Rufu
Tsanangudzo: Kumira kushanda kunoita zvinhu zvose zvinotsigira upenyu. Kana munhu asingachafemi, mwoyo wake usingacharovi, uye pfungwa dzake dzamira kushanda, simba roupenyu rinopera mumasero omuviri. Rufu zvinoreva kusava noupenyu.
Munhu akasikwa naMwari kuti afe here?
Kwete, nokuti Jehovha akanyevera Adhamu kuti kana aizorega kuteerera aizofa. (Gen. 2:17) Gare gare, Mwari akanyevera vaIsraeri kuti kana vaizoita zvakaipa vaizokurumidza kufa. (Ezek. 18:31) Nokufamba kwenguva akatuma Mwanakomana wake kuti afire vanhu kuitira kuti vaya vaizoratidza kutenda urongwa uhwu vararame nokusingaperi.—Johani 3:16, 36.
Pisarema 90:10 inoti vanhu vanowanzorarama makore 70 kana kuti 80. Ndiwo makore airarama vanhu pakanyorwa mashoko aya naMosesi, asi zvakanga zvisina kudaro pakutanga. (Enzanisa naGenesisi 5:3-32.) VaHebheru 9:27 inoti, “Vanhu zvavakatemerwa kuti vafe kamwe chete zvachose.” Izvi ndizvowo zvaiitika pakanyorwa mashoko aya. Asi zvakanga zvisina kudaro Mwari asati apa mutongo kuna Adhamu.
Nei tichikwegura nokufa?
Jehovha akasika vanhu vaviri vokutanga vakakwana, vachitarisira kurarama nokusingaperi. Vakapiwa rusununguko rwokusarudza zvavaida. Vaizoteerera Musiki wavo pamusana pokumuda uye kuonga zvose zvaakanga avaitira here? Izvi vaigona kunyatsozviita. Mwari akaudza Adhamu kuti: “Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” Achishandisa nyoka, Satani akanyengera Evha kuti arege kuteerera murayiro waJehovha. Adhamu haana kutsiura mudzimai wake asi akatobatana naye pakudya muchero wakarambidzwa. Achiita sezvaakanga ataura, Jehovha akatongera Adhamu rufu, asi asati auraya vaviri ava vakanga vaita chivi, Jehovha nengoni dzake akavabvumira kuti vabereke vana.—Gen. 2:17; 3:1-19; 5:3-5; enzanisa Dheuteronomio 32:4 naZvakazarurwa 12:9.
VaR. 5:12, 17, 19: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza—. . . . Kana rufu rwakava mambo nokuda kwaiyeye nokudarika kwomunhu mumwe chete iyeye . . . Vazhinji [vakaitwa] vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete.”
1 VaK. 15:22: ‘Vose vari kufa muna Adhamu.’
Onawo musoro unoti, “Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu.”
Nei vana vacheche vachifa?
Pis. 51:5, BR: “Tarirai ndakaberekerwa muzvakaipa; mai vangu vakandinambira muzvitadzo.” (Onawo Jobho 14:4; Genesisi 8:21.)
VaR. 3:23; 6:23: “Vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari . . . Mubayiro wechivi ndirwo rufu.”
Mwari “haatoreri” vabereki vana vavo, sezvakaudzwa vamwe vanhu. Kunyange zvazvo pasi richipa zvokudya zvakakwana, vezvematongerwo enyika uye vezvekutengeserana vane udyire vanowanzoita kuti vanoshayiwa vasawana zvokudya zvavanoda, zvichikonzera rufu pamusana pokushayiwa zvokudya. Vamwe vana vanofa netsaona sezvinongoitawo vanhu vakuru. Tose takagara nhaka yechivi, tose hatina kukwana. Takaberekwa munguva yokuti munhu wose anogumisira afa, pasinei nokuti akanaka here kana kwete. (Mup. 9:5) Asi Jehovha ‘anosuwa’ kumutsa vana kuti vavezve nevabereki vavo, uye norudo rwake akatoita urongwa hwokuti adaro.—Joh. 5:28, 29; Job. 14:14, 15; enzanisa naJeremiya 31:15, 16; Mako 5:40-42.
Vakafa vari kupi?
Gen. 3:19: “Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”
Mup. 9:10: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose, nokuti muSheori [“kunzvimbo yevashakabvu,” BR], iyo nzvimbo yauri kuenda, hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.”
Zvinenge zvakamboita sei kana munhu akafa?
Mup. 9:5: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa; asi vakafa havana kana chavanoziva.”
Pis. 146:4: “Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa [“mazano,” BR; “mano,” BUS] dzake dzinoparara.”
Joh. 11:11-14: “‘Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.’ . . . Jesu akavataurira asingambovanzi kuti: ‘Razaro afa.’” (Onawo Pisarema 13:3)
Pane chimwe chinhu chiri mumunhu chinoramba chichirarama here pashure pokunge muviri wafa?
Ezek. 18:4: “Mweya unotadza [“mweya,” BUS; “munhu,” BR]—ndiwo uchafa.”
Isa. 53:12: “Akadurura mweya [“mweya,” BUS; “akazvipira kuti afe,” BR] wake kusvikira parufu chaipo.” (Enzanisa naMateu 26:38)
Onawo misoro inoti “Mweya” uye “Mudzimu.”
Vakafa vanogona kubatsira kana kukuvadza vapenyu here?
Mup. 9:6: “Rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva.”
Isa. 26:14: “Ivo vakafa; havazoraramizve. Vasina simba vari murufu, havazomukizve.”
Zvakadini nenyaya dzinotaurwa nevanhu vakamutswa vainzi vainge vafa vakataura nezvehumwe upenyu?
Kana munhu amira kufema uye mwoyo wake usingacharovi, zvinotora maminitsi akawanda kuti simba rinotsigira upenyu rinenge riri mumasero omumuviri wake ripere. Kana muviri wacho ukaiswa muchando, izvi zvingatotora maawa akawanda zvakadaro. Ndosaka dzimwe nguva zvichiita kumutsa vanhu nokungovafemera mweya. Vangave vachinzi “navanachiremba vafa,” asi masero omuviri wavo anenge achiri mapenyu.
Vanhu vakawanda vanomutswa pavanenge vanzi “navanachiremba vafa” havana chavanoyeuka. Vamwe vanoti vainzwa sokunge vaiyangarara. Vamwe vanoti vakaona zvinhu zvakanaka; vamwe vakatya nezvavakaona.
Vezvokurapa vanogona here kutsanangura kuti zvinokonzerwa nei?
Mumwe anonyora nezvenyaya dzokurapa mumagazini inonzi, The Arizona Republic akati: “Panguva iya munhu yaanenge asingakwanisi kuita chinhu, muviri wake usinganzwi marwadzo, kana kuti zvakonzerwa nechirwere kana ronda, tsinga dzomuviri dzinongopararawo. Saka, mahomoni omutsinga anobuda akawanda zvikuru. Izvi zvinoita kuti munhu aone zvinhu zvisipo nezvimwewo, ndizvo zvinozonzi munhu akafa akamuka.”—May 28, 1977, peji C-1; uyewo magazini yezvokurapa yokuGermany inonzi Fortschritte der Medizin, No. 41, 1979; Psychology Today, January 1981.
Asi uchapupu hunotaurwa nevaya vakavazve vapenyu hahupupurirwi here nevanhu vakaona uye vakataura nevadiwa vavo vakanga vafa?
Tapota verengazve, magwaro ambotaurwa uone zvazvinenge zvakaita kana munhu afa. Shoko raMwari riri kutiudza kuti zvinenge zvakamboita sei kana munhu afa?
Ndiani anoda kuti vanhu vadavire zvinopesana neizvi? Jehovha anyevera vabereki vedu vokutanga kuti kusateerera kwaizokonzera rufu, ndiani akapikisa izvozvo? “Nyoka [yakashandiswa naSatani; ona Zvakazarurwa 12:9] ikati kumukadzi: ‘Chokwadi hamungafi.’” (Gen. 3:4) Chokwadi, Adhamu naEvha vakazofa. Saka ndiani akatanga nepfungwa yokuti pane mweya uri mumunhu unopona nokubuda mumuviri womunhu kana achinge afa? Sezvatatoona, handizvo zvinotaurwa neShoko raMwari. Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri vekare wairambidza tsika ‘dzaisvibisa’ uye ‘dzaisemesa’ dzokubvunza vakafa. (Revh. 19:31; Dheut. 18:10-12; Isa. 8:19) Mwari ane rudo aizorambidza tsika idzi kudai vainge vari kungokurukura havo nevadiwa vavo vainge vabva kwavari here? Ukuwo, kana midzimu yemadhimoni ichiita sevanhu vakafa uye ichitsausa vanhu nokuisa pfungwa yenhema mupfungwa dzavo, rwaisazova rudo here kuti Mwari adzivirire vashumiri vake paunyengeri hwakadaro?—VaEf. 6:11, 12.
Nei Zvapupu zvaJehovha zvisingaiti zvirango zvokuchema vakafa?
Kuchema munhu akafa watinoda hakuna kuipa uye kungaitwa zvakakodzera
Pashure pokunge shamwari yake yepamwoyo Razaro yafa, “Jesu akasvimha misodzi.” (Johani 11:35) Dzimwe nguva vashumiri vaMwari vakachema kwazvo pavainge vafirwa.—2 Sam. 1:11, 12.
Asi nokuti pane tariro yokuti vakafa vachamutswa, vaKristu vanoudzwa kuti: “Zvakare, hama, hatidi kuti musaziva pamusoro pevaya vari kurara murufu; kuti murege kusuruvara sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.”—1 VaT. 4:13.
Vashumiri vaJehovha havarambi tsika dzose dzinoitwa parufu
Gen. 50:2, 3: “Josefa akarayira vashandi vake, vanachiremba, kuti vaomese baba vake. . . . uye vakapedza mazuva makumi mana azere vachimuomesa, nokuti vaiva netsika yokupedza mazuva mazhinji kudaro vachiomesa.”
Joh. 19:40: “Vakatora mutumbi waJesu, vakaumonera nemachira nezvinonhuhwirira, setsika yevaJudha yokugadzirira kuviga.”
Vaya vanoda kumufadza havaiti tsika dzinopesana neShoko raMwari
Dzimwe tsika dzinoda kuti munhu aonekwe novoruzhinji kuti ari kuchema. Asi Jesu akati: “Pamunenge muchitsanya [pamusana pokusurukirwa], regai kuva nechiso chakasuruvara sevanyengeri, nokuti ivo vanoshatisa zviso zvavo kuti vaonekwe nevanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana. Asi iwe, paunenge uchitsanya, zora musoro wako mafuta ugeze chiso chako, kuti urege kuonekwa nevanhu kuti uri kutsanya, asi naBaba vako vari pakavanda; ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.”—Mat. 6:16-18.
Dzimwe tsika dzinoratidza kutenda dzidziso yokuti munhu ane mweya usingafi unobuda mumuviri worarama uye unenge uchiziva zvinenge zvichiitwa nevapenyu. Asi Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana . . . chavanoziva.” (Mup. 9:5) Uyewo, “Mweya unotadza—ndiwo uchafa.”—Ezek. 18:4.
Tsika dzakawanda dzinobva pakudavira kuti vakafa vanoda kubatsirwa nevapenyu kana kuti pakutya kuti vanogona kukuvadza vapenyu kana vasina kuremekedzwa. Asi Shoko raMwari rinoratidza kuti vakafa havasi kurwadziwa kana kufara. “Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake.” (Pis. 146:4; onawo 2 Samueri 12:22, 23) “Rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara, havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva.”—Mup. 9:6.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Kuda kwaMwari’
Ungapindura kuti: ‘Ndizvo zvinotendwa nevakawanda izvozvo. Asi ndakawana zvichibatsira kutsvaka zvinotaurwa naMwari nezvazvo.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘(Verenga Genesisi 2:17.) Kana baba vakanyevera mwanakomana wavo kuti zvinogona kumuurayisa kana akaita chimwe chinhu, ungati baba vanoda kuti mwanakomana wavo aite chinhu ichocho here?’ (2) ‘Kana zvakadaro Mwari anoda kuitirei vanhu? Jesu akati: “Nokuti izvi ndizvo zvinodiwa naBaba vangu, kuti munhu wose anoona Mwanakomana [kureva kuti anoona obvuma kuti chokwadi Jesu Mwanakomana waMwari] otenda maari ave noupenyu husingaperi, uye ini ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (Joh. 6:40)
‘Vanhu vachangoramba vachifa’
Ungapindura kuti: ‘Izvozvo ndizvo chaizvo zvave zvichiitika kuvanhu kubvira kare kusvikira kumazuva edu ano, hazvisi here?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Asi onai vimbiso iyi yakanaka yakaitwa naMwari pana Zvakazarurwa 21:3, 4 (kana Isaya 25:8).’
‘Unofa kana nguva yako yakwana’
Ungapindura kuti: ‘Ndizvo zvinofunga vanhu vakawanda izvozvo. Maizviziva here kuti vaGiriki vekare vaifungawo saizvozvo? Vaitenda kuti kwaiva navanamwarikadzi vatatu vaisarudza kuti munhu mumwe nomumwe orarama makore akawanda sei. Asi Bhaibheri rinotaura zvakatosiyana zvachose nepfungwa iyoyo.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘(Verenga Muparidzi 9:11.) Muenzaniso: Chidhinha chingakoromoka kubva pachivako chowira munhu anenge achizvifambira zvake. NdiMwari anenge azvikonzera here? Kana zvakadaro, zvingava zvakarurama here kupa mhosva muridzi wechivako chacho kuti haasi kutarisira chivako chake? . . . Sokutaura kunoita Bhaibheri, munhu anga achifamba anenge angowirwa netsaona isina kurongwa nomuridzi wechivako uye zvinenge zvangoitika kuti chidhinha chacho chadonha ari panzvimbo yacho asingatarisiri.’ (2) ‘Bhaibheri rinotiudza kuti kana tikarega kuita zvakaipa tichachengetedza upenyu hwedu. (Zvir. 16:17) Kana muri mubereki, ndine chokwadi chokuti munoshandisa mashoko iwaya kuvana venyu. Munovanyevera kuti vasaita zvinhu zvinovaurayisa. Ndizvo zviri kuitwa naJehovha kune vanhu vose mazuva ano.’ (3) ‘Jehovha anoziva remangwana. Achishandisa Bhaibheri anotiudza kuti tingakwanisa sei kurarama upenyu hwakareba kudarika vanhu vaya vasingadi kuteerera zvaanotaura. (Joh. 17:3; Zvir. 12:28)’ (Onawo musoro mukuru unoti “Kufanorongerwa Zvichaitika Muupenyu”)