China, April 9
Akareverera vadariki.—Isa. 53:12.
Jehovha akakumbira Abrahamu kuti ape mwanakomana wake Isaka sechibayiro. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti Abrahamu ashungurudzike chaizvo. Kunyange zvakadaro, Abrahamu akasarudza kuteerera Jehovha. Abrahamu paakanga ava kuda kuuraya mwanakomana wake, Mwari akabva amuti arege. Nyaya iyoyo inodzidzisa vanhu vese vane kutenda chimwe chokwadi chinokosha chekuti Jehovha aizozvipira kupa Mwanakomana wake waanoda sechibayiro. Izvozvo zvinoratidza kuti Jehovha anoda vanhu chaizvo. (Gen. 22:1-18) Papera mazana emakore, maererano neMutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri, vanhu vaMwari vaifanira kupa zvibayiro zvemhuka kuti vayananise zvivi zvavo. (Revh. 4:27-29; 17:11) Zvibayiro izvozvo zvairatidza kuti Jehovha aizopa chibayiro chikuru pane zvese, icho chaizoponesa vanhu pachivi zvachose. Achitaura nezveMwanakomana wake anokosha, Mwari akaudza vaprofita vake kuti vanyore nezvemwana akavimbiswa. Vaprofita vacho vakatsanangura kuti mwana iyeye, aizofanira kutambura ourayiwa kuti aponese vanhu, kusanganisira iwewe, kubva pachivi nerufu!—Isa. 53:1-12. w24.08 4 ¶7-8
Chishanu, April 10
Ndinoda chaizvo mutemo wenyu! Ndinoswera ndichiufungisisa.—Pis. 119:97.
Paunoverenga Bhaibheri, zvinokosha kuti ufunge kuti ungashandisa sei zvaunenge waverenga. Paunenge uchiverenga chikamu cheShoko raMwari, zvibvunze kuti, ‘Zvandaverenga izvi ndingazvishandisa sei iye zvino uye mumazuva anotevera?’ Semuenzaniso, ngatitii pawanga uchiverenga Bhaibheri, waverenga pana 1 VaTesaronika 5:17, 18. Paunenge waverenga mavhesi iwayo maviri, unogona kumbomira wofunga kuti unowanzonyengetera kakawanda sei, uye minyengetero yako yakadzama zvakadini. Uyewo unogona kufunga pamusoro pezvinhu zvaunotenda kuti wakaitirwa. Pamwe unogona kusarudza kuti ndezvipi zvinhu zvitatu zvauchatenda Jehovha nezvazvo. Kunyange ukaita izvozvo kwemaminitsi mashomanana, zvichakubatsira kuti uve munzwi uye muiti weShoko raMwari. Funga kuti ungabatsirwa sei kana ukaita izvi zuva rega rega paunenge uchiverenga Bhaibheri! Izvi zvichakubatsira kuti ukure pakuva muiti weShoko raMwari. w24.09 4-5 ¶9-10
Mugovera, April 11
Ngwarirai, kuti murege kurasikirwa nezvatakashandira, asi kuti muwane mubayiro wakazara.—2 Joh. 8.
Jehovha akatisika nenzira inoshamisa. Kunyange zvazvo tichiwana mufaro patinogamuchira chimwe chinhu, tinowana mufaro wakatokura patinopa vamwe. Tinofara patinokwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu. Uye tinofarawo pavanotenda zvatinenge tavaitira. Asi kunyange vakatenda kana kusatenda, tinofara kuti takaita zvataifanira kuita. Usambokanganwa kuti paunopa, “Jehovha anokwanisa [kukupa] zvakatowanda kupfuura ipapo.” (2 Mak. 25:9) Hatimbofi takakwanisa kupfuura Jehovha pakupa! Uye hapana chinofadza kupfuura kupiwa mubayiro naJehovha pachake. Saka ngativei nechido chekuramba tichitevedzera kupa kunoita Baba vedu vekudenga. w24.09 30-31 ¶20-21