Esteri
10 Zvino Mambo Ahashivheroshi akaitisa nyika nezvitsuwa+ zvegungwa basa rokumanikidzirwa.+
2 Zvino basa rake rose resimba nokuva kwake nesimba nemashoko chaiwo oukuru hwaModhekai+ hwaakakudzwa nahwo+ namambo, hazvina kunyorwa muBhuku rezvakaitika+ panguva dzemadzimambo eMedhiya nePezhiya+ here? 3 Nokuti Modhekai muJudha aiva wechipiri+ kuna Mambo Ahashivheroshi uye aiva mukuru pavaJudha, aifarirwa nehama dzake zhinji, achishanda kuti aitire vanhu vake zvakanaka uye achitaura nezvorugare+ kuvana vavo vose.