Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
JULY 5-11
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 11-12
“Jehovha Anoda Kuti Vanhu Vake Vamunamate Sei?”
it-2-E 1007 ¶4
Mweya
Kushumira Nemweya Wese. Sezvataurwa, “mweya” unoreva munhu sezvaari. Asi pane mavhesi anotikurudzira kuti titsvage, tide uye tishumire Mwari ‘nemwoyo wedu wese uye nemweya wedu wese’ (Dhe 4:29; 11:13, 18), uye pana Dheuteronomi 6:5 panoti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nesimba rako rese.” Jesu akati munhu anofanira kushumira Mwari nemweya wake wese nesimba rake rese uyewo ‘nepfungwa dzake dzese.’ (Mk 12:30; Ru 10:27) Panobva paita mubvunzo wekuti nei zvimwe zvinhu zvese izvi zvichitaurwa pamwe chete nemweya asi iwo mweya wacho uchibatanidza zvese. Kuti tione zvazvingangoreva tinogona kuzvienzanisa seizvi: Munhu anogona kuzvitengesa (mweya wake) kuti ave muranda. Saka tenzi wake ndiye anenge ava muridzi wake. Asi anogona kusashandira tenzi wake nemwoyo wake wese, asina chido chekuti amufadze, zvoita kuti asashandise simba rake rese kana pfungwa dzake dzese kuti aite zvinodiwa natenzi wake. (Enzanisa naVaE 6:5; VaK 3:22.) Saka zvimwe zvinhu izvi zvinotaurwa kuitira kuti tiyeuke kuti zvakakosha pakushumira kwatinoita Mwari, uyo ari muridzi wedu, uye Mwanakomana wake, uyo akapa upenyu hwake kuti atidzikinure. Kushumira Mwari “nemweya wese” kunosanganisira simba remunhu, zvaanokwanisa kuita, zvido zvake kureva munhu sezvaari, hapana kana chinhu chiri pamunhu chinosara.—Enzanisa naMt 5:28-30; Ru 21:34-36; VaE 6:6-9; VaF 3:19; VaK 3:23, 24.
it-1-E 84 ¶3
Atari
VaIsraeri vakarayirwa kuti vaifanira kuputsa atari dzese dzaishandiswa pakunamata kwenhema uye kuparadza shongwe dzinoyera nematanda zvaivakwa pamwe chete neatari idzodzo. (Eks 34:13; Dhe 7:5, 6; 12:1-3) Vaisafanira kutevedzera manamatiro akadaro kana kupisira mumoto vana vavo sezvaiitwa nevaKenani. (Dhe 12:30, 31; 16:21) Pane kuvaka atari dzakawanda, vaIsraeri vaifanira kuva neatari imwe chete yavaishandisa pakunamata Mwari mumwe chete wechokwadi, uye yaizoiswa panzvimbo yaizosarudzwa naJehovha. (Dhe 12:2-6, 13, 14, 27; ona musiyano nemuBhabhironi, umo maiva neatari180 dzainge dzakavakirwa mwarikadzi ainzi Ishtar.) Pakutanga vakarayirwa kuti vavake atari nematombo asina kuvezwa pavainge vayambuka Rwizi rwaJodhani (Dhe 27:4-8), uye yakavakwa naJoshua paGomo reEbhari. (Jos 8:30-32) Pakazogovewa nyika yavakakunda, madzinza aRubheni naGadhi nehafu yedzinza raManase vakavaka atari yakakura pedyo naJodhani, uye izvi zvakaita kuti mamwe madzinza ade kuvarwisa kusvikira zvazozivikanwa kuti atari yacho yaisaratidza kuti vakanga vapanduka asi yaiva yekuvayeuchidza kuti vaifanira kuramba vakatendeka kuna Jehovha Mwari wechokwadi.—Jos 22:10-34.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 925-926
Gomo reGerizimu
Maererano nezvainge zvarayirwa naMozisi, madzinza evaIsraeri akaungana paGomo reGerizimu nereEbhari achitungamirirwa naJoshua pashure pekunge vakunda Ai. Vari pamakomo iwayo vanhu vakaverengerwa makomborero avaizowana kana vakateerera Jehovha uye kutukwa kwavaizoitwa kana vakasamuteerera. Madzinza aSimiyoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa, naBenjamini akamira pamberi peGomo reGerizimu. VaRevhi vakanga vakamira mubani vaine areka yesungano, uye mamwe madzinza 6 akamira pamberi peGomo reEbhari. (Dhe 11:29, 30; 27:11-13; Jos 8:28-35) Zvinoita sekuti madzinza akamira pamberi peGomo reGerizimu akaverengerwa makomborero, asi mamwe madzinza akamira pamberi peGomo reEbhari akaverengerwa kutukwa. Kunyange zvazvo vamwe vachiti makomborero akaverengerwa paGomo reGerizimu nekuti raiva rakanaka uye riine ivhu rakaorera mukusiyana neGomo reEbhari raiva nematombo uye raisava zvibereko, Bhaibheri harina zvarinotaura nezvenyaya yacho. Mutemo wakaverengwa zvinonzwika “pamberi peungano yese yaIsraeri, kusanganisira vakadzi nevana nevatorwa vaigara pakati pavo.” (Jos 8:35) Vanhu vakawanda kudaro vaikwanisa kunzwa zvaitaurwa pamakomo ese avainge vakamira. Zvinogona kudaro nenyaya yekuti nzvimbo yacho inonyatsoita maungira akanaka.
JULY 12-18
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 13-15
“Mutemo Wairatidza Sei Kuti Jehovha Ane Hanya Nevarombo?”
it-2-E 1110 ¶3
Chegumi
Zvinoita sekuti paiva nechimwe chegumi, chegumi chechipiri, chaibviswa gore negore nekuda kwezvimwewo zvinhu zvaisava zvekutsigira vaRevhi, kunyange zvazvo vaRevhi vaiwana mugove pachiri. Chaiwanzoshandiswa nevaIsraeri pavaiungana pamwe chete pamitambo yavo. Paiitirwa mitambo yacho kuJerusarema uko kwaiva kure kuti vatakure chegumi ichi, vaitengesa zvibereko zvacho votakura iri mari iyo yavaizoshandisa kutenga zvavanoda kuJerusarema pavaiita kuungana kutsvene. (Dhe 12:4-7, 11, 17, 18; 14:22-27) Pakupera kwegore rechi3 nerechi6 rega rega resabata remakore 7, pane kuti chegumi ichi chishandiswe kutenga zvaidiwa pakuungana chaipiwa vaRevhi, vatorwa, chirikadzi uye nherera dzaiva mumaguta avo.—Dhe 14:28, 29; 26:12.
it-2-E 833
Gore Resabata
Gore reSabata rainzi “rekudzima zvikwereti [hash·shemit·tahʹ].” (Dhe 15:9; 31:10) Mugore iroro minda yaisiyiwa yakadaro, isina kurimwa. (Eks 23:11) Vanhu vaifanirawo kudzima zvikwereti. Kwaiva ‘kudzima zvikwereti kwaiitirwa Jehovha,’ kuitira kumukudza. Kunyange zvazvo vamwe vaine maonero akasiyana, vamwe vaongorori vanoti zvikwereti zvacho zvaisadzimwa asi kungoti anenge akweretesa wacho aisafanira kubvunza chikwereti chake kune muHebheru biyake nekuti ainge asina kurima gore iroro; asi aikwanisa kubvunza chikwereti chake kumutorwa. (Dhe 15:1-3) Vamwe vanarabhi vanoti zvikwereti zvaiitirwa kubatsira hama yaiva murombo zvaidzimwa, asi zvikwereti zvine chekuita nebhizinesi zvainge zvakatosiyana. Vanoti, kumakore ekuma100 C.E., Hillel akatanga urongwa hwekuti anenge akweteretesa aigona kuenda kudare kunoita kuti chikwereti chake chisadzimwa.—The Pentateuch and Haftorahs, rakapepetwa naJ. Hertz, London, 1972, mapeji 811, 812.
it-2-E 978 ¶6
Muranda
Mitemo yezvaifanira kuitwa natenzi nemuranda. PavaIsraeri, muranda wechiHebheru ainge akasiyana nemuranda aiva mutorwa kana kuti akauya kuzogara pakati pevaIsraeri. Muranda aiva asiri wechiHebheru airamba ari muranda uye uranda hwacho hwaigona kupfuudzirwa kumwana (Re 25:44-46), asi muranda wechiHebheru aifanira kusunungurwa mugore rechi7 rekuva kwake muranda kana kuti gore reJubheri, zvichienderana nekuti ndechipi chainge chatanga. Panguva yekushanda kwake semuranda, muranda wechiHebheru aifanira kubatwa semushandi aibhadharwa mari. (Eks 21:2; Re 25:10; Dhe 15:12) MuHebheru aizvitengesa semuranda kune mutorwa, kumumwe munhu wemumhuri yemutorwa kana kuti kumunhu akauya kuzogara pakati pevaIsraeri aigona kuzvidzikinura chero nguva kana kuti kudzikinurwa nemumwe aiva nekodzero yekuita kudaro. Mari yerudzikinuro yaienderana nemakore ainge asara kuti gore Jubheri risvike kana kuti gore rechi7 rekushanda semuranda. (Re 25:47-52; Dhe 15:12) Paaisunungura muranda wechiHebheru, tenzi wacho aifanira kumupa chipo chaizomubatsira kuti atange kuzviriritira. (Dhe 15:13-15) Kana muranda wacho ainge akauya nemudzimai, aifanira kuenda nemudzimai wake. Asi kana tenzi wake ainge akamupa mudzimai (kureva mudzimai aiva mutorwa uyo ainge asina kodzero yekusunungurwa mugore rechi7 rekushanda semuranda), mudzimai wacho nevana vaainge abereka vairamba vari vatenzi wacho. Pakadaro muranda wechiHebheru aigona kusarudza kuramba achishandira tenzi wake. Nzeve yake yaibva yaboorwa nemutsunda kuratidza kuti aizoramba ari muranda kweupenyu hwake hwese.—Eks 21:2-6; Dhe 15:16, 17.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Tingadzidzei pamurayiro wokurambidza watinowana pana Eksodho 23:19, wokuti: “Usabika mbudzana nomukaka waamai vayo”?
Murayiro uyu woMutemo waMosesi unowanikwa katatu muBhaibheri, ungatibatsira kunzwisisa maonero anoita Jehovha zvinhu zvakakodzera, tsitsi dzake, uye unyoro hwake. Unosimbisawo kuvenga kwaanoita kunamata kwenhema.—Eksodho 34:26; Dheuteronomio 14:21.
Kubika mbudzana kana kuti imwe mhuka mumukaka waamai vayo kwaizopesana nemasikiro akaita Jehovha zvinhu. Mwari akapa mukaka waamai kuti uvake muviri wembudzana uye kuti ikure. Maererano nezvakataurwa neimwe nyanzvi, kubika mbudzana mumukaka waamai vayo kwairatidza “kusaremekedza ukama hwakasimbiswa uye hwakatsveneswa naMwari hwomubereki nomwana.”
Uyezve, vamwe vanotaura kuti kubika mbudzana mumukaka waamai vayo ingangove yaiva tsika yechihedheni yaiitirwa kuti mvura inaye. Kana yakanga iri tsika yechihedheni, kurambidza kwacho kwaizodzivirira vaIsraeri patsika dzechitendero dzoupenzi uye dzoutsinye dzemarudzi akanga akavapoteredza. Mutemo waMosesi wairambidza zvakananga vaIsraeri kufamba mumirau yemarudzi iwayo.—Revhitiko 20:23.
Pakupedzisira, mutemo uyu unoratidza tsitsi huru dzaJehovha. Zvechokwadi, Mutemo waiva nemirayiro yakawanda yakafanana yairambidza kuitira mhuka utsinye uye yaiita kuti vasaite zvaipesana nemasikirwo ezvinhu. Somuenzaniso, Mutemo waisanganisira mirayiro yairambidza kubayira mhuka kutoti yagara naamai vayo kweanenge mazuva manomwe, kuuraya mhuka pamwe nevana vayo pazuva rimwe chete, uye kutora zvose amai nemazai acho kana kuti vana vacho mudendere.—Revhitiko 22:27, 28; Dheuteronomio 22:6, 7.
Sezviri pachena, Mutemo wakanga usingori muunganidzwa wemirayiro nezvirambidzo zvakaoma. Chimwe chaibatsira paMutemo uyu ndechokuti zvaunotaura zvinobatsira kusimudzira tsika dzedu dzinoratidza zvechokwadi unhu hwaJehovha hunoshamisa.—Pisarema 19:7-11.
JULY 19-25
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 16-18
“Mazano Ekutonga Nyaya Zvakarurama”
it-1-E 343 ¶5
Upofu
Kutadza kutonga nyaya zvakarurama kwaifananidzwa neupofu uye Mutemo wairayira kuti vanhu vasagamuchira chiokomuhomwe, zvipo kana kusarura nekuti zvinhu zvakadaro zvinogona kutadzisa munhu kutonga zvakarurama. ‘Chiokomuhomwe chinopofumadza varume vanoona nyaya zvakanaka.’ (Eks 23:8) ‘Chiokomuhomwe chinopofumadza vakachenjera.’ (Dhe 16:19) Kunyange mutongi anoda zvakarurama uye akachenjera anogona kutadza kutonga nyaya zvakarurama achiziva kana kuti asingatozivi kana akapiwa chipo nevanhu vanenge vachibatanidzwa munyaya yacho. Mutemo waMwari unoratidza kupofumadza kunoita chipo uye manzwiro paunoti: “Usasarura murombo kana kuitira tsvete mupfumi.” (Re 19:15) Saka mutongi aisafanira kutonga zvisizvo nyaya yemupfumi achiitira manzwiro ake kana kuti kuitira kuti afarirwe nevanhu.—Eks 23:2, 3.
it-2-E 511 ¶7
Nhamba
Piri. Nhamba yechipiri inowanzotaurwa nezvayo pazvinhu zvemutemo. Zvapupu zviviri zvikataura zvinoenderana zvinoita kuti umboo huwedzere kusimba. Zvapupu zviviri kana kuti zvitatu zvaidiwa kuti nyaya iongororwe pamberi pevatongi. Izvi zvinotevedzerwawo muungano yechiKristu. (Dhe 17:6; 19:15; Mt 18:16; 2VaK 13:1; 1Ti 5:19; VaH 10:28) Mwari ndizvo zvaakaita paakapa vanhu Mwanakomana wake kuti ave Muponesi. Jesu akati: “MuMutemo wenyu makanyorwa kuti, ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndehwechokwadi.’ Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.”—Joh 8:17, 18.
it-2-E 685 ¶6
Mupristi
Vapristi ndivo vaiva neropafadzo yekutsanangura mutemo waMwari uye vaiva nebasa rakakura pakutongwa kwenyaya pakati pevaIsraeri. Vari mumaguta avainge vakapiwa, vapristi vaibatsira vatongi uye vaishanda pamwe chete nevatongi pakutonga nyaya dzakaoma dzekuti matare emumaguta aisakwanisa kupa mutongo. (Dhe 17:8, 9) Vaifanira kuvapo pamwe chete nevarume vakuru veguta panyaya dzekuurayiwa kwemunhu kuitira kuti vave nechokwadi chekuti nyaya yacho yaitongwa zvakanaka kuitira kuti pasazova nemhosva yeropa paguta racho. (Dhe 21:1, 2, 5) Kana murume ane shanje akapomera mudzimai wake kuti aita upombwe zvepachivande, murume wacho aifanira kuenda nemudzimai wake kumupristi uyo aiita zvairayirwa nemutemo achikumbira kuti Jehovha uyo aiziva chokwadi atonge kana mudzimai wacho aiva nemhosva kana kuti kwete. (Nu 5:11-31) Panyaya dzese, mutongo waipiwa nevapristi kana kuti vatongi vakagadzwa waifanira kuremekedzwa; munhu aisauremekedza kana kuuteerera achitoziva hake aifanira kufa.—Nu 15:30; Dhe 17:10-13.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 787
Kudzinga
Maererano neMutemo, kuti munhu atongerwe rufu paifanira kupiwa uchapupu nevanhu vaviri kana kuti kupfuura. (Dhe 19:15) Zvapupu izvi ndizvo zvaifanira kutanga kutema nematombo mupari wemhosva. (Dhe 17:7) Izvi zvaizoratidza kuti vaishingairira mutemo waMwari uye kuchena kweungano yevaIsraeri uye zvaiita kuti vanhu vasade kupa uchapupu hwenhema kana kuti husina umboo.
JULY 26–AUGUST 1
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 19-21
“Upenyu Hwemunhu Hunokosha Kuna Jehovha”
Tevedzera Kururamisira Uye Ngoni dzaJehovha
Zvaiva nyore kusvika kumaguta 6 ekupotera. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vaise maguta matatu kumhiri imwe neimwe yeRwizi rwaJodhani. Akazviitirei? Kuitira kuti zvive nyore kuti munhu aitiza akurumidze kuwana kwekupotera. (Num. 35:11-14) Migwagwa yaienda kumaguta ekupotera yaigara yakanaka. (Dheut. 19:3) Maererano nemabhuku echiJudha, pane zvikwangwani zvaiiswa kuti zviratidze vapoteri kune maguta acho. Sezvo paiva nemaguta ekupotera, munhu ainge auraya netsaona aisava hake nechikonzero chekutizira kune imwe nyika kwaaigona kuzova pamuedzo wekunamata vanamwari venhema.
Tevedzera Kururamisira Uye Ngoni dzaJehovha
Chinangwa chinokosha chemaguta ekupotera chaiva chekudzivirira vaIsraeri kuti vasava nemhosva yekuuraya munhu ainge auraya mumwe netsaona. (Dheut. 19:10) Jehovha anoda upenyu uye anovenga “maoko anoteura ropa risina mhosva.” (Zvir. 6:16, 17) Mwari akarurama uye mutsvene aisakwanisa kungosiya kunyange munhu aiteura ropa netsaona. Ichokwadi kuti munhu aiuraya mumwe netsaona ainzwirwa ngoni. Kunyange zvakadaro, aifanira kutaura nyaya yake kuvakuru, uye kana zvaakaita zvikanzi yaiva tsaona aifanira kuramba ari muguta rekupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Izvi zvaigona kureva kuti aizoita mupenyu hwake hwese ari ikoko. Izvi zvaiita kuti vaIsraeri vese vanyatsoona kuti upenyu hwemunhu hutsvene. Kuti vakudze Mupi Weupenyu, vaifanira kudzivisa kuita zvinhu zvaiisa upenyu hwevamwe pangozi.
it-1-E 344
Ropa
Munhu akasikwa aine kodzero yekunakidzwa neupenyu hwaakapiwa naMwari uye munhu aizodambudzira upenyu ihwohwo aizozvidavirira kuna Mwari. Izvi zvinooneka Mwari paakaudza Kaini kuti: “Ropa remunin’ina wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.” (Ge 4:10) Kunyange munhu aivenga hama yake zvekusvika pakumushuvira kuti afe, kana kuti aichera hama yake kana kumupomera zvenhema achiisa upenyu hwake pangozi, munhu iyeye aizova nemhosva yeropa.—Re 19:16; Dhe 19:18-21; 1Jo 3:15.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 518 ¶1
Dare, Kugadza dare
Dare raiva pagedhi reguta. (Dhe 16:18; 21:19; 22:15, 24; 25:7; Rut 4:1) “Pagedhi” apa yaiva nzvimbo isina kuvakwa yaiva muguta pedyo negedhi. Magedhi aiva nzvimbo dzaiungana vanhu vachiverengerwa Mutemo. (Ne 8:1-3) Zvaiva nyore kuwana zvapupu pagedhi panyaya dzekusawirirana kwevanhu dzakadai sekutengeserana zvinhu nezvimwewo nekuti vanhu vakawanda vaipinda nekubuda pagedhi mukati mezuva. Uyewo nyaya dzaitongerwa pavanhu saka izvi zvaizoita kuti vatongi vatonge nyaya zvakanaka uye zvakarurama. Zviri pachena kuti paiva nenzvimbo pedyo negedhi yekuti vatongi vaigona kugara vachitonga nyaya. (Job 29:7) Samueri akafamba achitenderera kuBheteri, Girigari neMizpa “achitonga nyaya dzevaIsraeri munzvimbo dzese idzi,” uyewo nekuRama uko kwaiva neimba yake.—1Sa 7:16, 17.
AUGUST 2-8
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 22-23
“Mutemo Wairatidza Sei Kuti Jehovha Ane Hanya Nemhuka?”
it-1-E 375-376
Mutoro
Kare mhuka dzaiwanzoshandiswa kutakura zvinhu uye vaIsraeri vakaudzwa kuti pavaiona dhongi remunhu aivavenga rakatsitsirirwa nemutoro waro, pane kuti varisiye rakadaro vaifanira “kumubatsira kurisunungura.” (Eks 23:5) Zvinhu zvinokwanisa kutaurwa nemhuka zvinonzi mutoro, sezvakaita ‘mutoro unotakurwa nemanyurusi maviri.’—2Mad 5:17.
it-1-E 621 ¶1
Dheuteronomi
Mubhuku raDheuteronomi munoratidza kuti mhuka dzaifanira kuitirwa hanya. VaIsraeri vairambidzwa kutora shiri yakavhumbamira manyana nekuti chido chekudzivirira vana vayo ndicho chaiita kuti munhu akwanise kuibata. Yaisiyiwa kuti iende asi vaigona kutora manyana acho. Saka mai vacho vaigona kuzoita mamwe manyana zvekare. (Dhe 22:6, 7) Murimi aisabvumirwa kurima nedhongi nemombe pamwe chete kuitira kuti asakuvadza mhuka ine simba shoma yacho. (22:10) Nzombe yaisafanira kusungwa muromo painenge ichipura zviyo kuitira kuti isaziya nenzara iyo ichiona zviyo uye iri kushanda nesimba kuti izvipure.—25:4.
“Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”
SEZVAUNOGONA kuona pano, ngamera nenzombe zviri kurima pamwe chete zvinoratidza kuti hazvinyatsopindirani. Joko rakazvibatanidza—rinoita kuti mhuka dzacho dzose dzirwadziwe—rakagadzirirwa mhuka mbiri dzakakura zvakaenzana uye dzine simba rakafanana. Aine hanya nokuchengeteka kwemhuka idzodzo dzinoshandiswa kudhonza zvinhu, Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwe chete.” (Dheuteronomio 22:10) Mutemo iwoyowo unoshanda kunzombe nengamera.
Kazhinji, murimi aisarwadzisa mhuka dzake zvakadaro. Asi kana akanga asina nzombe mbiri, aigona kusunga mhuka mbiri dzaaiva nadzo. Sezviri pachena, izvi ndizvo zvakasarudzwa kuitwa nomurimi womuzana remakore rechi19 ari pamufananidzo. Nokuda kwokusiyana muukuru nouremu hwadzo, mhuka ine simba shoma yaizotamburira kuti ifambirane neine simba rakawanda, uye yakasimba yaizova nomutoro wakakura.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 600
Chikwereti, Munhu Anokwereta
Chikwereti zvinoreva kuti munhu anofanira kubhadhara chimwe chinhu kana kuti kuita chimwe chinhu. Munguva yevaIsraeri, zvikwereti zvaiitwa nenyaya yedambudziko remari. MuIsraeri ainge akwereta aiva panguva yakaoma nekuti aibva azova muranda weanenge amukweretesa. (Zvi 22:7) Saka vanhu vaMwari vairayirwa kuti vave nerupo uye vasaita utsinye pavaikweretesa hama dzavo dzinoshayiwa, vaisafanira kubhadharisa mubereko. (Eks 22:25; Dhe 15:7, 8; Pis 37:26; 112:5) Asi vatorwa vaigona kubhadhariswa mubereko. (Dhe 23:20) Vaongorori vechiJudha vanoti izvi zvinoshanda kuzvikwereti zvebhizinesi kwete zvekubatsira vanoshayiwa. Vatorwa vaiwanzoenda kunogara nevaIsraeri kwenguva pfupi kakawanda kacho vachitengesa saka vaigona kubhadhariswa mubereko nekuti naivowo vaikweretesa vachibhadharisa mubereko.
AUGUST 9-15
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 24-26
“Mutemo Wairatidza Sei Kuti Jehovha Ane Hanya Nevanhukadzi?”
it-2-E 1196 ¶4
Mukadzi
Kunyange mitemo yechiuto yaibatsira mudzimai nemurume wake pakuti murume achangoroora ainzi asaenda kuhondo kwegore rimwe chete. Izvi zvaivapa mukana wekuti vakwanise kuita mwana uyo aizonyaradza amai vacho murume wacho paaizoenda kuhondo uye kunyanya kana akafira kuhondo kwacho.—Dhe 20:7; 24:5.
it-1-E 963 ¶2
Kuunganidza Zvaisaririra
Zviri pachena kuti urongwa uhwu hwekubatsira varombo hwaikurudzira kuva nerupo, kusazvifunga uye kuvimba naJehovha, hwaisaita kuti vanhu vave neusimbe. Hunotibatsira kunzwisisa mashoko aDhavhidhi ekuti: “Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachitsvaga zvekudya.” (Pis 37:25) Nekushandisa urongwa hwavainge vakaitirwa neMutemo kunyange varombo vaisazofa nenzara uye ivo nevana vavo vaisazokumbira zvekudya kana vakashanda nesimba.
Waizviziva Here?
Kare muIsraeri, murume paaifa asina mwana mukomana, zvainzi munun’una wacho ndiye aifanira kunogara nhaka maiguru kuitira kuti aberekere mukoma wake vana, dzinza risafa. (Genesisi 38:8) Tsika iyi yakatozoiswa muMutemo waMosesi. (Dheuteronomio 25:5, 6) Zvakaitwa naBhoazi zvinotaurwa muna Rute, zvinoratidza kuti murume paaifa asina vanun’una, dzimwe hama dzake dzechirume ndidzo dzaifanira kugara nhaka chirikadzi inenge yasara.—Rute 1:3, 4; 2:19, 20; 4:1-6.
Chimwe chinoratidza kuti tsika iyi yakanga ichiri kuitwa mumazuva aJesu mashoko akataurwa nevaSadhusi ari pana Mako 12:20-22. Muongorori wezvakaitika kare womuzana remakore rokutanga anonzi Flavius Josephus akati, tsika iyi yaisaitirwa kungochengetedza zita redzinza asi yaibatsirawo kuti pfuma yemhuri irambe iripo uye chirikadzi yacho iwane chinoiraramisa. Kare ikako mukadzi akanga asina kodzero dzokuti agare nhaka pfuma yomurume wake. Asi mwana aizozvarwa kana chirikadzi yagarwa nhaka ndiye aizoita kuti pfuma yomushakabvu irambe iri mumhuri.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 640 ¶5
Kurambana
Rugwaro Rwekuramba. Kusabatwa zvakanaka kwakazoitwa vakadzi hakufaniri kuita kuti tifunge kuti kubvumirwa kwaiita kurambana munguva yaMozisi kwaaiita kuti murume wechiIsraeri arambe mudzimai wake zviri nyore. Kuti arambe mudzimai wake ane matanho aaifanira kutevedzera. Aifanira “kunyora gwaro rekumuramba.” Murume wacho aifanira ‘kumupa, omudzinga mumba make.’ (Dhe 24:1) Kunyange zvazvo Magwaro asina zvimwe zvaanotaura nezvazvo, danho iri rinofanira kunge raisanganisira kutaura nevarume vakagadzwa, vaigona kutanga vaedza kubatsira vaviri vacho kuti vagarisane. Nguva yazvaitora kunyora gwaro racho uye kuita kuti kurambana kwacho kuve kwepamutemo yaipa murume wacho mukana wekuti afunge kaviri. Paifanira kuva nechikonzero chekurambana kwacho, uye painyatsotevedzerwa matanho acho, zvaiita kuti vanhu vasangomhanya kurambana. Uyewo zvaichengetedza kodzero dzemudzimai. Magwaro haatauri kuti zvii zvainyorwa ‘parugwaro rwekuramba.’
AUGUST 16-22
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 27-28
“Makomborero Ese Aya . . . Haazobvi Pauri”
Komborerwa Nekutevera Mambo Anotungamirirwa Nemweya waMwari!
Kuteerera kunosanganisira kufungisisa zvinotaurwa muShoko raMwari uye zvimwe zvine chokuita nokunamata zvaanotipa. (Mat. 24:45) Kunosanganisirawo kuita zvinotaurwa naMwari neMwanakomana wake. Jesu akati: “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.” (Mat. 7:21) Uye kuteerera Mwari kunosanganisira kuzviisa pasi nemwoyo wose peurongwa hwaakaita muungano yechiKristu hwokuva nevakuru vakagadzwa, “zvipo zviri varume.”—VaEf. 4:8.
Uchawana Kuropafadza kwaJehovha Here?
Shoko rechiito rechiHebheru rakashandurwa kuti ‘ramba uchiteerera’ pana Dheuteronomio 28:2 rinoratidza chiito chinopfuurira. Vanhu vaJehovha havafaniri kungomuteerera havo pano neapo; vanofanira kugara vachimuteerera. Ndipo chete pavanozowana kuropafadza kwaMwari. Shoko rechiito rechiHebheru rinoshandurwa kuti “wana” rakazivikanwa seshoko rokuvhima, kazhinji kacho richireva “kubata” kana kuti “kusvika.”
Tsvaka Chikomborero chaJehovha Nemwoyo Wose
VaIsraeri vaifanira kuteerera nepfungwa dzakaita sei? Mutemo waMwari wairatidza kuti aisazofara kana vanhu vake vakakundikana kumuteerera ‘vachifara nomufaro womwoyo.’ (Verenga Dheuteronomi 28:45-47.) Jehovha akakodzera kuti tisangomuteerera nokuti hapana zvatingazviita, sezvinoita mhuka kana kuti madhimoni. (Mako 1:27; Jak. 3:3) Kuteerera Mwari kwechokwadi kunobva pakuti tinomuda. Kunoonekwa nokufara kunobva pakutenda kuti mitemo yaJehovha hairemi uye kuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaH. 11:6; 1 Joh. 5:3.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 360
Chiratidzo Chemuganhu
Mutemo waJehovha wairambidza kuchinja zviratidzo zvemiganhu. (Dhe 19:14; onawo Zvi 22:28.) Munhu aichinja “pane zviratidzo zvemuganhu wemuvakidzani wake,” aifanira kutukwa. (Dhe 27:17) Sezvo varidzi veminda vairarama nezvibereko zveminda yavo, kuchinja pane muganhu kwaireva kuti munhu anenge atora chikamu chezvinhu zvinoraramisa mumwe munhu. Kuita izvozvo kwainge kwakafanana nekuba uye ndiwo maonerwo azvaiitwa munguva dzekare. (Job 24:2) Asi kune vanhuvasina kuvimbika vaiita zvinhu zvakadaro, uye machinda eJudha epanguva yaHosiya akafananidzwa nevanhu vaichinja pane muganhu.—Ho 5:10.
AUGUST 23-29
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 29-30
“Tinogona Kushumira Jehovha”
Jehovha Anoti Tisarudze
Zvakaoma here kuziva zvinodiwa naMwari kwatiri uye kuzviita? Mosesi akati: “Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kunyanya kukuomera, uyewo hausi kure.” (Ndima 11) Jehovha haakumbiri kuti munhu aite zvinhu zvisingagoneki. Zvaanoda zvine musoro uye tinogona kuzviita. Tinogona kuzvizivawo. Hatifaniri kukwira “kumatenga” kana kuti kuyambukira “mhiri kwegungwa” kuti tidzidze zvatinotarisirwa kuita naMwari. (Ndima 12, 13) Bhaibheri rinotiudza zviri pachena mararamiro atinofanira kuita.—Mika 6:8.
Jehovha Anoti Tisarudze
“NDAIGARA ndichingotya zvisina musoro ndichifunga kuti ndaisazombova akatendeka kuna Jehovha.” Izvozvo ndizvo zvakataurwa nomumwe mukadzi wechiKristu aifunga kuti zvakaipa zvakaitika achiri mwana zvaizoita kuti arambe achingokundikana. Ichokwadi ichocho here? Hatigoni kuchinja mamiriro edu ezvinhu here? Kwete. Jehovha Mwari akatipa chipo chokuzvisarudzira, saka tinogona kusarudza mararamiro atichaita. Jehovha anoda kuti tisarudze zvakanaka, uye Shoko rake, Bhaibheri, rinotiudza kuti tingazviita sei. Funga nezvemashoko aMosesi, ari muchitsauko 30 chaDheuteronomio.
Jehovha Anoti Tisarudze
Jehovha ane basa here nokuti tinosarudzei? Chokwadi ane basa nazvo! Afuridzirwa naMwari, Mosesi akati: “Sarudzai upenyu.” (Ndima 19) Asi tinosarudza upenyu sei? Mosesi akatsanangura kuti: “Nokuda Jehovha Mwari wenyu, nokuteerera inzwi rake uye nokunamatira kwaari.” (Ndima 20) Kana tikada Jehovha, tichanzwa tichida kumuteerera uye kunamatira kwaari takavimbika, pasinei nechingaitika. Nemararamiro akadaro, tinosarudza upenyu—kureva mararamiro akanyanya kunaka iye zvino tiine tarisiro yokuzorarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari iri kuuya.—2 Petro 3:11-13; 1 Johani 5:3.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
it-1-E 665 ¶3
Nzeve
Achishandisa vashumiri vake, Jehovha akataura nezvevaIsraeri vaiva vakaoma musoro uye vasingateereri achivati vaiva ‘nenzeve dzisina kuchecheudzwa.’ (Jer 6:10; Mab 7:51) Nzeve dzacho dzinoita kunge sedzakaiswa chimwe chinhu chinoita kuti dzisanzwe. Inzeve dzisina kuvhurwa naJehovha uyo anopa nzeve dzinonzwisisa uye dzinoteerera kune vaya vanomutsvaga asi achibvumira vaya vasingateereri kuti vasanzwisise. (Dhe 29:4; VaR 11:8) Muapostora Pauro akagara ataura nezvenguva apo vanhu vanozviti vaKristu vaizotsauka pakutenda kwechokwadi, vasingadi kunzwa chokwadi cheShoko raMwari asi vachida ‘kufadza’ nzeve dzavo nezvido zvavo, saka vaizoteerera vadzidzisi venhema. (2Ti 4:3, 4; 1Ti 4:1) Uyewo nzveve dzemunhu dzinogona ‘kuunga’ nekuti anenge anzwa mashoko anotyisa kunyanya mashoko edambudziko.—1Sa 3:11; 2Mad 21:12; Jer 19:3.
AUGUST 30–SEPTEMBER 5
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | DHEUTERONOMI 31-32
“Zvatinodzidza Pamifananidzo Iri Murwiyo Rwakafemerwa”
“Batanidzai Mwoyo Wangu Kuti Utye Zita Renyu”
VaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akadzidzisa Mozisi mashoko erumwe rwiyo. (Dheut. 31:19) Mozisi aifanira kuzodzidzisawo vanhu rwiyo rwacho. (Verenga Dheuteronomi 32:2, 3.) Patinofungisisa vhesi 2 ne3, tinoona kuti Jehovha haadi kuti zita rake risazivikanwa, richionekwa sekuti rinoyera zvekuti harifaniri kutaurwa. Anoda kuti zita rake rizivikanwe nemunhu wese. VaIsraeri vaiva neropafadzo yakakura yekunzwa Mozisi achivadzidzisa nezvaJehovha uye nezvezita rake rinokudzwa. Zvavakadzidziswa naMozisi zvakavasimbisa uye zvakavazorodza sezvinoita mvura inopfunha pazvirimwa. Tingaitei kuti madzidzisiro edu azorodze vamwe saizvozvo?
Patinenge tiri muushumiri, tinogona kuratidza vanhu zita raMwari rekuti Jehovha tichishandisa Bhaibheri redu. Tinogona kuvapa mabhuku edu, kuvaratidza mavhidhiyo uye zvimwe zvinowanikwa pawebsite yedu inokudza Jehovha. Patinenge tiri kubasa, kuchikoro kana kuti parwendo, tinogona kuwana mikana yekutaura nezvaMwari wedu watinoda uye kuti ndiMwari akaita sei. Patinoudza vaya vatinosangana navo nezvekuti Mwari akasikirei nyika uye vanhu, tinenge tichivabatsira kuti vatange kuona kuti Jehovha ndiMwari ane rudo. Patinovaudza chokwadi nezvaBaba vedu vane rudo, tinenge tichitobatsirawo pakutsvenesa zita raMwari. Tinenge tichifumura nhema dzavanenge vakaudzwa nezvaJehovha. Kudzidzisa kwatinoita vanhu zviri muBhaibheri kunovazorodza kupfuura chero chii zvazvo.—Isa. 65:13, 14.
Zvirungamutauro Zviri muBhaibheri Unozvinzwisisa Here?
Bhaibheri rinofananidzawo Jehovha nezvinhu zvisina upenyu. Anotsanangurwa se“Dombo raIsraeri,” se“ibwe,” uye se“nhare.” (2 Samueri 23:3; Pisarema 18:2; Dheuteronomio 32:4) Akafanana papi nezvinhu izvi? Sezvo dombo guru rakatsiga, risingazununguki, Jehovha Mwari anogonawo kukuchengetedza nokuti akatsiga uye haazununguki.
Tevedzerai Jehovha Pakurovedza Vana Venyu
Chimbofunga nezvorudo rwakaratidzwa naJehovha mukubata nevaIsraeri. Mosesi akashandisa fananidzo yakaisvonaka kutsanangura rudo rwaJehovha kurudzi ruduku rwaIsraeri. Tinoverenga kuti: “Segondo rinomutsa vana varo, richiengerera pamusoro pavana varo, richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, richivabereka pamapapiro aro; saizvozvo Jehovha, iye oga, waka . . . tungamirira [Jakobho].” (Dheuteronomio 32:9, 11, 12) Kuti vadzidzise vana kubhururuka, amai vegondo ‘vanomutsa vana vavo’ vachibhabhama mapapiro avo kuti vakurudzire vana vavo kubhururuka. Shiri duku painozosvetuka kubva mudendere, rinowanzova pazidombo rakakwirira, amai vacho ‘vanoengerera’ pamusoro pomwana wavo. Kana zvikaita sokuti kamwana kangangodonhera pasi, amai vacho vanoenda pasi pako, vokatakura ‘pamapapiro avo.’ Jehovha aitarisira norudo rudzi rwevaIsraeri rwakanga ruchangozvarwa nenzira yakadaro. Akapa vanhu vacho Mutemo waMosesi. (Pisarema 78:5-7) Mwari akazovatarira nechido, akagadzirira kununura kana vanhu ava vava mumatambudziko.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raDheuteronomio
31:12. Vechiduku vanofanira kugara nevakura pamisangano yeungano voedza kuteerera uye kudzidza.