-
Dzidzisa ChokwadiPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2016 | August
-
-
KURARAMA KWECHIKRISTU
Dzidzisa Chokwadi
Kutanga muna September, Purogiramu Yezvokuita Uye Zvichadzidzwa ichange yava nechikamu chitsva chinenge chiine mharidzo yekuenzanisira chinonzi “Dzidzisa Chokwadi.” Chichatibatsira kuudza vanhu chokwadi cheBhaibheri chiri nyore, tichishandisa mubvunzo nerugwaro.
Kana munhu akafarira, tinogona kumusiyira chekuverenga, kana kumuratidza vhidhiyo yepajw.org kuti tive nepekutangira patinozodzoka. Tinofanira kukurumidza kudzokera kuti tienderere mberi nepatakasiyira. Mharidzo idzi uye zvikamu zvevadzidzi zvichange zvichibva papfupiso yezvitsauko zvebhuku rinonzi What Can the Bible Teach Us? asi hatisati tava naro muchiShona. Bhuku iri rakafanana neraBhaibheri Rinombodzidzisei? asi kungoti rakati pfavei pakunzwisisa. Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? rine mashoko nemagwaro zvinogona kutibatsira pakudzokera kune vanenge vafarira kana kuti pakudzidza navo tichingoshandisa Bhaibheri chete.
Kunongova nemugwagwa mumwe chete unoenda kuupenyu. (Mt 7:13, 14) Sezvo tichitaura nevanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana, tinofanira kuvaudza chokwadi cheBhaibheri chichaita kuti vade kuteerera. (1Ti 2:4) Patinojairana nenyaya dzakawanda dzemuBhaibheri uye patinovandudza unyanzvi hwedu ‘hwekubata shoko rechokwadi zvakarurama,’ mufaro wedu unowedzera, uye tinobudirira pakudzidzisa vamwe chokwadi.—2Ti 2:15.
-
-
Mushandirapamwe wekupa vanhu Nharireyomurindi muna SeptemberPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2016 | August
-
-
KURARAMA KWECHIKRISTU
Mushandirapamwe Wekupa Vanhu Nharireyomurindi Muna September
Pasi rose vanhu vanoda kunyaradzwa. (Mup 4:1) Mwedzi wose waSeptember, tichaita mushandirapamwe wekupa vanhu Nharireyomurindi inenge iine mashoko anonyaradza. Ipa vanhu vakawanda magazini iyi. Asi sezvo tichida kutaura nevanhu kuti tivanyaradze, hatisi kuzosiya magazini aya padzimba dzinenge dzisina vanhu.
ZVEKUTAURA
“Tose tinombodawo kunyaradzwa pane dzimwe nguva. Asi ndiani angatinyaradza? [Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.] Nharireyomurindi iyi inotaura kuti Mwari anotinyaradza sei.”
Kana munhu wacho akafarira uye akatora magazini, . . .
MURATIDZE VHIDHIYO INONZI NEI UCHIFANIRA KUDZIDZA BHAIBHERI?
Wobva wamuudza kuti unoda kudzidza naye Bhaibheri.
SIYA PEKUZOTANGIRA KUITIRA PAUNOZODZOKERA
Bvunza mubvunzo wauchazomupindura pauchadzoka, wakadai sewekuti, “Nei Mwari achibvumira kutambura?”
-