Kutanga Kuverenga Bhaibheri
Unogona kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri! Ona zvimwe zvaunogona kuita kuti utange kuverenga Bhaibheri. Sarudza nyaya inokunakidza, woverenga magwaro ari ipapo ane nyaya yacho.
Vanhu Vakakurumbira Uye Nyaya Dzakakurumbira
Noa uye mafashamo: Genesisi 6:9–9:19
Mozisi paGungwa Dzvuku: Eksodho 13:17–14:31
Rute naNaomi: Rute zvitsauko 1-4
Dhavhidhi naGoriyati: 1 Samueri chitsauko 17
Abhigairi: 1 Samueri 25:2-35
Dhanieri mugomba reshumba: Dhanieri chitsauko 6
Erizabheti naMariya: Ruka zvitsauko 1-2
Uchenjeri Hunobatsira Pakurarama
Mhuri: VaEfeso 5:28, 29, 33; 6:1-4
Ushamwari: Zvirevo 13:20; 17:17; 27:17
Kunyengetera: Pisarema 55:22; 62:8; 1 Johani 5:14
Mharidzo Yepagomo: Mateu zvitsauko 5-7
Kana Uchida Kubatsirwa . . .
Wakaora mwoyo: Pisarema 23; Isaya 41:10
Wakafirwa: 2 VaKorinde 1:3, 4; 1 Petro 5:7
Uchizvipa mhosva: Pisarema 86:5; Ezekieri 18:21, 22
Zvinotaurwa neBhaibheri . . .
Nezvemazuva ekupedzisira: Mateu 24:3-14; 2 Timoti 3:1-5
Nezveramangwana: Pisarema 37:10, 11, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4
ZVAUNGAITA: Kuti uzive zvakawanda nezvemagwaro ari kutaurwa pamusoro apa, verenga chitsauko kana kuti zvitsauko zvacho zvese. Shandisa chati yakanzi “Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri” iri panoperera bhuku rino kuti upote uchimaka zvitsauko zvaunenge waverenga. Iva nechinangwa chekuverenga Bhaibheri zuva rega rega.