Mwari Anofarira Manamatire Anoita Vanhu Vose Here?
Mhinduro dzinowanzotaurwa:
▪ “Machechi ose inzira dzinoenda kuna Mwari.”
▪ “Hazvina basa kuti unodavira chii chero uchiita nomwoyo wose.”
Jesu akati kudii?
▪ “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Jesu akanga asingadaviri kuti zvitendero zvose zvinotungamirira kuna Mwari.
▪ “Vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:22, 23) Jesu haagamuchiri vose vanoti vanomutevera.
VANHU vakawanda vari muzvitendero vanokoshesa tsika dzavo nezvavanodavira. Asi chii chinoitika kana dzidziso idzodzo dzisingawirirani nezviri muShoko raMwari, Bhaibheri? Jesu akaratidza ngozi iripo pakutevera tsika dzevanhu paakaudza vatungamiriri vechitendero vemunguva yaairarama kuti: “Makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nokuda kwetsika yenyu.” Akaenderera mberi achidzokorora mashoko aMwari akambotaurwa kare okuti: “Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.”—Mateu 15:1-9; Isaya 29:13.
Mabasa anokoshawo, kwete zvinodavirwa chete. Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanotaura kuti vanonamata Mwari richiti: “Vanotaura pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba nemabasa avo.” (Tito 1:16) Chokwadi, Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vari kurarama iko zvino richiti: “Vachada kuzvifadza kupinda kufadza Mwari; vachadisa kuti vanzi vanhu [vanonamata], asi ivo vasina simba rokuita basa raMwari. Iwe ibva pavanhu vakadaro.”—2 Timoti 3:4, 5, Bhaibheri Rinoera.
Pane zvinopfuura kungonamata nomwoyo wose zvinodiwa kuti Mwari afarire manamatire edu. Nei? Nokuti munhu anogona kuita chimwe chinhu nomwoyo wose asi akananga dondo. Saka kunyatsoziva Mwari kunokosha. (VaRoma 10:2, 3) Kuwana zivo iyi uye kuita zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri kuchatibatsira kufadza Mwari. (Mateu 7:21) Saka, kutaura chokwadi, kunamata kwakarurama kunosanganisira vavariro dzakarurama, kudavira zvinhu zvakarurama, uye mabasa akarurama. Uye kuita mabasa akarurama zvinoreva kugara tichiita zvinodiwa naMwari.—1 Johani 2:17.
Kana uchida kuziva zvakawanda nezvezvinotaurwa neBhaibheri nezvaMwari, ona Zvapupu zvaJehovha kuti zvidzidze newe Bhaibheri pasina kubhadhara.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Kunamata kwakarurama kunosanganisira vavariro dzakarurama, kudavira zvinhu zvakarurama, uye mabasa akarurama