Jobho
28 “Pane nzvimbo inowanika sirivha
Nenzvimbo yendarama yavanonatsa;+
Uye mhangura inodururwa ichibva mudombo.
4 Anochera mugodhi kure nokunogara vanhu vari vatorwa,+
Munzvimbo dzakakanganwika dziri kure netsoka;
Vamwe vanhuwo zvavo vanodzika pasi vakarembera, vanozeya uku nokoko.
8 Haitsikwi-tsikwi nezvikara zvikuru;
Haifambwi neshumba duku.
9 Anotambanudzira ruoko rwake kudombo rakaoma kwazvo;
Anoparadza makomo kubvira pamidzi yawo;
10 Anochera migero yakazara mvura mumatombo,+
Uye ziso rake rinoona zvinhu zvose zvinokosha.
11 Anodzivira nzvimbo dzinobudisa mvura inoyerera munzizi,+
Uye anobudisa chinhu chakavanzwa achichiisa pachiedza.
17 Ndarama negirazi hazvingaenzaniswi nahwo,
Uyewo hapana chero mudziyo upi zvawo wendarama yakanatswa ungachinjaniswa nahwo.
18 Dombo rekorari+ nedombo rekristaro haazotaurwi nezvawo,
Asi homwe izere nouchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.+
21 Hwave hwakavanzirwa maziso omunhu wose mupenyu,+
Uye hwave hwakavanzirwa zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga.
22 Kuparadza norufu zvinoti,
‘Takanzwa mashoko pamusoro pahwo nenzeve dzedu.’
23 Mwari ndiye anonzwisisa nzira yahwo,+
Ndiye anoziva nzvimbo yahwo,
24 Nokuti iye anotarira kumigumo yenyika;+
Anoona zviri pasi pematenga ose,
25 Kuti ayere kurema kwemhepo,+
Paanoyera mvura nechiyero;+
26 Paakapa mvura inonaya murau,+
Uye gore redutu rinotinhira nzira yaro,
27 Ndipo paakaona uchenjeri, akataura nezvahwo;
Akahugadzira, akahuongororawo.