Chibayiro chaJesu ‘Chinodzikinura Sei Vazhinji’?
Mhinduro yeBhaibheri
Chibayiro chaJesu ndiyo nzira inoshandiswa naMwari pakununura, kana kuti kuponesa vanhu pachivi nerufu. Bhaibheri rinotaura nezveropa rakadeurwa raJesu serudzikinuro. (VaEfeso 1:7; 1 Petro 1:18, 19) Ndosaka Jesu akati akauya ‘kuzopa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.’—Mateu 20:28, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.
Nei paidiwa ‘rudzikinuro rwavazhinji’?
Munhu wekutanga, Adhamu, akasikwa asina chivi kana kuti asingatadzi. Aiva netariro yekurarama nekusingaperi, asi akarasikirwa nayo nekuti akasarudza kusateerera Mwari. (Genesisi 3:17-19) Paakazova nevana akapfuudzawo chivi chacho kwavari. (VaRoma 5:12) Ndosaka Bhaibheri richiratidza kuti Adhamu ‘akazvitengesa’ iye nevana vake muuranda hwechivi nerufu. (VaRoma 7:14) Nemhaka yekuti vese vanotadza, hapana kana mumwe chete wavo aigona kutengazve zvakanga zvaraswa naAdhamu.—Pisarema 49:7, 8.
Mwari akanzwira tsitsi vana vaAdhamu vakanga vasisina tariro yeramangwana. (Johani 3:16) Kunyange zvakadaro, mutemo waMwari wekururamisira waisamubvumira kuti angorega hake kana kuti kufuratira zvivi zvavo pasina chikonzero chine musoro. (Pisarema 89:14; VaRoma 3:23-26) Mwari anoda vanhu, saka akaita kuti pave nenzira iri pamutemo yekuita kuti zvivi zvavo zvikanganwirwe uyewo kuti zvidzimwe. (VaRoma 5:6-8) Akazviita achishandisa rudzikinuro.
Rudzikinuro runoshanda sei?
MuBhaibheri, shoko rekuti “rudzikinuro” rinoreva zvinhu zvitatu zvinotevera:
Mubhadharo.—Numeri 3:46, 47.
Runoita kuti pave nekusunungurwa.—Eksodho 21:30.
Rune ukoshi hunoenzana nechiri kubhadharwa chacho, kana kuti runochifukidza.a
Ona kuti zvinhu zvitatu izvi zvinobatana sei nechibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.
Mubhadharo. Bhaibheri rinoti vaKristu ‘vakatengwa nemutengo.’ (1 VaKorinde 6:20; 7:23) Mutengo wacho iropa raJesu, raakashandisa kuti ‘atengere Mwari vanhu kubva mumadzinza ose nendimi nevanhu norudzi.’—Zvakazarurwa 5:8, 9.
Kusunungurwa. Chibayiro chaJesu chinounza ‘kusunungurwa pachivi pachishandiswa rudzikinuro’.—1 VaKorinde 1:30; VaKorose 1:14; VaHebheru 9:15.
Kuenzana. Chibayiro chaJesu chinonyatsoenderana nezvakaraswa naAdhamu—upenyu hwemunhu akakwana. (1 VaKorinde 15:21, 22, 45, 46) Bhaibheri rinoti: “Vazhinji zvavakaitwa vatadzi nokuda kwokusateerera kwomunhu mumwe chete [Adhamu], saizvozvowo nokuda kwokuteerera kwomunhu mumwe chete [Jesu Kristu] vazhinji vachaitwa vakarurama.” (VaRoma 5:19) Izvi zvinoratidza kuti rufu rwemunhu mumwe chete runogona kudzikinura vatadzi vakawanda. Chibayiro chaJesu, ndirwo “rudzikinuro runoenzanirana nevose” vanoita zvavanotarisirwa kuti vaite, kuti vabatsirwe nechibayiro chacho.—1 Timoti 2:5, 6.
a MuBhaibheri, mashoko akashandurwa kuti rudzikinuro anopa pfungwa yemutengo, kana kuti chinhu chinokosha, chinobhadharwa. Semuenzaniso, shoko rechiHebheru rechiito rekuti ka·pharʹ rinonyanya kureva ‘kufukidza.’ (Genesisi 6:14) Rinowanzotaura nezvekufukidza chivi. (Pisarema 65:3) Rimwe shoko rinoenderana nairoro ndikoʹpher, iro rinoreva mutengo unobhadharwa kuti kufukidza ikoko kuvepo kana kuti kudzikinura. (Eksodho 21:30) Uyewo, shoko rechiGiriki rekuti lyʹtron, iro rinowanzoshandurwa kuti “rudzikinuro,” rinogonawo kushandurwa kuti “mutengo wekudzikinura.” (Mateu 20:28; The New Testament in Modern Speech, yaR. F. Weymouth) Vanyori vechiGiriki vakashandisa shoko racho vachitaura nezvemutengo unobhadharwa kuti munhu anenge asungwa muhondo adzikinurwe, kana kuti muranda asunungurwe.