RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 20
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

1 Madzimambo 20:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 6:24; 8:7
  • +Isa 10:8; Eze 26:7
  • +Zvi 21:31
  • +Dhe 20:1
  • +Re 26:25; Dhe 28:52
  • +2Mad 6:24; 17:5

1 Madzimambo 20:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 19:9, 23; Isa 37:9

1 Madzimambo 20:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 15:9; Job 40:12; Isa 10:13

1 Madzimambo 20:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 26:28; Dhe 28:48

1 Madzimambo 20:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 5:30; Ezr 8:27

1 Madzimambo 20:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 11:14
  • +Zvi 11:27

1 Madzimambo 20:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 19:2; Jer 5:7
  • +Mab 23:12
  • +Zvi 16:18; Isa 37:24

1 Madzimambo 20:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:3; 25:13; Pis 45:3
  • +Zvi 27:1; Mup 7:8; 8:7

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2005, p. 31

1 Madzimambo 20:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 31:4

1 Madzimambo 20:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 16:29
  • +Isa 55:11
  • +Eks 14:18; Pis 37:20

1 Madzimambo 20:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 14:6; 2Mak 14:11

1 Madzimambo 20:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 31:4; Mup 10:17; Ho 4:11

1 Madzimambo 20:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:14

1 Madzimambo 20:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 16:18; 18:12; Ru 14:11

1 Madzimambo 20:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:20; Dhe 26:5; 2Sa 8:6; 2Mad 5:2; Isa 9:12
  • +Re 26:8; Dhe 28:7; Pis 33:16; 46:6

1 Madzimambo 20:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 11:6

1 Madzimambo 20:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:13; Amo 3:7
  • +2Mak 25:8; Pis 25:8; 27:14
  • +Zvi 20:18
  • +2Sa 11:1; 1Mak 20:1; 2Mak 36:10

1 Madzimambo 20:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 47:7; 83:18; 97:9; 115:2; VaR 1:21; 1VaK 8:4

1 Madzimambo 20:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:1, 16
  • +Zvi 21:30

1 Madzimambo 20:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 10:3

1 Madzimambo 20:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:20
  • +1Sa 29:1; 2Mad 13:17

1 Madzimambo 20:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 1:11
  • +Vat 6:5; 1Sa 13:5; 2Mak 32:7; VaH 11:34

1 Madzimambo 20:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 18:30
  • +Dhe 32:27; Pis 58:10; Eze 20:9; 36:22
  • +Eks 6:7; 7:5; 8:10; Eze 6:14; 39:7

1 Madzimambo 20:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 6:15

1 Madzimambo 20:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:26
  • +Isa 24:18; Jer 48:44; Amo 2:14; 9:3
  • +1Mad 20:20
  • +1Mad 22:25

1 Madzimambo 20:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 20:28; Isa 16:5
  • +Jon 3:8
  • +Ge 37:34; 1Mad 21:27; Es 4:1; Isa 22:12; Zva 11:3
  • +Jon 3:9

1 Madzimambo 20:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 25:13
  • +2Mad 10:15

1 Madzimambo 20:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:20; 2Mak 16:4
  • +Eks 23:32

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2005, p. 31

1 Madzimambo 20:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 2:3; Amo 7:14
  • +1Mad 17:14

1 Madzimambo 20:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 13:24
  • +Zvi 16:25

1 Madzimambo 20:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 14:2

1 Madzimambo 20:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 12:1; 14:4
  • +Ge 2:7; Re 17:11
  • +2Mad 10:24; Mab 12:19; 16:27
  • +Eks 21:30; Zvi 13:8

1 Madzimambo 20:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 34:4; Ru 19:22; VaG 6:7

1 Madzimambo 20:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 20:35

1 Madzimambo 20:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 27:29; Jos 6:18; 1Sa 15:9; 1Mak 2:7; Jer 48:10
  • +1Mad 22:31, 35; 2Mak 18:33
  • +2Mad 6:24; 8:12; 2Mak 18:16

1 Madzimambo 20:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 21:4; Pis 2:10
  • +1Mad 16:29

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 20:12Mad 6:24; 8:7
1 Madz. 20:1Isa 10:8; Eze 26:7
1 Madz. 20:1Zvi 21:31
1 Madz. 20:1Dhe 20:1
1 Madz. 20:1Re 26:25; Dhe 28:52
1 Madz. 20:12Mad 6:24; 17:5
1 Madz. 20:22Mad 19:9, 23; Isa 37:9
1 Madz. 20:3Eks 15:9; Job 40:12; Isa 10:13
1 Madz. 20:4Re 26:28; Dhe 28:48
1 Madz. 20:6Vat 5:30; Ezr 8:27
1 Madz. 20:7Zvi 11:14
1 Madz. 20:7Zvi 11:27
1 Madz. 20:101Mad 19:2; Jer 5:7
1 Madz. 20:10Mab 23:12
1 Madz. 20:10Zvi 16:18; Isa 37:24
1 Madz. 20:111Sa 2:3; 25:13; Pis 45:3
1 Madz. 20:11Zvi 27:1; Mup 7:8; 8:7
1 Madz. 20:12Zvi 31:4
1 Madz. 20:131Mad 16:29
1 Madz. 20:13Isa 55:11
1 Madz. 20:13Eks 14:18; Pis 37:20
1 Madz. 20:151Sa 14:6; 2Mak 14:11
1 Madz. 20:16Zvi 31:4; Mup 10:17; Ho 4:11
1 Madz. 20:171Mad 20:14
1 Madz. 20:18Zvi 16:18; 18:12; Ru 14:11
1 Madz. 20:20Ge 25:20; Dhe 26:5; 2Sa 8:6; 2Mad 5:2; Isa 9:12
1 Madz. 20:20Re 26:8; Dhe 28:7; Pis 33:16; 46:6
1 Madz. 20:21Jos 11:6
1 Madz. 20:221Mad 20:13; Amo 3:7
1 Madz. 20:222Mak 25:8; Pis 25:8; 27:14
1 Madz. 20:22Zvi 20:18
1 Madz. 20:222Sa 11:1; 1Mak 20:1; 2Mak 36:10
1 Madz. 20:23Pis 47:7; 83:18; 97:9; 115:2; VaR 1:21; 1VaK 8:4
1 Madz. 20:241Mad 20:1, 16
1 Madz. 20:24Zvi 21:30
1 Madz. 20:25Pis 10:3
1 Madz. 20:261Mad 20:20
1 Madz. 20:261Sa 29:1; 2Mad 13:17
1 Madz. 20:27Jos 1:11
1 Madz. 20:27Vat 6:5; 1Sa 13:5; 2Mak 32:7; VaH 11:34
1 Madz. 20:28Pis 18:30
1 Madz. 20:28Dhe 32:27; Pis 58:10; Eze 20:9; 36:22
1 Madz. 20:28Eks 6:7; 7:5; 8:10; Eze 6:14; 39:7
1 Madz. 20:29Jos 6:15
1 Madz. 20:301Mad 20:26
1 Madz. 20:30Isa 24:18; Jer 48:44; Amo 2:14; 9:3
1 Madz. 20:301Mad 20:20
1 Madz. 20:301Mad 22:25
1 Madz. 20:31Zvi 20:28; Isa 16:5
1 Madz. 20:31Jon 3:8
1 Madz. 20:31Ge 37:34; 1Mad 21:27; Es 4:1; Isa 22:12; Zva 11:3
1 Madz. 20:31Jon 3:9
1 Madz. 20:33Zvi 25:13
1 Madz. 20:332Mad 10:15
1 Madz. 20:341Mad 15:20; 2Mak 16:4
1 Madz. 20:34Eks 23:32
1 Madz. 20:352Mad 2:3; Amo 7:14
1 Madz. 20:351Mad 17:14
1 Madz. 20:361Mad 13:24
1 Madz. 20:36Zvi 16:25
1 Madz. 20:382Sa 14:2
1 Madz. 20:392Sa 12:1; 14:4
1 Madz. 20:39Ge 2:7; Re 17:11
1 Madz. 20:392Mad 10:24; Mab 12:19; 16:27
1 Madz. 20:39Eks 21:30; Zvi 13:8
1 Madz. 20:40Job 34:4; Ru 19:22; VaG 6:7
1 Madz. 20:411Mad 20:35
1 Madz. 20:42Re 27:29; Jos 6:18; 1Sa 15:9; 1Mak 2:7; Jer 48:10
1 Madz. 20:421Mad 22:31, 35; 2Mak 18:33
1 Madz. 20:422Mad 6:24; 8:12; 2Mak 18:16
1 Madz. 20:431Mad 21:4; Pis 2:10
1 Madz. 20:431Mad 16:29
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
1 Madzimambo 20:1-43

1 Madzimambo

20 Zvino Bheni-hadhadhi+ mambo weSiriya akaunganidza mauto ake ose ehondo nemadzimambo makumi matatu nemaviri aaiva nawo+ nemabhiza+ nengoro,+ akaenda, akakomba+ Samariya,+ akarirwisa. 2 Akabva atuma nhume+ kuna Ahabhi mambo waIsraeri aiva kuguta. Akati kwaari: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, 3 ‘Sirivha yako nendarama yako ndezvangu, madzimai ako nevanakomana vako, vakanaka kwazvo, ndevangu.’”+ 4 Mambo waIsraeri akapindura akati: “Ndiri wenyu pamwe chete nezvinhu zvangu zvose sezvamataura, ishe wangu mambo.”+

5 Gare gare nhume dzacho dzakadzoka dzikati: “Zvanzi naBheni-hadhadhi, ‘Ndakakutumira shoko ndichiti: “Uchandipa sirivha yako nendarama yako nemadzimai ako nevanakomana vako. 6 Asi panenge panguva ino mangwana ndichatuma vashandi vangu kwauri, vachanyatsotsvaka mumba mako nedzimba dzevashandi vako; uye vachatora zvose zvinofadza+ maziso ako nemaoko avo, voenda nazvo.”’”

7 Mambo waIsraeri akabva ashevedza varume vakuru vose vomunyika yacho+ akati: “Ndapota, cherechedzai muone kuti munhu uyu ari kutsvaka dambudziko;+ nokuti akatumira shoko kuti atore madzimai angu nevanakomana vangu nesirivha yangu nendarama yangu, uye handina kuramba nazvo.” 8 Varume vakuru vose nevanhu vose vakabva vati kwaari: “Musateerera, uye musabvuma.” 9 Naizvozvo akati kunhume dzaBheni-hadhadhi: “Itii kunashe wangu mambo, ‘Ndichaita zvose zvamakatumira mushandi wenyu pakutanga; asi chinhu ichi handikwanisi kuchiita.’” Nokudaro nhume dzacho dzakaenda dzikadzoka neshoko kwaari.

10 Zvino Bheni-hadhadhi akamutumira shoko akati: “Vanamwari+ ngavandiitire saizvozvo, uye ngavawedzere pazviri saizvozvo,+ kana guruva reSamariya richizokwana kuti munhu wose anonditevera anokore tsama!”+ 11 Mambo waIsraeri akapindurawo akati: “Imi, taurai naye kuti, ‘Uya ari kusungira+ zvokurwa nazvo ngaarege kuzvirumbidza souya ari kuzvisunungura.’”+ 12 Paakangonzwa shoko iri, iye nemadzimambo acho pavakanga vachinwa+ vari mumatumba, akabva ati kuvashandi vake: “Gadzirirai!” Ivo vakatanga kugadzirira kuti varwise guta racho.

13 Zvino mumwe muprofita akaswedera kuna Ahabhi mambo waIsraeri+ akabva ati: “Zvanzi naJehovha,+ ‘Waona boka guru revanhu iri rose here? Tarira ndichariisa muruoko rwako nhasi, uye uchaziva kuti ndini Jehovha.’”+ 14 Ahabhi akabva ati: “Muchishandisa ani?” iye akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichishandisa majaya emachinda ematunhu.’” Akazoti: “Ndiani achatanga kurwa kwacho?” iye akati: “Ndiwe!”

15 Zvino akaverenga majaya emachinda ematunhu, akava mazana maviri nemakumi matatu nemaviri;+ uye akazoverenga vanhu vose, vanakomana vaIsraeri vose, zviuru zvinomwe. 16 Vakatanga kubuda masikati Bheni-hadhadhi paakanga achinwa achidhakwa+ ari mumatumba, iye pamwe chete nemadzimambo acho, madzimambo makumi matatu nemaviri akanga achimubatsira. 17 Majaya+ emachinda ematunhu acho paakatanga kubuda, Bheni-hadhadhi akabva atuma nhume; uye dzakauya dzikamuudza, dzichiti: “Kune varume vabuda muSamariya.” 18 Iye akati: “Kunyange vabudira rugare, vabatei vari vapenyu; kana kuti kunyange vabudira kurwa, imi vabatei vari vapenyu chete.”+ 19 Ava ndivo vakabuda muguta, majaya emachinda ematunhu acho nemauto ehondo aiva shure kwawo. 20 Zvino mumwe nomumwe akatanga kuuraya munhu wake; vaSiriya+ vakatiza,+ uye vaIsraeri vakavatevera, asi Bheni-hadhadhi mambo weSiriya akatiza ari pabhiza pamwe chete nevatasvi vemabhiza. 21 Asi mambo waIsraeri akabuda, akaramba achiparadza mabhiza nengoro,+ uye akauraya vaSiriya vakawanda kwazvo.

22 Gare gare muprofita+ wacho akaenda kuna mambo waIsraeri akati kwaari: “Enda unova nesimba,+ ucherechedze uye uone zvauchaita;+ nokuti pakutanga kwegore mambo weSiriya achauya kuzokurwisa.”+

23 Zvino vashandi vamambo weSiriya vakati kwaari: “Mwari wavo ndiMwari wemakomo.+ Ndokusaka vakatikunda. Naizvozvo ngatirwei navo panyika yakati sandara, tione kana tisingazovakundi. 24 Itai chinhu ichi: Bvisai madzimambo acho,+ mumwe nomumwe panzvimbo yake, muise magavhuna panzvimbo dzawo.+ 25 Imi verengai uto rehondo rakaenzana neuto renyu rehondo rakafa, bhiza panzvimbo yebhiza, ngoro panzvimbo yengoro; uye ngatirwei navo panyika yakati sandara, tione kana tisingazovakundi.”+ Naizvozvo akateerera inzwi ravo akaita saizvozvo.

26 Zvino pakutanga kwegore Bheni-hadhadhi akaunganidza vaSiriya,+ akaenda kuAfeki+ kuti anorwa naIsraeri. 27 Vanakomana vaIsraeri vakanga vaunganidzwa vakapiwa mbuva,+ vakatanga kubuda kuti vasangane navo; uye vanakomana vaIsraeri vakadzika musasa pakatarisana navo vakaita semapoka maviri maduku embudzi, vaSiriya zvavakanga vakazadza nyika yose.+ 28 Munhu waMwari wechokwadi+ akabva aswedera pedyo akataura namambo waIsraeri, akati: “Zvanzi naJehovha, ‘Nokuti vaSiriya vati: “Jehovha ndiMwari wemakomo, haasi Mwari wemapani,” ndichaisa boka guru revanhu rose iri muruoko rwako,+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.’”+

29 Vakaramba vakadzika musasa kwemazuva manomwe, ava vari pakatarisana neavo.+ Pazuva rechinomwe kurwisana kwakatanga; vanakomana vaIsraeri vakauraya vaSiriya, varume vaifamba netsoka zviuru zana pazuva rimwe chete. 30 Vaya vakanga vasara vakatizira kuAfeki,+ kuguta; rusvingo rukawira varume zviuru makumi maviri nezvinomwe vakanga vasara.+ Asi Bheni-hadhadhi akatiza,+ akazopinda muguta, muimba yomukatikati.+

31 Naizvozvo vashandi vake vakati kwaari: “Tarirai zvino, takanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane mutsa worudo.+ Tapota, regai tisunge masaga+ muzviuno+ zvedu uye tisunge tambo mumisoro yedu, tiende kuna mambo waIsraeri. Zvichida achachengetedza mweya wenyu uri mupenyu.”+ 32 Naizvozvo vakasunga masaga muzviuno zvavo, vakasunga tambo mumisoro yavo, vakapinda maiva namambo waIsraeri vakati: “Zvanzi nomushandi wenyu Bheni-hadhadhi, ‘Ndapota, regai mweya wangu urarame.’” Iye akati: “Achiri mupenyu here? Iye ihama yangu.” 33 Naizvozvo varume+ vacho vakafunga kuti inenji, vakakurumidza kufunga kuti ndizvo zvaazvisarudzira, vakati: “Bheni-hadhadhi ihama yenyu.” Iye akati: “Endai munomutora.” Bheni-hadhadhi akabva abuda akaenda kwaaiva; uye akabva amuita kuti akwire mungoro.+

34 Zvino Bheni-hadhadi akati kwaari: “Ndichadzosa maguta+ akatorwa nababa vangu kuna baba vako; uye uchazviitira migwagwa muDhamasiko sezvakaita baba vangu muSamariya.”

Ahabhi akati: “Ini ndichakurega uchienda kana taita sungano.”+

Naizvozvo akaita sungano naye, akamurega achienda.

35 Zvino mumwe murume wevanakomana vevaprofita+ akati kushamwari yake arayirwa+ naJehovha: “Ndapota, ndirove.” Asi murume wacho akaramba kumurova. 36 Naizvozvo akati kwaari: “Nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha, tarira uri kubva kwandiri, uye shumba ichakuuraya.” Pashure paizvozvo akabva kwaari, shumba+ ikamuwana, ikamuuraya.+

37 Akawana mumwe murume akati: “Ndapota, ndirove.” Naizvozvo murume wacho akamurova, akamurova akamukuvadza.

38 Muprofita wacho akabva aenda, akanomirira mambo pedyo nomugwagwa, akaramba akazvisunga kumaziso kwake nejira kuti arege kuzivikanwa.+ 39 Zvino mambo zvaakanga achipfuura, akashevedzera kuna mambo akati:+ “Mushandi wenyu akaenda kwainyanya kurwiwa; uye tarirai! kwaiva nomumwe murume aibva kwairwiwa, akauya nomumwe murume kwandiri akabva ati, ‘Rinda murume uyu. Kana akangoshayikwa chete, mweya wako+ uchatsiva mweya wake,+ kana kuti zvimwe ucharipa netarenda resirivha.’+ 40 Zvino mushandi wenyu paakanga achishanda pano nepapo, iye akabva anyangarika.” Mambo waIsraeri akati kwaari: “Ndizvo zvauchatongerwa. Wazvitonga pachako.”+ 41 Akabva akurumidza kubvisa mucheka pamaziso ake, mambo waIsraeri akamuziva, kuti aiva wokuvaprofita.+ 42 Zvino akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Nokuti wakarega murume wandakatsaura kuti aparadzwe+ achibva muruoko rwako, mweya wako uchatsiva mweya wake,+ uye vanhu vako vachatsiva vanhu vake.’”+ 43 Mambo waIsraeri akabva aenda akananga kumba kwake, akafundumwara uye akasuruvara,+ akasvika kuSamariya.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe