Jobho
13 “Tarirai! Ziso rangu rakaona zvinhu zvose izvi,
Nzeve yangu yakazvinzwa uye inozvifungisisa.
7 Mucharwira Mwari muchitaura zvisina kururama here,
Uye muchamurwira muchitaura zvokunyengera here?+
9 Zvingakunakirai kana akakuongororai here?+
Kana kuti muchamunyengedza sokunyengedzwa kunoitwa munhuwo zvake here?
Kana mukaedza kuita zvechizivano pachivande;+
11 Kukudzwa kwake hakuzoiti kuti mutange kutya,
Mobatwa nokumutya here?+
13 Rambai makanyarara pamberi pangu, kuti ini nditaure.
Chero chipi zvacho chinenge chauya pandiri ngachiuye!
15 Kunyange kudai aizondiuraya, ndaisazomirira here?+
Ndaizongoitirana nharo naye nokuda kwenzira dzangu.
20 Musangondiitira zvinhu zviviri;
Ipapo handizovandi nemhosva yenyu;+
21 Isai ruoko rwenyu kure neni,
Uye kutyisa kwenyu—ngakurege kundityisa.+
22 Shevedzai kuti ini ndipindure;
Kana kuti regai nditaure, imi mundipindure.
23 Ndine zvikanganiso nezvivi pakudini?
Itai kuti ndizive kumukira kwangu nechivi changu.
25 Muchaita kuti shizhawo zvaro rinopeperetswa nemhepo rivhunduke here?
Kana kuti mucharamba muchidzingirira mashangawo zvawo akaoma here?
26 Nokuti munoramba muchindinyorera zvinhu zvinovava+
Uye munondigarisa nhaka yemigumisiro yokukanganisa kwandakaita ndichiri muduku.+