Zvifananidzo
Tsanangudzo: Kakawanda kacho, izvi zvinhu zvinomiririra vanhu kana kuti zvimwe zvinhu. Chifananidzo chinova chidhori kana chichinamatwa. Vaya vanonamata zvifananidzo vanowanzoti pavanenge vachiita izvi vanenge vachinamata munhu womudzimu anomiririrwa nechifananidzo chacho. Vakawanda vezvitendero zvisiri zvechiKristu ndivo vanowanzoshandisa zvifananidzo. Ichitaura nezvetsika yechechi yeRoma, New Catholic Encyclopedia (1967, Vol. VII, peji 372) inoti: “Sezvo kunamatwa kunoitwa chifananidzo kuri kunamata munhu anochimiririra zvichigumira ipapo, kunamata kwakadaro kunofanira kuitwa munhu wacho kunogona kuitwa kuchifananidzo chichimiririra munhu wacho.” Bhaibheri haridzidzisi izvozvo.
Shoko raMwari rinotii nezvokugadzira zvifananidzo zvinoshandiswa pakunamata?
Eks. 20:4, 5, BR: “Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kunyange mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro kunyange wechinhu chiri panyika muvhu, kunyange mufananidzo wechinhu chiri mumvura pasi pemvura. Usapfugamira zvinhu izvozvi, kana kuzvishandira; [“usapfugama pamberi pazvo kana kuzvinamata,” NAB] nokuti ini TENZI, Mwari wako ndiri Mwari ane shanje.” (Tatsveyamisa mabhii.) (Ona kuti chairambidzwa kwaiva kugadzira zvifananidzo uye kuzvipfugamira.)
Revh. 26:1, BR: “Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimisira mufananidzo wakavezwa kunyange ibwe refu [“shongwe tsvene,” NW]; uye musamisa ibwe rakavezwa mufananidzo munyika yenyu kuti mugondopfugama ipapo; nokuti ndini TENZI Mwari wenyu.” (Hapana chifananidzo chaifanira kumbomiswa kuti vanhu vachinamate.)
2 VaK. 6:16, BR: “Ko imba yaMwari ingaita chitenderano neimba yezvifananidzo seiko? Ko inga isu tiri imba yaMwari mupenyu wani!”
1 Joh. 5:21, NAB: “Vana vangu vaduku, chenjererai zvidhori [“zvidhori,” Dy, CC; “zvimwari zvenhema,” JB].”
Zvifananidzo zvingangoshandiswa here sezvinhu zvinoyamura pakunamata Mwari wechokwadi?
Joh. 4:23, 24, JB: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumudzimu nechokwadi; munamati akadaro ndiye anodiwa naBaba. Mwari mudzimu, uye vaya vanonamata vanofanira kunamata mumudzimu nechokwadi.” (Vaya vanoshandisa zvifananidzo kuti zvivayamure pakuva vakazvipira vanenge vasinganamati Mwari “mumudzimu” asi vanovimba nezvavanoona nemaziso avo.)
2 VaK. 5:7, NAB: “Tinofamba nokutenda, kwete nezvatinoona.”
Isa. 40:18, BR: “Ko zvino mungagofananidza Mwari naaniko, kana kuti mungamufananidza nechifananidzo chipiko?”
Mab. 17:29, JB: “Zvino zvatiri vana vaMwari, hatina chikonzero chokufunga kuti mwari akaita sechinhu chakagadzirwa nendarama, sirivha kana kuti dombo rakavezwa rikagadzirwa nomunhu.”
Isa. 42:8, JB: “Zita rangu ndiYahweh, handizopi mumwe kubwinya kwangu, uye handizopi zvidhori [“zvinhu zvakaita zvokuvezwa,” Dy] kukudzwa kwangu.”
Tinofanira kuremekedza “vasande” here sevarevereri vedu kuna Mwari, zvichida tichitoshandisa mifananidzo yavo sezvinhu zvinotiyamura pakunamata?
Mab. 10:25, 26, BR: “Kuzoti Pita achipinda mumba Koniriyasi akamuchingura akawira patsoka dzake akamunamata. Asi Pita akamusimudza akati, ‘Simuka hako ini ndinongovawo munhu akaita sewe wani!’” (Petro zvaasina kubvuma kuremekedzwa zvakadaro achiri mupenyu, aizotikurudzira kupfugamira chifananidzo chake here? Onawo Zvakazarurwa 19:10.)
Joh. 14:6, 14, BR: “Jesu akati kwaari, ‘Ini ndini nzira, ndini chokwadi, ndini upenyu. Hakuna munhu anouya kuna Baba asingasviki napandiri. Kana muchikumbira chinhu muzita rangu, ndichachiita.’” (Pano Jesu akataura zviri pachena kuti tingasvika chete kuna Baba nokwaari uye kuti zvatinokumbira zvinofanira kukumbirwa nomuzita raJesu.)
1 Tim. 2:5, BR: “Kunongova naMwari mumwe chete noMurevereri mumwe chetewo anomira pakati paMwari navanhu, iye Jesu Kristu.” (Pano hapasi kumbotaura kuti vamwe vanhu vangareverera nhengo dzeungano yaKristu.)
Onawo mapeji 407, 408, pasi pomusoro unoti “Vasande.”
Vanamati vanenge vachinyanya kufunga nezvomunhu anomiririrwa nechifananidzo, kana kuti zvimwe zvifananidzo zvinoonekwa sezvinokosha kupfuura zvimwe here?
Chinhu chinokosha chokufunga nezvacho maonero evanamati. Nei? Nokuti chinonyanya kusiyanisa “chifananidzo” ne“chidhori” mashandisirwo anoitwa chifananidzo.
Mupfungwa dzomunamati wacho, pazvifananidzo zvomunhu mumwe chete, pane chinokosha kupfuura chimwe here? Kana zvakadaro, munamati wacho anenge achinyanya kufunga nezvechifananidzo chacho kwete munhu wachinomiririra. Vanhu vanoitirei nzendo refu kuenda kunonamatira pane dzimwe nzvimbo dzinoyera? Vanenge vasingafungi nezvechifananidzo chinonzi chine masimba “anoshamisa” here? Somuenzaniso, mubhuku rinonzi Les Trois Notre-Dame de la Cathédrale de Chartres, rakanyorwa nomumwe mufundisi anonzi Yves Delaporte, zvinonzi nezvezvifananidzo zvaMariya zviri muchechi iri muChartres, muFrance: “Zvifananidzo izvi, zvakavezwa, zvakaita zvokunyorwa kana kuti zviri pamagirazi emahwindo ane mavara mavara, hazvina kukurumbira zvakafanana. . . . Zvitatu chete ndizvo zvinonyatsonamatwa, zvinoti: Our Lady of the Crypt, Our Lady of the Pillar, uye Our Lady of the ‘Belle Verriere.’” Handizvo here kuti kana vanamati vachinyanya kufunga nezvomunhu wacho, kwete chifananidzo chake, zvifananidzo zvose zvomunhu iyeye zvinofanira kuva zvakangofanana?
Mwari anoona sei zvifananidzo zvinonamatwa?
Jer. 10:14, 15, BR: “Mupfuri mumwe nomumwe wendarama anonyadziswa nechifananidzo chake chakavezwa; nokuti chifananidzo chake chaakaumba ndechenhema; [hachifemi]. Hazvina maturo, uye zvinhu zvinosetsa.”
Isa. 44:13-19, BR: “Muvezi anotambanudza tambo yake achitara mitsetse iyi nechinyoreso. Anoveza danda nechikumbambezo achitara mutsetse pane chokueresa. Zvino oita chifananidzo chomunhu, chakanaka somunhu chiye ndokuchiisa mumba. Anotema misidhari kana kusarudza musaipuresi kana muouki, achiurega uchikura pane mimwe miti yomusango. Anosima misidhari ichikura nemvura inonaya. Zvino muti uya wava huni dzomunhu. Anotora dzimwe huni dzawo achidzidziya. Dzimwe anodzivesa achibikisa sadza. Anotorazve chimwe chitanda achizvivezera chimwari chaanonamata, achipfugamira chiya chifananidzo chaakagadzira. Anotora chidimbu chomuti uya achibatidza moto, achigocha nyama yaanodya akaguta. Anodziya moto achiti: Ha! ndodziya moto, zvino ndava kudziyirwa. Zvino chidimbu chiya chasara anochiveza achichiita chimwari chake chimufananidzo chaanopfugamira achichinamata achiti, ‘Ndiponesei nokuti ndimi mwari wangu!’ Vanhu vakadaro havazivi kana kunzwisisa, nokuti meso avo akapofumadzwa kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakadzvinyirirwa kuti varege kunzwisisa. Hakuna munhu anofunga, kunyange anoziva kana anonzwisisa anoti, ‘Ndakavesa moto nechidimbu chomuti uyu, ndikabikawo sadza namazimbe acho, ndikagocha nyama ndikadya, ko zvino ini ndingagogadzira chinhu chakanyangara nechidimbu chakasara here? Ko ini ndingapfugamira chitanda chomuti uyu here?’”
Ezek. 14:6, JB: “Ishe Yahweh anoti: Dzokai, rambai zvidhori zvenyu [‘zvidhori zvinosemesa sendove,’ NW] musiye maitiro enyu ose anosemesa.”
Ezek. 7:20, JB: “Vaidada nokunaka kwezvishongo zvavo, zvavakagadzirisa zvifananidzo nezvidhori zvavo zvinosemesa. Ndokusaka ndichaita kuti zvive zvinhu zvinosembura [“zvisina kuchena,” Dy; “marara,” NAB] kwavari.”
Tinofanira kunzwa sei nezvezvidhori chero zvipi zvazvo zvataimboremekedza?
Dheut. 7:25, 26, BR: “Unofanira kupisa mifananidzo yavanonamata. Usachive sirivha kana ndarama yavo kana kuitora kuti urege kuteyiwa nayo, nokuti zvinhu izvi zvakanyangara pana TENZI Mwari wako. Usapinze chinhu chakan’ora mumba mako, kuti iwe urege kuvawo munhu akan’ora. Unofanira kusema chinhu ichocho, uti chinhu ichi hachichambofa chakabatwa nokuti chakan’ora [“Unofanira kuchisema kwazvo nokuchivenga zvachose,” NW].” (Kunyange zvazvo iye zvino vanhu vaJehovha vasina mvumo yokuparadza zvifananidzo zvevamwe vanhu, murayiro uyu wakapiwa vaIsraeri unoratidza maonero avanofanira kuita zvifananidzo chero zvipi zvazvo zvavangava nazvo zvavaimboremekedza. Enzanisa naMabasa 19:19.)
1 Joh. 5:21, Dy: “Vana vaduku, siyanai nezvidhori [“zvimwari zvenhema,” JB].”
Ezek. 37:23, JB: “Havazozvisvibisizve nezvidhori zvavo . . . Vachava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wavo.”
Kushandisa zvifananidzo kungaita sei pane ramangwana redu?
Dheut. 4:25, 26, BR: “Kana mukazobva moita zvinhu zvisina maturo muchigadzira chifananidzo chakavezwa muchichifananidza nechinhu chipi nechipi [“chidhori,” Kx; “chero chakafanana nacho,” Dy], kana mukaita zvakaipa sezvizvi pamberi paTENZI Mwari wenyu, muchimutsamwisa, nhasi uno ndinopika nedenga napasi . . . muchazobva moparadzwa.” (Maonero aMwari haana kuchinja. Ona Maraki 3:5, 6.)
1 VaK. 10:14, 20, JB: “Saka hama dzangu dzandinoda, siyanai zvachose nokunamata zvidhori. . . . Zvibayiro zvavanopa, vanozvipa madhimoni kwete Mwari. Handidi kukuonai muchiwadzana nemadhimoni.”
Zvak. 21:8, BR: “Asi kana vari vaya vanotya, vasingatendi, vaya vakan’oreswa, vaurayi nemhombwe, navanonamata mifananidzo, navanoreva nhema, nzvimbo yavo ndiro dziva riya rinopfuta moto une sarufa, ndirwo ruchava rufu rwechipiri [“rufu rusingaperi,” mashoko omuzasi eJB].”
Pis. 115:4-8, BR (113:4-8, muDy): “Zvimwari [zvidhori, JB] zvavo zvakagadzirwa nesirivha nendarama, riri basa ramaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvitauri, zvine meso, asi hazvioni, zvine nzeve, asi hazvinzwi, zvine mhino, asi hazvinhuhwidzi; maoko zvinawo, asi hazvibati chinhu makumbo zvinawo, asi hazvifambi. Hazvibudisi zvinonzwika muhuro dzazvo. Vavezi vazvo vachafanana nazvo, uye naavo vanovimba nazvo.”