
-
-
Zvakanakirei Kubata Nguva?Nharireyomurindi—2010 | August 15
-
-
Zvakanakirei Kubata Nguva?
HAZVISI nyore nguva dzose kubata nguva kana kuti kuita zvinhu nenguva. Chimwe chinoita kuti zviome zvinhambwe zvakakura zvatinofanira kufamba, kuwanda kwemotokari mumugwagwa, nezvimwewo zvakawanda zvokuita. Asi kubata nguva kunokosha chaizvo. Somuenzaniso, kumabasa munhu anosvika nenguva anoonekwa somunhu wokuvimba naye uye anoshanda nesimba. Asiwo munhu anononoka kusvika anogona kuvhiringa mashandiro evamwe kana kuti zvingakonzera kuti basa racho risanyatsobuda nomazvo. Kunonoka kusvika kuchikoro kungaita kuti mwana awane zvimwe zvidzidzo zvapera uye kungaderedza magonero aanenge achiita. Kutadza kubata nguva dzokuchipatara kungaita kuti usazorapwa zvakanyatsonaka.
Zvisinei, mune dzimwe nzvimbo nyaya yokubata nguva haionekwi seinokosha. Kunzvimbo dzakadaro tinogona kutojairira tsika yokunonoka. Kana zvakadaro, zvinokosha chaizvo kuti tiedze kuva nechido chokuita zvinhu nenguva. Kunzwisisa kukosha kwokuita zvinhu nenguva kunototibatsira kuti tive vanhu vanobata nguva. Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti tide kubata nguva? Tingakunda sei dambudziko iri rokutadza kubata nguva? Uye zvii zvatinowana kana tikaita zvinhu nenguva?
Jehovha ndiMwari Anoita Zvinhu Zvake Nenguva
Chikuru chinoita kuti tide kubata nguva ndechokuti tinoda kutevedzera Mwari watinonamata. (VaEf. 5:1) Jehovha anotiratidza
-