CHITSAUKO 35
Ndingava Sei Shamwari yaMwari?
Pashure pokunge apinda mutsekwende, Jeremy akasvika pakunzwisisa kuti kuva noushamwari naMwari kunokosha. Anotsanangura kuti, “Pandaiva nemakore 12, baba vangu vakabva pamba. Humwe usiku ndakanga ndichinyengetera ndakarara pamubhedha, ndichikumbira Jehovha kuti aite kuti baba vangu vadzoke.”
Akaora mwoyo, Jeremy akatanga kuverenga Bhaibheri. Paakaona Pisarema 10:14, akakurudzirwa zvikuru. Ndima iyoyo inoti nezvaJehovha: “Munhu anotambudzika, nherera, anozviisa kwamuri. Imi makava mubatsiri wake.” Jeremy anoti: “Ndakanzwa sokuti Jehovha akanga achitaura neni uye achiita kuti ndizive kuti aiva mubatsiri wangu; aiva Baba vangu. Ndingava nababa vari nani vanopfuura ava here?”
UNGAVA uri mumamiriro ezvinhu akafanana neaJeremy kana kuti kwete, Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoda kuti uve shamwari yake. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Chimbofunga zvinoreva mashoko iwayo: Kunyange zvazvo usingagoni kumuona—uye zvechokwadi asiri wezera rako—Jehovha Mwari ari kukukumbira kuti uve shamwari yake!
Asi pane zvaunofanira kuita kuti uve shamwari yaMwari. Kuenzanisira: Kana uine ruva romumba, unoziva kuti haringokuri roga. Kuti rirarame, unofanira kugara uchiridiridza uye kuriisa panzvimbo yarinonyatsokura. Ndizvowo noushamwari naMwari. Ungaitei kuti ushamwari ihwohwo hukure?
Kukosha Kwokudzidza
Ushamwari hunosanganisira kukurukurirana—mumwe nomumwe achiteerera uye achitaura. Ndizvo zvazvinoitawo noushamwari naMwari. Kuverenga uye kudzidza Bhaibheri ndiyo nzira yatinoteerera nayo zvatinoudzwa naMwari.—Pisarema 1:2, 3.
Chokwadi, ungave usingafariri kudzidza. Vechiduku vakawanda vangasarudza kuona TV, kutamba mutambo, kana kuti kutamba neshamwari. Asi kana uchida kukudziridza ushamwari naMwari, unotofanira kutevedzera matanho aanoda. Unofanira kumuteerera nokudzidza Shoko rake.
Zvisinei, usanetseka. Kudzidza Bhaibheri hakufaniri kuva basa. Unogona kudzidza kukufarira—kunyange kana uchifunga kuti hausi munhu anofarira zvokudzidza. Kutsaura nguva yokudzidza Bhaibheri ndicho chinhu chokutanga chaunofanira kuita. Mumwe musikana anonzi Lais anoti, “Ndine purogiramu yangu. Ndinotanga mangwanani oga oga nokuverenga chitsauko chimwe chete cheBhaibheri.” Maria ane makore 15 ane purogiramu yakasiyana. Anoti, “Ndinongoverenga chikamu chidukuduku cheBhaibheri manheru oga oga ndisati ndarara.”
Kuti utange purogiramu yako yokudzidza, tarira bhokisi riri papeji 292. Zvadaro, pasi apa, nyora kuti ndirini paunogona kupedza maminitsi 30 chete kana kuti kupfuura uchidzidza Shoko raMwari.
․․․․․
Kuronga nguva ndicho chinhu chokutanga. Kana wangotanga kunyatsodzidza, ungaona kuti Bhaibheri harisi nyore kuverenga nguva dzose. Ungabvumirana naJezreel ane makore 11, uyo anotaura pachena kuti, “Zvimwe zvikamu zveBhaibheri zvinotoda kuti udzamise pfungwa uye hazvinyanyi kunakidza.” Kana uchinzwa saizvozvo, usakanda mapfumo pasi. Nguva dzose ona kudzidza Bhaibheri senguva yokuteerera Jehovha Mwari, shamwari yako. Pakupedzisira, kudzidza Bhaibheri kuchange kwava kunakidza uye kuchipa mubayiro zvichienderana nokuti unoriverenga zvakadini!
Munyengetero Unokosha
Munyengetero ndiyo nzira yatinotaura nayo naMwari. Chimbofunga kuti munyengetero chipo chinoshamisa zvakadini! Unogona kutaura naJehovha Mwari chero nguva, siku nesikati. Nguva dzose anotinzwa. Kupfuura izvi, anoda kunzwa zvaunotaura. Ndokusaka Bhaibheri richikukurudzira kuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.”—VaFiripi 4:6.
Sezvinoratidzwa norugwaro urwu, pane zvinhu zvakawanda zvaunogona kutaurira Jehovha. Izvi zvingasanganisira zvinhu zvinokunetsa uye zvinokudya mwoyo. Zvinogona kusanganisirawo zvinhu zvaunoonga. Kutaura zvazviri, hauongi shamwari dzako nokuda kwezvinhu zvakanaka zvadzakakuitira here? Unogonawo kuonga Jehovha, uyo akakuitira zvakawanda kupfuura zvinogona kuitwa neshamwari chero ipi zvayo.—Pisarema 106:1.
Pasi apa, nyora zvimwe zvinhu zvinoita kuti uonge Jehovha.
․․․․․
Hapana mubvunzo kuti apo neapo unoremerwa nezvinhu zvinotyisa uye zvinokudya mwoyo. Pisarema 55:22 rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.”
Pamitsetse inotevera, nyora zvinhu zvinokunetsa zvaungada kunyengetera nezvazvo.
․․․․․
Zvakaitika Kwauri
Pane chimwe chinhu chine chokuita noushamwari hwako naMwari chausingafaniri kuregeredza. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.” (Pisarema 34:8) Dhavhidhi paakanyora Pisarema rechi34, akanga achangobva kubuda mutsekwende. Akanga achitiza Mambo Sauro uyo aida kumuuraya—dambudziko raimuvhiringidza zvikuru. Asi aifanira kupotera pakati pevavengi vake vaFiristiya. Paakanga aita sokunge kuti atarisana norufu, Dhavhidhi akanyepera kupenga uye akwanisa kupukunyuka.—1 Samueri 21:10-15.
Dhavhidhi haana kuti kupona kwaakaita nepaburi retsono kwaiva kuchenjera kwake. Asi akaita kuti Jehovha akudzwe. Mundima dzokutanga dzepisarema rataurwa pamusoro apa, akanyora kuti: “Ndakabvunza Jehovha, iye akandipindura, akandinunura pazvinhu zvose zvaindityisa.” (Pisarema 34:4) Naizvozvo, kubva pane zvakanga zvaitika kwaari, Dhavhidhi aigona kukurudzira vamwe kuti “ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka.”a
Ungafunga zvakamboitika muupenyu hwako zvinoratidza kuti Jehovha ane hanya here? Kana zvakadaro, zvinyore pasi apa. Herino zano: Chinoitika chacho hachifaniri hacho kuva chinoshamisira. Edza kufungisisa zvikomborero zviduku zvaunowana zuva nezuva, zvimwe zvacho zvingarerutswa nyore nyore.
․․․․․
Zvichida vabereki vako vakakudzidzisa nezveBhaibheri. Kana zvakadaro, ichocho chikomborero. Zvisinei, unofanira kutanga ushamwari hwepedyo naMwari. Kana usati waita izvi, unogona kushandisa mashoko ari muchitsauko chino kukubatsira kutanga kuva nahwo. Jehovha achakomborera zvaunoedza kuita. Bhaibheri rinoti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana.”—Mateu 7:7.
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, ZVITSAUKO 38 NE39
Zvakakuomera here kuudza vamwe nezvaMwari? Dzidza kuti ungadzivirira sei zvaunotenda.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe maBhaibheri anoshandura mashoko aya okuti “ravirai henyu muone” kuti “zvionerei moga,” uye “edzai muone.”—Contemporary English Version, uye Bhaibheri Rinoera.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu.”—Mateu 5:3.
ZANO
Ingoverenga mapeji mana eBhaibheri zuva rimwe nerimwe, uye ucharipedza munenge mugore rimwe chete.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kuverenga kwauri kuita bhuku rino uye kuteerera zano reBhaibheri ririmo kunoratidza kuti Jehovha ari kukufarira.—Johani 6:44.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kuti ndiwane zvakawanda pakudzidza Bhaibheri ndiri ndoga, ndicha- ․․․․․
Kuti ndigare ndichinyengetera, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Ungaita sei kuti kudzidza Bhaibheri uri woga kuwedzere kunakidza?
● Nei Jehovha achida kuteerera minyengetero yevanhu vasina kukwana?
● Unganatsiridza sei minyengetero yako?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 291]
“Pandaiva muduku, minyengetero yangu yaiva yokudzokorora. Iye zvino ndinoedza kunyengetera pamusoro pezvinhu zvakanaka uye zvakaipa zvezuva rimwe nerimwe. Sezvo pasina mazuva maviri akanyatsofanana, izvi zvinoita kuti ndisaramba ndichingodzokorora zvinhu zvimwe chetezvo.’’—Eve
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 292]
Ziva Bhaibheri Rako
1. Sarudza nyaya yomuBhaibheri yaungada kuverenga. Nyengeterera uchenjeri kuti unzwisise zvauri kuverenga.
2. Nyatsoverenga nyaya yacho. Usamhanya-mhanya. Sezvaunoverenga, ona mupfungwa dzako zvaunenge uchiverenga. Shandisa pfungwa dzako sezvaunogona: Edza kuona zviri kuitika, inzwa mazwi evanhu vacho, inzwa hwema huripo, ravira zvokudya, zvichingodaro. Ona nyaya yacho seiri kutoitika mupfungwa dzako!
3. Funga zvauchangobva kuverenga. Zvibvunze mibvunzo yakadai seinotevera:
● Nei Jehovha akanyora nyaya iyi muShoko rake?
● Vanhu vapi vatinofanira kutevedzera, uye ndevapi vari mienzaniso yokutinyevera?
● Zvidzidzo zvipi zvinobatsira zvandingawana pakuverenga uku?
● Nyaya yacho inondidzidzisei nezvaJehovha uye nzira yaanoita nayo zvinhu?
4. Nyengetera munyengetero mupfupi kuna Jehovha. Muudze zvawadzidza pawanga uchiverenga Bhaibheri uye kuti unoronga kuzvishandisa sei muupenyu hwako. Nguva dzose onga Jehovha nezvechipo chaakakupa—Shoko rake, Bhaibheri Dzvene!
[Mufananidzo]
“Shoko renyu irambi retsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 294]
Zvinhu Zvokutanga Pakutanga
Wakabatikana zvokutadza kunyengetera here? Hauna nguva yokuverenga Bhaibheri here? Kazhinji, zvinoenderana nemarongero aunoita zvinhu zvako.
Edza izvi: Tora bhaketi woisa matombo. Zvino chidira jecha mubhaketi racho kusvika razara. Iye zvino wava nebhaketi rakazara nematombo uye jecha.
Chikutura zviri mubhaketi racho, asi chengeta jecha rimwe chete iroro nematombo acho. Dzokorora kuita izvi uchitanga nejecha: Zadza bhaketi nejecha, uye chiedza kuisa matombo mubhaketi macho. Muchine nzvimbo here? Hamuchina nokuti panguva ino watanga kuisa jecha.
Unodzidzei? Bhaibheri rinoti: ‘Iva nechokwadi nezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaFiripi 1:10) Kana ukaisa zvinhu zviduku zvakaita sevaraidzo panzvimbo yokutanga, zvinoita sokuti haumbofi wakawana nzvimbo yezvinhu zvinokosha muupenyu—zvinhu zvine chokuita nokunamata. Asi kana uchiteerera zano reBhaibheri, uchaona kuti une nzvimbo yezvose zviri zviviri, zvinhu zvine chokuita noUmambo uye varaidzo. Zvose zvinoenderana nokuti ndezvipi zvaunotanga kuisa mubhaketi rako!
[Mufananidzo uri papeji 290]
Kufanana neruva romumba, ushamwari naMwari hunoda kushandirwa kuti hukure