Ezra
2 Zvino ava ndivo vaiva vanakomana vedunhu racho,+ vakabva pakutapwa kwevanhu vakanga vatapwa,+ avo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga atapa+ achiendesa kuBhabhironi, vakazodzoka+ kuJerusarema neJudha,+ mumwe nomumwe kuguta rake; 2 vaya vakauya naZerubhabheri,+ Jeshua,+ Nehemiya, Seraya,+ Reeraya, Modhekai, Bhirishani, Mispari, Bhigvhai, Rehumu, Bhaana.
Kuwanda kwevarume vevanhu vaIsraeri ndouku: 3 Vanakomana vaParoshi,+ zviuru zviviri nezana nemakumi manomwe nevaviri; 4 vanakomana vaShefatiya,+ mazana matatu nemakumi manomwe nevaviri; 5 vanakomana vaAraa,+ mazana manomwe nemakumi manomwe nevashanu; 6 vanakomana vaPahati-moabhi,+ vevanakomana vaJeshua naJoabhi,+ zviuru zviviri nemazana masere negumi nevaviri; 7 vanakomana vaEramu,+ chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu nevana; 8 vanakomana vaZatu,+ mazana mapfumbamwe nemakumi mana nevashanu; 9 vanakomana vaZakai,+ mazana manomwe nemakumi matanhatu; 10 vanakomana vaBhani,+ mazana matanhatu nemakumi mana nevaviri; 11 vanakomana vaBhebhai,+ mazana matanhatu nemakumi maviri nevatatu; 12 vanakomana vaAzgadhi,+ chiuru nemazana maviri nemakumi maviri nevaviri; 13 vanakomana vaAdhonikamu,+ mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevatanhatu; 14 vanakomana vaBhigvhai,+ zviuru zviviri nemakumi mashanu nevatanhatu; 15 vanakomana vaAdhini,+ mazana mana nemakumi mashanu nevana; 16 vanakomana vaAteri,+ waHezekiya, makumi mapfumbamwe nevasere; 17 vanakomana vaBhezai,+ mazana matatu nemakumi maviri nevatatu; 18 vanakomana vaJora, zana negumi nevaviri; 19 vanakomana vaHashumu,+ mazana maviri nemakumi maviri nevatatu; 20 vanakomana vaGibhari,+ makumi mapfumbamwe nevashanu; 21 vanakomana vokuBhetrehema,+ zana nemakumi maviri nevatatu; 22 varume vokuNetofa,+ makumi mashanu nevatanhatu; 23 varume vokuAnatoti,+ zana nemakumi maviri nevasere; 24 vanakomana vokuAzmavheti,+ makumi mana nevaviri; 25 vanakomana vokuKiriyati-jearimu,+ Kefira neBheeroti, mazana manomwe nemakumi mana nevatatu; 26 vanakomana vokuRama+ neGebha,+ mazana matanhatu nemakumi maviri nomumwe chete; 27 varume vokuMikmasi,+ zana nemakumi maviri nevaviri; 28 varume vokuBheteri+ neAi,+ mazana maviri nemakumi maviri nevatatu; 29 vanakomana vokuNebho,+ makumi mashanu nevaviri; 30 vanakomana vokuMagbhishi, zana nemakumi mashanu nevatanhatu; 31 vanakomana vomumwe Eramu,+ chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu nevana; 32 vanakomana vaHarimu,+ mazana matatu nemakumi maviri; 33 vanakomana vokuRodhi,+ Hadhidhi+ neOno,+ mazana manomwe nemakumi maviri nevashanu; 34 vanakomana vokuJeriko,+ mazana matatu nemakumi mana nevashanu; 35 vanakomana vokuSenaa,+ zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi matatu.
36 Vapristi:+ Vanakomana vaJedhaya+ veimba yaJeshua+ vaiva mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevatatu; 37 vanakomana vaImeri,+ vaiva chiuru nemakumi mashanu nevaviri; 38 vanakomana vaPashuri,+ vaiva chiuru nemazana maviri nemakumi mana nevanomwe; 39 vanakomana vaHarimu,+ vaiva chiuru negumi nevanomwe.
40 VaRevhi:+ Vanakomana vaJeshua+ naKadmieri,+ vevanakomana vaHodhavhiya,+ vaiva makumi manomwe nevana. 41 Vaimbi, vanakomana vaAsafi,+ vaiva zana nemakumi maviri nevasere. 42 Vanakomana vevachengeti vemagedhi, vanakomana vaSharumu,+ vanakomana vaAteri,+ vanakomana vaTarimoni,+ vanakomana vaAkubhu,+ vanakomana vaHatita,+ vanakomana vaShobhai, vose pamwe chete, vaiva zana nemakumi matatu nevapfumbamwe.
43 VaNetinimu:+ Vanakomana vaZiha, vanakomana vaHasufa, vanakomana vaTabhaoti,+ 44 vanakomana vaKerosi, vanakomana vaSiaha, vanakomana vaPadhoni,+ 45 vanakomana vaRebhana, vanakomana vaHagabha, vanakomana vaAkubhu, 46 vanakomana vaHagabhu, vanakomana vaSarimai,+ vanakomana vaHanani, 47 vanakomana vaGidheri, vanakomana vaGahari,+ vanakomana vaReaya, 48 vanakomana vaRezini,+ vanakomana vaNekodha, vanakomana vaGazamu, 49 vanakomana vaAza, vanakomana vaPaseya,+ vanakomana vaBhesai, 50 vanakomana vaAsna, vanakomana vaMeunimu, vanakomana vaNefusimu;+ 51 vanakomana vaBhakbhuki, vanakomana vaHakufa, vanakomana vaHahuri,+ 52 vanakomana vaBhazruti, vanakomana vaMehidha, vanakomana vaHasha,+ 53 vanakomana vaBhakosi, vanakomana vaSisera, vanakomana vaTema,+ 54 vanakomana vaNeziya, vanakomana vaHatifa.+
55 Vanakomana vevashandi vaSoromoni:+ Vanakomana vaSotai, vanakomana vaSofereti, vanakomana vaPerudha,+ 56 vanakomana vaJaraa, vanakomana vaDhakoni, vanakomana vaGidheri,+ 57 vanakomana vaShefatiya, vanakomana vaHatiri, vanakomana vaPokereti-hazebhaimu, vanakomana vaAmi.+
58 VaNetinimu+ vose nevanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri.+
59 Ava ndivo vakabva kuTeri-mera, Teri-hasha, Kerubhi, Adhoni neImeri, asi havana kukwanisa kutaura imba yemadzibaba avo nokwavakabva,+ kana vaiva vaIsraeri: 60 vanakomana vaDheraya, vanakomana vaTobhiya, vanakomana vaNekodha,+ vaiva mazana matanhatu nemakumi mashanu nevaviri. 61 Vevanakomana vevapristi:+ vanakomana vaHabhaya, vanakomana vaHakozi,+ vanakomana vaBhazirai,+ uyo akatora mudzimai pavanasikana vaBhazirai+ muGiriyedhi akazoshevedzwa nezita ravo. 62 Ava ndivo vaya vakatsvaka bhuku ravo remazita kuti varatidze dzinza ravo pachena, asi vakashayikwa, zvokuti vakarambidzwa kuva vapristi zvichinzi vakasvibiswa.+ 63 Naizvozvo muTishata+ akavataurira kuti havangadyi+ zvinhu zvitsvenetsvene kusvikira mupristi ane Urimu+ neTumimu amuka.
64 Ungano yose seboka rimwe chete+ yaiva zviuru makumi mana nezviviri nemazana matatu nemakumi matanhatu,+ 65 tisingabatanidzi varandarume vavo nevarandasikana vavo, ava vari zviuru zvinomwe nemazana matatu nemakumi matatu nevanomwe; uye vakanga vaine vaimbi vechirume+ nevaimbi vechikadzi mazana maviri. 66 Mabhiza avo aiva mazana manomwe nemakumi matatu nematanhatu, manyurusi avo aiva mazana maviri nemakumi mana nemashanu,+ 67 ngamera dzavo dzaiva mazana mana nemakumi matatu neshanu, mbongoro dzavo dzaiva zviuru zvitanhatu nemazana manomwe nemakumi maviri.+
68 Vamwe vevakuru+ vedzimba dzemadzibaba,+ pavakauya kuimba yaJehovha,+ yakanga iri muJerusarema,+ vakapa zvinopiwa zvokuzvidira+ kuimba yaMwari wechokwadi, kuti vaite kuti imire panzvimbo yayo.+ 69 Maererano nesimba ravo vakapa ndarama+ nokuda kwezvinhu zvokushandisa, madrakema zviuru makumi matanhatu nechimwe, uye sirivha,+ mamaina zviuru zvishanu, uye nguo refu+ dzevapristi zana. 70 Vapristi nevaRevhi nevamwe vanhu,+ nevaimbi nevachengeti vemagedhi nevaNetinimu vakagara mumaguta avo, nevaIsraeri vose mumaguta avo.+