Chipiri, September 15
[Ipai] miviri yenyu sechibayiro chipenyu uye chitsvene chinogamuchirwa naMwari, basa dzvene ramunoita muchishandisa pfungwa dzenyu.—VaR. 12:1.
Varume vechiKristu vanofanira kungwarira kuti vasaona vakadzi semaonerwo avanoitwa nevanhu vari munyika. Nei vachifanira kudaro? Chimwe chikonzero chacho ndechekuti kazhinji kacho, munhu anowanzoita zvinhu zvaanogara achifunga nezvazvo. Muapostora Pauro akayambira vaKristu vakazodzwa vaigara muRoma kuti: “Regai kusiya nyika ino ichikuumbai.” (VaR. 12:1, 2) Pauro paakanyora mashoko aya kuvaRoma, ungano yacho yakanga yava nenguva iripo. Asi mashoko aPauro anoratidza kuti vamwe vaiva muungano iyi, vakanga vachiri kukanganiswa nemafungiro enyika netsika dzayo. Ndokusaka akavakurudzira kuti vachinje mafungiro uye maitiro avo. Zano raakapa vaKristu ava rinoshandawo kuvarume vechiKristu mazuva ano. Zvinosuwisa kuti vamwe varume vechiKristu vakakanganiswa nemafungiro enyika zvekuti vava kutoshungurudza madzimai avo. w25.01 9 ¶4
Chitatu, September 16
Fudzai boka raMwari riri mumaoko enyu, muchishanda sevatariri.—1 Pet. 5:2.
Mazuva ano, vakuru vane zvakawanda zvekuita. Vanoita basa reuevhangeri. (2 Tim. 4:5) Vanotungamirira mubasa rekuparidza, vanoronga kuti ndima inenge yapiwa ungano ingashandwa sei, uye vanotibatsira kuti tibudirire pakuparidza nekudzidzisa. Vakuru vanoshandawo sevatongi vane tsitsi uye vasingasaruri. Kana mumwe muKristu akaita chivi chakakura, vakuru vanoedza nepese pavanogona kuti vamubatsire kuti agadzirise ushamwari hwake naJehovha. Panguva imwe chete, vanongwarira kuti vaite kuti ungano irambe yakachena. (1 VaK. 5:12, 13; VaG. 6:1) Asi basa guru rinoitwa nevakuru nderekufudza. (1 Pet. 5:1-3) Vanopa hurukuro dzinobva muMagwaro dzakagadzirirwa zvakanaka, vanoedza kuziva munhu wese ari muungano uye kuita basa rekufudza. Vamwe vakuru vanobatsirawo pakuvaka uye kugadziridza Dzimba dzeUmambo, pakuronga magungano, uye vanoshandawo muMakomiti Ekukurukura Nezvipatara, uye muMapoka Ekushanyira Varwere, nepakuitawo mamwe mabasa. Vakuru vanoshanda nesimba chaizvo vachiitira isu! w24.10 20 ¶9
China, September 17
Sezvo vese vari kufa muna Adhamu, vese vachaitwawo vapenyu muna Kristu.—1 VaK. 15:22.
Bhaibheri rinoti takasunungurwa nekuti rudzikinuro rwakabhadharwa. Muapostora Petro akazvitsanangura achiti: “Munoziva kuti hamuna kusunungurwa [kana kuti kudzikinurwa] nezvinhu zvinoora, nesirivha kana goridhe, pamararamiro enyu asingabatsiri akabva kumadzitateguru enyu. Asi neropa rinokosha raKristu, rakaita seregwayana rakanaka uye risina kana pakaipa.” (1 Pet. 1:18, 19; mashoko emuzasi) Chibayiro cherudzikinuro chinoita kuti tisunungurwe pachivi nerufu, izvo zvinokonzera kutambura kwakanyanya. (VaR. 5:21) Tinotenda Jehovha naJesu chaizvo nekuti takadzikinurwa pachishandiswa ropa rinokosha raJesu, kana kuti upenyu hwake. w25.02 5 ¶15-16